0% found this document useful (0 votes)
165 views979 pages

▪︎KOMBONI - LIFE ▪︎《Full - Copy》

Uploaded by

Fungai
Copyright
© © All Rights Reserved
We take content rights seriously. If you suspect this is your content, claim it here.
Available Formats
Download as PDF, TXT or read online on Scribd
0% found this document useful (0 votes)
165 views979 pages

▪︎KOMBONI - LIFE ▪︎《Full - Copy》

Uploaded by

Fungai
Copyright
© © All Rights Reserved
We take content rights seriously. If you suspect this is your content, claim it here.
Available Formats
Download as PDF, TXT or read online on Scribd
You are on page 1/ 979

KOMBONI LIFE

Short story by Amai Mimie


(K.khums)

0782 818 892


0716 622 299

SHARE,READ AND
COMMENT

Chapter 1
"Inhumbu ka iyi
Sarah?"Vakadero amai vangu
vachiswedera pedyo
neni.Ndaiva ndisina
kumboona kupinda kwavo
muroom mangu.Ndakaita
kukwakuka ndichinomira
kwakadero.Ndaiva ndati amai
zvavasipo regai ndisunungure
dumbu rangu ndimbofurwa
nemhepo.Hope dzakabva
dzangobata ndokutseyama.
"Handina nhumbu ini
mhamha."

Ndakadero ndichidzokera
kumashure
nemasunda.Vakaramba
vachitevera kusvika ndave
pamadziro chaipo.
"Dumbu ratokura ka
iri?"Vakadero
vachinhongedza dumbu
rangu nemunwe wavo.

"Aiwa mhamha handina


nhumbu ini."Vakabva
vachizoita zvekundibata zvino
ndokusvina mazamo angu
achibva ati tsaaa tumvura.
"Amai vangu imi shava
iwe!"Vakadero vachikwetsura
kamhere ndichibva ndangoti
bvurukutu mufloor.Vakabata
musoro wavo vachibva
vatanga kutenderera muroom
mangu.Vakagara
pasi,vakasimuka,vakatendere
ra ndikanzwa voti,"Nhaiwe
mwana waGiribheti wati ndidii
chokwadi.Chokwadi ndopona
here ini pano nababa
vako.Aya ndiwo manenji
chaiwo awandiitira
aya.Ndinovaudza ndichiti chii
baba vako.Ndakamira
pai?Munhu wandabva kuno
clear fees yegore rose zuro
uno.Ukati chimai chopenga
ichi wadirei kudaro nhai
mwanangu?"

Ndaiva ndakungoungudza
zvino ndiri mukona ndoshaya
zvekuita chaizvo.Nekuziva
kwandaiita baba vangu
taitodzinga tese namai
vangu.Ndakanzwa tsitsi
kwazvo vachiita kusvimha uku
vachitenderera nemba yese
kuita sebenzi.

"Ndinovati chii baba


vako?Ndinovaudza sei kuti
warema nhaiwe Sarah?"
Vakadero vachindivhara
nembama zvekuti ndakaona
nyeredzi.Vakafamba
ndokunokiya door vachibva
vakurura push ravaiva
vakapfeka raiva nechirubber
zvekuti ndakaritarisa richiuya
panyama yangu
ndakaerekana
ndati,"Handichazvipamhi kani
mhamha.Ndiregerereiwo
handichazviita zvakare."
Havana kana kuzvinzwa
vakaramba vachindirova
kunge nyoka yapinda
mumba.Ndakazvindikitwa
kusvika ndanzwa parere
moyo.

"Ukaona dumbu remusikana


robuda kureva kuti rakura.Ine
mwedzi mingani nhumbu iyi?"
Vakadero vachiita
kufemeruka vakagara
pamubhedha wangu.

"Yasara nemwedzi umwe


chete kuti izvarwe."

"Watii?"

"Hongu mhamha."
"Haundishure rufu here
mwana iwe.Wakagara zvako
pano uchitadza kuenda
kumuridzi wenhumbu.Wanga
uchiti zvichaguma nei?"

Ndakatadza kupindura
ndokuramba ndiri zii.

"Ndiani muridzi wenhumbu


yako."Ndakaramba
ndakanyarara zvakare
vachibva vasimuka ndokuuya
pandaiva ndikaerekana
ndati,"Haagari kuno mhamha
ndapota musandirove
zvenyu."

"Anogara kupi?"

"Akanditi kumusha kwavo


kuGuruve asi apa anogara
kulocation rekuZanado."

"Which Zanado are you


talking about?"

"Along Guruve road


mhamha."

"KuZanado kwacho
wakambokuenda here?"
"Aiwa."

"Mutown here?"

"Ehe mhamha akandiudza


kudaro mukomana wangu."
Vakadzungudza musoro amai
vangu ndikanzwa
vachiti,"Zanado."Ndakabva
ndagutsurira musoro
ndikati,"Ehe
mhamha."Vakanditarisa
vachibva vakanda push ravo
pasi zvikanzi,"Zanado."Again
ndakabva ndati,"Hongu
mhamha."Vakanditarisa zviya
zvekundinzwira tsitsi vachibva
vasimuka ndokutanga
kufamba.Vave padoor
vakabva vati,"Ari kuti chii
munhu wako
iyeye.Usandiudza kuti hapana
zvamakaronga kusvika
dumbu rakura kudai."

"Achandiroora mhamha."

"Hoo, gadzirisa nyaya dzako


handidi nemashoko
angu.Wotoona kuti woita sei
nenhumbu yako.Baba vako
vachidzoka month-end unge
wabva pano.Mari yangu
yekutambisa.Kubhadharira
nzenza zvayo isina basa
neramangwana rayo."

Vakabva vabuda ndichibva


ndasara ndichizvitarisa
mavanga angu.Kurohwa
wakashama korwadza
veduwe ndaiva ndapiniwa
kwete zvenhema.Ko iyo
nhumbu yacho inongobatawo
nezuva rimwe here
veduwe?Ndaiva
ndangonyengedzwawo
ndichitobva kuchikoro.Iyo
yedu yekuita malesson
iyi.Ndakapedza kudzidza
ndichibva ndananga
kumba.Ndaitofamba
ndichizvida uku
ndichitoimbirira zvangu
kanziyo kekuchurch kwedu
kuRoma.Mvura ndaizviona
kuti yakuda kunaya asi simba
rekumhanya chairo ndaiva
ndisina.Pandakaona
yakudonha ndipo
pandakatanga
kufambisa.Ndisati ndambodii
mota yakamira mutsoka
dzangu.

"Pinda unosara pamashops


apo."
Ndakamboda kuramba asi
akabva ati,"Handina
zvandokuita ini pinda hantie
unondiziva here ndiri
shamwari yebrother yako
Dereck."

Ndakaedza kurangarira kuti


ndaiva ndambomuonepi
nguva iyoyo mvura ichibva
yangoti zhii apo ine
mazidomwe.Ndakabva
ndangopinda ndokugara
kumashure.Akarova mota
yake tisu avo kwaingova
kushingirira asi mvura
yaiwanza zvayo.

"Hapana kwatoenda dear


dzika tihwande paimba iyo iri
kuvakwa."
Akamisa mota parutivi tisu
avo paimba iya.Ndaiva
ndakugwagwadza zvino
nechando ndipo paakakurura
bhatye rake
ndokundipa.Ndakafuga
ndakagara pachicorner
ndikanzwa oti,"Ndapindwa
nechando wena.Kamvura kari
strong aka."

Akadero achiuya mucorner


muya ndokugarawo.
"Swedera uko."

"Ndiri kutonhorwawo
shaa,ngatifuge bhatye tese."

Ndipo pazvakatangira
ipapo.Akabva aita
kundiswederera chaiko
kusvika
andigumbatira.Ndakanyatsoz
orora ndakunzwa kakudzirwa
nemaoko ake.Akatanga
kutaura nekazevezeve
munzeve dzangu zvekuti
ndakatanga kumerera
kutadza kuziva kuti zvabva
kupi?Ndaikaziva kafeeling
aka asi ndaingofunga kuti
ndofanirwa kukanzwa kana
ndine mukomana wangu
chete.Hameno apa kuti zvii
zvanga zvave kuitika
manje.Kungogumiwa chete
here amana.Ndaiva
ndakutotambudzika
chaiko.Kamuitiro kake
kakatanga kundipedza simba
zvekuti chero zvaaiva
akutaura handina
chandicharangarira.I still
remember kuti akatanga
kunditsvoda ndichibva
ndatodaira nokuti the feeling
was uncontrollable.I was
enjoying kakundibata kaaita
zvekuti chero pakapengurwa
kanduwe kangu nepadivi
ndakamusiya akadaro
handina kuita hanya nazvo.It
was not my first time zvayo
saka haana kunetseka
kupinda.Akandirarisa
papuranga raivamo chero
kugogonera kwaro handina
kukunzwa my body was busy
betraying me zvayo.I enjoyed
myself to the fullest zvekuti
chero ndikatarisa dumbu
rangu ndonzwa kufara zvese
nekurangarira zuva iri.Taiva
takambozviita zvedu
nemukomana wangu asi izvi
ndakanyatsopinzwa mudenga
rechinomwe chairo.I enjoyed
guys zvekuti chero
pandakarohwa namhamha
ndaitoona firimu rangu ndega.

Zvisinei hazvo l called him


ndichimuudza kuti mhamha
vakuziva about the pregnancy
zvikanzi,"Chill babe uriwangu
iwe ndokuroora.Mari yasara
shoma kuti isvike pandiri kuda
asi chero urohwe sei please
don't reveal my name
ndingaurawa nebrother
yako.Zviri nani azozviziva
ndarongeka.

"But nhumbu yasvika iyi


Tellme ndodii nayo.Baba
vangu month-end varikuuya
unoda kuti tidzingwe tese
naamai vangu pamba here?"

"Hakuna zvakadaro babie


trust me ndiri kugadzirisa."

Kwakazongova kugadzirisa
kusvika month-end
yasvika.Lucky mudhara
akakundika kuuya kumba
kubva kubasa ndikati Mwari
kudzwai.Kana vari amai
vangu vairwadziwa
zvandaiona nemeso
angu.Ndaiva
ndavarwadzisa.Kwaitova
kusiya chikoro panzira apo
ndanga ndakutoda kunyora
gore iri.Vaidada neni amai
vangu nokuti pavana vavo
ndini ndaigona natural
intelligence chaiyo.Kutoshaya
kuti ndaiva ndanyengereka
sei?
Ndakafonera Tellme
ndomuudza kuti ndapinda
mwedzi wekupedzisa ndodii
nyaya ndiyo ndiyo.Ndiri
kugadzirisa babie.Ndakasvika
pakushaya zvekuita dai
ndaiziva kumba kwavo
ndaiswa ndaenda
zvangu.Manje hanzvadzi
yangu ndiyo yaiziva kuti
ndimutange zvaisapera
mushe.Ndakangozvisiyawo
zvakadaro ndaizozvionawo
musi wacho wekuzvara.Ko
ndini ndatanga nazvo here?

"Wakati ndisaudze tete vako


nhau iyi urikutaura nemunhu
wako.Ndikaita sekudaro.Baba
vako vati varikusvika swera
mangwana warongei?Kana
pasina mangwana chaiye
ndiri kukuendesa kwatete
vako vokuendesa kumunhu
wako.Zvekuparadzirwa imba
yangu ndachembera kudai
handidi."

"Ndoenda hangu mhamha asi


ati arikuuya kuzoronga
yeroora yacho zvopera."

"Hembe chaidzo dzemwana


wacho hauna iwewe kaa
chokwadi kumwe kuzvara kaa
marwadzo mufunge."

Vakabva vabuda muroom


mangu.Vakaswera vasipo
ndokudzoka manheru nebag
rehembe
dzemwana.Ndakatadza
kutenda asi kuyeredza
misodzi
chete.Vakandimbundira
ndokundinyaradza ndofunga
ndiwo moyo wekubereka
wacho.

"Uchaenda kwatete vako


Sarah.Baba vako varikuuya
nehanzvadzi yako hazvipere
mushe.Zviri Nani zvizobuda
mumhu wako aita plan."

"Ehoi mhamha."

Ndakarara husiku uhu


ndichinzwa mudumbu
ndaingochaya
chete.Mhanhahandina
kuvaudza ndakasiyana navo
ndaiva ndanyanya
kuvarwadzisa
kwacho.Kwachena ndipo
pandakarara.Mhamha
vakandioneka vachiti
vachambosvika kumba
kweshamwari yavo pane
zvavaida.Ndakasara
ndichivavarira kuti ndidye
ndainzwa kusvotwa
chaiko.Ndakati better ndigeze
kunodai pane zvandaibuda
zvaiva neturopa ndakatadza
kunzwisisa.Ndichibva
ndashingirira kugeza asi
musana waibanda
zvakanyanya.Ndakasara
ndopedza ndaibva
chaiko.Ndakabuda
ndokusviko zvambarara
pabed asi zvairamba.Pain
yandainzwa yairamba
ichiwedzera.Ndakabuda
ndanzwa kuda kuita wet asi
handina kwandakasvika
ndanzwa kuti pane chiri kuda
kubuda.Ndakachinjomara,ndi
kasimuka ndakagara pabed
ndikanzwa marwadzo
achiwedzera.Ndakarangarira
zvandaiva ndaudzwa
kuhospital uko
kwandakanyoresa
secretly.Ndakaita zvataiita
kumaexercise ndikanzwa kuti
pane chakuuya.Ndakanzwa
kuda kugomera ndipo
pandakatora phone
yangu.Tried to call vese vari
pedyo neni asi
dzairamba.Ndakaguma
ndangogomera ndiri ndega
ndikanzwa mwana achiuya.I
tried so hard for many times
finally kakabva kabuda
ndakanzwa kachidonhera
pabed ndiye mhere
kwetsu.Ndakavavarira
kumuka ndokukatarisa wanike
kamukomana.Ndakanzwa
kupera simba ndidzo nguva
dzakapinda amai vangu
vachibva vangoti nhai Mwari.

Vakaita zvavakaita kusvika


vapedza zvose.Vakandi
cleaner vapedza ndokundipa
mwana wangu.Ndakatanga
kufunga baba vangu
ndakabata mwana
uya.Ndakafunga zvakare
amai vangu magariro ataiva
takaita any silly mistake amai
vairohwa
sevachafa.Ndakavatarisa
ndaiona kusagadzikana
pavari.Vaimbopota
vachipukuta
misodzi.Ndakaziva hangu
zvavaifunga zvekuti
ndakazongoerekana ndati,"Ko
tikangokauraya mhamha
kamwana aka zvobva
zvangopera hazvo."

End of chapter 1

More Comments more

Free book please share


[4/20, 11:20 PM] K.Khums:
https://chat.whatsapp.com/Gg
qqWr9SjudKAyxnkrVIXy
KOMBONI LIFE

Short story by Amai


Mimie(K.khums)

0782 818 892


0716 622 299

SHARE,READ AND
COMMENT
Chapter 2

Vakanditarisa amai vangu


vachibva vati,"Wati kudii nhai
mwana waGiribheti?"

"Mhamha handidi kuti mufire


mhosva dzangu ini.Baba
ndinovaziva ini.Gore riya
makarikitwa mukanomukira
kuchipatara mushure
mekunge mukoma Dereck
vamitisa mwana wepa next
door zvikanzi maiziva nyaya
dzacho muchinyarara. Ko iyi
mhamha inokusvitsai papi
chaipo.Munofa mhamha
nokuda kohupenzi
hwangu.Ngatingo kaurayai
hapana anombozviziva."

Vakatanga kuyeredza misodzi


amai vangu.Ndikashaya kuti
zvadii futi?Kuti mashoko angu
ndiwo avanga chema kusvika
pakadai.Ndakavabata
papfudzi vachibva
vati,"Unoziva here kuti ndiri
kuchemei?"

"Kwete mhamha
ndatopererwawo."Ndakadero
vachibva vati,"Ndiri
kuzvinzwira tsitsi chaiko.Kuti
seiko Mwari vakandiseka
kudai ndikazvara
mhondi.Chokwadi ungada
kuparadza ropa risina mhaka
nhai Sarah
mwanangu?Atadzeiko mwana
uyu?Chero ndikanzi
ndinopondwa handife
ndakakutendera kuti uuraye
muzukuru wangu
wanzwa.Hongu wakaita
hunzenza ukaunza mwana
asingazivikanwi rudzi rwake
asi Mwari pane
zvavakazviitira.Havadhakwe
Mwari vakaona zvakakodzera
kuti vakupe mwana uyu ko
iwe waipirwa nei pazviri."

"Handina kuipirwa mhamha


asi kuti tinopondwa tikafa
pano."

"Kusiri kufa ndekupi?Kubvira


ndichiroorwa
ndaingorikitwa.Makakura
muchiona kuparadzwa
kwandaiitwa ko zvino
musiyano wacho uri
papi.Kana vakandiponda
rwendo rwuno ndoziva kuti
ndafira zviripo kusaver
muzukuru wangu.Ndanga
ndichida kuti uende kwatete
asi nepfungwa dzako
ndatoona kuti hauna kukwana
unouraya muzukuru wangu
ndikasara ndozvishora
pano.Chose chichauya
chinoona ini."
Vakabva vabuda vachindisiya
ndakangobata kamwana kaya
mumaoko.Havana kuenda
kure vakabva vadzoka
zvikanzi,"Ukangowana
chaunoita mwana iyeye ndiri
kukanganwa kuti uri gotwe
rangu idi ndokusungisa
ukaorera mujere."
Vakabva
vabuda.Ndakakatarisa
ndokuona ari Tellme pache
zvake.Hongu vamwe vanoti
mwana anozoonekwa
nekufamba kwenguva kuti
akafanana nani asi ini
ndakamuona nemahours kuti
aiva baba vacho
pavagere.Ndakanzwa hasha
dzichindibata ndikatora phone
yangu ndokubaya number
dzake.Hadzina kunonoka
kudairwa.

"Haurevesi Tellme kubva wati


zii zvako kuita seusiri kuziva
zviri kuitika uri kuedza kuita
sei neni chaizvo?"

"Who is Tellme?"Ndakanzwa
voice rakadero to the other
side ndikatarisa number
ndokuona ari Bevean
mukomana wangu
chaiye."Eish."Ndakadero
nechemumoyo ndichishaya
kuti ndaiva ndazvifambisa sei
chaizvo.Iyo yekuziva number
nemusoro ndakangoerekana
ndafonera Bee instead of
Tellme.

"Sorry hako babie, thought


ndiri kutaura nebrother yangu
akandivimbisa something
saka anga asiri kudaira phone
nhasi.Iyo yekukudyara
mumoyo mangu chiona
zvandaita.Ndafona panumber
dzako instead dzebrother
yangu."

"Ipi brother yako


yandisingazivi Sarah."
"Tellme ndewe kwamainini
munin'ina wamhamha iii sorry
wangu better ndataura newe
ko dai vanga vari dad?"

"Paitsva munhu."Akabva
aseka zvake ndikaziva kuti
ndapunyuka nepaburi retsono
chairo.Ndakatura befu
ndikaerekana ndati,"Ndokuda
Bee wanzwa."
"Ndozviziva kuti Sarah wangu
anondida.Kungoti wakudhura
kuona mazuvano shaa chii
chiri kuitika.Urikungotsvedza
tsvedza semuramba."

"Kwaniko iwe hantie


ndakakuudza kuti mudhara ari
paleave saka kubuda kwangu
konetsa.Kungobva kuchikoro
kunanga kumba.Ndinenge
ndakanyorerwa mamitsi
pasi.Kuva mwana wemusoja
shaa ibasa.Chiita undiroore
ndimbotiza pano nokuti haaa
iwe any silly mistake kubika
chete."Ndakadero
ndichinyepa

"Ndizvo zvaari masoja


ndonzwa futi vamwe vana
vachi complainer hauzi
wekutanga.Ndakutonzwa
kutya wena ndikakongukanda
maden chete kungokutadzira
chete wakutomhanya kuna
mudhara wako ndobikwawo."

"Usadaro Bee,unoti tingasvika


palevel iroro here?Amai
vangu vanogara vachinditi
hakuna imba muchechetere
saka ndongoshinga."

"Haa chokwadi zvoda


kushinga,saka ndokuona rini
babie wangu ndakusuwa."

"Hameno ka iwe ndiwe


unoenda kubasa ndiwe
ungatotaura."

"Ko iwe hantie ndiwe


wakasungirwa pachirimbani
chitoronga zvinobuda."
"Okay ndokuudza
panongobuda mudhara chete
bho."

Asi unogara wataura nokuti ini


madhiri ekubasa wamaziva."

"Yaah ndoita plan."

Ndakazvitsunya ndikanzwa
kurwadziwa
ndikapafuridza.Handisi kurota
nhai?Saka apa ndiri kuedza
kuita sei chaizvo
nhaimi?Ndakatomboseka
nhamo serugare
chokwadi.Zvimwe zvacho
ndanga ndatova neka degree
kangu kenhema
mufunge.Munguva diki iyoyi
nda manager kunyepa
zvakadai imi ka imi.Ndiri
umwe dai ndambotya
Mwari.Asi moda kuti ndiite sei
chaizvo zvinhu zvacho
hameno zvazviri
kungoitawo.Ndaitomu avoider
Beaven kubva ndiri mu5
months pandakaona kuti
dumbu rangu rakuita
richionekwa.Panova ndipo
pandakatanga kusunga
dumbu.Ndaiziva kuti
kusangana kwedu nyaya
dzacho dzaiperera
mubhurugwa.Saka kumu
avoider was the best solution
kwandiri nokuti ndaisada
kubatwa kuti ndine
nhumbu.Hezvo yasvika
pakuzvarwa yakaputirwa
mutsvanda pasina kana
anoiona zvachose.

Ndipo paave kuda kundiona


ndofunga pressure yekubasa
kwake yave shoma.Kana
Tellme akandirasisa ndoita
zvaBee ko zvotyisa
here?Nhumbu
handichina.Mhamha
vakandirambidza kuuraya
kamwana aka meaning kuti
ndivo vachaona nezvako ini
ndodzokera pabhenji
kuchikoro chaiko.Noone will
notice kuti ndakambozvara
mhamha vanotsvakawo
nhema dzekunyepa.
Kakatanga kuchema
ndichibva ndakatora kaJunior
Tellme
ndokukayamwisa.Waisabuda
mukaka wacho asi kaiedza
hako.Ndakakanzwira tsitsi
ndikati,"Yamwa maybe this is
your first and last time amai
vako havazivikamwe
kwavanoswera vari.Tarisa
izvezvi Bee atori panzara
kuda nezvangu.Asi
ndoendako sei ini
ndichibvinza
ropa.Hazvishande zvoda
ndapora.Zvitori nani kuloser
baba vako pana Bee.Saka
tarisira zvese zvese."

Ndakaona karara ndichibva


ndakaisa pasi.Hope dzakabva
dzandibatawo.Ndakazomutsw
a namhamha vachinditi
mwana arikuchema.
"Asi anga akarara wani?Apo
murikundimutsa zvehasha
mhamha ichiri nyaya
yemwana here?"

"Ndotadza nei kukumutsa


zvehasha iwe watsikirira
mwana.Ndiri kukuona zvako
chauri kuda kuuraya
chete.Zvino hauhwinhe
Sarah.Namai vangu vari
pachuru ndokuendera kujere
ukauraya mwana uyu.Make
sure achifa uri kufawo."

"Handisi kuda kumuuraya ini


mhamha pamwe
ndangotadzawo kurara."

"Kubva nhasi chako


kuyamwisa uchindipa
muzukuru wangu l don't trust
you."

"Okay mhamha ndoita


zvamoda
zvacho.Handitorinawo basa
naye mwana
uyu.Andivhiringira life
yangu.Handina chekuita naye
ini.Moziva chii
mhamha.Ndakarara nababa
vake kamwe chete bedzi
nhumbu nekutobata apo
handina kubvira ndapfimbwa
kana kamwe
chete.Kungobatwa
nekutopihwa nhumbu
mhamha."

"Whaaat?"

"Yes, mhamha ndicho


chokwadi.Pafair chaipo
handizivi kuti munhu wacho
anondida here kana kuti
zvese zvaari kutaura
manyepo ekuti achandiroora."

"Sarah urikuti chii iwe?"

"Ndiri kutaura chakwadi


mhamha.Kuti nditi ishavi here
ndazvitadza ini.I think
mofanirwa kutsvaka pane
dambudziko rangu chairo
nokuti hazvisi zvega izvi."

"Nonsense
mhani,kuzviregeredza
uko.Hauna Kupfimbwa
wakutobvuma kushereketa
nemurume asingakude
humbwende hwakaita sei
ihoho?"
"Ndakaona ndabatwa
nemafeelings ka ndikati paita
rudo mhamha saka maida
ndiite sei?Munomazivawo imi
mafeelings erudo kana
akubata unoita benzi
kudhunya chaiko.Ndofunga
makazvinzwawo pama,,,"

Ndakatadza kupedzisa
zvandaida kuatura ndapihwa
mbama yandakashaya kuti
yabva nekupi.

"Basa kutunhidza
mhepo.Kudzipa chigaro
mulife mako.Ndiri kuti ndiri
kugara nemwana izvo
tangofanana.Mashoko
ekutaura pamberi pangu
iwayo.Uri mwana rudzii asina
matyira.Kutopihwa hako
mwana uyu wakutomudadira
,mwana wembwa kushaya
hunhu sabambo.Basa
kungofukura pese pese
kungoitwa wada wabaya
mhengo yepamusika.Urivise
here iwe rinongoravidzwa
chero neano pfuura
nemugwagwa.Wakajaidzwa
nababa vako vakakurerera
mutray heee baby gero
wangu ,baby gero wangu
vachitadza kukuratidza
nzira.Pese pandaikurova ndini
ndaipedzerwa hasha nhasi
ndezvipi waita shura iri
mhosva yobata ini
nxaaa."Vakadya magaka
mambishi amai
vangu.Zveshuwa
vaindiyemedza mudhara
zvandaiona kuti vanondida
nemoyo wese.Pandaiita
chakanaka ndiri wavo.Kuita
chakaipa ndava wamhamha
zvaisatopera
mushe.Ndichifunga kudaro
ndakabva ndanzwa,,
"Taita imbwa tadiiko nhai mai
mwana?Inyaya yeiko yaita
mupupe kudai?Kusvika
pakunditi imbwa ine muswe?"

Takacheuka pamwe chete


namhamha ndokuona
mudhara vakamira zvavo
pamusuwo vakazembera
door.Zvairatidza kuti patova
nechinguva vamira
ipapo.Ndakabva ndatoziva
kuti apa pashata.Vakakanda
ziso kumwana
zvikanzi,"Mwana wani uyo?"

End of chapter 2

Please share book ndokuti


rikasike kuuya.Kuwanda
kwesupport koita munyori
awane simba.Ndine rimwe
book kuSub group Author's
diary saka pressure
yakawandisa asi
CHIKUMBIRO let's share
ipaiwo vamwe.
[4/20, 11:20 PM] K.Khums:
https://chat.whatsapp.com/Gg
qqWr9SjudKAyxnkrVIXy

KOMBONI LIFE

Short Story by Amai Mimie


(K.Khums)
0782 818 892
0716 622 299

SHARE,READ AND
COMMENT

Ndine hurombo nevaya


vanoda kuzotevera inbox
voda book mushure mukunge
vanzwa macomments
evamwe.Aiwa bundle riri
kudhura guys no book
kuinbox follow link mowana
book ikoko.

Chapter 3

Ndichinzwa mubvunzo
wababa vangu ndakatanga
kudedera zvino kuita kunge
rutsanga rwuri
mumvura.Ndakanzwa
mudumbu mangu kuti guuu
ndikatadza kuziva kuti yava
ipi panguva iyi.Nekuziva baba
vangu wandaiva ndapinza
mutsekwende vaiva mai
vangu.Yachinja nyaya yose
ikava yavo.Chida apa vanga
vanyatsoburitsa mashoko
ekuvatuka hayiwa.Panga
pamira kushata."Think ,think
Sarah think."Ndaiedza
kufunga chinyararire asi
zvairamba.
"Zvandiri kubvunza hapana
ari kuzvinzwa
here?"Vakadero neinzwi raiva
nehukasha.Ndakaita
kuvhunduka ndikapotsa
ndakatsikirira futi kamwana
kaya."Mxii."Ndakaerekana
ndadaro zvikanzi,"Urikutuka
ini here Sarah?"

"Kwete dad."Ndakadero
ndakutobvunda.Mbama
yemusoja ndaiiziva
ndaisatoda kuti vaswedere
pedyo neni.

"Vanhu vaviri imi


murikundishaira mhinduro
here?"

"Hameno iyeyu akamitiswa


dad."Vakadero mhamha
ndikaona vachipihwa ziso
raitaura apo raiva ratsvuka
kuti piriviri.Vakaseka zvinova
zvakandipa confusion chaiko
vachibva vati,"O to 9months
uchitadza kutaura kuti mwana
ane nhumbu.Ndakubvunza
wakuti hameno imhinduro
yemunhu ane dzinotora here
iyoyo?"

"Ndiri kutaura chokwadi dad,l


swear hapana chandange
ndichiziva.Marimwe zuro
paakasununguka ndipo
pandakazviziva."

"Ukadii kufona pawakazviziva


ipapo."

"Ndaida kuti atange ataura


nemunhu wake muridzi
wenhumbu."

"Zvikazodii?"

"Handizivi,l was stressed


zvekuti ndakatadza kuramba
ndomubvunza kuti munhu
wake ati chii?"

"Haurevesi Varaidzo ndidzo


ngano dzaungatotaura mberi
kwangu idzi.Ini kunyadziswa
muno muraini nokuda kwe
kusagona kwako kuraira
mwana.Mwana musikana it's
your responsibility but you
failed to control your own
daughter."

Vakadero vachibvisa belt ravo


muchiuno ndakabva ndaziva
kuti pano paipa.As usual amai
vangu vakabva vapfugama
ndokutanga kukumbira
ruregerero.Vaichema zvaipisa
tsitsi vachikumbira baba
vangu ruregerero asi
mudhara akaisa zvimiti
munzeve.Ndakanzwa
kunamwa kwamai vangu asi
mhere handina
kuinzwa.Vaichemera
mudundundu.Vakavapamha
ndikasimuka ndokusvika
ndichikotama pavari bhandi
rikatanga kusvikira
pandiri.Vakandirova maviri
vasina kuzviona kuti vairova
ini ndikaerekana
ndaikwetsura mhere ndikaona
vachimira.Vakakanda belt
pasi ndokuuya pandaiva
ndokuedza kundibata
ndichibva ndakoka simba
rangu rese ndokuvasundira
kure ndichibva ndati,"Enough
father enough!"
Ndakaita kukwamatata nezwi
rangu rese vachibva vamira
kuti tumbi."Ndini
ndakamitiswa,ndikasunga
dumbu for 9months kusvika
ndazvara mwana wangu.Amai
vangu varikupinda papi
apa?Why are you punishing
her for the mistake l made?"

Vakaramba vakanditarisa
zvikanzi ,"Wakatanga rini
kutaura neni uchidaro
Sarah?"

"Today dad,today.Handisi
kunyarara nokuti nguva
yareba muchirova mhamha
nokuda kwemhosva
dzedu,muchisiya isu vapari
vemhosva dzacho.Why are
you treating her like a slave."
"Sarah!"Vakakwamatata
zvakare ndikati,"Chii
dad?Moda kuti ndifire
mumoyo zvinoita
mhamha.Kangani
muchivarova vachiramba vari
zii.She performs her duty as a
wife zvisinei nokuti mavarova
zvinengei?What kind of a man
are you dad?Vamwe varume
vanosvika vachimbundira
vakadzi vavo imi munoita the
opposite.Makavaroorerei
kana musingavade.Endai ka
kumukadzi wamunoda
wamusingarovi kana
ariko.Hamunyariwo dad kana
muchipurudzira mukadzi ane
makwamba kumusana
kudai?Munozvitunhidza kuti
handijairirwe ndiri musoja bva
kana zvakadaro to hell
nechisoja chenyu."
"Sarah please, please Sarah
zvakwana
mwanangu.Urikundivesera
moto muziso
wandisingakwanisi
kudzima."Vakadaro amai
vangu begging kuti ndisataura
asi ndakaisa zvimiti munzeve
ndikati,"Let me speak
mother,dad
varikutoenderera.He is the
one to blame for my
behaviour and my mistakes
too."

"Whaaat?"

Vakadero dad ndikati ,"Yes


dad hamundide imi .Dai
maindida chaizvo maipawo
amai vangu mukana wekuti
vanditsiure in peace asi
zvose izvozvo hamuna
kuvapa mukana
wacho.Pavainditsiura
maivatuka kunge murikutuka
imbwa chaiyo.Maivaudza
magara moyo.Zvekuti zvimwe
zvacho ndaitoitawo ndichiti
dad hapana
zvavanombondiita.I used to
be happy muchituka mhamha
but not anymore dad
zvakwana.Ndini ndamitiswa
rovai ini.Kwete kupedzera
hasha pana mhamha
muchisiya ini muparazongo."
"But,,,"

"But chii?I hate you


manzwa.Dai zvaienda neni
ndaikusungisai imi."

"Kuti ndaparei?"
"Kurova kwamuri kuita amai
vangu ikoko,kana zvikashaya
basa l 'm willing to go to an
extent chero kutoti
makandirepa mofira mujere."

"Whaaat?"Vakadero vavhura
ziso vakayenderera mberi
vachiti ,"Do you hate me that
much Sarah?"
"Yes dad,for destroying my
life and also mistreating my
mother."

Vakadzungudza musoro
zvikanzi,"Handina kuuraya
hupenyu hwako Sarah,it's
your mother."

"Stop accusing my mother


dad,l swear ndozviuraya
mukaramba muchitaura
zvisina basa.First ndokanda
kamwana aka kofa
ndoteverawo toona kuti
munoigona here nyaya yacho
nokuti ndimi honzeri
yezvese."

"Okay ,okay Sarah


ndazvinzwa mwanangu from
today onwards l won't hurt
your mother l promise."

Ndakatarisa kuna mai vangu


ndikaona vachibatanidza
maoko avo.Ndakavanzwira
tsitsi chaiko.Vaiedza chose
kuvanza pain yavaiva nayo.In
the name of marriage
kuraramiswa kalife
kanorwadza kudai.Zvose
vaiva nazvo.Taigara muimba
yakanaka kwazvo.Hembe
taipfeka dzataida tichidya
chikafu chemhando but mom
vaisava nemufaro and l was
the reason.Vaigona
kungorohwerwa kanhu kadiki
chaiko.Vaiti vakanditsiura
ndikangochema chete
votonetsana nadad.Ndaitoona
sezvakanaka until today
ndazoona kuti varikufira isi
yavo.
Ndakavasimudza
ndokuvagadzika
pabed.Ndakabuda
ndonodziisa mvura
ndichidzoka ndakavakurura
top yavaiva vakapfeka
ndikatanga kutova kumusana
kwavo.Vaiyuwira amai vangu
nawo marwadzo.Ndakakanda
ziso kuna dad vangu vachibva
vatsinatira pasi.Havana
kuzogara mumba umu
vakabva vatobuda.
"Sorry mom."Ndakadaro
vachibva vati,"Thanks
Sarah."Ndakavatarisa
ndichishamisika kwazvo
vachibva vati,"Wandibatsira
Sarah saka Thanks.Chokwadi
dai wanga usipo ndainzwa
zvangu nekurohwa."

"I'm sorry mom ndozviziva


kuti l'm not a good daughter, l
don't deserve you
mother.This time
ndakunyadzisai mhamha
please do forgive me."

"Yadeuka, yadeuka
haichadyorereke.Chakutongo
diwa iway forward chete.Ari
kuti chii munhu wako?"

"Pakaipa mhamha hakuna


munhu uku."
"Urikurevei?"

"I made l grave mistake mom


haa kana kuti ndiriko handizivi
kuti anotozvifunga
ini.Ndakangonyengedzwawo
ne1 day ndikabvuma
kunyengereka saka hapana
chimuko."
"Inga zvakaoma, let's hope
baba vako hava break
promise yavo ndogona
kunorikitwa kubedroom
ikoko."

"Haa kana mhamha


zvatopfuura.Kana muchitya
rarai muno."
"Muno,ndadirei kuvatsamwisa
zvakare.Rega ndiende
ndonozviona ndaveko."

Vakabva vasimuka
ndokunanga kubedroom
kwavo.Ndaitevera kumashure
kwavo zvishoma
nezvishoma.Ivo vaibva
vananaira chaiko vanenge
vaitozezawo asi panga pasina
yekutamba.Vakatanga
vaknocker ndikaona vovhura
door ndofunga vaiva vanzi
vapinde.Ndakamira padoor
ndokuisa nzeve yangu kuti
ndinzwe zvaiitika
mukati.Lucky randakaita door
vaiva vasina kuriti dhuma
saka ndakawana mukana
wekuisa ziso rangu.

Ndakaona havo vakananga


pawardrobe yavo iyo yaiva
fitted.Vakatora night ravo
ndokupfeka ndikaona havo
vakananga paiva nadad
ndokusvika
vachipfugama.Ndakaona
vachitambidzwa something
chandisina kutondera kuti
chaiva chii?Vakatambira dad
ndipo pandakaona kuti yaiva
mboma.Hana yangu yakarova
ndakatadza kuziva kuti vanhu
vaviri vairarama sei
chaizvo?Pandakada kuvhura
door ndipo pandakaona dad
vachikanda mboma iya
kwakadaro ndokupfugama
pamberi pamhamha
zvikanzi,"Sorry."

Ndakabata muromo wangu


ndichitadza
kuzvitenda.Ndakaona
mudhara achiburitsa
kachocolate zvikanzi," your
favorite."Ndakasara padiki
kuseka ndikaona
zvakakodzera kubva padoor
ndisati ndaona
shura.Ndaingodzungudza
musoro ndichirova kasmile
kangu ndega.Kakazopera
ndawana mwana waTellme
achichema
zvake.Ndakamutora
ndokumubata mumaoko
ndokuramba achingochema
chete.Panguva iyoyo Beaven
akabva afona ndichibva
ndangoisa zamo mumukanwa
kuti asandiitira ruzha.

End of chapter 3

More Comments more


[4/20, 11:20 PM] K.Khums:
[4/20, 11:20 PM] K.Khums:
https://chat.whatsapp.com/Gg
qqWr9SjudKAyxnkrVIXy
KOMBONI LIFE
Short story written by Amai
Mimie (K.Khums)

0782 818 892


0716 622 299

Chapter 4

Ndakataura naBee kusvika


ndabatwa nehope.Pese apa
ndaisazviona kuti Bee
anonyatsonakidza kuva
naye.Pamwe ndezve kuti
ndaiva ndamusuwa here
handichazivi.Ndichitaura naye
ndaiita kunge
ndichanyungudika
chaiko.Ndichimuka kuseni
akabva afona futi ndichibva
ndadaira.Takataura kuseni
ikoko achingondimutsa
zvake.Ndakamutukira basa
rake Bee nokuti ndiro
raititadzisa kuita zvinhu
zvedu.Aindidida Bee nemoyo
wese ndanga ndakuzviona
manje.

Zvisinei ndakabviswa
mundangariro dzangu naamai
vangu avo vakavhura door
rangu ndokusvika
vachizvikanda pabed
pangu.Ndakatadza kutondera
kuti vaifara here kana
kuti?Ndipo pandakabva
ndati,"Asi makazorohwa futi
mhamha why are you
crying?"Ndakadero mushure
mekunge ndazoona kuti
vaichema.

"Chii mhamha please tell me


"Ndaiva ndakutodawo
kuchema ndipo pavakabva
vati,"These are tears of joy
my dear Sarah."Ndakavhura
ziso ndichishamisika
ndikati,"Tears of joy
mhamha."Vakabva
vagutsurira musoro
ndikati,"Inyaya yei?And why
are you so happy?"

"It's my first time kuudzwawo


kunzi sorry nababa vako.I
don't want to lie to you Sarah
ndiwe wega mwanasikana
wangu kunze kwako hakuna
umwe.Chiri kunyanya
kundifadza zvakanyanya,eish
hameno kuti ndokuudza
sei?But the truth is ,,he kissed
me for the first time in
27years of marriage."

"Whaaat?"

Vakagutsurira musoro
misodzi ichiti mokoto
mumaziso avo."What are you
saying mom?"
"The truth dear."Vakawedzera
kuchema zvakare.I just
hugged her so tight zvekuti
vakatora nguva refu
vachipfikura.Ndakavasiya kuti
vapedze shungu patova paya
vakabva vati,"Kuva nemwana
wakura Sarah,I think l can
share my pain with you
now.Ndaimirira kuti nguva
yakadai isvike.Zvino
zvawatoburitsa mwana kudai
zvoreva kuti handichakwanisi
kukuvanzira.I want to pour my
heart out today.Ndiwe waita
zvidai ndaisazvifungira kuti
murume wangu angachinja
hunhu.Asi nhasi
ndaratidzwawo
rudo.Ndakosheswawo
semudzimai wemumba
ndicho
chokwadi.Ndaishuwirawo
kupihwawo tsvodi asi zvaiva
zviroto ndaingoionera patv
chete.Ndaitoshuwirawo
kunzwa kuti inoita sei chaizvo
asi aindipa wacho panga
pasina.Pandainzwa vamwe
vakadzi vachitaura
kuruwadzano ndaibva
ndanzwa kuda kuziva chaiko
asi umm panga
pakaipa.Ndakazoita zvivindi
ndikakumbira baba vako.Bva
zuva iroro handife
ndakarikananganwa.Ndakaro
hwa kunge nyoka yapinda
mumba.Ndakademba
nechandaiva
ndichazvitaurira.Kubva ipapo
ndaingoita zvavanoda ivo
chete no complain.Today l 'm
happy Sarah you are the
reason of my happiness.I
used kuti ndikatadza
ndikaziva kuti ndini ndine
mhosva ndaitotora ini mboma
kuti ndirohwe.Ndosaka
musana wangu
wakakwapuka.Chandifadza
nhasi ndavapa mboma
vakangoitarisa ndokutora
vachibva vabuda nayo
hameno
kwayaiswa.Pavadzoka
vakumbira ruregerero
kasingaperi Sarah.Ndatadza
kuzvitenda kuti ndivo here
baba vako.Zvose izvozvo
ndiwe waita zvidaro thanks
my daughter you saved me
today."
Zvese izvi vaitaura
vachichema zvaindipisa tsitsi
mufunge.Ini handitozivi kuti
ndakakiswa nevakomana
vangani chaiko asi mhamha
vangu vanga vasingatozivi
kutapira kwayo kiss zviri
zvega here izvi?Bva kana
dzimba dzacho dzichivava
kudai zvinotoda kutanga
wadzidza munhu usati
wapinda mumarriage macho.I
can't believe kuti nezviri dad
vangu vangararamisa
mukadzi wavo ari panzara
kudaro.Ndakabirira kuvatarisa
amai vangu and l was
shocked vachinyemwerera
ndipo pandakaziva kuti zvose
zvavaitaura zvaibva pamoyo.

"Kushata kwechimwe kunaka


kwechimwe dear.Ndizvo
zvinenge zvakatarwa kuti
zvichaitika mulife
mako.Hazvitizike
zvachose.Zvawava nemwana
kudai watokura.Mude hauzivi
kuti Mwari vakamugadzirirei
muhupenyu hwake.Dzimweni
dzenguva one day he will
save you zvawangondiita
kudai.Show him love Sarah
Mwari havadhakwe vakupa
chipo chemwana
kudai.Zvimwe kuuya kwake
ndiko kwakupa courage
yekutaura pamberi pababa
vako kudai.Waisataura Sarah
asi nhasi wazvipira kurwa
hondo dzangu.You never
know pamwe mwana uyu
ndiye chiedza chako.Kuti
urarame a happy life pamwe
zvichauya nepana Junior
ipapa.Asi chidzidzawo
kuvhara makumbo ako nokuti
hapana mubereki anofarira
kuona mwana wake achipata
kudai.Tomboti imistake
ikaramba yodzokorodzeka
mistake yacho ichazenge
ichisiri mistake asi kuti
chijairira chaicho.Chidzidzawo
chakanaka nechakaipa
zvawadai watokura."

Havana kuzogara muroom


mangu vakabva
vabuda.Ndakasara
ndichidzeya mashoko
amhamha aiva makukutu
kwazvo.Hameno kuti
ndaizozvigona
here?Ndaisada kuti vatukirwe
mhosva dzangu zvakare.Uye
ndaisada kuti dad vadzokere
pahunhu hwavo ndaida kuti
vachinje for good.Zvisinei
ndakamuka ndokunogeza
ndakanobatsirana namhamha
kuita basa kusvika
tapedza.Tea yakabikwa
ndokugara semhuri tichinwa
hedu.Hapana aitaura kusvika
tapedza ndipo
pandakazoti,"I'm sorry dad
ndakangonyengerekawo
maresults acho ndiwaya
andakabata."

Vakanditarisa vachibva
vati,"Handina kumbofara
nazvo Sarah but haizi mhosva
yako you were right pawakati
ndini honzeri.Ndakakurerera
mutray sechingwa thought
ndiri kugona handina kuziva
kuti ndaikutadzira.I'm sorry
hako."

"No dad ndini ndakatadza


ndiregereiwo."

"Yakatodeuka mvura
yemuguchu haichadyorereki
my girl but chidzidza from
your mistake hantie zvakadai
hazvidzokorodzwe ipapo
ndipo patinenge toda hedu
kuona kuti sei famba.Saka
akabva ati zii zvachose
munhu wako iyeye?"

"Ehe dad aingoti arikuuya


ndiye zii akadero phone yake
haisi kuita."

"Zvakanaka mwanangu focus


on your studies now mwana
wako anosara nagogo vake
iwe chiverenga upase
ndozviziva you can do it
hauna kumbosara zvachose."

"Anotoverengera kuno kumba


ka?"

Vakadero mhamha dad


vachibva vati,"Kuchikoro
chaiko."
"Zvoita here havamurambe
here?"

"Hapana aimbozviziva kuti


ndine nhumbu mhamha l think
ndinenge ndakutongotsvaka
mafake medical reports
ndodzokera kuchikoro."

"You are right nokuti


zvekuverengera kumba izvi
zvinoti remei."

The following day ndizvo


zvandakatozoita
ndikanyorerwa zvandaida
zvacho.Week rakatevera
racho ndakabva ndadzokera
kuchikoro aindibvunza
ndaingoti,"Ndakarwara kunge
ndichafa."Hapana hapo
akambo suspect
chinhu.Ndakatodzidzawo
nevamwe.Mazuva aya
ndakatomboita kaserious
kana Bee ndaitomuudza kuti
pakaipa ndaisada kumuona
nokuti ndaisazvikunda
hangu.Bee yaitova weakness
yangu.Ndiye munhu
wandaida saka zvaisapera
mushe zvachose.

"Babie asi hauchandidi here?"


Yakapinda message from Bee
ndikati,"Ko ndaita sei nhai
Bee?Ndokubereka here kuti
nyika yose ione kuti ndokuda
igozo
witnesser."Ndakapindura
achibva ati,"Urikundi avoider
babie."

"Zvaipa nokuti ndini Bee inga


iwe waingoti busy nezve
chipurisa chako ndakambo
complainer here?Iwe une
chinobatika muruoko ko
ini?Zvaunoda ndiri
kuzviziva,hauna
kumbondisuwa Bee asi kuti
uri kungoda kufadza nyama
yako chete "

"Sandizvo babie
kani.Ndakusuwa chete."
"Ndiri busy nechikoro saka
urikuda ndiite sei?"

"It's okay ukawana mukana


just tell me."

"Bho."
Ndakabva ndasiyana naye
hangu.Ndokuita
yandaiita.Mazuva akafamba
ndaitobuda pagedhe
rechikoro pedu paKundai
High pandakanzwa ndabatwa
ruoko ndakacheuka ndokuona
ari Bee.Pafair ndaiva
ndamusuwawo asi ndaisada
kuzviratidza.

"Ukati regai ndimugarire


pagedhe Bee."

"Babie asi hauna kundisuwa


here?"

"Ndakusuwa Bee asi


kutomboda kuita zvechikoro
hangu.Vakomana
monyengedza imi."
"Ko tadii futi?"

"Ndikaita nhumbu ipapa


wakutorova kweza kutiza."

"Handimbodaro ini."

"Hoo."

"Chokwadi nokuti
ndokuda.Ndamgomirira kuti
unyore ini ndakutoda nezvako
tikange kedu kamusha."

"Urikurevei?"

"Ndakutoda kuroora ini


Sarah.Nguva yareba
tichifambidzana saka kugara
tazviita hedu ndisati ndabirwa
netuvana twechikoro zvitori
nani."

"Aiwa ndirikutoda kusvika


kure nedzidzo ini."

"Ini ndiri kutoda kuchata newe


ndoziva kuti kumba kune
munhu wangu.Unoziva
zvinongofadza kungova
nemunhu anokubvunza kuti
uripi?Ko wanonoka nei
nhasi?Ndakutoda nezvako ini
Sarah."

"Uchadeiko Bee iwe


wakandipedza kanonaka
kese."

"Ibva uko iko kanoverengeka


ikako."
"Ehe shaa.Ita plan usape
umwe munhu zvinhu zvangu
nokuti kuna Bee
anokudisa.Kana uchida kuona
kuti ndiri serious togona
kuenda kwatete vako
tonozivikanwa ikoko.Kana
zvichiita kufanobvisa
pashoma ndichimirira kunyora
kwako ndoda futi."

"Iiii nhai Bee."


"Ko chii futi?"

"Ndokwazvave thought
urikutamba ka ini."

"Serious babie,chibasa chedu


ichi chongoda une mukadzi
kumba handidi miyedzo ini
kubasa uku.Ndoda iwe chete
babie wangu."
Ndakasekerera zvangu
ndaisazvifungira kuti
angatova serious
zvekudai.Kuenda kwatete
kwaisaita zvako nokuti ndaiva
nenyaya dzangu dzanga
dzichiri kupisa.Ndakaona kuti
ndikaramba ndichimu avoider
ndoramba ndichipihwa
pressure dzekwatete saka
ndakazviudza kuti
ndaizomutsvakira kanguva
kake kadiki life ichienda
mberi.Takaonekana zvedu
ndokuita aziva kwake ,aziva
kwake.

Ndakasvika kumba
ndokuyamwisa mwana wangu
ndizvo zvandaiita.Ndaida
kuzomusiisa pa6months
chaipo.Anenge anga
atojairawo zvekuti
aisambochema zvake.

" Hope hausi kuita


musikanzwa Sarah. kuchikoro
ikoko?"

"Iii mhamha musandityire


zvenyu ndakadzidza
chidzidzo paya."
"Dzikama shuwa unyorewo
chero ukada kuzoroorwa
zvirinani."

"Ehoyi mhamha."

Ndaigara ndichiyeuchidzwa
kudzikama namai
vangu.Panga
pakaipa.Ndakazviudza kuti l
won't disappoint her
again.Ndaisaziva
zvavaizoitwa namudhara
zvakare.Apa paitoda ini
ndomene kuzvidzora
chaiko.Zvakazongobhenda
taenda kumasports ugoona
ndaiva ndamboramba
zvikanzi hapana anosara
munhu wese anotoenda
chete.Takaenda kuya wanike
wangu Bee ariko kutoshaya
kuti aidei chaizvo.Ndakatanga
ndicha ignore kusvika azoita
kundibata ruoko nekusada
kuonekwa neruzhinji
ndakangozoita give in tichibva
tasuduruka paiva nevamwe.

"Handei kumba babie hantie


hapana zvauri kuita here?"

"Hapana zvangu asi ndauya


nechikoro ka ini."
"Hazvina basa babie
kungosuduruka pane vamwe
ndimboswerawo newe nhasi
nguva yareba."

"Ayewa Bee,,"

"Kana usisangachadi
nezvangu chingotaura kwete
kundipedzera nguva shaa.Ini
ndiri kutoti uriko ndosaka
ndichikukoshesa asi
hauzvioni manje."

"Ndokuda Bee but,,"

"Let's go kana uchindida


hapana anombozviona kuti
haupo.Hatiende kure toenda
kudzimba dzematicha pane
shamwari yangu inogara
apo."
End of chapter 4

Please share

More comments more

https://chat.whatsapp.com/Gg
qqWr9SjudKAyxnkrVIXy
SHARE, READ AND
COMMENT

KOMBONI LIFE

Short story by Amai Mimie


(K.Khums)

0782 818 892


0716 622 299
Chapter 5

Kamwe kamoyo kaisada,asi


kamwe papandi kakandikurira
kusvika ndangozotevera.The
last thing chandaisada is to
lose Bee zvandakaita
Tellme.Yes Tellme handingati
ndakadanana naye hameno
zvakangoitikawo patiri kusvika
tazoitisana mwana.Zvino
kurasikirwa naBee ndakaona
zvisingaite ndichibva
ndangotevera kudzimba
dzemateacher
dzaaitaura.Takasvika mumba
muya muri bvuu
maisavaraidza
zvachose.Ndega ndakatoona
kuti mumba mebhachura
chairo.

"Chingosiyana nazvo muface


wacho mabasa chaiwo."
"Asi makanyanya shaa inga
iwe mako muri smart wani?"

"Vanhu tosiyana shaa gara


pabed apo."

Ndakagara paya ndichingoita


kamunamato kangu kuti dai
akasafunga zvekundibata
hake.Nokuti ndipo paibva
pangoperera sarungano.Bee
anonyatsoziva hake kusvika
pa weak point
yangu.Kungoisa muromo
wake pamazamu angu
ndonzwa kunge
ndakufambwa pese -pese.Ko
zvino zvikaita sekudaro hantie
anotoyamwa mukaka
waJunior nhaimi.Ndaiva
ndisina kutombogadzikana
zvachose.Akauya akagara
paside pangu achibva aita
kutaurira munzeve dzangu
kuti,"Ndokuda Sarah asi
hauzvioni hako."

Aitaura achiisa ruoko rwake


pashoulder pangu ndakabva
ndamubata ruoko kuti
rwusafamba famba
ndikati,"Ndozviona Bee asi
ndiwe ungazodawo munhu
asina kana subject rimwe
chete zvaro.Ndokuda Bee
ndicho chokwadi asi unoziva
situation iri kumba
kwedu.Mudhara wangu haadi
zvisina basa.Zvakare handidi
kukupinzisa busy unomaziva
masoja unoswera watsikwa
musoro.Zvekuti uri mupurisa
izvo inenge yatovawo imwe
nyaya."

"Ndiri kukunzwa babie.Asi kuti


tirambe tiri pasame stage
nelove yedu hazviite better
tiite zvinoita chaiko
ndikuroore."

"Tell me Bee,urikumhanyirei
asi?"

"Hantie unoona zvandiri


kutaura hausi kutombozviona
hako kut nguva iri kufamba
ndodawo mukadzi shaa
kugara ndega zvinozondibata
nesimba ndikamitisa kunze
zvikavharana."

"Unenge wagara usingandidi


zvako Bee.Kana
uchinyatsondida chaiko
unondimirira."

"Yeah ndokuda Sarah


,ndokumirira babie wangu asi
manje unoziva mari haigare
pamunhu ndanga ndichida
kugara ndakanda
yandakaunganidza kumba
kwenyu."

"Saka waitova serious musi


uya Bee?"

"Ehe shaa ko ndomirirei ndiri


ini ndakakuvhura."
Ndakasekerera ndichibva
ndarivara ndokumumbundira
nemoyo wangu wese.Anenge
aishaya pekutangira here
ndakanzwa akundipurudzira
kumusana.Ndokukasika
kuzvibvisa paari.

"Thanks hako
Bee,kungondidawo ikoko
kwakandikoshera."
Akandidhonzera paari
akatanga
kunditsvoda,ndakatanga
kudairawo sezvinhu
zvandanga ndasuwa
ndakanzwa kuti ndatovawo
kune imwe nyika.Zvaiita
kutekenyedza Kani,wanike
Bee wacho ofambisa maoko
ake pese-
pese.Ndakazongonzwa
munhu ave mamazamo
ndakaita kuvhundukira
ndichibata maoko ake
achibva ati,"Chii
babie?"Ndakakasika kufunga
ndichibva ndati,"Sorry hako
Bee."

"Ko chii futi?Usaita sekunge


urikutanga kubatwa
Sarah.Ndipo paya pandati
handichakunzwisisi hako."
"Sandizvo zvauri kufunga."

"Ndiri kufungei?"

"Kuti handichada nezvako asi


sandipo pane nyaya yangu
kungoti nhasi hazviite
wena."Ndakadero
ndichinongedza mudenga
achibva ati,"Saka ndizvo
zvawanga uchitadza
kungotaura nhai?Manje
ndaibva kare ndoitira hangu
muzvidya."

"Iii nhai Bee ko kungozvisiya


zvakaipei?"

"It's okay but sandiwo madays


ako kaaya Sarah?"
"Hana yangu yakarova
ndokukasika kuti,"Vasikana
tinochinja -chinja shaa
haungazvinzwisisi"

"It's okaya asi urikumbozviona


kuti mazamo ako akurisa
chii?"

"Nhai Bee kungokurawo


wanga wati chii?"

"Hapana kungobvunzawo
hangu ko unomitisirwa munhu
wangu netuvana vana
twechikoro zvikashaya basa."

"Haundi trust chete Bee."

"Zvaunoita zvacho ndizvo


zvinondipa kudaro.Dai ndiri ini
ndiri kudaro waifara nazvo
iwe?"

"Haungazvinzwisisi Bee ini


ndiri musikana iwe
urimukomana.Mwanasikana
haangobude madiro pamba."

"Asi kare waibuda Sarah ko


iyezvino kwauyei?"
"Ndaiva ndisati ndarohwa
namudhara paya."

"Kurohwa!"

"Ehe ndakabikwa kwete


zvekutamba zuva riya
randakanonoka kubva kumba
kwenyu dai uriwo musi
wandakakutizira nokuti
vakatoti dzokera kwawanga
uri."

"Ukadii kudzoka?"

"Zvaibuda here?Ko dai


wakasvika ukajamuka ndaiita
sei?"

"Ndizvo zvaunongofunga
handimbokurambe ini Sarah
uriwangu kusvika
tiparadzaniswe nerufu."

"Ndizvo zvaaitawo izvozvo."

"Who?"

"Umwe mukomana aidanana


nasisi vangu asi
akazongovasiya wani."
Problem yako unondicompare
nevamwe vanhu."

"Kuonesana Bee chete."

Hatina kuzogarisa mumba


macho takabva
tabuda.Ndaingotura befu
padiki padiki.Takaona vamwe
vana vachiri kumagrounds
ndikatofambisa ndakananga
ikoko.Ndaingonamata Mwari
wangu nechemumoyo.Hatina
kuzotora nguva refu
takakokorodzwa maresults
haana kutaura taizoziviswa
hedu.Takabva tazongoparara
ndokunanga kubhazi redu
ndokudzokera
kuchikoro.Takazobva
pachikoro tonanga
kudzimba.Ndakangonanga
kogeza ndokuzoyamwisa
mwana wangu.

Kachiyamwa ndakabva
ndaedza number dzaTellme
dzikaramba.Ndakambobata
rushaya ndoedza kufungisisa
nhau yaBee ndikaona
zvisingaiti kuroorwa panguva
iyi.Ndiri munhu aiyamwisa
ndaizvireva ndichiti chii kuna
amai vangu.Chero kukanzi
vanoda mukwasha hapana
pavaizonditendera kusiya
rushiye rwakadai.Asi Bee aiva
angoti anoda kubvisa mari
chete tozozviona ndapedza
chikoro zvinganzi zvakaipa
here izvozvo?Ndakanetseka
chaiko Bee ndaimuda
zvekurevesa asi zvekuroorwa
paigona kunetsa nekuda
kwenyaya dzangu.Zviri
pachena kuti nyaya zhinji
dzinobva dzabuda
pachena,zvinova zvinhu
zvandisingadi kuti Bee
azive.Akaziva kuti ndine
mwana chete hazvipere
mushe.Ko iko ndosvikepi
ndichipa maexcuses.Nhasi
tomboti ndapona nepaburi
retsono.Ko mangwana akada
kundiona ndichaita
sei?Kuramba ndomu avoider
hakuite zvachose kana iye
anga achi
complainer.Zvikaramba
zvakadaro zvogona
kudhakwa kuside kwangu.

Zviri nani ndiite zvinoita kuti


ndisarakirwe nemunhu
anondida.Kana zvagadzikana
zvinhu ndipo pandichazobuda
hangu musaga papi pacho
paachandiroora akasaziva
naivo tete vangu vane bapu
seregwai.Zvinotobuda chete
kuti ndine mwana.Asi dai ini
namhamha vangu chete tiri
isu vari kuziva nezvazvo
zvimwe zvaisabuda.

Ndakabuda ndakunodya
kudya kwemanheru amai
vangu vaiva vapedza
kubika.Takadya
murunyararo.Tapedza
ndakabva ndati,"Ko
ndikangorumura mhamha
muzukuru wenyu uyu?"
"Kurumura?"Vakabvunza
ndikati,"Ehe."Vachibva
vati,"Kuti zvadii?"

"Paanochema arikuno kumba


mhamha mazamo angu
anotanga kusisa mukaka
zvekuti unotanga kurasika
kusvika kunze kwehembe."
"Inga ndakakuti unoisa
tumachira mubra wani?"

"Ndiri kuisa mhamha asi


ndakutotya ini kuti chero
nguva ndogona kubatwa
nokuti ndatonzwa vamwe
vasikana muclass vachiti
pane munhu arikunhuwa
mukaka kunge wemwana."
"Chingoti hauchanda
kuyamwisa Sarah kwete
kungopa maexcuse asina
basa.Unoti tiri vana vazuro
here isu?"Vakadero dad
ndikati,"Chokwadi dad
ndakutonyarawo nazvo."

"Wakadii kunyara usati waita


pamuviri pacho.Wakunyara
nhasi nokuti kwauyei?"
"Ndiri kutaura problem yandiri
kusangana nayo dad hameno
manje asi ini ndakutomusiisa
mukaka."

"Mwana achiri mudiki uyo


urikumhanyirei?"

"Ndiri mwana wechikoro dad."

"Zvawave kuziva nhasi,ko


pawakaita nhumbu 9 months
dzose."

"It was a mistake dad."

"Saka yamwisa mwana


wako.Zvako zvekuda kufara
netukomana uchikanganwa
kuti watova amai ndizvo
zvandisingadi pano.Kana
wafunga izvozvo wototaura
nababa vemwana wako
vatenge mikaka yacho nokuti
ini handina kana cent rangu
randichabuditsa."

Ndakasimuka ndatsamwa
ndokuenda kuroom
kwangu.Hapana
akatevera.Kana amai vangu
zvavo havana kunditevera
zvavaisiita.Ndakarara
ndakatsamwa kwazvo zvekuti
ndakatomboda kukasiya
kachichema asi
ndakakanzwira tsitsi
ndikati,"Yamwa zvanhasi
mwanangu ndiko kekupedzisa
ndakutokurumura
ini."Mangwana acho
ndakabuda ndichienda
kuchikoro handina kudzoka
kumba kwacho ndakatoita
mazuva maviri ndiri kwatete
vangu kuBindura.Zuva retatu
ndipo pandakaona tete
vachiuya kwandiri ndokusvika
vachiti,"Saka wakaita mwana
ukasataura nhaiwe
Sarah.Kutouya pano ndichiti
zvimwe washanya izvo
urikutoda kurumura hako
mwana wako kuti
unyatsowana kufara
zvakanaka.Aiwa vasikana
takurai setchel renyu muende
ini zvekuparadzirwawo yangu
imba handidi.Chakambokupa
kundivanzira ini tete vako
vamwe chete vari vega
chii?Ukati hauna kushinha
nemurume wangu
iwe?Wakabva kuno munani
zviya?"

Vakatanga kuverenga
zvigunwe zvavo ndikazonzwa
voti,"Ndiani baba vemwana
wako Sarah nokuti mwedzi
yako yawaiva pano iri
kufambirana neyekuzvara
kwemwana wako."
End of chapter 5

More comments more


[4/20, 11:22 PM] K.Khums:
https://chat.whatsapp.com/Gg
qqWr9SjudKAyxnkrVIXy

KOMBONI LIFE

Short story by Amai Mimie


(K.khums)

0782 818 892


0716 622 299

SHARE, READ AND


COMMENT

Chapter 6

"Mukati mwana uyu


haandishuri rufu here ini?Aripi
nguva dzino.Vamwe vake
vapfuura kare.Ko iye abva
akanganwa here kuti ane
kacheche kanoda
kuyamwa.Nhai Mwari mati
ndiite seiko
ini?"Ndaisvusvudzira Junior
kumusana achiramba
kunyarara.Nguva yake
yekuyamwa mukaka yaive
yatopfuura nehour
rese.Ndakatanga
ndichashingirira
kusvusvudzira kusvikawo
ndaneta.Ndakatora phone
ndoedza kufona ichibva
yaramba kupinda."Ko aripiko
mwana uyu?"Ndakaramba
ndozvibvunza asi mhinduro
chaidzo ndaiva ndisina.

"Nhai baba Dee muri


kufungawo zvandiri kufunga
here?"
Vakanditarisa vachibva
vati,"Urikufungei?"

"Kuti zvimwe atiza hake


mwana wake.Makaramba kuti
arumure ka paya saka
ndoona sekudaro."

"Wambofona here?"
"Kasingaperi asi haisi
kupinda."

"Akaoma mwana wako."

"Ndimi makamujaidza."

"Ndakuzviona manje kuti


ndakamurerera mutray
sechingwa.Ndaiti ndiri kugona
handina kuziva kuti ndiri
kumujaidza."

"Zvakatopfuura ngatichionai
kuti todii manje?"

"Tingadii kunze
kwekutotsvaka kuti mwana
odyei?"
"Haa pakaipa shuwa."

Ndakabva pavaiva
ndakunomurarisa.Paakarara
ndipo pandakatanga kuita
basa rangu.Ndakatombogara
pasi ndichinyemwerera.Vanga
vangochinja sekutamba
sekuseka.Kari kare dai ndiri
ini ndakutoripa mhosva dzose
dzaSarah asi Mwari
vakanzwawo kuchema
kwangu.Zvaita sedambe
chaiko asi waitoona kuti
munhu achinja
zvedi.Ndakatoshamisika
ndichitopihwa card rekubank
zvikanzi,"Onai zvekuita kuti
muzukuru wangu awane
chikafu."I was shocked ndicho
chokwadi zvekuti
ndakaerekana ndabvunza
kuti,"Murikureva ini
here?"Vakabva vati,"Hongu
mai Dee.Ndozviziva kuti
makore ose aya ndaiva
murume benzi, Sarah aita kuti
ndirealise mamistakes
angu.Ndozviziva kuti unogona
kutadza kuzvitenda but trust
me pay yose irimo imomo
tenga zvese zvauri kuda l
don't mind."

Raiva raiswa muruoko


rwangu card
riya.Ndakaritarisa
ndikarangira rimwe gore ndini
ndaichengeta card rekubank
saamai ka.Ndakati mwedzi
wapera ndokufonera baba
varikubasa sezvo ndaida
kubalancisa chikafu
pamba.Vakabva
vangonditi,"Ndiwe une card
kunetsa ndekwei iwe uchiona
mwedzi
wapera."Ndakangoti,"Thanks.
"Ndokutora card ndini uyo
kuMega Save ndakatora
zvandaida zvese inbulk
ndokuenda patill.Sarah
kaitofamba kachidya
machompkins sezvo aiva
amachemera.Ndaiva ndanzi
ndozobhadhara zvangu kutill
kamwe chete.Ndakarovesa
zvinhu zvangu ndokuvapa
card kunodai mari yaivamo
yaisatombokwana kana
machompkins aiva atorwa
nemwana.Ndakatya
nazvo.Ndakatozonzwirwa
tsitsi nevamwe baba
vakandibhadharira.Ndakabud
a muya ndadzikira makore
apo misodzi iri
pamatama.Baba vaya ndivo
vakandipa zvakare dollar
rekudzokeresa kumba.

Ndakatarisa card riya


pfungwa dzakaenda
kumashure zvose zvakaitika
zvikatanga kuplayer
mupfungwa dzangu.Handina
kubvunza musi wacho ivo
ndivo vakazotaura vega kuti
vakakanganwa kuti vaiva
vashandisa mari
yacho.Ndakabatikana asi
chekuita paiva pasina but the
truth is l was hurt.Zvisinei
kubva ipapo handina
kuzomboda hangu kubata
card racho vaiva vakutenga
vega zvisimo and he was
okay about it.Ndoitova kalife
kedu pamakore ese aya.Zvino
apa zvakandipa kurangarira
zvakawanda asi vakaratidza
kuti he was sorry ndichibva
ndaritora.The following day
ndipo pandakaenda kotenga
asi ndakazongoona ndodzoka
ndakabata kapaperbag chaiko
kaingova nemuriwo wemusi
uyu pamwe chete nemikaka
yemwana.Zvakandirambira
kushandisa mari hobho
ndainzwa hana
kurova.Ndaisaziva kuti
kutaura kwavo zvaibva
pamoyo here?

"Matotenga?"

"Ehe tatodzoka."
Vakadzungudza musoro wavo
zvikanzi,"Let's forget
zvakaitika in the past and
move on tosvikepi uchidai?"

"Sorry henyu but l think


chingoitai zvamanga magara
muchiita.It's difficult for me
kuita move on very fast."

"Learn to Mai Dee."


"Ndichaedza."

Marwadzo haangoperi
veduwe ndaiedza chose asi
kuzoona mavanga angu
zvakare kwaibva
kwandidzosera
kumashure.Vakabuda voenda
kotenga ivo vachibva
vakanganwa phone
yavo.Ndakatevera nayo
kumashure ndikatoona kuti
vaiva vaenda.Ndakadzokera
hangu mumba ndokuiisa
pabed.Ndakagezesa
kamwana kaSarah
ndokupedza ndokumupa
mukaka wake achibva
arara.Ndaingotenda Mwari
kuti aisanetsa mwana
wacho.Ndakazofunga
kufonera tete ndichivaudza
ndikashamisika vachiti aiva
kumba kwavo.Zvakangooma
hazvo asi hapana
zvandaikwanisa kuita mwana
anga atorumura zvinova izvo
zvaaida iye Sarah wacho.

Ndakamboti regai ndimborara


zvishoma ndipo pakabva
pavibrater phone yababa
Dee.Ndakamuka ndokuitora
ndaiti zvimwe vaiva vanhu
vekubasa vaifona asi kwete
yaiva message yaiva yapinda
iyo yandakabva ndangovhura.

"Komboni yese yekwaChari


yabvira baba Taonga
kwangosara dzimba shoma
chete munouya rini?Ini
kadhumba kedu kekubikira
ndiko chete kabatira
moto.Ndototenda Mwari kuti
chibage chese ndakachiisa
muimba yemarata saka moto
hauna kukwanisa kusvika
ikoko ndiMwari baba Taonga
ndaizviudza ani nhai
pakadaro.Chokwadi gore rino
kwaifiwa nenzara
mufunge.Saka muri kuuya rini
vashandi kupurazi vave kuda
mari dzavo."

End of chapter 6
[4/20, 11:23 PM] K.Khums:
https://chat.whatsapp.com/Gg
qqWr9SjudKAyxnkrVIXy
KOMBONI LIFE

A short story by Amai


Mimie(K.khums)

0782 818 892


0716 622 299

SHARE,READ AND
COMMENT

Chapter 7
"Iii tete mungabva mandidaro
here?Kwangu kuri kuda
varume here?"Ndakadero asi
hana yaiita kubika manhanga
chaiko.Hameno kuti tete
vangu vanga vandifungirawo
zvipi mufunge.Ndakava
nekusagadzikana chaiko
panguva yacho
iyoyo.Ndakashaya zvekuita
ivo ndivo vakatozondibvisa
mundangariro pavakati,"Saka
wakadii kundiudza nyaya
dzako kana waiva clean
Sarah?"

"Ndaitya tete.Dumbu rangu


ndakasvika pakusununguka
ndichirisunga.Vasiri amai
vangu vakangopinda
ndakashama zvimwe dai
mwana wacho akafa kare
kungoti ana Mwari wake
hake."

"Saka waitoda kumonya


mwana Sarah?"

"Ndaisafunga straight tete asi


iye zvino ndakuzviona kuti
ndanga ndapindwa nemweya
wakaipa chaiko."
"Zvakakuomera mwana
waGiribeti.Kubva waita
zvivindi zvakadero chokwadi."

"Yaiva secret yangu ndega


tete hapana aizviziva saka
ndaingozozviitira murima
imomo."

"Saka baba vacho varipi?"


"Hameno tete
ndaingonyeperwa ini."

"Uchinyanya kungoti wada


wabaya kuitwa mangoe
yepamusika chaiko.Hauna
kana kumbokoshesa
husikana hwako."

"Zvakatopfuura tete zviriko


futi."

"Uchazochechuka wapedzwa
kanonaka kese."

"Apa ndangova nemukomana


wangu umwe chete uyo
arikutoda kuroora."

"So soon?"
"Ehe tete tanga tagara zvedu
tichidanana pese
apa.Nhumbu
yakazongouyawo haatozivi
kuti ndine mwana.Zvabva
zvandirangaridza ndipeiwo ka
mapills ekuomesa mukaka
wemwana."

"Chii?"
"Mazvinzwa tete ndoda kuti
zvikasike."

"Ukumhanyira kupi?"

"Ko mukomana wangu


akazviona ndoda kugara
ndagadzirisa nekuzasi uku
tete ndoda kuti kudzoke
handidi kuti aite madoubts
neni."
Vakanditarisa vachibva
vadzungudza musoro
wavo.Vakabva vatosimuka
voenda kuroom kwavo
panguva iyoyo bamkuru
vakabva vapinda.Vakatarisa
tarisa mativi ose vachibva
vauya pandaiva
ndokundidhonza vakananga
neni
kwandaisaziva.Vakavhura
door pane imwe room
vachibva vandikandidzira
pabed.

"Chiiko nhai bamkuru problem


yenyu iripai?"Ndakabvunza
vachibva vati,"Mwana
waunaye ndewani?"

"Nhaimi kwakanaka here?"


"Ndiri kubvunza ndoda
kuziva."

"Ndewa baba vake."

"Ani damn it."

"Hasha ndedzei ndewe


mukomana wangu
wandakasangana naye zuva
rimwe chete tikatosika
mwana."
"Let's hope haana chekuita
neni mwana iyeye nokuti
handidi zvisina basa."

Ndakaseka zvangu ndikati


,"Nokuti makazowana weropa
renyu bamkuru makuvhaira
ka."

"Ndaida kuita experiment


paya nothing more saka
answer ndakaiwana
zvangu.Zvimwe dai ndiri ini
ndakavhura ndaigona kuti
ndewangu."

"Motsvinya baba imi."

Ndakadero ndichitobuda
mushure mekunzwa tete
vachindidaidza.Ndakasvika
tete vachibva vanditambidza
mapills andaida ndichibva
ndatomunyungira.

"Zvoda kudzikama izvi Sarah


handidi kuti uzochema
wapihwa imwe nhumbu
zvakare."

"Ndangwara now tete


musandityire."

Takazotaura zvedu dzimwe


nyaya bamkuru
ndokupindawo vachibva
vatambirwa zvakanaka
kwazvo.Kaiva katsika kavo
tete vaida murume wavo uye
vaimupa trust yakanyanya
kwazvo.Dai vaiziva zvaaita
behind her back chokwadi
vaipinda mugumbeze
nebhutsu.Zvisinei ndakabuda
ndonorara.The following day
ndipo pandakamuka
ndichienda kumba apo nyama
dzangu dzaiva dzakarukutika
kwazvo.Ndakasvika mhamha
vari vega
ndikavamhorosa.Ndaifunga
kuti vachapopota asi vaingova
low zvandakatadza kuziva
kuti chii?Ndakaedza kutaura
back asi vaingopindura one
word answer ndakaziva kuti
inhau yekutiza mwana
ndichibva ndakumbira
ruregerero asi ngoma ndiyo
ndiyo.Ndakazongogumawo
ndatarisa.Mudhara vainzi
vaiva vafonerwa kubasa
ndakashaya kuti sei iye
munhu anga atora leave
kubasa kwavo.

Ndakazoenda kuroom kwavo


ndokuwana vakabata kabook
mumaoko kakangonyorwa
kachibva kapfekerwa pasi
pematress.Vakabuda
vakunogeza ndichibva
ndakatora ndoverenga wanike
pakanzi,"Bleeding
heart".Ndakashaya kuti yava
ipi zvee ini ndaiva ndasiya
vanhu vachiwirirana.Kuti ndini
honzeri?Ndakazvibvunza asi
mhinduro ndakashaya.

Mazuva akafamba ngoma


ndiyo ndiyo.Ndaiva ndaedza
zvese asi zvaiva zvaramba
mufaro chaiwo ndakaushaya
pana mai
vangu.Zvisinei,ndaitobuda
pachikoro pandakaona Bee
ari pagedhe.Ndakanzwa
moyo wangu kuti nyevenu
ndichimuona.Ndaiva
ndakusuwa asi ndaisada
kuzviratidza.

"Pinda mumota shaa


ndokusiya kumba."
Ndakanyemwerera
ndichipinda
ndikati,"Ndeyaniko?"

"Izvozvo hazvina basa shaa


chingoziva kuti nhasi ndoda
kunosiya babe rangu kumba."

"Okay sir."
Takati tati fambei achibva
atora road yekumba kwavo
ndikati"Ko ndeipi iyi?"

"Ndakusuwa shaa tomboenda


unondipawo zvinhu zvangu."

"Zvinhu zvako wakaroora


here?"
"Ndiwe usiri kuronga zvobuda
saka unoda kuti ndiite sei?"

"Ndakati mira nditange


ndapedza kudzidza."

"Tozozviona shaa nhasi


pakatoipa."

Akangosviko vhura door


remota
ndokundisimudza.Door
remumba rakavhurwa
negumbo ndokukandwa
pabed zvikanzi,"Iwe Sarah
unotoda zvembabvu
ndikasadaro
hazvibude.Unondi avoider
awadira ndoita kunge ndiri
kudanana ndega."

Aitaura achitobvisa belt rake


ndakazongonzwa ruoko
rwava muzvidya
zvangu.Ndaisava comfortable
ndaifunga kuti zvogona
kuenda nepamwe mazamo
angu akabuda mukaka asi
zvakazongova zviroto after
my own body betrayed
me.Ndakazongonzwa
ndoimba manhanga kutapira
apo zamo rangu rakanyudzwa
mumukanwa.Ndakaita kutura
befu after the deed nguva
yanga yareba
zvechokwadi.Pakarohwa
dzimwe 2 round ndikanzwa
parere moyo
chaipo.Ndakazvipukuta
ndokupinda mumota
ndakananga kumba.Ndipo
pandakazovhura phone
yangu wanike ine mamissed
calls from Tell me.Ndakasvika
kumba ndatononokerewa
nekuti ndibvunze kuti
aidei.Ndakazofona ndava
mugedhe medu ndipo
pandakanzwa
achiti,"Ndataura natete
panumber dzawakandipa
babe ndiko kwandiri kutaura
kuno.I need my family
back.Ndokuda Sarah wanzwa
ndafunga zvangu kubvisa
pfuma tinogara tese
nemwana wedu."

"What!"
"Yes babie ndokuda
ufunge.Ndaiva pasi
pemugodhi ndosaka
ndaisabatika asi ndadzoka ari
sei Junior?"

Ndakabva ndangopererwawo
nazvo.

End of chapter 7
More comments ,more

SHARE kabook kedu guys


kusvika tapendera
[4/20, 11:24 PM] K.Khums:
https://chat.whatsapp.com/Gg
qqWr9SjudKAyxnkrVIXy

KOMBONI LIFE

Short story by Amai Mimie


(k.khums)
0782 818 892
0716 622 299

Chapter 8

Kupererwa ndiko
kwandakaita.Ndakaramba
ndakaisa phone panzeve
chero hazvo munhu
wandaitaura naye aiva acutter
kare.Ndakapusa munguva
pfupi iyoyo.Munhu
wandainzwa kunyatsoda
ndiBevean zvaTellme yaitova
imwe nyaya
zvayo.Chaitibatanidza mwana
chete kwete
rudo.Ndakatombo sticker
panguva iyoyo zvekuti amai
vangu ndivo vakatozoita
zvekundizungunutsa chaiko
ndikajamba zvekuti
ndakapotsa ndaminyuka.
"At least kana wadzokawo
kubva kuchikoro unotarisawo
mwana wako Sarah.Ndiwe
amai vake hazvichinje.Chero
ukapusa zvekuita sei asi
mwana ndewako ivawo
nerudo naye."

"Ko ndaita sei nhai mhamha?"

"Inguvai dzauri kudzoka


kubva kuchikoro idzi?"
"Ndanga ndichi,,,,"

"Nyarara zvako usada


kunyepera kudzungaira.Unoti
Kwangu kupusa here?Ndiani
mukomana aku dropper
pano?"

"Ko zvinorambidzwa here


kuwirirana nemukomana
mhamha?"

Ndakazongoona ndabata
dama ndakada kutaura
ndichibva ndapamhihwa imwe
zvekare."Ko chii nhai
mhamha?"

"Usada kundiona
sendakapusa Sarah handisi
mwana wako ini.Ndini
ndakakutumbura ndoziva
paunenge uchitaura chokwadi
zvakare nekunyepa wanzwa."

"Chingotii mawana
pekupedzera stress dzenyu
mhamha
chete,hapatomborina kana
nyaya apa."

"Uchazomafunga mashoko
angu Sarah asi
uchamashaya.Handizivi kuti
unoda amai vakaita sei
chaizvo?Zvimwe une vako
amai vawakaudzwa nababa
vako
vauchateerera.Wakamitiswa
mwana uyu kwauri urikuona
kunge zvakanaka kwazvo asi
rega ndikuudze handina
mwana wepiri
wandichatambira pano.Uyu
Junior ndakakunzwisisa
hapana umwe achauya
mashure meuyu.Like father
like daughter nxaaa."

Vakabva vafamba vachibva


pandaiva
ndakamira.Ndakashaya kuti
vaiva vatadzirana chii chaiko
namudhara.Vaitondivhiringaw
o zvangu kufunga nhau
dzangu.Ndichipinda mumba
ndakabva ndasangana navo
padoor zvikanzi,"Wabura new
one manje?"

"Chii futi
mhamha?"Ndakabvunza
vachibva vati,"Hauna kuti
wakangonyengedzwawo
nezuva rimwe chete Sarah?"

"Ndizvozvo mhamha."
"Chindiudzawo kuti zviri
kufamba sei nokuti tete
varikuti kune munhu wako
kuBindura."

"Ndiri kutopererwawo
mhamha ini vandifonera
vachiti arikuda kuroora asi ini
handisi kuda zvangu ndine
mukomana wangu wandoda
anonzi Beaven."

"Wanga watoda umwe


mukomana zvarini
Sarah?Munhu achangobva
pahuzvere manje manje."

"Tanga tagara tichidanana


mhamha."
What?"

"Yes mom apa arikutodawo


kuroora kungoti ini ndini
ndanga ndamuti ambomira
nokuti ndoda kumbopedza
kudzidza."

"Ko baba vaJunior?"


"Tosangana pamwana mom
hapana iripo pakati pedu."

"Haurevesi.Iye Bee wacho


anoziva here kuti une
mwana."

"Aiwa mhamha,papi
pandichamuudza
zvakadaro.Better aizozviziva
aroora hake."

"Ukati dzako dzirimo here


Sarah?Uri kumbonzwa zvauri
kutaura here?"

"Saka moda kuti ndiroorwe


nemumhu wandisingadi
mhamha?Zvichibuda here
izvozvo?Tete ngavaudze
munhu wavo kuti handisati
ndada kuroorwa.Aimbovepi
pese apa ndichirwadziwa ndiri
ndega nenhumbu.Hantie
aingopa maexcuses mhamha
moti ndinogara nemumhu
akadaro never."

"Hupenyu mwene waho


Sarah.Uri umwe dai
wasarudza baba vemwana
wako.Chero ukanzi waroorwa
nemunhu anokuda
makatanga wanano yenyu
nenhemha hapana
zvamunenge muchiita.Pepuka
mwanangu Sarah."
"Kwete mhamha Bee
anondida ndiye aripamoyo
pangu."

"Heya."

Vakabva vaenda kobika


mukitchen vachindisiya
ndakangoti
tumbi.Ndakanopinda muroom
mangu tried to call Bevean
ichibva yaramba
kupinda.Ndakaramba
ndoedza asi
yakarambisisa.Kana kudya
musi uyu handina.Hope
chaidzo dzakaramba
kubata.Ndakamuka ndikagara
ndokufunga kufonera Tell me
ichibva yaramba
zvakare.Ndakazongozvikanda
ndokuzobatwa nehope.

The following day ndakaenda


kuchikoro asi pfungwa
dzangu dzaiva dzisina kana
kugadzikana.Ndakanonokerw
a nekudzokera
kumba.Patakazobuda tried
number dzaBee dzikaramba
ndakazongoisa iri
message,"I'm ready Bee now,
zvechikoro ndozopedzisa tave
kugara tese."Ndakasender
ndichibva ndananga
kumba.Uko kwandakasvika
mudhara
ariko.Ndakavamhoresa
ndokufamba ndichienda
kuroom Kwangu vachibva
vandidzosa.

"Tete vako vanga vari


pano.Vauya neshoko
rekuroorwa kwako nababa
vemwana wako.Saka
ndazvifarira kuti binga rako
rakurangarira."

"Mazvifarira?"Ndakabvunza
ndichitoshamisika nazvo
vachibva vati,"Ko zvakaipei?
Munhu ndewekuziva murume
mumwe chete kwete kuzadza
imba nemitupo yakasiyana."
"Ndine mukomana wangu ini
dad arikutodawo kuroora."

"Chii?"

"Mukomana."

"Ukati haundishure?"
"Zvobatsirei dad kuroorwa
nemunhu wandisingadi."

"Unonodzidzira kumuda uri


ikoko.Baba Junior ndivo
vako.Hakuna umwe murume
wako wandichatambira pano."

Ndakabhidhaira ndichienda
kuroom Kwangu ndokusvika
ndichizvikanda pabed.Hapana
akauya kuroom Kwangu kana
umwe chete
zvake.Ndakatanga kufunga
zvino ndipo pandakafunga
plan.Papi pacho pandaizoda
kugara nemunhu
wandisingadi.Ndakatanga
kurongedza hembe dzangu
shoma chaidzo mukasetchel
kekuchikoro.Chandaiziva
baba vangu vaiva
chandagwinyira.Vaitoitambira
shuwa pfuma yake Tell me
ndikaita zvekupusa

Kwaiva kusati kwasviba


zvako.
Ndakanyahwaira ndokubuda
neback door ndini uyu
kukwira durewall
ndokusvetukira
kunze.Ndakatanga kufambisa
ndakananga kumba
kwaBee.Kwaisambova kure
zvakanyanya.In hours time
ndaiva ndasvika.Pailoja Bee
yaiva imba new one zvekuti
yanga isai yanyatsopera
zvakanaka saka
ndakangosvikovhura door
repa passage ndokunanga
kuroom kwaBee.Ndakaita
lucky door raiva risina
kulokwa ndakangosvikoti
bherengende kunodai sandi
shura raiva mberi
Kwangu.Ndakabata hana
yangu ndikatura befu
ndikati"Bee une shuwa
here?Ndati une shuwa here
Bee? Kubva wandidai shuwa
Bee une chokwadi."Misodzi
yaiva yongoerera yoga kuita
katubu kadiki chaiko.

"Ndiye musikana wawanga


uchitaura babe?"

Ndakavhura ziso ndichiedza


kuda kuziva kuti aiedza kuti
chii musikana aiva mberi
kwangu uyo aiva akapfeka
kanight dress kaiperera
pakanotangira.

"Ehe ndiye."
Akabva aseka musikana uya
achienda paiva naBee
ndokusvika achimupuridzira
tundebvu twake.

"Ndoipi iyi Bee yamuri


kutamba mberi kwangu."
"Yauri kuona shaa.Ndiye
musikana wangu wandiri kuda
kuroora.Hama dzese
dzakutoziva about us."

"Ko ini Bee?"

"Kudii kwako nhai


Sarah?Handikude ini ndinaye
wangu Pee wepamoyo uyu."
Ndakayeredza ndainzwa
kupiswa pamoyo pangu.Dai
aiziva hake madiro
andaimuita Bee handifunge
kuti aindidaro ini.Ndakapusa
chaiko ndikaerekana ndatora
kabag kangu ndokukweva
makumbo ndichienda.Ndipo
pandakaona kuti message
yangu yaiva yapindurwa
naBee yaiva yakanzi,"Sorry
zvako ndozviripo
handingarambi babe wangu
ane nhumbu nekuda kwako."

End of chapter 8

More comments more

SHARE KOMBONI LIFE


GUYS ifree book
[4/20, 11:25 PM] K.Khums:
https://chat.whatsapp.com/Gg
qqWr9SjudKAyxnkrVIXy

KOMBONI LIFE

Short story written by Amai


Mimie (K.khums)

0782 818 892


0716 622 299
Chapter 9

Ndakagara pasi
ndikanyatsodzamisa
pfungwa,ndakatanga kufunga
kuti purazi,vashandi,baba
Taonga zvikandipa mubvunzo
yakawanda kwazvo.Kuti nditi
girlfriend
zvakandirambira.Nemakore
andaiva ndagara nababa Dee
ndakanzwa zvichindirambira
kuti munhu uyu aiva wechidiki
hameno sei zvakandipa
kufunga kudaro.Ndakatarisa
zvinhu zvaitaurwa kuti vaiva
nazvo zvacho
zvikandirambira.Kureva kuti
mari ndiko kwayaienda here
pese apa?Nhasi
ndakuzopihwa mari nokuti
vapedza kuita zvine
musoro.Ko ini ndinei
chinoshamisira hangu.Iyo
imba yakavakwa ikaiswa
muzita raDee dangwe redu
kureva kuti pamakore ese aya
muripo wangu kwaiva
kuzvindikitwa bedzi senyoka
yapinda mumba.Maronda
nemisodzi ndiwo waiva
muripo wangu pamakore ese
aya atagara tese.

Handina kumbowana rugare


kubva zvandaroorwa
zvachose.Kana dziri hama
dzemurume ndaingoziva vana
tete vaviri nevanin'ia wavo
vaviri zvakare.Amai nababa
zvinonzi vakashaya karesa
panguva yehondo
chaiyo.Handina wandakaona
zvinonzi kana hama dzababa
vavo dzakaparara
ipapo.Vachitaura vanoti
vakakura dziri nherera
pakaroorwa vasikana
vakomana vakabva
vatangawo kuita zvavo
kusvika varoorawo ndokuita
misha yavo.Kumatongo
hapana akazombogarako
vanga vakurarama life
yemutown muHarare ndimo
mavari.Baba Dee vakabva
vasarudza kuvakira kuno
kwatiri kugara kunonzi
kuWhite Cliff iri pakati
peGlendale
neConcession.Pakavakwa
imba yakanaka kwazvo
zvekuti wega unoramba kuti
takakomberedzwa
nezvimapurazi zvemanga
manga.Ndakatombobvunza
chikonzero chaiva chaita vade
kusiya hama dzavo
kwataimbogaa kuChitungwiza
kunova ndiko kwakayarukira
vana vangu.Vakabva
vanditi,"Kugara
wakakomberedzwa nehama
kounza ruvengo,makuhwa
nenhema.Hukama hunoda
vanhu muchishanyirana
ndokuti rudo rwurambe
rwuripo pakati penyu."

Semunhu aisapihwa mukana


wekutaura zviri pamoyo
ndakangofira
mudundundu.Ndaiida kwazvo
kugara kuChitungwiza
zvakare mastands aiwanikwa
imomo saka handina kuona
chikonzero chekusatenga
imomo.Asi ndaizoitawo sei ivo
baba vataura.Ndiko kwakava
kuuya kwedu tichizogara kuno
kwatiri nhasi.Ko ndaizivei
hangu kuti baba ava vane
nhau dzavaitiza.Iye zvino
ndakunzwisisa chikonzero sei
vaisada kuti ndishanyire
hama dzavo.Taiti tikashanya
vanhu vaifunga kuti zvimwe
ndakadyisa murume
vachingova mujinga
mangu.Zvaindinetsa kwazvo
asi handina kumbofungira
nhau yakadai iyi.

Ndakagara pasi ndokubata


rushaya ndikatanga zvino
kudzeya nhau dzangu.Zvanga
zvakaoma mufunge
munogona kuva nemubvunzo
kuti ko sei ndaitadza kana
kutiza pese
pandaishungurudzwa asi
kutiza hunge une kwekuenda
kana kwekutizira.Ini ndanga
ndisina wandinaye
ndakakurira kuorphanage
sekuziva kwenyu kana
watoyaruka ukangobuda
zvavharana.

Zvisinei ndainzwa hasha


dzakavandudzwa zvekuti
ndakada kufonera hama
dzemurume wangu
ndichivabvunza kuti sei
vakasarudza kundidaro
shuwa,asi ndakatya kuti kana
yaizobuda ndaisara
pamhene.Ndaivada vanhu
vemumusha umu hapana
wandaisaudza asi zvakaenda
nepamwe.Kana vabereki
vangu vakandisiya
ndichangobarwa sekurehwa
kwazvo ndiani
wandingapomera mhosva
hangu pakadai.Ndakazoona
kuti ndogona kudonha nebp
ndikasiya mwana wangu
Junior.Ehe ndoto muti wangu
ko ndingadii iye Sarah wacho
ane muchiuno
sabambo.Hapana pain
inorwadza sekungoziva kuti
kudivi kune umwe
mukadzi.Kungoziva kuti sinhi
raunenge uchinzi svisvina
sechihwitsi rabva
kusvisvinwawo neumwe
munhu.Only a woman can
feel my pain akambozviitirwa
anogona kundinzwisisa it
hurts asi varume vakatiroora
ava havakwanisi
kuzvinzwisisa nokuti vanoona
sezvakanaka
chose.Kuvakadzi zviriko
zvakare asi ukaona anoda
kunyudzwa stereki ritoriwo
shavi zvaro rakamugara
hapana kunaka kwazvinoita
uchiziva kuti murume wangu
arikushereketa kunze.
Zvisinei ndakatora phone
yangu ndokufonera muzukuru
wangu uyo aindida
kwazvo.Ndaiziva kuti
ndikamubvunza zvakanaka
anoerekana abomoka
chete.Ndizvo zvandakaita
ndikanzwa achiti,"Gogo
makundiomesera zvenyu the
truth is l can't choose
between the two of you vana
gogo vangu nokuti mese
makandikoshera.Asi zvakare l
was waiting for this day kuti
mutaure nyaya yenyu mega
pasina kuudzirwa.Ichokwadi
sekuru vane umwe mukadzi
mukuru kwamuri."

"Saka purazi rakatengwa


rini?"Ndizvo
zvandakamhanyira
kubvunza.Ndaiva
ndakutonzwa kubaiwa
pamoyo asi ndaisada
kunzwikwa paphone pacho.

"Purazi chete here gogo,vane


zvinhu zvavo gogo vangu
ivavo ndivo vakatondidzidzisa
kusvika pandiri nhasi kuti
ndizive China ndivo gogo mai
Taonga."

"Urikuedza kuti chii?"


"Ndiri kutaura chokwadi gogo
chekuti kana sekuru
havakwanise kukuudzai.Asi
ndingaita sei
handingakusarudzei nokuti
hamuna zvina gogo mai
Taonga hazviite.Ndokudai
mese nokuti makandikoshera
gogo."

"Ko wakadii kundiudza nhai


Shelter muzukuru?"

"Ndanga ndakamirira zuva


sairori gogo kuti nditaure."

"Saka mhuri yose inozviziva


here?"

"Ehe vanozviziva asi sekuru


munovaziva imi kana vati
zvakati hazvitaurwe
zvatovharana."
"Saka chii chakupa kuti
utaure nhasi imi makanzi
musataura?"

"Nokuti ndimi mandibvunza


dai mangonyarara
ndaingonyararawo."

"Saka zvakatanga usati


watomboberekwa ka iwe."

"Hongu gogo."

"Saka ndiri mukadzi wechipiri


nhai Shelter?"

"Ehe gogo ndizvo zviripo."

"Ko mukuru wacho anoziva


here kuti ndiriko?"
"Handifunge ini kuti
vanozviziva vanenge vatoriwo
murima."

'Waita hako muzukuru wangu


usavaudza sekuru vako kuti
ndakuziva secret yavo
wanzwa."

"Don't worry gogo


handitaure."

Ndakatura befu ndikaerekana


ndati,"Inga zvakaoma."Vanga
vandigura kunorira baba
ava.Shelter aiva muzukuru
wavo mwana wasisi
vavo.Aiva achangobva
kugraduater pahudhokota
kumhiri ikoko.Zvaitondinetsa
kuti ndianiko aimudzidzisa
nokuti tete Mari chaiyo baba
vasina.Handina kuziva kuti
pane secret behind his
success.Ko vakatadza neiko
kutaura chokwadi ndakaziva
pane kundirwadzisa
kudai.Ukashaya vabereki
shuwa vanhu vanokuita bhora
rechikweshe.Pese apa
ndainyeperwa hangu munhu
achiti arikubasa iye achigara
navahosi.Chokwadi Giribheti
denga haapinde.Pfungwa
dzangu dzanga
dzatovhiringika
mufunge.Ndakaona wangu
Sarah chaiye achitorasika
chaiko.Zvese izvozvo vaiva
baba vacho.Zvimwe dai
vakandipawo mukana saamai
wekumuraira aigona kuita
zvine musoro.Zvino
handifunge kuti kana kunyora
kwacho aikwanisa ini.Regai
zvinzi mapudzi anowira
kusina hari shura.Aigona
Sarah zvekuti kana neni
ndakatoona kuti Mwari
vakashaya pekuisa havo
ruzivo.

Pakasvika baba vacho kubva


kumukadzi wavo mukuru ehe
regai ndidaro nokuti munhi
aiva paleave saka hakuna
kumwe kwavaiva kunze
kwaikoko.Only God knows
kaavaigara chaiko.Ini ndaiva
ndanzwa kuKomboni
kwaChari asi sevanhu vanzi
vane mari dzavo obvious
kugara kuKomboni inhau
yepurazi ravanaro.Vakasvika
vari mugood mood kwazvo
ndikaziva hangu kuti vaiva
vapihwa vakadzvova
kwavahosi
vavo.Vakazobviswa
mumooda natete vakasvika
vachitaura zvekuroorwa
kwaSarah.Iye Sarah wacho
akati ajamuka hake.Aisada
kuzvinzwa zvababa vemwana
wake hameno kuti sei?Zvino
baba vake vakaramba
vakatsika chepakati kusvika
ashaya kana kwekutizira
chaiko.

Remangwana acho
akanonoka kumuka zvekuti
ndini ndakazoita wekumutsa
ndoshaya kuziva kuti sei asiri
kuenda
kuchikoro.Ndakamubvunza
achibva ati,"Moda kuti
ndirambe ndichiita zvechikoro
imi mawirirana Kare kuti
ndiroorwe modakuti ndiite sei
chaizvo nelife yangu?"

"Unobvunza ini
manje?Akatanga nazvo
ndiani?Zvakaipei kupa
murume wako second chance
sezvo achikuda.Haana
kukuramba arikutoda kubvisa
pfuma kuratidza kuti arikuda
kugadzirisa mistake yake
saka Zvakaipei?"

"Handimude ."

"Saka urikuda kungokumurira


munhu wese bhurugwa
ndizvo zvauri kuda?"
Ahana kupindura akaramba
ari zii ndichibva
ndati,"Wotonosarudza
machira kwamai Musonza
musonese madress ezambia
nokuti kuroorwa ndiko kwauri
kuzoita pamwe ungadzikama
ukazivawo kuti une murume
nemwana."

"Haana kupindura zvakare


ndakabva ndamuti,"Uri nani
iwe watowana anokuda
nemoyo wese anods kubvisa
pfuma.Vamwe vana
varikungoenda
Sarah.Wozadza imba asi
uchingochaya mapoto
chete.Iye anobvisirwa
tsvakirai kuno ari nani vamwe
vabereki vanochema
vachishuwira kudyawo mari
yemwana asi zvinongova
zviroto bedzi.Bvisirwa ufadze
mai vako mwanangu pamwe
ndikadyawo mombe yangu
yeumai ndinoona
chandakafira makore ose
aya.Handina chinoti changu
kunze kwemapureti fadzawo
amai vako."

Ndakasara ndopedza kutaura


ndakuyeedza misodzi
ndikanzwa oti,"Ichiri nhau
yekuramba kwamgu kuroorwa
here mhamha kana kuti pane
zvimwe?"

Ndakadzungudza musoro
ndikati,"Ndodawo kuona
mwana wangu achienda
nenzira kwayo Sarah, please
ndifadzewo mwanangu
usatendera Satan
kukushandisa.Mwari
vanokuda vakupa mumwe
mukana wekuti ugadzirise
pawakareswa."

Akanditarisa achibva ati,"It's


okay mhamha kana zviri izvo
zvamunoda ndoroorwa hangu
nababa Junior."Ndakaeredza
misodzi yemufaro
chaiyo.Zvaiva Nani kana
Junior aizoenda kurudzi
rwake nokuti pandigere
chaipo handina kuona future
yake zvachose.
End of chapter 9

Share ,share ,share ipaiwo


vamwe guys
[4/20, 11:26 PM] K.Khums:
https://www.facebook.com/gro
ups/548448597213044/?ref=s
hare

Follow my Facebook page


Join what'sapp group
https://chat.whatsapp.com/Gg
qqWr9SjudKAyxnkrVIXy

KOMBONI LIFE

Short story by Amai Mimie


(K.khums)

0782 818 892


0716 622 299

Chapter 10

Ndaisaziva kuti unogona


kungoshandiswa nemunhu
achikuitisa,okubealivisa kuti
muri murudo yet hapana iripo
anenge achikushandisa
bedzi.Ndaiva ndatova
nenguva ndichifunga kuti ndiri
murudo naBeaven handina
kuziva kuti ndaidanana
ndega.Moyo wangu wakaita
mabvaru- bvaru ndichiona
umwe mukadzi mumba
make.Ndaifunga kuti ndodiwa
nezvose zvake chaiko
kusaziva kuti l was blinded by
love ndichitadza kuona his
true colours.Ndakamupa
zvose zvangu zvandaifunga
kuti ndirwo rudo.I still
remember zuva randakaziva
murume zvaisava nyore
zvachose. Ndaifunga kuti
ndirwo rudo rwacho not
knowing
ndaingoshandurudzwa
anodiwa achikosheswa.

Ndakakweva makumbo angu


ndichibva pamba
pavo.Zvekuti kunze kwaiva
kwasviba handina kuzviisa
kumusoro.Ndaingofamba
ndichiita kunge hwai
yarasika.Ndakaedza kufunga
kuti hupenyu hwangu
huchazovei chaizvo Bee
asisimo mulife mangu
ndikaona zvichindiremera
kurarama pasina Bee.Moyo
wangu ndaiva ndamupa
akaita zvaanoda
nawo.Ndaisaziva hangu pain
yekurambwa this was too
much to
handle.Ndakanyatsoshaya
pandaiva ndatadza chaipo?
Ndakasvika kumba
ndokungozvikanda pabed
hope dzichibva dzambonetsa
kubata.Ndakazongobiwa
nadzo ndokumuka
kuseni.Ndakatanga zvakare
kurangarira zvaiva zvaiitika
the previous day ndikanzwa
moyo wangu kubanda
kwazvo.Ndakaedza kuda
kuzvirasira kure asi
zvairamba.Amai vangu
vakazouya muroom mangu
begging me to marry
Tellme.Vakaita kusvimha
misodzi chaiko
ndikatoshayawo kuti sei
vaidaro.Ndakazovanzwisisa
hangu patova paya asi ini
wacho moyo wangu pana
Tellme waisambovapo
zvachose.Hongu yangu
yakapa vanhu action,hazvina
kuvatorera nguva kupa
vakwasha date.

Munguva pfupi iyoyo hembe


dzezambia dzaiva
dzasoneswa kare.Paivawo
nezvimainini zvinin'ina zvangu
ndivo vaitomira mira ini
mumoyo
ndaitova nemarwadzo
ekusiiwa ndaakatemba
naBee.Zvaisava nyore
kwandiri ndaiva
ndakutongoitira kufadza amai
vangu chete zvimwe zvese
ndaisava nebasa
nazvo.Ndakazofonerwa umwe
musi natete kuBindura
ndichibva
ndaenda.Ndakashamisika
ndichiwana Tellme ariko
ndikatarisa tete avo vakabva
vati,"Hanzi hamusi kudaira
macalls abamnini ndiko saka
ndakufonerai mainini."
Ndakadzungudza musoro
ndokunogara
pasofa.Ndikati,"Makadii,tete
nabamkuru?"

Vakadaira ndichibva
ndangonyarara tete ndivo
vakazoti,"Ko hubby wedu
hamusi kumuona here
mainini?"Ndakaramba
ndakanyarara zvangu ndipo
pandakaona Tellme
achisimuka.Akauya
akapfugama mberi kwangu
achibva ati,"Sorry babie
wangu ndozviziva kuti
wakatsamwa chaizvo
ndosaka ndauya so that l can
rectify my
mistakes.Ndakabhaiza paya
sweetie wangu.Confusion
chaiyo yekutya
maresponsibility ndiyo yaiva
yandibata ndakapotsa
ndatofira kumakomba ndipo
pandakaona kuti life is too
short.Waindigunun'unira
babie ndosaka ndanga
ndapinda mutsaona.Ndaisada
kukurwadzisa believe me
babie ndotokuda nezvese
zvangu chaiko.Apa ndauya
ndese kuzotora mhuri yangu
ndokuda Sarah."
Ndakatanga kuimaginer ari
Bee ndikaerekana
ndamumbundira
ndakanyatsozorora mumaoko
ake.Ndakabva
ndati,"Ndokudawo
Bee."Akandibvisa zvishoma
nezvishoma achibva
anditarisa zvikanzi,"Who is
Bee?"Ndakanzwa hana
yangu kurova,ndikacheuka
vanhu vese vaiva mumba
ndikaona vakavhura maziso
avo kuratidza kushamisika
kwazvo.

"It's you of course."Ndakadero


ndichinyemwerera achibva
ati,"Me?"Ndikati,"Yes baba
Junie you are my beloved.Dai
waiziva hako kuti kunyarara
kwako kwaindishungurudza
sei usina kugara
wandinyararira kudaro.I do
love you please usafa
wakafunga zvekundisiya
zvakare."

Ndakadero ndichiedza
kuvhara mabiribobi angu apo
misodzi yaiva yatojenga
mumaziso.Only God knows
munhu
wandaichemera.Akabva
aburitsa ring
zvikanzi,"Ndaikufunga babie
pose pandaiva.Hope
dzairamba kubata ndichifunga
iwe chidochemoyo
wangu.Kugadzikana chaiko
ndaitadza ndichiedza
kubatanidza kuti urikuita sei
ndisipo.Pafair l wasn't sure at
first kuti ndiwe wangu here asi
Mwari vakaita sekuda kwavo
and made me realize that you
are the one for me.Ndokuda
Sarah wanzwa."
Ndakagutsurira musoro apo
aiva akabata ruoko rwangu
zvikanzi,"Sarah Chawaipira
will you marry me?"

Ndakafaker smile
ndikati,"Ndakabvuma kare
wani nhai?"Akabva
ati,"Wakabvuma kuhama
dzako kwete
kwandiri."Ndakasekerera
ndichibva ndati,"Yes l
will."Ndakadero ndichitarisa
kuna bamkuru avo vakabva
vatsinatira pasi.Vaionekwa
kuzvimba chaiko ndoshaya
kuti sei vaitsamwa kudaro
nhai.Tete vakatanga
kuombera maoko ndikanzwa
voti,'Dad mainini vadadisa
womberai maoko kani."

Vakaseka nhema
ndokuomberawo.Havana
kuzogara muroom umu
vakabva vabuda ndofunga
vakananga kuroom
kwavo.Takasara tichitaura
hedu nyaya Tellme
achibvunza about Junior
ndakabva ndangomuratidza
maphotos ndikaona
akudonhedza misodzi
zvikanzi,"Ndakanzwa kuti
wakasununguka wega hauna
kuita macomplications here
babie?"
"Handina ini nditori bho
zvangu ndakatomurumura
ini."

"Whaaaat?"

"Yes,haachayamwe."

"But why nhaiwe kurumura


rusvava rwakadai?"Akadero
tete vachibva vasimuka
ndokubuda panze ndichibva
ndati,"Asi wakanganwa here
kuti wakandipa nhumbu
ndichienda kuchikoro Tellme."

"Ndozviziva waingoenda
kuchikoro wodzoka
uchiyamwisa ka."
"Ndoenda kuchikoro
ndichinhuhwa mukaka
manje?"

"Ko zvine basa here


Sarah?Ndiwe amai vaJunior
izvo hazvichinje shamwari
waingofanirwa kuzvitambira
sezvandiri kungoitawo.I don't
know yet kuti mwana
ndewangu here kana kuti but
l'm willing kukuroora wani.Ko
iwe wakatadzawo kungoita
sacrifice here?"

"Zvakakuomera Tellme saka


uri kutoedza kuti mwana
haasi wako kauyu?"

"Handina kudaro babie ndiri


kuedza kusimbisa point
yangu."
"Zvino zvaunodai tisati
taroorana nhai Tellme.Ko
tikazogara tese zvobuda
here?Nokuti wakawana
ndisina kuzara wakuita
madoubts nemwana wako
here?Kana usingadi handisi
kukumanikidza shamwari ita
zvoda moyo wako kwete
kuudzirwa zvekuita."
"Chinzwa zvawave kutaura
manje."

"Ndicho chokwadi Tellme


handidi kusekwa nekuda
kwehurema hwangu.Kana
uchifeeler kuti haasi wako
ngatizvirege."

"Ndizvo zvandataura
here?Ndiri kusimbisa point
chete ini."
Akazondinyengerera kusvika
takunzwanana paya.Hameno
Mwari ndivo vanoziva zviri
pasi pemoyo wake.Tete
vakadzoka vakagara ndipo
pandakabuda ndoenda
kubath.Ndakaita zvandakaita
ndakubuda ndokuwana
bamkuru vakamira
padoor.Vakabva
vangondisundira mukati
ndokuvhara door.

"Ko ndeipi iyi mukuedza kuita


sei?Hunhuyi nhaimi?"

Ziso ravo raiva rakaita


kutsvuka kuti piriviri
ndakashaya kuti sei?Vakabva
vati,"Mauya kuzoonererwa
pamba pangu nechimunhu
chako manje l won't allow it
Sarah wanzwa?"
"Mukuedza kuti chii?"

"Uri wangu iwe chero


ukaroorwa unoramba uri
wangu hazvichinje."

"Hezvo nhaimi,seiko
musingadi kundiona
ndichifara imi?Inga
makandiramba wani saka
makudei?"

"Mwana mukomana newe."

"What?"

"Yes,ndiri kumuda kubva


kwauri hantie tete vako
vazvitadza iwe ndiwe
muzukuru wacho unofanirwa
kubatsira tete
vako.Ndakaroora kaini saka
hapana choramba."

"Makaroora ini here kana kuti


tete?"

Vakaseka zviya zvekusvotesa


chaiko.Vakaswedera pedyo
neni zvikanzi iti ,"Pweee
ndizvivharise izvozvi
zvekuroorwa kwako."
"Hakuna zvakadaro bamkuru
why mune hutsinye imi?"

"Handina hutsinye mhani iwe,


l want what is mine chete."

"Handisi mukadzi wenyu ka


ini?"
"You are mine Sarah."

"Leave me bamkuru ndisati


ndascreamer."

"Let me scream for you babie


wangu tigoona kuti
zvofambiswa sei?"
Vaitaura vachiita
kundidzvanya mazamo
angu,uku vachimanikidza
kundipa tsvodi pamusoro
pazvo vakaita
kundidzvanyirira
pamadziro.Ndaiedza
kuzvibvisa pavari asi
zvairamba."Dzikama."Vakaze
vezera munzeve dzangu
ndikaramba ndichirwisa
zvikanzi,"Dzikama ndingoita
ndipedze hantie ndakuudza
here kuti ndoda mwana
mukomana newe.Any silly
mistake tobatwa zvikadhakwa
relax ndiite zvandoda nguva
yawapinda muno yareba
tikabatwa chete tose taruza
asi kunyanya
iwe.Uchavengana natete vako
forever ini ndogona
kungokumbira ruregerero
zvoita.Ko iwe?Ko
kamukomana kano kanobva
katoenda nepfuma
yako.Hausi mhandara iwe
kotama ndikupe kudya
kwaunodisa mhani."

End of chapter 10

More comments more

Please share
[4/20, 11:27 PM] K.Khums:
https://www.facebook.com/gro
ups/548448597213044/?ref=s
hare

Follow my facebook page

Join what's app group

https://chat.whatsapp.com/Gg
qqWr9SjudKAyxnkrVIXy
KOMBONI LIFE

Short story by Amai


Mimie(K.khums)

0782 818 892


0716 622 299

SHARE,READ AND
COMMENT

Chapter 11
Ndakakandirwa katowel kaiva
kanyoro kuratidza kuti vainge
vagara vakazvironga zvavo
bamkuru.Ndakatora
ndokutanga kuzvipukuta ,for
the first time kunzwa
kuzvisema muviri
wangu.Ndakavatarisa
vachibuda vachindisiya
ndakagara pasi.Mashoko avo
ndiwo andaitotadza
kubatanidza kuti vaiedza
kurevei?

"Urimukadzi wangu iwe,ndoita


zvandoda newe kana
zvakurwadza stereki enda
unobvunza baba vako kuti sei
zvichidaro."Ndakashaya kuti
baba vangu vaikwana papi
panhau dzangu na
bamkuru.Ndakaedza kufunga
ndokuzongorangarira mazuva
apfuura ndisati ndatomboita
nhumbu yangu.Baba vangu
ndivo vaitondituma kuenda
kwatete.Holiday ndaipedza
ndiriko ikoko vaisambobvunza
zvachose.Uye vaisava
nedambudziko
nazvo.Ndakaedza chose
kubatanidza nhau yacho asi
ndakatadza kunzwisisa.

Mazuva acho ndaiti kudiwa


nabamkuru not knowing
chavaida mwana chete.Tete
vaiva vanonoka kuita pamuviri
ini semunhu aiva akavhurwa
kare uye ndakuziva
kudzivirira.Ndichienda
kwabamkuru ndaitonwa
mapiritsi kuti nhumbu
isabata.Vakasvika pakuzvipa
mhosva bamkuru kuti ndivo
vaiva
nedambudziko.Pakabata tete
vangu nhumbu vakabva
vasiyana neni.Vakufarira
mwana handina kuziva kuti
zvichadzoka zvakadai
sezvizvi.Vanga vakuita
yavafunga panyama
yangu.Kundiona neumwe
munhu vaisatomboda
zvachose.Seipapa
ndakashaya kuti ndoridza
mhere here kana
kuti?Chandaisada kurwadzisa
tete vangu
zvachose.Zvekuzvarira
bamkuru mwana kwandiri
yaiva no kubvira
kare.Kwaingovawo kufadza
nyama yangu behind aunties
back,handina kuziva kuti
zvingasvika pakadai.Regai
zvinzi ukaita chakanaka
wazviitira.Ukaita chakashata
wazviitira zvakare.

Vakandirova zveshuwa vaiita


kugomerera chaiko apo ini
wacho ndainzwa
sendinotsva.Zvinongodawo
muchiwirirana kuti
zvinake.Yaiva ndomene
iyi,hapana
wandaichemera.Ndini ndaiva
ndavatendera kuita
zvavanoda nenyama
yangu.Ndakapukuta misodzi
ndokuzogadzirisa ndichibva
ndabuda ndakananga kwaiva
nana auntie.Ndakawana
vachitodya zvavo ndichibva
ndapihwa changu chikafu
ndikachiramba.

"Ko hanzii mainini?"

"Mudumbu tete hameno kuti


ndaita sei?"

"Saka modyei manje?"


"Don't worry auntie ndoita
zvedrink chete."

Ndakadira juice raiva patable


ndichibva ndatanga
kunwa.Pfungwa dzangu
dzaiva kure
kwazvo.Ndakatanga
kurangarira zvakawandisa
ipapo.Bee ndaiva ndamupa
moyo wangu akautsonda
tsonda.Ndakabvuma
kunyengedzwa bamkuru apa
chatova
chijairira.Pavandionera chete
vanotoda kupinda pakati
pemakumbo
angu.Ndichazovei chaizvo
kana vanhu vachindibata
neseri kweruoko kudai.

"Babie are you


okay?"Ndakabviswa
mundangariro dzangu
naTellme ndikati,"Not okay
honey mudumbu mangu
ma1."

Tete vakasimuka ndokudzoka


vakabata mapills
zvikanzi,"Inwai hamungafi
muri pamba panurse."

"Taurai zvenyu
auntie."Ndakatora ndokunwa
vachibva vati,"Murikurara ka
mese nhasi pano
ndozokuonai mangwana ndiri
panight shift."

"No tete pane zvandoda


kunobatanidza kumba
mazuva afamba aya."Akadero
Tellme,tete vachibva vati,,

"Ko mainini?"
"Handisi tete kana neni ndine
zvizhinji zvoda kuitwa
kumba."

"Maisara nevana nabamkuru


venyu kani ,ndanonoka kuti
ndivabikire handichakwanisi."

"Aiwa tete ndiri kuenda ini."


"Mainini musadaro kani."

"Ndiri kuda kubuda nemunhu


wangu tete anodarika
achindisiya pamba
achipfuurira kwavo zvepano
aiwa sorry tete vangu.Nhasi
vanoita plan vega bamkuru
kana kuti vanodya out."
"Maramba shuwa."

"Asi hamuchatyi kuti ndogona


kukutorerai honey wenyu here
tete?Muchiri kurangarira
pandauya paya
makandipupira furo musati
manzwa nyaya yangu."

"Ndaitamba paya kani dear."


"Vanoita plan tete regai
titofamba isu."

Ndini ndakatooneka
ndokubuda takuenda
naTellme.

"Dai wangosara babie


hako.Wakuita kunge
wasarudza ini over tete vako."
"Asi hauna kundisuwa here
nhai Tee?"

"Ndakusuwa babie asi,,"

"Saka handei.Ko dai ndisina


kuuya vaiita sei ngavatsvake
maid."
"Ngaipere saka."

"Better."

Takafamba ndokuwana
chimota chakatisvitsa
muGlendale.Takadzika
totsvaka chimwe ndipo
pakanzi naTee,"Babie l can't
wait kuona kamwana kedu."
"Kwasara mazuva mashoma
kuti umu one."

"Yeah,l can't believe kuti


ndatova nemwana.Ko Dee
arikuzviziva here kuti ndini
baba vaJunior."

"Haasi uya kubva


zvandasununguka haana
kumbouya asi anoziva hake
kuti kune muzukuru."

"Dai akasakonzeresa musi


weroora hake."

"Aaah pane chorovesa here


apa?"

"Haisi nyore kuroorerwa


hanzvadzi yako neshamwari
shaa."

"Achatozvigamuchira ndizvo
zviripo.Ndipo pandichamedza
Junior here nhai veduwe."

Takazokwira kamwe kamota


Tee ndokudarika achindisiya
pedu paWhite cliff achibva
adarikira kuenda
kwavo.Pfungwa dzangu
dzakabva dzadzokera
kumashure kune zvaiva
zvaiitika kwatete.Ndakatoona
kuti kuroorwa ndiko kwega
kwaigona kundibatsira asi
ndaida kuziva kuti sei
bamkuru vaipinza dad
munyaya dzedu.Kuti dad
vane chekuita here nekurara
kwangu nabamkuru.Kuti pane
zvavakataurirana here
zvandisingazivi ini?Yaingova
mibvunzo yaitenderera
mudzoro rangu ichishaya
mhinduro.Ndaizobvunza amai
vangu zvimwe pane
zvavanozivawo nokuti hapana
munhu paangabheja kuti
haandisiye chero zvotsvuka
seropa vabereki vangu vasina
chavanoziva.Yes we did slept
together pakutanga mushure
mekunge ndatengerwa phone
yandaida pabirthday rangu.I
was drunk musi wacho
zvekuti bamkuru took
advantage of me.Asi
zvakazongoramba
zvodzokorodzeka.Pandakaziv
a the reason why ndipo
pandakatsidza kuti
ndaisazobata nhumbu chero
zvidii?But now matauriro avo
bamkuru seems pane nyaya
chete,asi ndeyei?Zviri kubva
nepi zvichienda nekupi?
Ndakawana mhamha vari
busy zvekuti ndakatadza
kutaura navo.Vaisabatika
zvachose.Zuva rekuroorwa
kwangu rakaze rikasvika
ndisina chandataura
navo.Ndakazongozvisiya
zvakadero ndaizobvunza
umwe musi.Dee hanzvadzi
yangu haana kukunda kuuya
aiva abuda kuenda kunze
kwenyika nebasa.Mudhara
wangu nevamwe ndivo
vaizotamba nyaya
dzangu.Vaifara mudhara
wangu zvandakatadza kuziva
kuti mufaro wacho waibva
kupi chaizvo.

"Wazvipira here Sarah


kuroorwa naTellme?Hatidi
kuzonzwa dzimwe nyaya
dzobuda waenda kumurume
wako."
"Aiwa tete ngazvingoitwa
zvipere ndivo baba vemwana
wangu ndichadzidzira
kumuda."

"Chokwadi ipapo hatidi


kunyadziswa Sarah."

"Worryless tete ndakura


manje."
Dzakatambwa nyaya dzangu
ndakatoshamisika bamkuru
varipowo ndikangoridza
hangu tsamwa.Zvese
zvakafamba nemazvo.Aiva
akagadzirira kamari kari nani
Tellme ndaingoona madhara
achisekerera.

"Wadadisa
mwanangu."Vakadero
mhamha ndikati,"Ndotenda
imi mhamha makandiratidza
gwara asi mhamha be honest
with me."

"Panyaya yei Sarah?"

"YaBamkuru murume watete


vekuBindura."
"Kudii kwavo?"

"Ndotoda kuziva kubva


kwamuri?Asi makandiroodza
chivande here zvatisingazivi
isu tose natete."

"What?"

"Yes, mom nokuti varikuti


ndiri mukadzi wavo ndibvunze
kuna mudhara zviri kufamba
sei?Nokuti vave
kutondishaisa rugare
muhupenyu hwangu."

Vakatarisa pasi vasati


vapindura tete vakabva
vasvika ndokuti,"Vana
bamnini vapedza kudya vave
kuda kuoneka saka maiguru
huyai nemi mainini."
"Okay auntie asi ini
ndinozotevera ka."

"Ndanzwa sekuti tiri kuenda


tese ini nemota, hanzi
makatomirirwa kumusha
kwavo kuGuruve."
"Ndizvo zvazvinoitwa here
tete?"

"Ndizvo zvabuda musarudzo


dear."

"Hoo,but ndanga
ndichizongotevera wani."
"Enda mwanangu hantie
zvese zviri ready here?"

"Handina kumborongedza
ini."

"Ndakagara ndazviita kare


don't worry."

"Mhamha!"
"Sorry dear asi ndizvo
zviripo."

Vakaoneka tikapinda mumota


takananga Guruve.Ndaiva
ndakamirirwa zvechokwadi
pakaitwa short cut
ndikatambirwa zvakanaka
chose.
A weeks later

"Mhamha ndakutakura mhuri


yangu anozodzoka zvake
mwedzi unouya."Akadero
Tee,mhamha vachibva vati,,,

"Zvakanakai mwanangu endai


mese ambonojaira hupenyu
hwemukomboni.Wotosimba
mwanangu sewe wedhorobha
zvichakutorera nguva kujaira."

"Ndojaira mhamha hantie


zvangosiyana pakuti
ndinenge ndichiloja chete asi
mulocation hamuna
kumbosiyana nekwataigara."

"Location munoiwana kupi


nhai kuZanado.Hakuna zvese
zvamuri kutaura muri
kutonogara mutumba
twehuswa twekuti munopinda
makakotama."

"Whaaat?"

"Ehe asi Tee haana kutaura."

Ndakatarisa Tee uya achibva


ati,"Handei tosiiwa nemabhazi
akachipa."

Enda of chapter 11

More comments more


[4/20, 11:28 PM] K.Khums:
https://www.facebook.com/gro
ups/548448597213044/?ref=s
hare

https://chat.whatsapp.com/KO
UnPZhXZai9FyVrvDiKYD

Varikuda book from 1 please


join this group handipe inbox
machapters ekumashure .

KOMBONI LIFE

Short story by Amai Mimie


(K.khums)
0782 818 892
0716 622 299

Chapter 12

Takabuda toenda
kwandaisaziva naTellme amai
vake vaiva vandiudza zvinhu
zvandaisatarisira
zvachose.Aiva anditi
vanogara mulocation ko
zvemukomboni zvakutaurwa
izvi ndezvipi?Ndaiva ndisati
ndakambosvika mukomboni
ini.Tellme wacho haana
kubvira andiudza
zvakadaro.Aingoti anogara
mudhorobha kuZanado.Zvino
amai vake varikutaura
zvimwe.Matauriro avo
arikuratidza kuti
kwakashoreka kwazvo.

Takafamba takanyararidzana
ndaiva ndatobuda mumood
zvangu.Zvanga zvasangana
nekuti handina kubvira
ndamuda Tellme
wacho.Ndotoshaya kuti
nhumbu iyoyo yakabata sei
shuwa kumunhu wandisina
basa naye.Ndakaguma
ndatobatwa nehope ndichibva
ndatozoita zvekumutswa
achiti tasvika.Takadzika
mubhazi muya ndokunopinda
mune imwe mota.Hatina
kufamba zvinoenda kure mota
yakabva yamiswa.

"Ngatidzikei
tasvika."Ndakadongorera
nepawindow ndikaona paine
tudzimba twakawandisa
kwazvo hana yangu ikati
bamu.Ndaiva ndisati
ndakambosvika panzvimbo
yakadai kubva
zvandazvarwa.Ndakadzika
ndakabatira ura mumaoko
zvaiva nekutya mukati
ndikati,"Ndiko kulocation
kwacho here kuno Tellme?"

"Welcome home babie."

"What!"

"Tasvika chimwe
changu,ndipo paden pedu
pano."Aitaura asina kana
ganda kumeso.

"Ko zvawaitaura?"

"Shaa pinda mumba kuno


kukomboni hakuna privacy
saka huya titaure
muno.Zvekukwidza voice
wosiyana nazvo nokuti apo
pauri kuona patori panext
door.Wedu musha unogumira
apo."Akadero
achinongedzera paiva
nemuganu wacho.

"Whaat?"

"Yes babie kayard kedu


kanogumira apo ukatotsvaira
uchisvika uko kune mota
kwatova kuyard kwavamwe."
Munoziva ndakapererwa
ndichiona paitaurwa pacho
naTellme.Dzimba dzacho
dzaingova kwati-kwati
zvaisava neorder
zvachose.Ndakaramba
ndakamira ndikarangarira
amai vangu vachindibvunza
kuti,"KuZanado ndiko
kulocation kwacho?"Ini
ndikatobvuma ndine
maziconfidence.Ko ndaizivei
hangu nhaimi.Saka ndizvo
zvavaireva
izvi?Ndakapererwa
chokwadi.Nezvaari Tellme
wacho haungamboti anobuda
mumba makadai.Ko naDee
hanzvadzi yangu vaizivirana
kupi?Wakava mubvunzo
wakandishaisa rugare
uyu.Ndaiva ndangova
mundangariro dzangu ndega
pandakanzwa Tee oti,"Kuno
kune varoyi ukada
zveku,,,"Haana kuzopedzisa
zvaaida kutaura ndaiva
ndamhanyira mukamba kaya.

Ndakachizoita sendichafenda
ndichiona zvaiva mumba
umu.Zvekuti aiva ati muroyi
ndakazvikandira kure
ndokubuda panze ndakatarisa
tarisa kamba kaya ndikaona
pasina
chachinja.Ndakadzokera
mumba wanike ndizvozvo
ndakazvitsunya
ndikarwadziwa ndikaerekana
ndati,"Nhaiwe imba rudzii
ino?"

"Yaita sei futi?"

"Zvaunofungira uri panze


sandizvo zviri mukati wani?"

"Uri kuti chii?"

"Makanaka mukati."

Akaseka achibva ati


,"Makarongeka wazviona
ka.Tudzimba uri kunze asi
mukati mune hukoshwa
wanzwa.Ndipo pamba pedu
pano.Zesa riri kumba kwenyu
kana pano riripo futi.Zvese
zvaunofunga kuti ungada
zviripo chisipo chete ishower
netub rekugezera asi mvura
totonwawo yepatap wazviona
hantie."

"Ndakagutsurira musoro
achibva ati,"Uchadzidza
zvakawanda pano babie
wangu."
"Hanzvadzi yangu anozviziva
here kuti ndiko kwaunogara
kuno?"

"Ehe,anozviziva ndakatofara
kuti pamarooro aisavapo
zvaigona kungodhakwa nokuti
haade kunzwa
zvemukomboni."
"Ko wakadii kugara
wandiudza?"

"Kuti chii manje?"

"Kwaunogara kaa,yes muri


neat muno everything is okay
but hapangoite pano shaa,l
think tofanirwa
kutama.Privacy inongodiwa."
"Tichienda kupi?"

"Kulocation shaa handifunge


kuti life yemuno ndoigona ini."

"Wotodzidzira."

"Aiwa aah ini hangu


handizvikwanisi."
"Asi ndakaroora ka
ini.Ukabvuma kugara neni
kureva kuti tava nyama imwe
chete."

"Wanga wamboramba kuita


nezvangu Tellme chii chakaita
uchinje mind?"

"Handina mwana anogara


musango Sarah.Ndotomaker
sure kuti ndaroora mwana
wangu."

"Urikurevei kana uchiti


kuroora mwana wako?"

"Chirikutisanganisa apa
mwana wedu nothing more
hantie ndizvo zvawakataura
here?"
"Ndizvo yes but pane
chichachinja here?Ndatova
mukadzi wako takuita zviripo."

"Meaning?"

"Totoita zvoitwawo
mudzimba.Papi pacho
pandicharoorwa neumwe
murume ini ndakaroorwa
kare.Junior ndeimwewo
nyaya l'm here now kwatova
kutanga kweimwe life asi
hatigari muno unonditsvakira
imba kumwe kwete muno."

"Kuti wakoshei nhai Sarah?"

"Inga unotaura zvaunoda


hako."
"Kungoudzana chokwadi
Kwakanaka shamwari.Rume
risinganyepi hariroore
pandakanyepa pakakwana
tava tese mumba hapachisina
need yekunyepa."

"Wakaoma hako.Saka
kuchikoro ndichaita
sei?Wakati ndonyora
ndichibva kuno saka
zvakamira sei?"
"Chikoro?Chei manje kana
wanyora wozoita sei?Uchiri
kurangarira here kuti mwana
wedu akasikwa zuva rimwe
patakasangana tingori
vaviri?Ko ukawana umwe
munhu kuchikoro ikoko anoda
kugadzira newe mwana
unoita sei? Nezuva rimwe
chete munenge matova
nyama imwe chete ndosara
ndega kuno ndakati vavava
ndizvo zvauri kuda?"Akadero
akarova serious
ndakamutarisa
ndichishamiswa kwazvo
nemashoko ake ndikati,

"Saka urikundiudza kuti


ndikaenda kuchikoro
ndakunoita zvevanwe varume
here?"
"Hautembeki Sarah,only God
knows varume vakapinda
nepauri."

"Tellme?"Ndakadero
ndakavhura ziso achibva ati,

"Usandityisa,ndaitofunga kuti
twusikana twunenge imi
tunenge twakazara kaini,
zvino mhandara dzaiwanikwa
kudhara iye zvino kana
watoda wekuvhura wega
wototsvaka tucheche
mhandara dzakudhura
mazuvano."

"Ukuedza kuti chii nhaiwe?"

"Ndakaroora hongu asi


sandizvo zvandaitarisira."

"Kuti iwe wanga uri jaya


here?"

"Igaroziva kuti handisi


hangu,ko iko ndingaita jaya
nezera rangu rino munhu ane
vana vatatu, Junior wechi4."
"Whaaat!"

"Yes my dear wife


ndozviripo,hantie wati tiite
izvozvo.Now come closer
uzondipawo zvandakabvisira
pfuma"

End of chapter 12

Please SHARE kabook kedu


kazare kwese kwese

More comments more


[4/20, 11:29 PM] K.Khums:
https://www.facebook.com/gro
ups/548448597213044/?ref=s
hare

Follow my Facebook page


Join what'sapp group
https://chat.whatsapp.com/KO
UnPZhXZai9FyVrvDiKYD

Vanoda from 1 please join


handipe book inbox

KOMBONI LIFE

Short story by Amai Mimie


(K.khums)
0782 818 892
0716 622 298

SHARE,READ AND
COMMENT

Chapter 13

Ndaiva ndakamirira kuti


marooro aSarah apere
ndozotaura nababa
Sarah.Ndaiva ndakamirira
hangu kubuda musaga hantie
nyaya yese ndaiva ndakuziva
here kuti vane umwe mukadzi
uyo aitova mukuru kwandiri
futi.Ini panga pasina
changu.Zvanga zvisina
kumbosiyana nokuti ndaiva
maid wavo pamakore ese
aya.Ko ndinei hangu
chandingati changu.Ndingori
nemavanga kumusana andai
rakashwa nemboma.Ndizvo
zvandakapihwa pamakore
ose aya.

Ndaiti ndikazvifunga
ndaieredza misodzi.Zvimwe
dai ndine vabereki
ndakawana kwekutizira zvino
zvaingova zviroto
bedzi.Zvisinei hazvo
ndakafara nechiitiko
chaSarah anga afadzawo
moyo wangu.Zvaiva nani
anga aenda kogara nababa
vemwana wake.Ndianiko
aizomuda shuwa nemwana
kumusana nehunhu hwake
ihoho.Ndakaona
zvakakodzera kuti aende
nemunhu akamubvisa
husikana hwake.Baba vacho
vaifara chose vaiva
vakadzipakata musi
uyu.Ndaiona nyemwerero
pachiso chavo asi
kunyemwerera kwavo aiva
marwadzo pamoyo
pangu.Havana kubvira
vandifadza asi kuunza
matambudziko chete mulife
mangu.Zvaindirwadza asi
chekuita chaicho panga
pasina.

Zvisinei mubvunzo waSarah


wakamhanya zvakare
mupfungwa dzangu ndikaona
kuti ndaiva ndaita good
decision yekuti Sarah aende
zvake nababa Junior nokuti
nyaya yacho natete yaisapera
mushe.Ndaiva ndamuvanzira
chokwadi mwana
wangu.Ndaisada kuti azive
zvaiva zvaitwa nababa
vacho.Zvairwadza
kuzvirangarira.Asi ndaiitawo
sei l was helpless back
then.Ndaisatenderwa
kutaurawo zvandaifunga.All
the decisions was made by
him.

Handizivi hangu kuti vaiva


vawirirana kuita sei
nemukwasha kusvika pakuda
kutora Sarah wangu kumuita
mukadzi
wavo.Zvakandirwadza
ndikada kusimudza musoro
asi handina kure
kwandakasvika ndaiva
ndazvindikitwa.Kungoti Mwari
vane nzira dzavo
ndichimubvunza wangu Sarah
aingoti zvese zviri mugwara
bamkuru vake vaiva munhu
akanaka chose vaiva vasina
kana kumubata chero nzwara
zvayo .Ndakabva ndazorodza
moyo wangu uyo
waitambudzika.Handizivi kuti
dai bamkuru vacho
vakamuziva semukadzi iye
mukwasha uyu aibvuma
kutora zvakamorwa kare
here?Akabvuma nokuti
akawanikwa akakwana ndizvo
zvandaigara ndichiudza
Sarah kuti akoshese
humhandara hwake.Nhasi
arangarirwa nokuda
kwekuzvibata.Ndakungopa
mbiri kuna kuMusiki.

Ndakasimuka ndakunobika
hangu uku ndichizvidya
hangu moyo kuti ndaizoitanga
sei nyaya yacho.Vakauya
baba Dee ndokusvika
vachindibata muchiuno
zvekuti ndakavhunduka ,it
was new to me.Vakaisa
musoro wavo nechemuhuro
mangu ndokutanga
kundifemera vachiita
kazevezeve.
"Ndokuda mai two
wanzwa."Vakadero ndikati,"Ini
here?"Vakabva vati,"Asi
umwe ani ndiwe zvese
zvangu mudiwa ndokudisa
chidochemoyo wangu."

Dai kaiva kare pandaisaziva


kuti vane imwe mhuri
ndaigona kuita
chamunyurududu murudo asi
apa zvakandirambira chero
kupretender
chaiko.Vakaramba
vachindinyepera zvavo ini
ndaingova zii.Vakaita
zvekuuya mberi kwangu
wanike misodzi yaiti mokoto
zvayo pamatama angu.

"Ko chii nhai


Chenaimoyo?"Vakabvunza
vakandibata chirebvu
ndichibva ndakwiridzira
madzibwa ndokuti,"Ko
maka,,,,"Handina kupedza
kutaura zvandaida ndanzwa
knock kudoor.Ndakafamba
ndonovhura wanike aiva
mukwasha murume watete.

"Pindai."Ndakadero vachibva
vati,"Pamusoroi
amai."Ndakaenda parutivi
vachibva vafamba vachienda
kudinning.Ndakateverawo
tichibva takwazisana
ndokuzosimuka ndichivasiya
vari vaviri handina kure
kwandakaenda chandaiziva
mukwasha aisangosimuka
kubva Bindura pasina nyaya
iripo.

"Kutsvene here
mangozoerekana masvika
musina kumbofona kudai nhai
tsano?"
Vakadero baba Dee ndikaona
mukwasha achisimudza chiso
chake achibva avapa ziso
rinotaura zvikanzi,"Ndavinga
mari yangu."

Vakatarisa mudenga baba


Dee zvikanzi ,"Handina mari
mukwasha,asi ndogadzirisa."
"Handina kuuya pamba penyu
asi imi ndimi mega makauya
muchitsvaka mari ndikakupai
mukaita zvamaida kuita nayo
asi imi mukadii in return?"

"Ndizvo zvazvinoitwa
here?Vana vanonetsa
ava,plus yaisava mhosva
yangu makatadza kumitisa
mega ini mwana wangu
ndaiva ndakupai ndisina
kutarisa madiro andaimuita."

"Saka makupa inini mhosva


manje asi mari yangu
makadya.Ndiri kuda mari
yangu or else mukadzi wangu
ndiri kutevera kwaakaenda."

"Aiwa hatidaro kani


nhai?Zvinhu
ndezvekunzwisisana
izvi.Zvingabuda here mukada
kunobvisa mukadzi ari
pamurume wake."

"Zvotadza
nei?Pamaimuroodza
maisaziva here kuti she is
taken?Makamurega akaita
nhumbu yeumwe murume
kusvika azvara ndisina ruzivo
nazvo mukati zvose izvozvo
hazvina basa.Kana muchitoda
kuti tiwirirane ndipei mari
yangu ndiende."

"Handina mari yandiri


kuburitsa ini zvakaenderana
nekurara kwawakaita
nemwana wangu.Wakamuita
zvaunoda zvinoenderana
nezvawakaita pamwana
wangu.Kana iri mari
kanganwa hako."
Hana yangu yakarova,Sarah
ainyepa hake kuti hapana
zvakaitika?Asi hangambodaro
Sarah.Vakaenderera mberi,,

"Okay then pakanaka


ndofunga ambuya
vakufanirwa kuziva your
secret."
"Zvimwe ungaita kwete
kutaura zvisinei newe."

Ndakafamba ndichidzokera
kwavaiva ndikati,"What
secret?"

Vakatarisana pachishaya
anotaura ndikati,"Secret
yekuti vane imwe mhuri
here?"
"whaaat?"

Vakadero baba Dee


vachisimuka ndokutanga
kupukuta muromo
wavo.Vakakwenya musoro
vachibva vaenda paiva
nemukwasha ndokusvika
vachimubata colar
zvikanzi,"What have you done
Moses?"Vaiita kuzunza zunza
mukwasha uyo akabva aedza
kuzvibvisa pavari
ndokutadza.Vakaramba
vachimuzunza kusvika
vamusundidzira kumadziro
achisvikorovera.

"Musafunga kuti handigoni


kudzoserawo ndotogona asi
respect yaindinayo kwamuri
ndiyo yaita ndidaro.I still love
your sister saka handikwanisi
kusimudza ruoko rwangu."

"Waudza mukadzi wangu kuti


zviite sei?"

"Ndamuudza nguvai
ndakamira pai ndichitaura
naa'mbuya zvakadero."
"Saka azviwana kupi?"

"Saka maida kuzondiudza


zvaita sei? Kuti mune imwe
mhuri nhai baba Taonga."

Vakashama muromo kunge


gatahwe ndikati,"No wonder
maigara muchindirova pano
nokuti wenyu akakukosherai
maiva naye."

Handina kuda kutaura


mashoko anoenda kure
ndakangobuda ndokunogara
muroom yaSarah ndikatanga
kuchema ndiriko.Ndakatora
nguva ndirimo ndipo
pavakazopinda vachibva
vandibata pashoulder
zvikanzi,"Sorry,l didn't mean
to hurt you
zvakangoitikawo.Ndaisada
kudaro."

"Mukuedza kuti chii?"

"Mai Taonga akanonoka kuita


mwana hama dzangu
dzikandikurudzira kutora
umwe mukadzi ndipo
pandakatora
iwe.Tichangotanga kugara
tese ndipo pakabva paita mai
Taonga nhumbu vakazvara
Taonga.Kuti ndichikuramba
zvanga zvisingaiti chero
hazvo iwe wacho
wakazononokawo kuita
pamuviri.Ndanga
ndatozvitambira kuti ndava
nechipari.Pawakazoitawo
yako nhumbu mai Taonga
vanga vatova neyechipiri
zvinova zvakaita kuti vana
venyu vaenzane."
"Ndakatadzei?"

Vakanditarisa zvikanzi
,"Hapana."

"Chero maisandida makadii


kundisiya ndakatetereka
nenyika pane kundibata
neseri kweruoko kwamaiita."
Vakatsinatira pasi
zvikazi,"Sorry."

Ndakavatarisa neziso dzvuku


raiva nemisodzi
ndikati,"Kundirova kwaitova
nani pane vanga nyoro
ramaisa pamoyo wangu.Kana
maisandida maifanirwa
kungotaura zvimwe dai vanga
racho rakapora kare."
"Sorry zvakatoiitika
handikwanisi kudzosa nguva."

"Amai Taonga vanozviziva


here kuti ndiriko?"

Ndakabvunza ndakavatarisa
mumaziso chaimo.Ndaida
chokwadi panguva iyi
vakabva vati,"Havazvizive."
"What!"

"Amai Taonga munhu


wandakawana ane mari
dzake saka nebasa rangu
randaishanda ndaitoona
kunge asingagutsikane neni
zvachose ndosaka
ndakakutora ndikakuita
mukadzi wepiri.Ndaida munhu
wandotonga ndichiudzawo
zvekuita.Manje mai Taonga
havaitirwe izvozvo ndaibva
ndaona kunge
vanondidherera nokuti
handina mari yakawanda."

"Vanomboshandepiko mai
Taonga vacho?"

"NdiDoctor paBaines
muHarare umu ."
Ndakadzungudza musoro
wangu ndikati saka ndidzo
mari dzamuri kutaura."

"Handigoni kuzvitsanangura
mai Dee in short chingoziva
kuti panyaya dzemari
akarongeka.Huku dzandaiuya
nadzo dzava ready
kutengeswa ndedzake
ndaingotora chero dzandada
ndokuti aisaziva number
yadzo nokuda
kwekuwandisa."

"Saka taidya zvekuba pano."

"Hakusi kuba kungoti ndaitora


asingazivi chete."

"Zvakakuomerai
mufunge,saka
munotombonzwawo kundida
here baba Dee kana kuti
ndingori pain ease
renyu.Pamainetsana namai
Taonga mouya muchipedzera
shungu kwandiri chero
ndisina zvandaiziva
hangu.Pedzezvo
mondimanikidza kuita bonde
nemi.Ndiudzei chokwadi
musingandivanziri musatarisa
zvakawanda chandoda
ichokwadi."
Vakatanga vakosorera
ndaitononokerwa nemhinduro
yavo ndaida kuziva kuti
murume wandaiti wangu
aifungei pamakore ese
aya.Vachibva
vazoti,"Handizivi."

End of chapter 13
More Comments more
[4/20, 11:30 PM] K.Khums:
https://www.facebook.com/gro
ups/548448597213044/?ref=s
hare

Follow my Facebook page

Join what'sapp group


https://chat.whatsapp.com/KO
UnPZhXZai9FyVrvDiKYD

Vanoda from 1 please join


this group handipe inbox
machapters ekumashure.

KOMBONI LIFE

Short story by Amai Mimie


(K.khums)
0782 818 892
0716 622 299

SHARE, READ AND


COMMENT

Chapter 14

Ndaizvida hangu
zvekushandurudzwa izvi asi
naTellme ropa redu
rakaramba kunyatso
pindirana
zvachose.Ndaisatomunzwa
ini kuti arimo.Ndaitonzwa
kuda kurutsa chaiko,apo
ndipo paaigomerera ari
pamusoro pangu.Aaah imi
kana bamkuru vaitova nani
ndaitonzwawo kafeeling
manje uyu munhu kubva
ndatonhora nyama
zvekudaro.Akatoita zvekuisa
mate kuti papindike
mxii.Waitoona kuti ari
mudenga rechinomwe chairo
sorry hake.Semunhu aiva
abvisirwa ka sezvaaiva ataura
ndakatoona kuti kupretender
ndiko kwega kwaikwanisa
kundibatsira nokuti munhu
wacho aigona kungokurutsira
hako mashoko ekuti unopinda
mugudza
nebhutsu.Ndakabatirirawo
kuti zvityise.Pfungwa dzangu
dzakadzokera kumazuva edu
naBee ndikatanga ku imagine
zvese zvataiita ndipo
pandakatanga kuresponder
zvaitwa zvacho.

Zvakandibatsira chose
ndakabva ndazviudza kuti
Bee unotofanirwa
kundibatsira pese patadyira
kudya kwepasi peguvhu
nokuti ukasadaro zvodhakwa
kuside
kwangu.Akazvikandidzira
pabed akatura befu
zvikanzi,"Thanks."

"Thanks too."Ndakadero
chero hazvo zvaisabva pasi
pemoyo.Hameno seiko amai
vangu vakandimanikidza
kuroorwa nemunhu
akadai.Kuri kungoda kunzi
mwana abvisirwa here? Zvino
ndezvipi handimude ini
munhu wavo.Ari Bee chero
akadzoka achiti huya cheto
pachipari ndoita hangu plan
pane kufadza munhu ini
ndisingamude.Ndotoshaya
kuti paya ndaiva ndapindwa
nei chaizvo kungorara tese
nhumbu kamwe chete mukati
zviri zvega here izvi?

"Ndipowo futi."
"Aaah,ndaneta Tee tarisa
hatina kumbozorora kubva
zvatasvika ndokupa
mangwana."

"Ndanga ndakusuwa Sarah


shaa huya tiite."

"Aiwa Tee hantie ndava wako


here handina kwandotiza
ndichienda please rega
ndizorore shaa."

"Ka1 Sarah."

Akadero akarereka musoro


ndikaguma
ndangobvumawo.Akapedza
ndokumbobatwa netuhope
,semunhu aiva aneta
ndakaona kuti hadzingauye
hope dzacho ndokutora
mvura ndikaisa muzidish
raivamo mumba macho
ndikatanga kugeza
hangu.Ndakapedza
ndokuendawo parutivi rwake
kuti ndirare.Dzaiva
dzichangobata hope
pandakanzwa kubatwa batwa
zvakare ndikanzwa ruoko
rwake.Akaramba achidaro
kusvika ndati,"Nhaiwe
chii?Ndoda kurara please l
beg,,"
"Sorry hako Sarah asi nhasi
hakurarwe shamwari."

"Aaah,but why?"

"Ndikunzwa kungoramba
ndichida bedzi."

"Aiwa aah iwe hakuna


zvakadaro asi pane
zvawanwa here?"

"Zviyi?"

"Hameno ka zviri kuita kuti


usagute."

"Wakazvinzwa
nani?Unozvizivirepi?"
"Ndongonzwawo vanhu
vachitaura kana muroad
zvotengeswa wani pane
asingazivi nezvazvo here?"

"Waitova nemunhu wako


aikunwiraka?Kana kuti
mainwirana."
"Ndizvo zvandataura here
nhai Tee?Ndiri kungotaurawo
senyaya nokuti zvanyanya."

"Zvatonyanya ipapa
Sarah.Ka2 kawandipa ikaka
watoshungurudzwa."

"Handina kudaro Tee ndiri


kungoti ndanetawo shaa."
"Hautendi iwe Sarah."

"Ko ndadii futi?"

"Unoziva chii pavakadzi vese


vandine vana navo
vanotondida back asi ini
handichada zvangu nokuti
ndakasarudza iwe.Hauzvioni
kuti kune lucky stereki ini
kuroora mukadzi kugara
naye.Handiite izvozvo
kumashure uko aingova
madamages
chete.Ndaitobvisa nemoyo
wese nokuti ndaivawana vari
vasikana chaivo.Ko iwe sei
usingazvibvunze kuti
wakoshei kubvisirwa pfuma
neni.Kutogara newe ini
semurume wako iwe
ndakakuwana usiri
musikana."
"Zvichashamisira here
kuwanikwa usiri mhandara
nhaiwe.Wakutoita kunge
ndakakumanikidza kuroora
kwacho.Sei uchingoda kundi
mocker everytime.Ndozviziva
ndakaita a big mistake at first
asi hazvirevi kuti ndizvo
zvandiri zvekungorara
nemunhu wese."
"Ndakakuroora ini ndokuziva
in and out Sarah uri kajoki
iwe."

"Whaaaat!"

"I mean it."


"Unondishurira chete iwe
Tellme ndisiyei zvangu
ndirare."

Ndakadero ndichidhonza
gumbeze kuti ndifuge achibva
ati,"Tamba wakachenjera
babie wangu handina
kupusa.Wava wangu iwe
wotokanganwa zvetukomana
twako twese twawanga
unato.Another thing bamkuru
vako vaya vatambire kure
newe nokuti handidi
ngozi.Ziso ravaikupa riya
handina kuti chenesa.Utova
blocker paphone handidi kuti
vakufonere."

Ndakamutarisa ndichiedza
kubatanidza zvaaitaura
ndikashaya kuziva kuti aiva
azvibatanidza sei?Hana
yangu yaiita kubika
manhanga asi handina kuda
kuzviratidzira.

"Urikuti chii? Vaita sei


bamkuru?"

"Handina kupusa Sarah ndine


zvizhinji zvandoziva
zvaunofunga kuti ndiri murima
asi kwete.Good night mukadzi
wechigure."

"Ndiani mukadzi wechigure!"

"Iwe Sarah."

"Ndisiye zvangu
handidyidzane
nechigure nekutyisa
kwachinoita kuya ndopenga
here?"
Akaseka zvino svota zviya
achibva anditsvoda padama
zvikanzi,"Good night wanzwa
babie wangu."

Akabva andimbundira achibva


atorara.Ndakasara ndichiboira
maziso.Ndaifunga kuti
ndokuziva Tellme asi
ndaizvinyepera.Anga adziziva
sei nhau dzaaitaura
idzi.Ndakaedza kufungisisa
asi ndakashaya kana kaclue
kairatidza kuti aiziva
zvese.Ndakasiyana nazvo
pandinoti regai ndirare phone
yangu
inopinda message vaiva
bamkuru.

"Kurisei kuimba new one mai


boy?"
"Siyanai neni manzwa."Vasati
vapindura ndakabva
ndavablocker.Asi handina
zvandaiva ndagona ndakaona
imwe message
yaiti,"Wandiblokerei?Ndanga
ndichida kuti titaurirane
zvakanaka manje
haunzwisise.Ndofona hangu
ka?"
Ndakatarisa Tee ndikaona
akafa zvake nehope.Kufona
kwaisaita zvachose sezvo
Tee wacho aitofungira
nechakare zvaigona
kunetsa.Ndakabva
ndavati,"Murikudei bamkuru?"

"Mari yangu kuna baba vako."


"Pihwai ka."

"Urikutominyura zviromo
zvako izvo,rega ndikuudze
kana wanga usinga zivi.Baba
vako vakakuroodza kwandiri
iwe saka zvekuti wakaroorwa
kwandiri it's nonsense ndiri
kutoda nezvako."

"Bamkuru please ,ndisiyei


ndimboita zvelife yangu
nemurume wangu."

"Murume wako ndini.Kuda


kana kusada kwaunogara
ndichakutsvaka kusvikira
ndakuwana ndoda kudya
zvinhu zvangu
zvandakatenga."

"Whaaaat?"
"Yes ndizvo zvandaifunga
inga ndakakuudza wani kuti
uri mukadzi wangu chekutiza
hapana.Kana usingadi
izvozvo udza baba vako
vadzose mari yangu."

"Imari yeyi yamuri kutaura


iyoyo?"
"Ndakakuroora kare iwe
5000us yandakapa baba vako
unoti ndeyekutamba
nayo.Pedzezvo vokuroodza
kune umwe murume.Kurara
newe kwandaiita ndaisakuitira
hutsinye Sarah asi kuti
ndaidya zvandakabvisira
pfuma.Uri wangu Sarah
hazvitizike zvachose ndizvo
zvatakawirirana nababa
vako."
Munoziva
ndakapererwa.Message
yaBamkuru yakandivhiringa
mafungiro.Ndakatanga
kurangarira baba vangu
vachinditi ndimbonogara
kwatete.Pamaholidays
ndaitoenda ikoko kusvika
yapera.Ndaiti baba vangu
vanondida handina
kumboziva kuti vaiuraya
hupenyu
hwangu.Ndakacheuka
ndokutarisa Tellme aiva
akatozvirarira
hake.Ndaimboziva here kuti
akatonakawo
kudaro.Ndakadzungudza
musoro ndafunga mashoko
anobuda mumuromo
make.Ndakada kubuda kuti
ndinofona ndipo
pandakarangarira kuti
ndaisaziva zvakawanda
nezvenzvimbo
iyi.Ndakazongosenda
message ndichiti,"Tofanirwa
kusangana titaure bamkuru
nyaya yenyu handisi
kuinzwisisa ini."

"okay."Vakapindura ndichibva
ndadzima mamessages
nephone yacho ndikaisa pasi
pepillow.Hope
dzakazongondibawo ndiri
mundangariro dzangu
ndega.Ndaitorota
pandakamutswa naTee
akati,"Nhasi ndiri kuda
kumbomhanya kumakomba
shaa ndiro basa rangu
iroro.Ndiko kunobva raramo
yangu newe saka pano woto
manager zviripo.Uko
hakuzivikanwi kuti kodzokwa
rini.Tarisira zvese zvese kufa
kana kurarama."
"Iii nhaiwe ungabva wadaro
here?Wakutoda kundisiya
ndega nezuva rimwe chete
irori here?"

"Tikatarisana todyei?"

Kwangova kudzivisa hangu


asi ndaitofara kuti ndawana
mukana wekutaura
nabamkuru.

"Handina kuti usaenda Tee


ndiri kuedza kuti handisati
ndadzidza zvemuno kana kuti
mvura inotsvakwa kupi
handizivi."

"Ndichasiya ndaudza
vepanext
vanokubatsira.Ndeve chidiki
zvavo mogona kunzwisisana."

"Pakaipa saka."

"Wotombondipa ka1 ndiende


ndakaguta."

"Ndazviziva hangu kuti ndizvo


zvauchataura."
"Saka wakutoziva zvandoda
ka."

"Yeah ndichaedza kudzidza


zvese."

"Good girl."

Ndakamupa ndichifara
kwazvo.Chandaida kuti abude
ndiwane space.Akabva
angonogeza achipedza
ndakasirwa 50us
zvikanzi,"Ingatadza kupedza
week here mari iyi?"

"Week?"

"Ehe,ndoitira kuti ikasakwana


ndikawana anouya kumba
anosvika achikupa."
"Umm,yakawandisa for a
week Tee thanks."

"Saka bho good bye."

Akabva abuda ndikasara


ndichirara
zvakare.Ndakazomuka nguva
dzafamba ndokumbobuda
panze ndichiona
zvapaiva.Pandakadzokera
mumba ndipo pandakaudza
bamkuru kuti vauye titaure.

End of chapter 14

More comments more


[4/20, 11:32 PM] K.Khums:
https://www.facebook.com/gro
ups/548448597213044/?ref=s
hare

Follow my Facebook page


Join what'sapp group

https://chat.whatsapp.com/KO
UnPZhXZai9FyVrvDiKYD

KOMBONI LIFE

A short Story by Amai Mimie


(K.khums)
0782 818 892
0716 622 299

SHARE, READ AND


COMMENT

SORRY NEKUNONOKA
KWEBOOK VAVERENGI.

Chapter 15
Tudzimba twacho twaiva
pedyo napedyo zvekuti
privacy chaiyo panga pasina
zvachose.Rakasara rodoka
zuva ndaziva
zvakawanda.Ndaiva panze
ndichisuka paplates angu
pakasvika umwe mukadzi
wepanext achibva ati,"Ndonzi
mai Chido murisei mainini?"
"Ndinofara makadiiwo?"

"Bho zvekuti,tozotaura apa


ndakudeedzerai madhaiza
auya pamba apo.Ndimi
muchangodzitanga dzimba
idzi huyai mutenge midziyo."

Havana kumirira mhinduro


yangu.Vakandidhonza
ndokumhanya neni
takapfuurira pamba pavo
hameno
kwandaiendeswa.Ndaitoshay
awo kuti madhaiza acho chii
chaiko.Ndaiva ndatobatwa
neconfusion vakuru
chaiyo.Ndakasvika vakadzi
vamwe vakabata hembe
,vamwe maplates ,macups
nemaperfume.Hembe
dzaipimiwa dzichikururwa
yopihwa umwe.Maplates
umwe neumwe aiva akabata
ake akaiswa
pamakumbo.Kuzvitarisa kudai
aiva akangofanana aiva pasi
ndiwo aiva
akanaka.Ndakazongoti ,"Ko
aya akanaka wani maasiira
chii?"

"Torai imika mainini,haa isu


tatora kare akafanana
aya.Totoda zvakafanana
zvacho."
"Hezvo kuti zvine basa
rei?Pane anopinda mumba
meumwe here?"

"Muchadzidza henyu."

"Akatengerwa munhu
uya.Ndaifunga kuti zvimwe
vaibhadhara
ndakatozoshamisika
konzi,"Pamunouya kuzotora
mari yenyu muuye nemaskirt
emapondo aya tomada.Asi
muwanze ane mavara."

"Anouya don't
worry."Akapindura mutengesi
wacho.Ndikadzungudza
musoro.Ndakafunga maskirt
acho aitaurwa ndaimaziva
hangu haana kundiitira.
"Torai maplates ndiwo
andakaona ari mashoma
mumba menyu."

Ndakavatarisa
ndikati,"Mumba
mangu?Maitsvagei mai
Chido?"
Vakaseka vakadzi vose
vaivapo ndokuti,"Ko
munoshamisira here?"

"Kutongobvunzawo kuti
maitsvakei mumba
mebhachura musina
mukadzi?"

"Vakaseka zvakare
zvikanzi,"Mukadzi
here?"Ndikati,"Ehe."Vakataris
ana zvikanzi,"Mukadzi chaiye
muno mukomboni ugogara uri
singuru usina kana
anokukwesha,kana
kukweshiwa.Hazviitike muno
izvozvo."Vakaseka
zvakare.Ndaiva ndatova
nebundu pamoyo.Ndaiva
ndakuona kunge
vangondideedza kuzondiseka
bedzi.
"Ndipei aya maplates asara
acho pamunouya kuzotorawo
dzevamwe mouyawo kwedu."

"Handikuzivei manje ndiyo


problem."

"Amai Chido vanondiziva."

"Vapei bamnini havanetsi


kubhadhara ava."

Vanga vakangwarisa mai


Chido pacrew ravo ndivo
vaitaurisa
zvakanyanyisa.Chero
mapfekero avo chaivo aiva
ekukwezva
varume.Akazobvuma murume
uya tichibva taenda
kumba.Ndakapinda
mangu,ivo ndokupinda
kwavo.Hatina kutora
10minutes ndaiva
ndadaidzwa zvikanzi,"Pane
mamwe apinda madhaiza
mainini."

"Hezvo nhaimi toswerera


vanhu venyu ivava here?"

"Kuti mutenge ka zvinhu nhai


mainini?"
"Aiwa ini zvekungodaidzwa
daidzwa handizvide.Ndinenge
ndine basa rekuita vasikana."

"Ripi ipapa?"

"Kutsvaira nezvimwe."

"Moswerera kutsvaira here?"


"Ndoda kurara."

"Mozorara apa handei?"

Ndakarambisisa vachibva
vaenda vega.Mukomboni
macho vanotengesa
vaingoswerera
kupinda.Vakadzi vacho
vaisada kupfuurwa zvachose
asvika wese vanoda kuziva
kuti auya nei.Ndakapinda
mumba ndikavhara door
rangu kuita sendisipo.Ndaiva
ndakutobatwa nehope
pakafona amai
vangu.Ndakanzwa moyo
wangu kuti nyevenu
ndikazoti,"Makadii
mhamha?Arisei Junior?"

"Ndafara mwanangu kana uri


mupenyu.Ndafara zvakare
pawabvunza Junior
wakumufungawo mwana
wako."

"Ndozviripo mhamha."

"Kurisei kumba kwako?"

"Kuribho mhamha hameno


imi,ungati hamuzi kufara
chii?"

"Hupenyu mwanangu."

"Chii chanyanya
kutambudza?Ndouya hangu
kumba?"

"Aiwa Sarah munhu


ndewekugarawo nemurume
wake hamuna mazuva
matanga kugara mese."

"Okay mhamha ndorega


kuuya kana mukandiudza
chiri kunetsa."

"Zvakaoma Sarah handizivi


kuti ndingakuudza
sei?Pekutangira pacho chaipo
handina asi chandoshuwira
ndechekuti zvakaitika
kwandiri zvisadzokorodze
kwauri.l think ndiwe wega
unogona kundinzwisisa
mwanangu."

"Chii chakaitika kwamuri


besides kushungurudzwa
nadad."
"Kurohwa kwaitova nani
Sarah,pane kuparikwa."

"Whaaat?"

"Baba vako vati havazive kuti


vanondida here Sarah?"

"Matii mhamha!"
"Chokwadi ndizvo
zviripo.Makore ose aya
ndaifira mhosva dzisiri
dzangu.Vakabva kumukadzi
wavo mukuru vasvotwa ndini
ndaipedzerwa
shungu.Ndaisazviziva pese
apa ndakazviziva usati
waroorwa pawakaenda
Bindura ivo vakaendawo
kumunhu wavo "
"Mhamha muri kuti chiii?"

"Ndiri kutaura chokwadi


Sarah.Zvimwe dai
vaindinyepera zvavo kuti
vanondida zvanga zviri nani
zvino vati handizivi."Ndodii
Sarah?Ndiwe inokwaniswa
kundibatsira mwanangu."

Ndakavanzwa vakutochema
pekupedzisira vakabva
vati,"Hapana pain inorwadza
sekutorerwa umwe mukadzi
Sarah,dai vakandiudza zvavo
kuti havandide zvaiva
nani.Kutaura kuno dai
ndakapora.Pane kunyeperwa
makore ese aya."

Pain yekurambwa naBee


yakabva yadzoka ndakanzwa
bundu richinoti mbii
pahuro.Dai akandiudza kuti
haandide zvaiva nani pane
kundinyepera.Anga asina
kumbosiyana nadad vangu
zvachose kuita kunge vana
vemunhu umwe
chete.Ndakashaya kuti
ndovanyaradzawo sei?Ndaiva
nedzangu nyaya dzandaida
kuvabvunza asi
zvakandirambira
ndaingozonzwa naivo
bamkuru vauya.
Ndakazobuda panze
ndakunotsvaka mvura yekuti
ndigeze ndakangobuda
kamwe chete nekunotsvaka
muriwo yaiva nzira imwe
chete.Ndakatanga ndatsvaka
muriwo wangu ndokuzodzoka
ndochera mvura.Poto yangu
iri pastove ko tumba twacho
twaiva nemagetsi mufunge
zvaindiitira funny
henyu.Ndakanogeza
ndapedza ndaiva ndakuita
zvekubika hangu.Ndipo
pakabva papinda call
yaBamkuru vachiti ndave
munzira kuuya.

"Okay but make sure


mosvikawo kwasviba handidi
kuti muonekwe nevanhu
pamba pangu."
Vakaseka vachibva
vati,"Kana zvisingaiti unouya
kumota hantie muri kugara
pakamboni kari padhuze
nehigh way inoenda
kuGuruve here?"

"Ehe kanonzi Zanadoe."


"Ndichamira pamashops ari
ipapo."

"Its okay."

Ndakabika very fast


pavakazofona vachiti vasvika
ndaiva ndapedza
zvese.Ndakachinja hembe
dzandaiva ndakapfeka
ndokupfeka kadress kangu
kaiva pamusoro pemabvi
apa.Ndakaisa kamake up
zvishoma kungowedzera
runako bedzi asi ndaiva
ndakangozvinakirawo
hangu.Ndakatora tuma
sandals twangu
ndokuzvitarisa pamirror zvose
zvaiva on point.

"Urikuitei
Sarah?"Ndakazvibvunza
ndakabata pahana pangu
ndikazvipindura zvakare
ndichiti,"Kuchena
korambidzwa here Sarah?"

Ndakaona pasina
chakamboipa ndokuzvidira
perfume ndichibva ndasiya
ndakiya ndokurova pasi.Mota
yavo ndakaiona ndichiri kure
ndichibva ndafona vakabva
vanditi vakuuya.Ndaisada
kusvika pamashops zvimwe
ndaisangana nemakorokoza
zvikadhakwa.Vakauya kuroad
kwandaiva ndokupinda
mumota.

"Woow mainini
woow,,,kunhuwirira here
uku?Nhasi ndazozviona kuti
munondida kubva machenera
ini husiku kudai?"
Vaisimbondisvota bamkuru
asi apa ndainzwa moyo
wangu wakanevenuka
kwazvo.

"Maiti chii paya pamakafona?"

Ndakabvunza vachibva
vati,"Hatizi kumhanya babie
ngatitaure zvimwe izvo
hazvina basa."
"Ndoda kuziva kuti
zvakafamba sei?Ndimi mune
nyaya imi.Zvakare maiziva
henyu kuti amai vangu
isecond wife asi hamuna kana
kutaura zvachose."

"Iiii idzo nyaya hadzinei neni


makadii kuudzana pachenyu
natete vako.Ini handipo
ipapo."

"Vaiziva zvese tete here?"

"Ehe ndivo vakatondiudza ko


nyaya dzekumba kwenyu
ndinei nadzo.She betrayed
you pahukama hwenyu.Ini
ndakazvimirira inhau dzangu
namudhara wako
shaa.Pakatadza kuita tete
vako mwana ndakakupihwa
iwe ndikavapa mari svinu
chaiyo ndosaka ndiri pano."

"Tete vanozviziva here


zvamakaita nababa vangu?"

"Kwete."

"You betrayed her too ndizvo


ka?"

"Waida ndiite sei iye mwana


anga atadza kutamba?"

"Mukarara neni pamakaona


kuti tete vave nemwana
mukatanga kundibata neseri
kweruoko is it fair?"
"Why so many questions
babie?"

"Ndiri kurwadzira ndosaka."

"Papi chaipo?"

Vakadero vachibata pamoyo


pangu.Vachibva ipapo
vakauya nekumazamo uku
ndikanzwa ropa rangu kuti
zhwarara.Ndaisaziva kuti
ndaiva nemafeelings navo ka
ini.Zvaiva strange
izvi.Vakaswedera padhuze
neni vachubva vatanga kuita
zvavaida neni.I didn't refuse
ndizvo zvandainzwa kuda
chaiko.Tete nehama dzavo
vaibata amai vangu
sechikorobho vachinatsoziva
kuti kune umwe mukadzi
wavaiziva ivo.Havana kuda
kuzvitaura nokuti aiva
nemari.Ko vangu amai vanei
nhai?Pamakore ose aya chii
chavanacho chavo kunze
kwekushungurudzwa
nekurohwa nemboma
bedzi.Ndakabva
ndanyatsovatambira chaiko
pasina kumanikidzana.How l
wish kuti dai ndaita zvangu
nhumbu yavo bamkuru tete
vanzwe kurwadza kunoita
betrayal from hama yepedyo.
I enjoyed zvandaiva ndisina
kutarisira zvachose
ndakazonzwa ivo bamkuru
voti,"Let's hope ndagohwesa
nhasi.Ndiri kuda mwana newe
Sarah?"

"Kana neni l want the same."

"Whaat?"
Vakashamisika ndikati,"Kare
paya ndainwa mapills
ndosaka nhumbu yaisabata
but now l'm ready."

Ndakaona vachisekerera
zvikanzi,"Ndizvarire mwana
mukomana uone
zvandokuitira babie
wangu.Kana tete vako
ndosiya kana zvichibvira."
What a lovely
statement?Yakandifadza
chose vanga vazondibhohwa
tete.Hazvina kusiyana
nekuuraya munhu.Amai
vangu vakapondwa moyo
wavo vachifamba.Zviri kureva
kuti ini amai vangu nebrother
yangu tisu chete tanga tiri
murima but don't worry
revenge yacho kana neni
ndoigona.I don't care kana
ndichizoporonga yangu life.

End of chapter 15

More comments more


[4/20, 11:33 PM] K.Khums:
https://www.facebook.com/gro
ups/548448597213044/?ref=s
hare

Follow my Facebook page


Join what'sapp group

https://chat.whatsapp.com/KO
UnPZhXZai9FyVrvDiKYD

KOMBONI LIFE

Short story by Amai Mimie


(k.khums)
0782 818 892
0716 622 299

SHARE, READ AND


COMMENT

Chapter 16

Ndakafamba ndakudzokera
kumba ndiye dhuma namai
Chido husiku ihoho vakamira
neumwe
murume.Ndakavaziva hangu
nokuti vaisagona kutaurira
pasi.

"Mai Chido
murisei?"Ndakazviitira maune
kuti vanyatsoziva kuti
ndavaona.

"Ko ndimainini?Murikubvepiko
husiku huno?"
Ndakakasika kufunga
ndikati,"Kotsvaka muriwo."
Vachibva vati,"Handina
kukunzwai muchibika beef
here imi?"

"Haina kundiitira saka ndaita


zvemukaka."

"Aaah,hoo ndokuonai
ndauya."

Ndakafamba ndoenda
kumba.Asi ndakarangarira
kuti aisava iye mhani murume
wandaiva ndambooona
kumba kwavo.Ndakasvika
kumba ndokuvhura door
rangu.Ndakabatidza light
ndikarohwa nehana ndichiona
pasofa pane munhu.
"Ko madzoka?"

Ndakabvunza mushure
mekuona ari Tellme.Akabva
ati,"Ndadzoka urikubvepi
nguva ino?"

"Ndabika beef manje haina


kundiitira ini ndangonzwa
kuda mukaka ndiwo
wandanga ndanotsvaka."

"Pakanaka pakura tidye ndine


nzara."

Ndakaita sekudaro hana


ichibika
manhanga.Ndakangotenda
Mwari kuti bamkuru vaiva
vasina kuzouya kumba.Ko dai
vakauya nhai
Mwari.Ndakazvituka panguva
iyoyo ndakazvibvunza kuti asi
ndiri kushaya chii nhaimi
chingandiita ndide varume
kudaro.Ko ivo bamkuru
vakasiyanei naTellme?Chero
ikanzi revenge handizi
ndakuzvinyanya
here?Ndakatombozvituka
chaiko ndikazviudza kuti
zvandapona nepaburi retsono
kudai handichafe
ndakazvipamha futi.Hameno
kana zvaibva pamoyo nokuti
ndainzwa ndichidawo chaizvo
kurwadzisa tete nehama
dzavo dzavaitamba nadzo.

Akangoti achipedza kudya


Tellme akabva anogeza
kuchigezero panze
chaipo.Akatora nguva refu
kusvika ndazobuda panze
wanike arikutaura namai
Chido.

"Ko matopedza kugeza?"

"Ndapedza ndiri kutaura


hangu namai Chido ava."

"Asi mati makaneta wani?"


"Zvinganditadzisa kutaura
nehama here babie.Ava
ndigulez vangu ndakavaziva
kare usati watombova pano."

"I know asi kwadoka."

"Pinda mumba ndiri kuuya."

Ndakaramba ndakamira
ndaitofunga zvaiva zvaiitika
masikati.Amai Chido vachiti
vanoziva zvaiva mumba
mangu.Handina
kuzovachenesa ini.Dzimweni
dzenguva pane zvavaiita
nemurume wangu behind my
back ndaisava truster mai
ava.Ndakaona ave kuuya
ndikati,"Idzo nyaya dzenyu
dzamotaura usiku ndedzei
baba Junior?Ndavaona
vakamira neumwe murume
asiri murume wandaona
vakagarisana pamakumbo
nhasi makuseni.Moda
kupinda palist here yevarume
vavo kana kuti magara
mutoripo zvenyu."

"Handidi zvekunetsana newe


hangu siyana neni."

Vakadero vachibva vaenda


pabed ndokusvika vachirara
apo vaiva vakapfeka zvavo
bottom.

"Ko ndeipi yamuri kuita hantie


manga musipo here?"

"Saka?"

"Murikuziva zvandiri kureva."

"Urikurevei?"
"Ndipeiwo."

Vakaseka baba Junior vaya


zviya zvinosvota.Vapedza
vakabva vati,"Don't pretend
Sarah hazvina kukufita."

Vakabva vadhonza gumbezi


ndokufuga ndikangosara ndiri
boi boi maziso.Ndakada
kutaura vachibva vati,"Sarah
please ndikuda
kuzorora."Ndakapusa
ndikatanga kuzvitongesa
mupfungwa dzangu.Ndaiva
ndakushaya zvino kuti ndaiva
ndaonekwa here kana
kuti?Zvafamba sei inga aiva
aenda tichiwirirana wani?Ko
apa zvaipira papi?Asi kuti
haana kubvira andida?Ko
kana asingandidi
akandiroorera chii
chaizvo?Ndakapusa panguva
diki iyoyo ndikanzwa
sendinotsva.

Aisanzwisisika Tellme kuti


munhu akaita sei
chaizvo?Zvakandinetsa
chaizvo panguva iyoyo pane
zvandakafunga.Asi kuti
Tellme chigure sekureva
kwake here?Hana yangu
yakarova ndarangarira kuti
ndaiva ndapesana nazvo
zvigure panguva
dzandainoona bamkuru.Kuti
Tellme angava anga aripowo
pavakomana vanga
vakapfeka zvimunhenga
kumeso here?Asi kwete
kwanga kungori kusekawo
hake kuya.Nekusvika
kwakaita Tellme angaita
zvezvinyawu here?Kwete
hakuna zvakadaro.
Ugoona kumazuva rodoka
panguva yandaitsvaka mvura
yekugeza hameno process
imwe yavainzi varikuita
mukomboni medu
imomo.Yekutambira vamwe
vakomana vaida kupindawo
ikoko.Vairohwa hama dzavo
ndidzo dzaizobvisa tumari kuti
vasarohwa
zvakanyanya.Vaibuda
vachimhanya vodzingirirana
hameno kazvaizoperera.Saka
Tellme angaita izvozvo
here?Zvakandinetsa kwazvo.

Ndakabata rushaya
ndikaedza kufungisisa ndipo
pandakaona kuti kana
ndaizobatwa paizvarwa
mwana asina
bvudzi.Ndakatora phone
yangu ndichibva ndatumira
bamkuru message iyo
yavasina kunonoka
kupindura.

"Ndazvinzwa mainini zvagara


ini wacho ndiri kumbobuda
nebasa kuenda kunyika dziri
kure hope ndadyara mbeu
yangu kare.Love you see you
ndadzoka."
Ndakabva ndatoi deleter
nekudzima phone
yangu.Ndipo pandakabatwa
nehope.Kuseni ndakanonoka
kumuka.Tellme aisavapo
parutivi pangu.Ndakabuda
ndokuwana akagara zvake
pamba pamai
Chido.Ndakavakwazisa
ndokudzoka kumba ndoita
basa rangu.Ndaifunga kuti
munhu achauya asi kana
vaitaura vachiseka variko
ikoko.Vakazobuda vese
pasina 1hour vaiva vadzoka
nechimota ndokutanga
kututunura grocery .Zvese
zvaiva kumaziso
angu.Vairatidza kufara
kwazvo mai Chido
ndakazvishaya kuti zviri
kufamba sei?"

Ndakapakura chikafu changu


ndokudya ndichiona hangu
tv.Munhu kana
kuuya.Ndakatozosumuka
ndanzwa knock.Ndokuona ari
umwe mukadzi akati anonzi
mai Zuze.

"Makadii
zvenyu?"Ndakavabvunza
mufaro
vakadaira.Ndakazonzwa
voti,"Hameno kuti
muchazvitora sei mainini asi
ndangoti ndiuye
ndikuonesei.Kuzotaura kudai
tinenge takapfuura
nepo.Ndarwadziwa kwazvo
ndichiona umwe mukadzi
achitengerwa grocery
rakawanda kudai nemurume
wenyu.Ndamboda
kuzvinyarara asi ndaona kuti
ndinenge ndaita hutsinye
kwazvo.Kana Mwari
havandiropafadze
chokwadi.Izvozvi vabuda
vese zvakare vanenge
vaenda panext komboni
kunotsvaka mbudzi chaiyo
nokuti ndanzwa vachiti
vanoda kucelebrater birthday
ramai Chido."

"Mune chokwadi here


yezvamuri kutaura mai
Zuze?"
Ndakadero ndisina
kugadzikana vachibva
vati,"Ndiri serious."

Handina kuda kufunga kaviri


ndakangokiya door
ndokubuda ndakananga
nenzira yavainzi vaenda
nayo.Ndakamhanya
ndokusvika pamashops
wanike vakatogara pabhawa
vese.Mashoko amai Zuze
akatanga kuringer mumusoro
wangu ndikaerekana
ndakukanda nhanho
ndichinosvika pavaiva
vakagara.Ndakatarisa mai
Chido vachibva vandipawo
ziso.

"Urikudei pano?"Akadero
Tellme ndikati,"Basa
kutevedzana nemahure baba
Junior hunhui hwamuri
kundiitira uhu?"

"Ndozvawavinga here
kubhawa izvozvo nhai
Sarah?"

"Moda kuti ndiite sei?Kana


maisandida makanditorerei
kumba kwedu.Busy
kurongera joki renyu birthday
muswere wese wezuva.Ko ini
unoda ndiswere nani?"

"Usada kundikwapa
mumuromo mangu dzokera
kumba ndiri kutevera."

Handina kuda kuteerera


takaramba tokandidzana naye
mashoko ndikaerekana
ndadirwa gwati iro
rakaperekedzwa nemashoko
airwadza kunzwa.Ndakaita
sendisina kunzwa ndikaita
mashoko ekumwaya
ndikapamhiwa imwe.Ndakada
kupindura zvakare bva
ndakarakashwa paroad ipapo
kuita kunge nyoka yapinda
mumba.Ndakarohwa kusvika
karap over kandaiva
ndakapfeka kadonha apo
mukati ndaingova nepant
chete.Umwe mukadzi
aipfuura ndiye akazonhonga
ndokundimonera .Haana kuita
hanya nazvo Tellme vasiri
vakomana vepa bhawa
vakazomubata hameno kuti
ndaisvitswa papi.

"Endai kumba ambu'ya imi.Ko


iye akakuudzai kuti murume
anoteverwa kubhawa
ndiani?Munofira mahara."

Ndakaungudza kuita
sendafirwa mukadzi aipfuura
uya aiva akandibata
chete.Akandibvisa paiva
nevanhu zvikanzi ,"Enda
kumba mwanangu."

Ndakafamba ndoenda
kumba.Ndichisvika kuya
ndakangotora phone yangu
ndokubuda ndakananga
kwandaisaziva.
End of chapter 16

More comments more


[4/20, 11:33 PM] K.Khums:
https://www.facebook.com/gro
ups/548448597213044/?ref=s
hare

Follow facebook pageuku


mokasika kuwana book uku.
Join what's up group

https://chat.whatsapp.com/I5I
6KbDwWa43zudlqQCQT4

KOMBONI LIFE

Short story by Amai Mimie


(K.khums)

0782 818 892


0716 622 299

Chapter 17

NARRATION

Kana iye anoteverawo


mukadzi wake ndiye arinani
pana Tellme.Akatowedzera
kuhushapira hwahwa kuita
sekusina mangwana.Ko mari
aiva nayo, aiva akanuna
zvake mukomana.Zvikati
kana vada zvavo kudya
cheziya ravo makorokoza
anozviita pasina kana kuzeza
zvako.Aiva angoitawo
mukana wekuwana mari musi
waaenda kumakomba
mangwana acho mapurisa
akati arura achibva
ambojegera ndokuzoenda
hake kumba sezvo aiva
akanuna.Chikorokoza injuga
chaidzo.Ariparutivi rwako
anogona kubuda asina kana
chinhu asi iwe uchibuda
wakanuna zvako.

Aitozivikanwa Tellme kuti


munhu mukuru nokuti
aisabuda pasi asina
kununa.Vamwe ndevaiti
akaromba chete ,hameno
manje nokuti iye ndiye aiziva
secret behind his success.
"Ko iyi pfambi irikudeiko pano
iyi?"Tinomunzwa achidaro
Tellme panguva yakaswedera
mai Chido pedyo naye
vachimuzembera
zembera.Vaimuziva havo mai
Chido kuti munhu wacho
mumukanwa chaiko maiva
makaumburukwa
nechidembo.Saka
vakasarudza zvavo kunyarara
chero hazvo mashoko acho
aidzimba pamoyo.Changa
chakavakoshera mai Chido
imari dzavaingotsenga saka
kutukwa yaisava nyaya home
kwavari.

"Tsano pfambi iyi ngaibve


pano."Aitaura
achinongedzera mai
Chido.Ivo nekuziva hunhu
hwake vakapesanisa tsoka
dzavo voenda kumba
kwavo.Vaisada kunyadziswa
zvavo.Ko munhu wacho aiva
asina mangwana ka.Aikuudza
rimwe chete bedzi rekuti
wairara
nebhutsu.Vachingobva mai
Chido,Tellme uya akabva
atanga kuungudza
seafirwa.Ndiwo mabasa
edoro iwayo.Vakomana
vaivapo vakamusiya kuti
apedze shungu.Munhu wavo
vaimuziva kuti vakaona
achidaro anenge ane chigodo
pamoyo chekuti kana chisina
kubva hazvipere mushe.

"Ndanga ndakada mhani


kamwana aka kusvika pasi
pemoyo wangu.Ndosaka
ndakanobvisa pfuma kumba
kwavo.Hazvidi kuudzirwa kuti
mwana waanaye ndewangu
ini.Hazvibvunzwe nokuti
ndozviziva ini baba vake.Asi
manje ndakarwadziwa tsano
kunzwa kachitaurwa neumwe
muface musango umu.Hanzi
ndiye akakavhura
wena.Aingoita zvaada nako
paadira achikabhilivhisa apo
iye ane munhu wake waaida
kuroora zvenyu tsano."

"Ndezvarini nhai tsano


zvamuri kutaura?"
"Mazuva akasununguka
apfuura aya achibva arumura
mwana wangu kuti anyatsoita
chipfambi zvakanaka pasina
chomukanganisa."

"Hantie manga musati


mavapo here tsano?"
"Ndaivapo tsano hantie ndini
ndakamunhumburisa here?"

"Saka ndizvo zvamarovera


mukadzi pamhene here
tsano?"

"Ane nyaya dzake ,idzo


ndedzerimwe zuva
handingadzitauri nhasi."
"Ndedzei?"

"Handisi kumuchenesa
uyu.Abatwa nemweya
wemukomboni chaiwo,asi
haana kuutorera pano akabva
nawo kumba kwavo."

"Sei?"
"Handimunzwisise
nabamkuru vacho,nhasi
ndomboti ndatadza kuona
zvangu asi nerimwe zuva
pane mudzi senyaya chaipo
ndichapaona.Tingati kufanana
kwemota hongu asi ko vanhu
vabva vafanana kuita mabuns
kudaro pamwe vane mutwin
baba vaya
hazvichazivikanwi."
"Nyaya dzenyu ndiri kutadza
kudzibata ini tsano handei
kumba torara."

Vakasimuka voenda kumba


bva tsano vacho vakasvika
kumba vanzwa nekujegera
munhu kuti asadonha.Goni
rakangovhurika zviri nyore
vachibva vapinda.Tsano
vacho havana
kuzopinda.Vakabva vaoneka.
"Ndakuenda ini tsano
tomutsana mangwana
zvamuri imi mugorova futi
mwana wavaridzi."

"Endai tsano ndatova


bho,shungu dzapera."

Akangosvika achizvikanda
pabed hope dzichibva
dzatobata.Akarara dzedanda
zvekuti haana kana kuona
kuti mukadzi aiva asipo.Zuva
rakatevera racho akanonoka
kumuka akatozovhundutswa
neknock padoor.Akanovhura
ndokuwana vari mai Chido.

"Muri kudei kuseni kuno?


Zvimwe makufanirwa
kuzvinzwisisa kuti ndava
nemukadzi zvasiyana nakare
pamaiita yamada mumba
mangu.Vakadzi vemukomboni
mune
problem.Mukasekererwa
makufunga kuti madiwa
chaizvo.Munoti zvandakarova
mukadzi mukati
handichamuda mowana
mukana ana mai Chido?Ibvai
pano tione imbopaiwo
mukadzi wangu respect."
"Kubva zvamakauya nezuro
mukadzi wacho
makambomuona here?"

"Haana kuenda kumvura


here?"

Vakadzungudza musoro mai


Chido vachibva vati,"Mainini
vakaenda nezuro,havana
kurara pano.Ndanzwa kuti
vakangosvika vachibuda
havana kugara."

"Achadzoka hake."

Anodaro Tellme achiratidza


kushaya han'a.Anodzokera
mumba achida kunyatsoona
kuti mashoko aitaurwa namai
Chido aiva echokwadi
here?Anosvikotarisa hembe
dzaSarah anowana
dzakakwana dzese anobva
ati,"Haiwa ari pedyo
achadzoka hame."

Anotanga kutsvaka chimunya


kuti adye anochiwana
ndokutanga kudya pasina
kana kudziisa zvako.Ari pakati
pekudya anonzwa knock
anombo ignore oenderera
mberi nekudya hake.Ko
aivaziva ka mai Chido kana
vasina kupihwa kudya
kwepasi peguvhu vaitoswera
vachiita chinamira
bedzi.Aiwanza kuzviita Tellme
kana ane stress ndiko
kwaaipihwa mapiritsi
ikoko.Kana kutevera vakadzi
vaakaitisa vana vaya.Ivo
nokuda mari vaiita zviripo
chavaida mari bedzi.Ko life
yemukomboni makwikwi ka
inoda vaijaira kwete iwe
zvako muuyi sana
Sarah.Hameno kuti anga
apindwa nei Sarah anga
atobatwa nemweya
wenzvimbo chaiwo.Chaasina
kuziva Sarah ndechekuti anga
aba moyo waTellme nokuda
kwaJunior.Vamwe vose vaaiti
vana vake vaiva vasikana
bedzi.Iyeyu Junior anga
akamukoshera kwazvo.Anga
azvipira kuchinja Tellme for
Sarah's sake zvino nyaya
yaakanzwa nemupurisa
waaitombopawo mari kuti
awane kukavhira mumasango
umu aiva amugura kunorira.

Zvisinei akasimuka
achipopota,"Ndozvandisingad
i izvozvo mai Chido munhu
kumba kwake kwete kungo,,,"
Haana kupedza zvaaida
kutaura asanganidzana
nevanhu vaaisafungira
padoor apo akabata musuva
wesadza muruoko.

End of chapter 17

Shareeeee please
[4/20, 11:34 PM] K.Khums:
https://www.facebook.com/gro
ups/548448597213044/?ref=s
hare

Follow facebook page

Vanoda from 1 please join


this group inbox handipe book

KOMBONI LIFE

Short story by Amai Mimie


(k.khums)

0782 818 892


0716 622 299

Chapter 18

Baba vangu vairova asi


hapana musi wavakandirova
kusvika pakusara
ndashama.Zvaiva zvaitwa me
Tellme aiva andiratidza kuti
handina kumukoshera
zvachose.Dai aindida chaiko
aiziva kuti ndiri mukadzi
wake.Ndaitya zvangu
kufamba husiku asi musi uyu
ndakabuda nguva dzafamba
munzvimbo
yandaisaziva.Ndaiva
ndakazara nehasha zvekuti
ndakatozozvibvunza ndega
kuti,"Ndonangepi?"Ndikaenda
kumba vanosvika vachinditi
chii?Ndakatanga kutevedza
road ndokuzovhunduka imwe
mota yamira pandaiva chaipo.

Ndakaona muchidzika
munhurume kutarisa nguva
kudai dzaiva dzatova kuma10
dzehusiku.Hana yangu
yakarova ndokumboda kutiza.
Pandakanzwa voice
randakaziva ndipo
pandakamira zvese
nekunzwa
kurerukirwa.Ndakamhanya
ndokusvika ndichivambundira
ndokuchema ndiri mumaoko
avo.

"Ndatombofunga kuti zvimwe


chipoko.Ndazongoroveramoy
o padombo.Kwakanaka here
kufamba husiku nguva dzino
mainini?"Vaiva bamkuru
ndakabva ndavati,"Hakuna
ndarohwa naTellme l think
akationa musi uya.Ko
murikubvepi?Inga makati
murikuenda kuchando wani?"

"Ndiri kubva kumakorokoza


mukati umo.Pane andifonera
ikoko.Ndorandiri kubva
kunotenga."

"Momboita nezvei chaizvo


bamkuru?It's my first time
kunzwa kuti motenga
goridhe."

"Handei mumota tirove pasi


tinotaura."

"Okay."

Takapinda mumota
ndokurova pasi.

"Ndokuendesai kumba here


kana kuti?"

Vakabvunza ndikati,"Ndiitirei
plan kumba handisi kuda
kuendako."

"Nei?"

"Vanondidzosera kuna
Tellme,handisati ndada
kudzokera ini."
"Asi vano,,,,"

"No bamkuru kalife


kemukomboni kanenge kasiri
kangu ini.Ndingatoita zvimwe
chaiko.Zvandiri kuona imomo
ndogona kupara ngozi chaiko
zviri nani mundiitire plan."

"Zvichibuda here mainini imi


muri mukadzi weumwe
murume zvikabuda munoti
ndopona here?"

"Hameno asi kukomboni


handisi kudzokera nhasi
hangu.Ndoda kumbozorora
ndiri kure naTellme.Iko
mungataura zvekuti mukadzi
wemunhu pamunenge muri
pamusoro pangu modii
kuzvifunga?"
"Aaah mainini,,okay but
pakaipa."

"Kana musiri kuda siyanai


nazvo ndoita plan."

"Yei manje husiku huno?"

"Kana musingadi moda ndiite


sei?"
"Pakaipa handei tidire fuel
tizadze tank takutomboenda
kuHarare."

"Hameno chero
kwamandiendesa."

Vakazadza tank pafilling


station yekuMazoe tichibva
tarova pasi.Hope dzakandiba
ndokuzopepuka panguva
dzandakamutswa.

"Tavepi?"Ndakabvunza
vachibva vati,"Burukai mai
mwana."Ndakaburuka
ndokuona takatarisana
nerimwe zimba raiva zihombe
kwazvo apo
rakanaka.Handigoni
kutsanangura zvapaiva
zvaida muchizvioneea
pamhino sefodya
ndikati,"Ndekupi kuno
bamkuru?"

"Hantie mati hamusi kuda


kuenda kumba pano pamba
peshamwari yangu
mombojegera muri pano kana
makunzwa kurerukirwa
mondiudza ndokudzoserai
kumba
kwenyu.Matondikonesa
rwendo rwangu mangwana
imi."
"Mogona kuenda ndongosara
hapana chakashata."

"Ndakutosimuka after 5 days


munenge mapora
mainini.Tete venyu vari kutoti
ndarova pasi."

"Vari munhamo tete vangu


nekunyeperwa."

Vakangoseka ndokuvhura
door tichibva tapinda.Paiva zii
zvapo pamba pacho.

"Handei."Vakandidero
ndokunanga mubedroom
chaimo umo maiva makanaka
kwazvo.
"Umm bamkuru muno
hamuite umu.Ndemani
mumba makanaka kudai?"

"Relax mainini,mukuda
kugeza here?"

Ndakaona kuti kugeza kwaiva


nani kuti ndisimbe ndaiva
ndakarukutika
zvakanyanya.Pamwe kwaiva
kuchema kwandaiva
ndaita.Ndakaratidzwa
kwekugezera ndichibva
ndaenda hameno sei pamba
pacho paiva zii paisaratidza
kuti pane vanhu
zvachose.Ndakabva kogeza
ndokuwana bamkuru vasimo
ndakavhura fitted wardrobe
yaivamo mumba
macho.Kaplan kacho kanga
kakanaka zvako.Uchibuda
mubathroom waibva wachinja
usati wasvika kwaiva
nemubhedha
nezvimwewo.Ndakatambirwa
neimwe perfume
yakandikachidza ndichibva
ndanzwa moyo wangu
kumira.Ndakavhara
nekukasika ndichibva
ndamhanya kubathroom uko
kwandakanorutsa kuita
sendichabuda ura.
Ndaisazviita hameno kuti
zvanga zvabva
kupi?Ndakatombofunga kuti
zvimwe inhumbu asi kwete
mhani pana Junior
ndaisarutsa ini.Plus kudya
ndiri kungodya zviri normal
zvandanga
ndichingoita.Hameno kuti
ndashorawo chii
hangu.Ndakamira kudaro
ndakabva ndaona chinhu
chaipenya kunge ring
ndakakotama ndokuinhonga.

"It looks familiar


ndakamboiona kupiko ring
iyi?"

Ndakazvibvunza ndakaibata
asi ndaishaya kuti kupi
chaiko.Pamwe mushop
hameno.Ndakuda kuisa pasi
ndipo pandakarangarira
ndikaerekana ndati,"Ndeya
tete."

Ndakarangarira vachindiudza
kuti vaiva vaikurura umwe
musi vachibva vakanganwa
pavaiva vaiisa.Ko iri kutsvaka
chii muno.Inga vati imba
yeshamwari yavo wani?Ko
ring yatete iri kudei
muno?Zvakandinetsa
ndikangoguma ndati hadzisi
dzangu idzi regai ndisiyane
nadzo.

"Bamkuru tete vanombouya


kuno?"

Ndakadero pandakadzokera
muroom mavaiva.Vaitova
busy kuvhura zvimabox
zvefish inn hameno kuti
vanga vazviwana kupi nguva
idzodzo nokuti kwaiva
kwakutoyedza.

"Vanouya vachitsvakei
kuno?Havatokuzive."

"Asi imba ino ndeye


magirlfriends enyu kahi
neshamwari yenyu yacho."
"Munobvunzisa amai mwana
ini ndatongokuuyawo nhasi
nemi semunhu asina
kwekuenda.Manga muchida
kuti ndikusiyei munzira
here?Huyai mudye uko."

"Aiwa magona bamkuru


ndoda kumbofurwa
nemhepo."
"Yakanaka mai mwana
mangwana ndombokuratidza
kunofarirwa wanzwa."

Ndakaseka ndikati,"Handina
kwandoda kuenda ndoda
kuswera pano."

"Yakanaka, shamwari yangu


yafona yati iri kuuya kuno
munenge mava nemunhu
wekutaurawo naye nyaya asiri
ini."

"Ndipo pandingataura
neshamwari yenyu here?"

"Ane munhu wake waari


kuuya naye saka
haumboshurikirwi."

"It's okay hope haabve


kumapurazi kwedu
ndoendeswa mbiri zvangu
ndikagurwa musoro
naTellme."

"Haa kana kuti kudaro here?"

"Pakanaka."

Hameno sei musi uyu hapana


chaindinakidza pana
bamkuru.Ndaiti ndikavapa
ziso kudai ndonzwa
kakusvotwa navo
kandaisanzwisisa.Handitozivi
kuti zvainyatsofamba sei?

Ndakatofara patakangorara
pasina zvataita.Vaiva
vakangondigumbatira
bedzi.Aiwa zvanga
zvakarongeka.Ndakazomuka
zuva rakwira.

"Geza shaa hantie ndakuudza


kuti muface wangu arikuuya
hazvizoiti kuti akuwane
wakarara ino iroom
yake,hantie wazviona kuti
ibedroom.Ubve watora zvinhu
zvedu woendesa kune imwe
room iyo."
Vakadero
vachindinongedzera
ndikati,"Pakanaka asi iyo
imba ino umm mukadzi
weshamwari yenyu anoziva
nezvayo here?"

"Wakuda kuziva dzisiri dzako


iwe? Anyway akaitengera
munhu waari kuuya naye
nhasi surprise arikuda
kuroora munhu wake
uyu.Wake mukadzi
wekutanga akashaya
achibara mwana saka akuda
kutangawo mhuri.Hope haasi
tsotsi mukadzi wacho nokuti
friend yangu akapinda zvese
nemoyo anomuda
zvisingaite.Zvekuti apa atori
nenhumbu mukadzi wacho
ndosaka akamuitira zvikuru
kudai."
"Saka ane mari dzake."

"Yaa anayo ndozvandiri kuda


kukuitirawo ndizvarire mwana
mukomana uone."

Ndakaseka zvangu ndikati


,"Ko tete?"

"Umwe neumwe kumba


kwake."

"Ko Tellme?"

"Ndomupfuudza uyo."

"Whaaat?"

"Jokes kani babie."


Vakadero vachiseka vachibva
vauya from behind vachibva
vandimbundira
nechemudumbu apo vachiita
kufemera muhuro
mangu.Ndaiziva yavaida
kutanga asi ini moyo wangu
waisatombovapo
zvachose.Pfungwa dzangu
dzaiva kure chaiko.Munhu
aiva pamoyo pangu panguva
iyi ndiTellme.Ndaiva
ndakutozvidemba kuti
chandaiva ndabvira kumba
kwacho.Ugoona ndaiva
ndabva ndakamutsamwira asi
apa ndainzwa kumusuwa
chaiko.Umm zvinhu zvacho
ndanga ndatovawo confused
kuti chii chaiitika pandiri.

Vakaenderera nezvavaiita
ndikati zano nderipi pano?Ko
kuchema hangu
ndobvei?Yakabva yatotanga
kubuda misodzi iya
ndikanzwa bamkuru vava
kuti,"Ko chii?Asi pane
pandaresva?"

Ndakadzungudza musoro
zvikanzi,"Saka chii?"Ndikati,"I
miss my mom."

"Whaaat?"
Vakadero bamkuru
ndikati,"Ndavasuwa ini."

Pafair chaipo vaisava mai


vangu vandaiva ndasuwa asi
kuti Tellme ndainzwa kuda
kubhururuka chaiko ndoenda.

"Todii?Ndokuendesai ikoko?"
Ndakagutsurira musoro kunge
chidhambakura vachibva
vati,"Ndanga ndichida
kuswera newe babie manje
kamuitiro kako ungatoti hausi
kuda zvepano hako.Chii?"

"Inga ndataura wani."

"Okay handisi kuda kutora


hangu advantage ndoziva kuti
hazvisi nyore zvakaitika.I'm
also the cause of all your
problems saka l won't force
you tichafara pamunenge
muchinzwa kuda mai mwana
hantie."

Ndakaona sezvaiva too much


ndichibva
ndatendeuka.Takatarisana
mumaziso chaimo ndini
ndakatovatanga kuvatsvoda
ndakuona kuti zvaipa pano
ndakabva ndati,"Promise me
kuti after this mondiendesa
kumba kuna mhamha vangu."

"Okay."Vakadero vachiratidza
kunonokerwa.We made love
muroom imomo kwaingova
kushinga asi ini pfungwa
dzangu dzaisava
panzvimbo.Hanzi bonde
nepfungwa zvofambidzana
ichokwadi chiya.Ini
vaitondikuvadza
chaiko.Kwaingova kudzosera
favour chete apa.Vaibowa
veduwe zvekuti ndaiva nzwira
tsitsi munhu anoperera iwe
uchinyepedzera hako
kunakirwa.Tiri pakati kudaro
door rakaerekana ranzi
bherengende.Ndikanzwa
voice randakaziva
tichiti,"Jesus
Christ."Ndakasimudza
musoro ndokutarisa kudoor
kunodai sandi manenji iwayo
vakabva vafenda.

End of chapter 18

Pamwe pacho bundle


panenge pasina free book
rinodawo masponser kuti
rikasike kuuya bundle rodiwa
asi kufacebook rinenge
raveko zvaro.

[4/20, 11:35 PM] K.Khums:


https://www.facebook.com/gro
ups/548448597213044/?ref=s
hare

Follow my Facebook page

Join what'sapp group


https://chat.whatsapp.com/Gg
qqWr9SjudKAyxnkrVIXy

Vanoda from 1 please please


join this group inbox
handikwanisi kukupai book
munenge
makawandisa.Pananai ifree
book iri veduwe

KOMBONI LIFE

Short story by Amai Mimie


(K.khums)

SHARE,READ AND
COMMENT

0782 818 892


0716 622 299

Chapter 19

"Handizivi."

Ndakavatarisa ndichitadza
kubatanidza zvavaiva
vataura.

"Saka makore ose aya


atagara tese hamuzivi kuti
mondida here kana kuti kwete
baba Dee?"

Vakaboiraboira maziso
vachibva vati,"Wandibvunza
ndikakuudza chokwadi mai
Dee saka ukuda kuramba
uchibvunza kuti chii?"

"Ndiri kutadza
kuzvitenda,ndosaka ndiri
kubvunza
kudai.Maingofanirwa kugara
mandiudza chokwadi
ndakaziva kuti ndiri kugarira
vana bedzi."

Havana kupindura
ndakanzwa kunge ndabaiwa
netsono pamoyo.Kupaparika
hunge une kwekuenda zvino
ini wacho ndaisava kana
hama imwe chete
zvayo.Zvekutsvaka hama
dzangu ndaiva ndisina
kumbonyanya kuzvikoshesa
nokuti ndaiva ndajaira zvaiva
zviripo.Apa ndipo
pandakaona kuti hama
yakakosha zvimwe dai
ndaivawo nehanzvadzi
ndisina kana kusvika
pakadai.Ko iye aiva
anondisiyawo pamusiwo
wechurch ndiani?Kuti
vangava amai vangu?Zvino
kana vari ivo vakadiiko
kuzonditsvaka.Kana kusiya
vanyora havo chipaper
chairatidza kwandaiva.

Ndaifunga kuti life iri easy


kana une pekuisa musoro asi
kwaiva kuzvinyepera.Murume
wandaifunga kuti ndiye wangu
uye achachinja aitotaura
ngano hake.Ndakaeredza
misodzi ndakagara
pasi.Vakauya vachibva vada
kundibata ndikati,"Endai kuna
mai Taonga mobatirei munhu
wamusingadi.Handizi chinhu
ndisiyei ndakadaro.Chero
ndikafa musachema
imi.Makandiuraya
kare,musana wangu une
makwamba kuita
sekamba.Nhasi
ndazvinzwisisa kuti hamuna
kubvira mandida
shuwa.Hakuna murume
anorakasha mukadzi wake
zvamaiita izvi."

Misodzi yaingochururuka
hayo isina kana control zvaga
zvandinyanyira ini.Dee atova
murume mukuru zvekuti dai
aiva mwanasikana kutaura
kudai atova nemwana atova
kumagrade 5.Sarah akurawo
ava kumba kwake ava
nemwana wandakabata
mumaoko uyu.Asi makore
ose aya aiva ekutambisa
pasina rudo zvapo.Zvimwe
dai hama dzangu dzakadya
pfuma ndainzwawo
kurerukirwa.Zvino ndingori ini
bedzi handina umwe
wandoziva.Ndotangirepi
kutsvaka hama dzangu?
Zuva rakatevera racho
ndakambodzokera
kuorphanage kuya asi
handina kuwana
help.Ndotoshaya kuti zvaiva
zvafambawo sei?Hameno kuti
ijambwa here kana
kuti?Kwaingova kufa
nekuraswa hapana kana
umwe chete wehama
aizotemawo guva
rangu.Hama dzangu dzaitova
Dee naSarah.Ndivo
vaizondiona bedzi.Ndodii
zvino nokuti handingarambi
ndichigara pandisingadiwe.

Ndakaedza kufunga asi way


forward
ndakaishaya.Chakazongouya
mupfungwa dzangu kwaiva
kuendesa mwana kuna Sarah
ndotangawo hupenyu hwangu
hutsva.

Ndaiva ndakagara
ndichirongedza hembe
dzemuzukuru wangu
pandakanzwa knock
padoor.Ndakaramba
ndakagara kusvika munhu
uya avhura ndaitonzwa nungo
chaidzo zvekuti ndakaramba
ndakagara
pasi.Pandakazoona munhu
uya ari Dee ndipo
pandakatadza kuvanza
mufaro
wangu.Ndakangosimuka
ndokumhanya ndichisvika
ndichimumbundira.Zvese
misodzi nekadzibwa
zvakatanga kubuda ipapo.

Ndakatora nguva refu


ndakadaro kusvika Dee
andibvisa achibva anditarisa
ndokudzungudza musoro
wake achibva ati,"Misodzi iyi
haisi yemufaro asi yekusuwa
chaiko amai.Maziso enyu
akuratidza kuti hakuzi
kuchema kwanhasi bedzi asi
kuti mava nenguva
muchichema chii mhamha?"

Ndakawedzera kuchema
achibva andisiya ndakadero
aona ndanyarara akabva
ati,"Chii mhamha?"

"Zvakaoma
mwanangu."Ndakapindura
achibva ati,"Zviri kufamba sei
pano pamusha?"

"Ndiri kurwadziwa mwanangu


ndaifunga kuti zvandaroorwa
zvanaka.Handina kuziva kuti
kuzvicherera rangu gomba
ndiri mupenyu.Makore ose
andagara nababa vako
ndaifunga kuti vane kamwewo
kapandi kanondidawo asi
havana.Vakandiita pain ease
baba vako.Pavaikonana
nemukadzi wavo wekutanga
vaiuya vachipedzera shungu
dzavo pandiri kundiita
chipunching bag chaicho."
"Mukadzi mukuru?"

Akashamisika
ndikati,"Vanonzi mai Taonga
handizi kuti vane vana
vangani asi ndiye mukadzi
mukuru wababa vako."

"What are you saying mom?"

"The truth my
boy.Ndakavabvunza kuti
vanondida here vakati
havazivi saka ndoti
chii?Ndakagarirei pano
pamusha?Kurakashwa
chete."

"Kurohwa?"Akashamisika
zvakare ndichibva
ndamuvhurira kumusana
kwangu ndikaona achiburitsa
ziso rakatsvuka kunge
chiropa.
"Sarah ava kuziva zvese hake
ndakamuudza."

"Ko akadii kundiudza."

"Anga akawandirwa
hanzvadzi yako Dee,patori
nenyaya yanga
yakavanzika.Sarah akasvika
pakuroorwa asingazvizivi.Asi
mukwasha anenge
akazotaura hake chokwadi."

"Ndeyei nyaya yacho?"

"Baba vako vakapihwa


5000us nemukwasha murume
watete vachibva vavimbisa
kuti Sarah aizovazvarira
mwana wavaida.Sarah akaita
nhumbu yake chihwande
kusvika pakuzvarwa pasina
chataiziva.Zvino baba
vemwana vakazouya ndivo
vakatozoroora.Mukwasha
wenyu akudawo mukadzi
wake sekuvimbisana
kwavaiva vaita."

"Zvese izvi zvaiitika pano


pamusha asi hapana kana
mumwe chete zvake akada
kundiudzawo chokwadi.Sei
muchidaro vanhu imi?Manje
hakuna izvozvo mudhara
ngavadzosere mari
yemukwasha.Sarah
haangaparadze imba yake
nokuda kwamudhara
hazviite.Ngavapedze
yavakatanga.Ivo mudhara
varipi?"

"Vanga varipo hameno


kwaendwa."
"Ndichavaona vadzoka.Ko
tionei ka maphotos ake Sarah
ndimboona murume
akamuroora."

Ndakatora phone
ndokumutambidza.Akangoti
achiti baa zvikanzi,"Mhamha
makaendesa mwana
kukomboni
shuwa.Makaroodza
hanzvadzi yangu kuchigure
mhamha.Tellme chigure
chemandiriri.Ndivo vakuru
vacho.Ko ndomuziva ka
hapana anondiudza
nezvake.Makaitei vanhu
imi?Tellme ,Tellme mhamha
kana mukwasha murume
watete mukuru zvake asi atori
nani pana Tellme.Wait a
minute mom,,,saka
akatoroora achiziva kuti
Sarah ihanzvadzi
yangu.Irevenge kaiyi.Manje
handingatarise mwana wamai
vangu achiitiswa.Tellme ane
vakadzi more than 4
vaakaramba nokuti vainge
vazvara vanasikana.Hanzi
rudzi rwavo rwunotanga
nevakomana saka aiti havazi
vake.Zvino akabva abatira
pana Sarah.But why Tellme
why?"
Akabva abuda ndakati
handisari ndiwo waitova
mukana wekuunoona
panogara
mwanawangu.Takapinda
mumota yababa vacho ini
yaiva first time chaiyo ndaiva
ndakaramwa kare kuikwira
vanga vane tsika yekuti ivo
vanoenda nemota ini
ndotevera netsoka kana malift
chero tichienda kumwe chete.
Akairova mota zvekuti hatina
kuita 30 minutes taiva
tasvika.Takabvunza nzira
paroad kune umwe mukadzi
uyo akatisiya risina
remumuromo.

"Ndiri muneighbour wavo,mati


murikutsvakwa mainini
mukadzi waTellme.Uye muri
mai vavo asi haana kusvika
kumba nezuro?

Ndakaratidza kushamisika
nemashoko aje achibva
aenderera mberi
achiti,"Nokuti akabuda husiku
kuma9 mushure mekurohwa
zvakanyanyisa
kwazvo.Hameno kana asina
kutyorwa mutsipa.Kana asina
kusvika zvoreva kuti pamwe
akabatwa muroad umu kuitwa
kafira mberi chaiko."
Takazoenda kumba kuya
ndakufemera padenga
sendere.Takasvika
ndokugugudza door richibva
ravhurwa.He was shocked
vachitiona.

"Murikutodya sadza mwana


wangu aripi?"
End of chapter 19

More comments more


[4/20, 11:35 PM] K.Khums:
https://www.facebook.com/gro
ups/548448597213044/?ref=s
hare

Follow my facebook page

Join what's up group


https://chat.whatsapp.com/Gg
qqWr9SjudKAyxnkrVIXy

Vanoda from 1 join

KOMBONI LIFE

Short story by Amai Mimie


(k.khums)

0782 818 892


0716 622 299

SHARE,READ AND
COMMENT

Chapter 20

NARRATION

(Ndezverudzi here?Or this


family is cursed???)

"Masamba shamwari bata


kumakumbo tibatsirane
kumusimudza timuise
pamubhedha."

Yaiva shamwari yaMasamba


anova ndiye murume
watete.Akaramba achitaura
ega ,pavaviri ava hapana
akaita kana action.Vaiva
vangoti tumbi mumba
imomo.Akamhanya zvino
Mundoza ovhura
mawindow.Kwaari aitoona
babie rake ramufira.Ko aiva
auya achida kuitira babie rake
surprise.Kufenda uku kwaari
zvakatomunetsa akatadza
kuziva kuti chingava
chii?Akabatidza fen, zvese
zvaivamo mumba umu maiva
makarongeka zvekuti.Aiva
atora nguva refu kugadzirira
mudiwa wemoyo wake.Haana
kuziva kuti zvicharovesa
mudiwa wake hana kusvika
pakufenta kudaro.Mundoza
aiva adeedzwa
kuti,"Surprise!" ari kumashure
apo babie raiva rabata handle
kuri kuda kuvhura goni kuti
vapinde mubedroom mavo.

Panguva dzakavhurwa door


ndipo pakasanganwikwa
nemanengi munhu
achikudubuda ndiye zii
akadaro.Yakabatidzwa fen asi
munhu akaramba angori
tasa.Ndiani achaziva kuti
kwanga
kuchiri kufenta here kana kuti
dzanga dzatovawo nyadzi
zvadzo.Kana ari Mundoza
naSarah vaiva zii havana
kana kuburitsa shoko chero
rimwe chete zvaro.Yaiva
fungira mumoyo rwendo
rwembwa.

"Kuti zvandanga ndichifungira


ndizvo here?Ko kana zvikava
izvo chokwadi inotongwa
seiko nyaya iyi?Kuti tete ndiye
munhu anga achirehwa
nabamkuru kuti babie
reshamwari yavo?Nhai Mwari
zvigofambiswa sei?Ko iye
Mundoza uyu arikuziva here
kuti babie rake mukadzi
weshamwari yake?Ko ivo tete
kuchiri kufenta here kana kuti
dzava nyadzi?"
Aizvibvunza Sarah asi
mhinduro chaidzo aiva
asina.Aipota achitarisa
bamkuru vake avo vanga
vaita kunge chidhori chekwa
topics chero movement vanga
vasina.Akavazungunutsa
achibva ati,"Pfekai hembe
bamkuru."Tinovaona
vachivhundukira ndokusimuka
vakafuga sheet
ndokunopfeka.Vakadzoka
Mundoza achimwaya babie
rake mvura.Ndipo patinoona
munhu achiti
bengenu.Panguva idzodzo
ndipowo panopinda Masamba
bamkuru
vaSarah.Vanopererwa
vachinzwa Mundoza
achiti,"Thank God babie
wamuka.Asi babie usadaro
unoda kundirovesa neheart
attack here?Ipapa ndanga
ndakushaya kuti zvadii?Thank
God wamuka sweetie
wangu."Pese apa
aimbotambisa matama
pekupedzisira ndipo paakapa
tsvodi pamuromo chaipo.

Akamusimudza
ndokumugarisa zvakanaka
achibva ati,"Masamba sorry
hako makusvikirwa nasweetie
wangu anga asina kumboziva
kuti muroom make mune
vanhu.Even neni thought
makapinda mune imwe room
sezvoo waiziva kuti ndiri
kuuya nemunhu wangu.Ndiro
bedroom redu namadam
vangu.She ruined my surprise
nokungofenda zvisina
basa.Today ndipo pandanga
ndichida kukuudza kuti this
house ndeyako babie negirls
dzedu.Pano ndipo patinenge
takuraramira nevana vedu l
love you sweetheart and
thank you for everything
kundizvarira vana vangu l
appreciate everything."

Muromo wake waisamharwa


nenhunzi wainyatsoona kuti
munhu ari murudo
uyu,akaperera
chaiko.Tinomunzwa
achiti,"Cheer up man
zvatopfuura pane asingazivi
here kuti panosanganikwa
mukadzi nemurume
panoitikei?Igaro ziva shaa
don't be ashamed, mainini
let's enjoy our day.Totomboita
zvebraii nevanhu vedu shaaa
life is too short let's enjoy."

"Enough Mundoza!"
Zvakwana!"

Babe raMundoza
rakakwamatata zvinova
zvakashamisa Mundoza
wacho.

"Ko watsamwei
babe?Ndatadzei?Inga
unoziva wani kuti ndokuda
zvakanyanya say anything l
can do it for you."

Akadaro Mundoza atovawo


worried kuti ko munhu wake
atsamwei Aidiwa mukadzi uyu
naMundoza zvakapetwa
chaizvo.Aiitadza kugadzikana
kana afunga
nezvake.Akanzwa moyo wake
kubanda paakaona bae wake
achiyeredza
misodzi.Anosvikopfugama
Mundoza uya ndokutanga
kunanzwa misodzi iya zvekuti
kana bae aichema pfungwa
dzanga dzatova
kure.Akanyatsopfavirira
kukanganwa kuti murume
anozivikanwa
aripo.Tinoonawo Masamba
achivira nehasha ko
aimudawo ka mukadzi
wake.Rudo irworwo ndirwo
rwaiita kuti asabuda pachena
kuti vaishandurudzana
naSarah behind her
back.Anotsamwa Masamba
ndokudhonza Mundoza
ndokumupa chematsenga
nzungu.Akabatwa
akavarairwa zvekuti haana
kuwana mukana
wekuvhika.Akanyatsonzwa
parere moyo chaipo.

"Ko chiiko nhai Masamba


unondikuvadza mhani?"

Akadero Mundoza achiedza


kuzvibvisa pavari asi raiva
rino rume rakayamwa
rikaguta.Vakatadza
kuzvikatanura.Apo zvibhakera
zvaiva zvave
kunaya.Mundoza valued their
friendship haana kana
kudzosera.Sarah achiona izvi
ndiye anorandutsa nokumira
pakati pavo achibva
ati,"Kurwa kobatsirei nhai
bamkuru?Yatodeuka mvura
yemuguchu
haichadyorereki.Pakuda way
forward apa.Munhu wamuri
kurova atori murima zvake isu
tiri vatatu tisu tiri kuziva
nyaya."

"Nyaya yei?"Anobvunza
Mundoza,Sarah anobva
ati,"Sweetheart wenyu nditete
vangu."
"So?Zvinei nekundirova
manje?"

"Mr Masamba ndiye murume


watete vangu,ini ndiri mwana
wehanzvadzi yavo mainini
kuna Mr Masamba."

Akadzungudza musoro
achibva aseka Mundoza
ndokuti,"Handisi kunzwisisa."
"Murikudya pari kudya
shamwari yenyu
Masamba.Fatima uyo
mukadzi waMasamba."

Akamhanyisa ziso kuna


fatima vanova tete
vaSarah achibva ati,"Ndeipi iri
kutaurwa iyi babe?"
"Ichokwadi , ichokwadi haasi
kunyepa Sarah.Ndiye
murume wangu uyu."

"Jesus Christ!"

Anodaro akavhura ziso


achibva ati,"Ndiye ex wako
wawaiti ari kuku abuser
uyu?Ndiye murume
arikuchengeta vana vangu
uyu?"
"Mundoza please,,,"

"Handinyarare ka babe it's


high time angoziva kuti vana
vaari kuchengeta havasi
vake."

"Mundoza kani?"
Akadaro with an begging eye
asi Mundoza haana
kuzviteerera.Akaramba
achitaura bedzi.Mashoko aya
ainosvika achiti mbii pamoyo
paMasamba.Aizviita
chamangwiza uye aitora
mukadzi wake semunhu
akapusa asingasimudzi
musoro.Chaasina kuziva
ndechekuti kunyarara hakuzi
kupusa zvachose.Apa ndipo
paakachizoziva zvairehwa
netsumo iya yekuti,"Imbwa
nyoro ndidzo tsengi
dzamatowo."Aizviita gaffa
Masamba asi apa akaieredza
misodzi.

"I'm sorry baba Letty."

Akasimudza ruoko Masamba


achibva ati,"Wandirwadzisa
Fatima.Kundicheka
nerakagomara chaiko.Inga
zvawaingoita kunge munhu
kwaye
wani?Ndakakutadzirei?"

Akatanga kuseka Fatima uya


zvikanzi,"Maiita maths dzenyu
nehanzvadzi yangu muchiti
ndakapusa here?Wairara
naSarah pawadira unoti
zvese ndaisazviona
here?Under my roof
pamubhedha wangu ndarara
kubasa.Ndiwe wakandituma
kuita izvi Lawrence.Hauna
kuda kutsvaka kuti ane
dambudziko rekushaya
mbereko ndiani asi ini
ndakazvitsvaka ndikazviwana
ndikaziva kuti ndiwe.Ndosaka
wakatadza kumitisa kana
Sarah uyu.Hama dzako
hadzina kukuti tora mukadzi
wepiri ukabvuma here
uchinyepedzera kundida
kwazvo.Unoti handizvizivi
here kuti wakaudza hama
dzako nezvaSarah ndoziva
zvese.Ndakatambirawo tsoro
yangu muvhu kuti imba yangu
imire.Pandakaita mimba
ndipo pawakamirawo kurara
naSarah mazuva acho asi
nhumbu yaisava yako.He is
the father of all my
daughter's."
Vakazvikanda pabed zvekuti
dai yaiva iya yemanga manga
waibva wangoti pwaa kamwe
chete.Anosimuka Fatima
ndokutora phone achibva
avhura mavedios ezvese
zvaiitika mumba make
asipo.Tinoona Sarah
achinyara nazvo
kwazvo.Anotarisa pasi tete
vacho ndipo pavanoti,"Ndine
hurombo newe Sarah,basa
kupfekenurwa nabamkuru
vako kana kunyara.Hantie dai
dzako dzaishanda waindiudza
zvaiitika."

"Kuti imi makandiudza here?"

Akadero Sarah tete vake


vachibva vati,"Kuti chii?"
"Inga wani makatadza kuudza
amai vangu chokwadi kuti
mudhara ane imwe mhuri."

"Unovaziva baba vako vakati


vachataura vega saka waida
ndiite sei?"

"Same here,maida ndiite sei?"

Vakaseka zvavo tete vake


vachibva vati,"Wakatadza
kuzvikoshesa kusvika
pakuitiswa nabamkuru vako
carry on pamwe yatobata
nhumbu so,enjoy your life."

Mundoza aingova zii only


Godknows zvaaifunga.Uyuwo
Masamba aipfikura kuita
kunge kandumure.Aiva
achekwa
nerakagomara.Aizviita
akangwara kusaziva kuti
mukadzi wake aiva
kumberi.Aiva adzifambira
nhau dzacho kusvika awana
pane mudzi.Mundoza aiva
mukomana wake wekutanga
kuchikoro vaiva vazosangana
pafacebook panguva
yainetserwa mwana
naMasamba nemhuri
yake.Aiva anzwa Fatima
nekuudzwa mashoko asi kuti
adure pachena kuti murume
ndiye ane dambudziko
zvakamuremera.Panguva
yacho Mundoza. aitodawo a
shoulder to lin on sezvo
mukadzi wake anga abva
kushaya.Vakasangana
vachibva vatanga kuudza na
dzavo nhamo pakabva paita
bond pakati
pavo.Hwakatanga huri
ushamwari kusvika vanhu
vakuzvarisana vana.Mundoza
haana kunge aziva kuti
mukadzi waaida aiva mukadzi
weshamwari yake.
Kutozvizivawo musi
wejambanja
uyu.Zvakamupedza mate
mumukanwa.Mufaro uya
ukava kusuwa.

End of chapter 20
Shareeeee please
[4/20, 11:36 PM] K.Khums:
https://www.facebook.com/gro
ups/548448597213044/?ref=s
hare

Follow my facebook page

Vanoda from 1 join

https://chat.whatsapp.com/Gg
qqWr9SjudKAyxnkrVIXy
KOMBONI LIFE

Short story by Amai Mimie


(K.khums)

0782 818 892


0716 622 299

READ, SHARE AND


COMMENT
Chapter 21

Mundoza aiva apererwa


kusvika pekupedzisira
chaipo.Zvaakabuda muimba
yaiva naMasamba naSarah
akadungamidzana naFatima
uyo akasviko zvikanda
pasofa.Akagarawo pane
rimwe raiva parutivi
ndokutarisa kutv asi haana
chaaiona.Akabata shaya
dzake nemaoko
maviri.Akatarisa Fatima
akaerekana adonhedza
kamusodzi.Kwaiva kuchema
kwekuzvinzwira tsitsi.Ko
munhurume misodzi
haungodonhi asi kuti pane
zvikuru zvinenge zvatoitika
ipapo.

Tinoona achitora phone yake


ndokutanga kutarisa
mapikicha ake, naMasamba
vairatidza kufara kwazvo
panguva yacho.Vaviri ava
vainge vasangana
mukungwavha imomu ropa
richibva radairana zvekuti
vaiita kunge mabrothers
chaiwo.Bond yaiva pakati
pavo yanga yakakura kwazvo
zvino zvazvadai hameno kuti
zvaizofamba sei?Asi mukuru
airatidza kurwadziwa
kwazvo.Anoramba
achipenengura mapikicha
aya.Wanike opfikura kusvika
pakududza.Kwaari Mundoza
aiva azviwanira munyaradzi
wake pana Fatima.Vaiva
vadanana kwenguva refu
kwazvo asi haana
kumbofungira kuti aidanana
nemukadzi weshamwari yake.

Pakudanana kwavo Fatima


aiva asina kubudira Mundoza
pachena kuti chaaitsvaka
mwana bedzi.Aitofunga kuti
zvese zviri mugwara.Haana
kuziva chokwadi kuti Fatima
aiva mukadzi weumwe
wake.Aiti akafunga nezvazvo
ainzwa moyo wake kubanda
kwazvo.Tinomunzwa
achiti,"But why Fatima?"

Anoita kuvhundukira Fatima


uya ndokuti,"Handina
kumboziva kuti Masamba
ishamwari yako.I was hurt
pandakaziva kuti airara
nemwana wehanzvadzi yangu
behind my back.Zvakare
hama dzake vaitaura
zvakawanda nehungomwa
hwangu vasingazivi kuti wavo
mwana ndiye ane
dambudziko.Sorry hako
ndakuita sendakakushandisa
to achieve my goal but pafair
chaipo ndaitodawo mwana
nguva yanga yareba saka
ndakasara ndisina option
kunze kwekuti tidanane
Mundoza.At first l wasn't sure
kuti ndokuda nemoyo wese
here?Chandaida kutsigisa
imba yangu bedzi,but later on
ndipo pandakazoona kuti
ndokuda nemoyo
wese.Please don't doubt my
love for you ndokuda nemoyo
wangu wese."
Akaramba akamutarisa ndipo
patinonzwa achiti,"This is not
love
Fatima.Wakandishandisa."

"No handina honey ndaidawo


mwana, my love is pure trust
me.I love you Itai nemoyo
wangu wese."

"You betrayed me and my


friend Fatima,trust me l won't
forgive you. He is like a
brother to me ,he is my
everything l love
him.Unozviziva iwe kuti
ndakazvarwa ndiri ndega
mumba medu.Ndini mwana
wamai vangu ndega.Kana
ndada munhu ndopinda
nemoyo but you chose this for
me Fatima.Masamba is my
brother l can't continue doing
this never."
"Uri kurevei apa?"

"Zviri nani kurasikirwa


newe,ndokwanisa kutsvaka
umwe mukadzi,asi brother
inenge Masamba
haiwanikwe.Unogona
kusaona kunaka kwake but l
do.Varume vese vane ma
weaknesses avo in
life.Handisi kukurudzira
zvaakaita naSarah never asi
waisafanirwa kundishandisa
for revenge.Pese apa ndaiti
ndawana wangu not knowing
kuti you are nothing but only a
deceiver."

"No Mundoza usandifungire


zvakadaro ndokuda shaa.Lets
forget zvaakaita toita move on
nevana vedu."
"Vana vedu?"Akabva aseka
Mundoza uya zvine kakusvota
mukati achibva ati,"Vana
vangu ndiri kutora Fatima
hapana chako,asi ini newe
hatife takava an item
wanzwa."

"But why?Vana ndevedu tese


Mundoza tofanirwa
kuchengeta vana vedu
pamwe chete."

"Tomorrow morning tiri


kuenda kwadoctor tiite
maDNA.What if vana vasiri
vangu?What if
waindinyepera?"

"Aizve,zvabva kupi
zvakare.Vana ndevedu.Trust
me kana ndichiti Masamba
handina vana naye,haazvare
Masamba hapana
zvemurume paya."

Akazongoereka adirwa
mbama achibva aona
nyeredzi,"Hazvichinje
wanzwa,he is my brother
vauri kutuka I won't allow you
to separate us becareful
wanzwa?"
Akabata dama Fatima akaita
kakukotamira.Paakada
kumuka ndidzo nguva
dzakabuda Masamba
naSarah.Vakasvika
mudinning room vachibva
vatarisana ndokubuda
vachienda pasina kana shoko
rimwe zvaro ravaiva
vataura.Vakasara
vakatarisana vaviri ava
vachishaya
zvekuita.Anokasika kufunga
Mundoza.Aiva afunga kure
chaiko.Ko kana Masamba
akakidnapper vana
mukutsamwa zvaizofamba sei
chaizvo?Akaona vana vaya
vatobiwa achibva abuda
ndokumutsa mota akananga
kwaaisaziva.Akatozofunga
Fatima atova patollgate
rekuenda kuMazoe.Ndosvika
pamba pacho ndichiti ndini
ani?Hazvindipinzi
munataisireva here
izvi?Akabva afonera Fatima
akati,"Tsvaka tax utevere
Bindura ndiri kuenda kumba
kwenyu izvozvi."

"Kwakanaka here?"

"Urikutobvunza zvisina basa


iwe uchiziva hako kuti
waporonga zvinhu zvese.Ko
kana Masamba akaba vana
mukutsamwa unoita
sei?Abuda asina shoko
raataura urikuziva zvaari
kufunga here?Ita zvandataura
izvozvi unondibata
muBindura."

"Okay."

Aiva anonoka kufunga


mukomana.Akazvishora
kwazvo nekubuda
akatsamwa.Aifanirwa
kuzotsamwa aziva kuti vana
vari safe chete ndizvo
zvaakafunga
izvozvo.Aimuziva Masamba
kuti kana atsamwa anoita
zvese zvese ndosaka
pfungwa dzake dzaiva
dzisisina kugadzikana.

"Ndava paGlendale wavepi


Fatima?"

"PaMazowe."

"Okay unondibata
muBindura."

Aifungidzira kuti angaona


mota yaMasamba asi haana
kana kuiona
munzira.Anobaya phone yake
ndokufonera Masamba uyo
akabva adaira ipapo.Akabva
ati,"Bro l'm sorry pane zvose
zvaiitika.Ndozviziva kuti it's
not easy for you kunzwa
zvakadaro zvinodzimba
moyo.Ndiregerereiwo
mukoma handina kunge
ndaziva kuti Fatima mukadzi
wemunhu.She lied to me very
sorry mukoma wangu."
"It's okay."

Akapindura Masamba asi


Mundoza hazvina
kumuitira.Zvakamusiya ane
mibvunzo hobho
kwazvo.Akaedza kuda
kuzvidzima mupfungwa dzake
asi zvakaramba.Anosvika
Bindura ndokupacker mota
yake achangopinda achibva
audza Fatima paaiva.Haana
kutorawo nguva Fatima aiva
asvika.Akapa munhu wetax
mari ndokunopinda mumota
yaiva naMundoza.

"Let's hope Masamba hapana


zvainoita vana
Fatima?Ukaona zvadaro
chete iwe neni hukama
hapachina.Zvekuti ndiwe
wakatakura nhumbu
tombozvisendeka ipapo."

Akamutarisa neziso achibva


ati,"Imhosva here kukuda
nhaiwe Mundoza?"

"Hauna kubvira wandida


Fatima chawaida
kundishandisa bedzi.Zvino
apa tatangirwa kufunga
anything can happen kumberi
kwatiri kuenda uko."

"Hapana zvavanombovaita
vana anovada chaizvo."

"Anga achivada nokuti


aifunga kuti ndevake asi iye
zvino akuziva chokwadi
anything can happen."
Akanyarara Fatima aiva
akufungawo the same
naMundoza nokuti Masamba
aiti kana atsamwa zvake aiita
zvese zvese.

"Let's hope haa rape vana


vangu."

"Bva uko iwe hindava


uchifunga zvinhu zvakafa
iwe.Saka kugara kwese uku
hautozivi hunhu hwemumhu
wawanga uchigara naye
hantie.Masamba haadaro."

"Saka unoda kuti ndifungei


ipapa?Kana akamborara
naSarah chomutadzisa
kuvana vangu chii?"
"Hauna brain iwe."

"Left turn."

"Unokasika kutaura chiona


ndapfuurira."

"Unongodzoka zvee."
Akaridza tsamwa
ndokuzodzoka kumashure
vonanga pamba
pacho.Vanopinza mota
mugedhe ndokukasika
kuburuka vakananga
mumba.Vanowana main door
rakakiiwa ndipo pavakaziva
kuti vaiva vadya
manonoko.Kwakazongova
kuvhura havo asi tarisiro
panga pasisina.Vanotarisa
mumba mese asi havana
kuona vana.

"Wanga wavasiya nani?"

"Vega."

"Mnxxi kumwe kupusa hakudi


Fatima."
"Inga ndosingovasiya wani?"

"Saka varipi?"

Vakatanga kukandidzana
mashoko vaviri
ava.Vakatozonyarara
panguva yakarira phone
yaFatima, achitarisa kudai
ndokuwana iri hanzvadzi yake
baba vaSarah .
"Svika kumba izvozvi?"

Ndizvo chete zvavakakwanisa


kutaura ndokunyarara.

End of chapter 21

Please SHARE
[4/20, 11:37 PM] K.Khums:
https://www.facebook.com/gro
ups/548448597213044/?ref=s
hare

Follow Facebook page

Vanoda from 1 join

https://chat.whatsapp.com/Gg
qqWr9SjudKAyxnkrVIXy

KOMBONI LIFE
Short Story by Amai
Mimie(K.khums)

0782 818 892


0716 622 299

SHARE, READ AND


COMMENT

Chapter 22

Tellme achiona tsano vake


Dee akabva aziva kuti pake
pamuperera.Akaramba
akashama muromo wake
kuita seuchapindwa
nenhunzi.Akafunga
zvakawanda mukomana,
akabva aziva hake kuti Sarah
ainge anotaura zvese zvaiva
zvaitika the previous day.

"Aripi mwana wamai


vangu?"Anotanga kudedera
Tellme kuita rushanga rwuri
mumvura chairwo.Mubvunzo
wacho wakamuvhiringa
zvekuti kana mhinduro
akaishaya kusvika Dee
adzokorodza zvakare
achiti,"Hanzvadzi yangu
irikupi?Wakatora advantage
yekuti ndaiva ndisipo ukati
better kutora Sarah hanzvadzi
yangu imwe chete
zvayo.Wazondigona wena
Tellme.Apa ndiko kunonzi
kundigura kunorira chaiko.My
only sister Tellme.Hatina
kuwirirana here kuti hapana
anopfimba sister
yeumwe?Zvako zvivindi
zvakabva kupi
Tellme.Irevenge here iyi
Tellme l thought wakati
zvakapera wani
pandakarambana naye Filda
aiva musikana wako.Kuside
kwangu ndaisaziva kuti muri
item ndosaka takarambana
pandakazviziva.Ndizvo
zvawanga wakangobatira
nhanhasi here Tellme?"

"Haisi revenge uye zvaFilda


zvakapera kare believe
me.Pachokwadi l love your
sister ,at first it was a mistake
and l was confused nenyaya
iyoyi yekusapfimbirana hama
iyi.I was indecisive ndaisaziva
zvekuita by then,asi
paakasununguka
zvakandirambira kuti ndisiye
mwana wangu achidzungaira
musango ini ndiripo.I love my
wife tsano trust me."

"Hakuna izvozvo Tellme,love


my foot.Une vakadzi vangani
vawanhumburisa kusvika pari
zvino?Kangani uchindiudza
newako muromo kuti chero
ukaroora unongoramba
uchidzokera kunana ex vako
vanongokuda nokuti
unovashandisira
mushonga?Kangani
uchindiudza kuti haugutsikani
nemukadzi mumwe
chete?Kangani uchinditi uri
mukuru wezvigure
Tellme?Ndiwe nhasi wava
kuda kuitira mwana wamai
vangu zvese izvi
iwe?Ndaitamba newe Tellme
ndikakuisa pamoyo chero
hangu ndaiziva
zvauri.Handina
kukusasamura nokuti
ndakaziva kuti chigure
munhuwo but in return you
stabbed me twice
why?Ndakatadza here
kubvuma kuita shamwari
yako?Kundidai shuwa Tellme
une shuwa?"

Aiva angotsinatira pasi zvino


Tellme uya.Kungwara kwese
kwaiva kwakuva
samazhanje.Akataura
zvakawanda Dee asingatarisi
kuti amai vake vaivapo uye
vainzwa zvese.Akamufumura
Tellme kusara angova
pamhene chaipo.

"Sorry tsano Dee."


"Tsano vani?Handina tsano
vanenge iwe ini.Kana iri mari
yako yauri kuda
ndokudzosera yose asi
mwana wamai vangu ndiri
kutora.Sarah
,Sarah!"Anokwamatata asi
hakuna munhu akadaira.Apa
ndipo panga paipa manje
kuna Tellme.

"Iripi hanzvadzi yangu?"


Akatsinatira pasi asi mhinduro
haina kubuda."Ko
chingotaurai ka bamnini kuti
makarova mainini
pavakatevera kubhawa uko
kusvika mavakumura hembe
pazere vanhu kusara vangova
musvo zvawo zvekuti ziso
remumhu wese rainge
rangova pavari.Vaudzei
chokwadi kuti hamuzivi kuti
varipi?"

Tinonzwa inzwi ramai Chido


richidaro.Tellme anoedza
kuda kuvatsonya asi
zvinoshaya
basa.Anozongovasiya kusvika
vapedza kutaura havo.

"Muri kuti chii mai imi?"


Akabvunza Dee mai Chido
vachibva vati,"Ndiri kutaura
chokwadi vabvunzei?"

Yakaita sembama yaiva


yarova Tellme
kumeso,akashaya kuti ko
vainge vapindwa neiko mai
Chido kutaura zvakai pamberi
patsano vake.Anotsinatira
pasi kuedza kuzvininipisa asi
anoerekaa abatwa colar
naDee uyo akamuzunza
achibva ati,"Iripi hanzvadzi
yangu?"

Akatadza kana kuburitsa


shoko zvaro achibva aramba
ari zii zvinova zvakaita kuti
Dee atsamwe.Akaerekana
akandwa chematsenga
nzungu asi haana hake
kudzosera.Kwete nokuti
aisagona asi aiva nerespect
kuna tsano vake uye he was
not ready to lose Sarah.Aiva
achiri kumuda despite
kumufungira kwese kwaaita
kuti ane chekuita nabamkuru
vake murume watete.Ainzwa
kumuda kwazvo uye aiva
nechivimbo chekuti wake
mukadzi anodzoka ari
mupenyu.
Akaramba okandwa
zvibhakera asi akaramba
achitambira hake zvese
zvaitika kwaari."Ndiudze
wakaitei mwana wamai
vangu?"

Akapfugama pasi Tellme


aaombera maoko
achikumbira
ruregerero.Kubva kare
aimupa respect saka haana
hake kuda kurasa hunhu musi
uyu.Akavimbisa Dee kuti
Sarah aiva angotsamwa
chete asi aiva mupenyu uye
ari safe.Akangomutarisa Dee
uya ndokugara pasi achibva
abata gotsi wanike amai vake
vaiva vakungoungudza zvino
kuita kunge vari pamariro.

"Its all my fault,dai ndisina


kumumanikidza kuti aroorwe
nababa vemwana wake
wekutanga pasina zvese
izvi.Ndaisada kuti mwana
wangu aite mitupo miviri
ini.Zvakare ndaisada kuti
Sarah aroorwe nemukwasha
Masamba zvaiva zvarongwa
nababa venyu kuti avazvarire
mwana.Ivo baba vako ndivo
vane hudyire dai vasina
kutambira mari yakawanda
kudaro mwana wangu ari
safe.Zvino mukwasha
akutodawo Sarah wacho
zvimwe ndiye akato kidnapper
mwana wangu.Baba Junior
pamakarova mwana wangu
akaenda nepi?"

"Hapana chozivikanwa vaiva


vakadhakwa."

Vakadero mai Chido ,amai


vaSarah vachibva
vapererwa.Tell me anodzeya
mashoko amb'uya vake
akaziva kuti zvaaiva aona
aisava madzerere asi kuti
chaiva chokwadi.Masamba
aitoda nezvaSarah kwete
zvenhema.Akava nechokwadi
chezvese
zvaaifungira.Masamba
ainyepera kumuda ndizvo
zvaakafunga panguva
yacho.Akabva ato senser
danger chaiko.Akaerekana
opindwa nechando.Akatoona
wake Sarah achipakurira
hake Masamba bota rake.

"Anodzoka."Anodaro
achiedza
kuzvinyaradza.Anogara pasi
ndokukwenya musoro
wake.Akabva atoona kuti
nyaya iyi yaiva yakatokora
muto kwete
zvaaifungira.Haana kunge
afunga kiti Sarah angaita
sarudzo
yakadaro.Kungotetereka
hake.

"Sarah ari pa demand


nhai?"Anodaro achidudza
achibva asimuka,asi Sarah
anodzoka zvake she is mine
and mine alone."Paanobuda
Tellme anonzwa Dee aripa
phone achitaura achipopota
kwazvo.Ndakatozoziva kuti
aitaura nababa vacho
panguva yaakacutter call
achibva ataura mukutsamwa
achiti,"Ngaauye iye mudhara
agadzirise
zvaakatanga.Akapa chigure
hanzvadzi yangu.Kutambira
mari kutodya zvavo pedzezvo
,5000us yaMasamba vakadya
better Sarah aende zvake
kwaMasamba anoenda
pachipari natete vake zviri
nani pane kugara nemukuru
wezvigure n'anga paigere."

"No way tsano, zvimwe


mungaita asi mukadzi
ndewangu.Zvekuti
makaroodza mwana wenyu
zvava zvenyu.Sarah is mine
and mine alone hazvipere
mushe."

Anodaro Tellme asi Dee


haana kupindura nokuti
mudhara wacho akabva
asvika achibva ati,"Where is
my sunshine?"

"Bvunzai mukwasha wenyu


hantie makapa mwana
kuchigure zvenyu makaona
zvakakodzera."

"Chigure chipi?"

"Mukwasha wenyu."

"Hazviite."

"Zvakatoita motoita plan


mogadzirisa nyaya dzenyu ini
chandiri kuda ihanzvadzi
yangu bedzi."

Vakambobvunza Tellme uyo


asina kuvapa mhinduro
yavaida.Akashanyarika zvake
pamusoro pemubvunzo
achibva ati,"Zvamakaita
zvekuroodza mukadzi wangu
zvine makuva
pasi.Makatambirirei pfuma
kana maiziva kuti she is taken
already."

Vakashama muromo baba


Dee voshaya kuti ko
mukwasha aiva aiwana kupi
information yakadaro.

End of chapter 22
Please share
[4/20, 11:38 PM] K.Khums:
https://www.facebook.com/gro
ups/548448597213044/?ref=s
hare

Follow Facebook page

Vanoda from 1 join


https://chat.whatsapp.com/Gg
qqWr9SjudKAyxnkrVIXy

KOMBONI LIFE

Short story by Amai Mimie


(K.khums)

0782 818 892


0716 622 299

SHARE, READ AND


COMMENT

Chapter 23

Ndaiva ndisati ndakamboona


bamkuru vakasuwa asi
zvemusi uyu vainge vabaiwa
panyama nhete
chaipo.Vakarara vakatarisa
mudenga ndikaona misodzi
ichiyerera murume
mukuru.Ndakanzwa tsitsi
vaiva varwadziswa natete
vangu zvandaiva ndisina
kutarisira.Kana ini wacho
ndaitova mushock
chaiko.Ndaisavafungira tete
kuti vangaita zvinhu zvakaora
kudaro.Nekudiwa kwavaiitwa
nabamkuru
ndaisazvifungira.Kwandiri
yaiva best couple in the world
vaidanana vanhu ava zvekuti
kana ini ndaitombobatwa
nekagodo chaiko.Ko ndaizivei
kuti vaipretender havo tete
vangu.

"Bamkuru todii manje?"

Ndakabvunza vachibva
vamuka ndokunditarisa
vachibva vandimbundira
zvikanzi,"Please Sarah don't
leave me zvaitwa natete
vako.Ndaimuda Fatima
nemoyo wangu wese asiiye
aisandida.She betrayed me
zvandanga
ndisingafungiri.Ndozviziva kuti
ndakakanganisa kurara newe
Sarah asi zvakadai ndanga
ndisina kuzvitarisira."

"Tese tiri vatatu takafanana


hapana mutsvene,kungoti
maitikiro azvaita bedzi ndiwo
anga asingaiti.Munozviziva
bamkuru l can't promise you
kuti handikusiyei ini ndine
murume zvamunoziva
imiwo.Hazviite kuti ndisiye
baba vemwana wangu
ndichienda nemi?"

"Is it because handizvari here


Sarah?"
"It's not confirmed yet
bamkuru saka don't stress
yourself nezvinhu
zvangotaurwa natete.What if
vataura mukutsamwa vachida
kukurwadzisai bedzi.Relax
mofunga way forward kuti
todii?Ini marriage yangu
yatova patambo once tete
vaburitsa nyaya iyi
zvadhakwa.Already Tellme
anga achiti suspect saka
hameno kuti zvichafamba
sei?"

"Ndokuda Sarah we can start


over."

"Hazviite bamkuru."

"But why?"

Vakadero vachiswedera
pedyo neno ndokundibata
maoko vainzwisa tsitsi
bamkuru asi ndaifanirwa
kuvaudza chokwadi kuti
vasafunga zvisizvo.Ndaisada
kuvapa mafalse hopes
vachifunga kuti tiri tese
muchitima.Kubva
kwandakaita kukomboni
made me realize that I love
Tellme so very much.Apa I
miss him zvimwe zvekuti
pandomuona handizivi kuti
ndichaita
sei?Ndakazvishingisa
ndichibva ndavati,"I love my
husband bamkuru."

"Vakatarisa pasi
ndikaenderera mberi
ndichiti,"Chatiri kuita chihure
chaicho hazvisi right
zvakaipa.Pachokwadi chaipo
chandanga ndichida kuita
revenge kuna auntie
nekuvanzira amai vangu
chokwadi kwavakaita.Ndanga
ndichida kuti vanzwe the
same pain yandiri kunzwa
pamwe chete namai
vangu.Mogona kufunga kuti
l'm taking sides but the truth
is makarwadzisa amai vangu
mese zvenyu muchiziva
chokwadi.Kutaura kudai
havana chavanacho kunze
kwangu naDee ndicho chega
chinhu chavaka achiever
mumarriage iyi.Marwadzo
bamkuru mukatarisa musana
wavo angori makwati zvawo
nekurohwa kwavaiitwa
natsano venyu.Ndosaka
ndanga ndichida kukuzvarirai
mwana but now ndaona
zvandanga ndisingaoni pese
apa.I love Tell me so very
much please allow me to go."

Vakanditarisa vachibva
vadonhedza misodzi vachibva
vati,"Fine Sarah kana uchida
munhu wako sezvauri kutaura
l can't force you to love me
back.Pachokwadiwo l was
doing this kuti ndiwane
mwana mukomana thought
vana ava ndevangu uye tete
vako havaizofa vakandipa
mwana mukomana ndicho
chega chikonzero.Munhu
anga ari pamoyo pangu
nditete vako bedzi hakuna
umwe.Ndanga ndichimuda
Fatima nanhasi ndomuda but
what can l do handisi kuda
zvenoise chandiri kuda is the
proof only then we can part
ways "

"Shuwa here bamkuru?"

"Yes ndizvo chete zvandiri


kuda,ndarwadziwa
zvakanyanya asi ndingaita sei
if l'm not the one for her."

Zvaipisa tsitsi handina kubvira


ndarota kuti bmkuru vangaita
moyo munyoro
kudai.Ndakamboda kuva
doubter ndikatoona kuti
kungava kuvatadzira
chaiko.Vakaenda vachindisiya
kumba pandakadzika
ndakabva ndati,"What about
your 5000us bamkuru
yotorova here?"

"Simba mukaka rinosinina


wangu.Karough kandaikuita
zvinoenderana nethat
amount."

Ndakavabhabhaisa
ndokupinda mugedhe umo
maiva makati zii.Ndakawana
madoors chaiwo asina
kukiiwa ndikatadza kuziva kuti
zviri kufamba
sei?Ndakatenderera imba
yese asi maitova right hapana
chaiva chisimo.Ndakatora
phone yangu ndokubatidza
ichibva yatopinda call from my
brother.

"Uripi Sarah?"
"Kwakanaka here?Ukuratidza
kusagadzikana?"

"Ndiri kumba kwemurume


wako ndakushaya uripi
mwana wamai vangu?"

"Kumba kwamhamha."
"Kumba wasvika nguvai?"

"Ndiko kwandiri huyai ndoda


kuenda kumba kwangu."

"What?"

"Sure bro l miss him and don't


hurt him l'm safe."
Yakabva yacutter after about
30minutes ndakanzwa
kudhuma kwemota ndikaziva
kuti vadzoka.Dzakapinda 2
dzakadungamidzana
ndikaona vanhu vachidzika
vachimhanya chaiko.Tellme
aivapo ipapo zvikatondinetsa
kuti asi vaifunga kuti
ndakazviuraya.Akasvika Dee
achindimbundira,tevere
mhamha.
"Wanga uripi daughter
wandityisa nda,,,"

Vasati vapedza kutaura


ndakabva ndaenda paiva
naTellme and hugged him
ndikati,"I'm sorry Tee l pushed
you."
"Akabata muromo wangu
achibva ati,"Its okay babie as
long uri mupenyu chete zvese
bho l"m happy."

Ndakacheuka ndikaona
vanhu vese vachishamisika
ndikanzwa Dee
oti,"Usandiudze kuti
waregerera chigure chako
Sarah nezvese zvaakakuita."
"I love him bro."

"What are you saying?"

"The truth ndakatozozviona


kuti ndomuda munhu uyu
ndabva pamba please Dee
don't think about separating
us."
Akashama muromo Dee
achinzwa Sarah achitaura
zvekuda Tellme akabva amuti
,"Unoziva here kuti Tellme
mukuru wezvigure kuKomboni
kwavo uye,,,"

"Yes,l know akandiudza


mukuseka but now ndakuona
kuti aiva serious nokuti
mazvitaura."
"Uri kuti chii Sarah?"

"Ndomuda akadaro."

"But,,,"

"My decision is final chandiri


kuda kudya tobva taenda
kuKomboni kwedu."
Ndakapinda mukitchen
ndokubika ndega ndainzwa
nzara chaiyo.Ndakapa vanhu
vese ndakutoda kubuda ndipo
pakasvika tete vachinditi baa
vakabva vati,"Vana vangu
varipi Sarah?"

"Vana vapi ?Ndakabvunza


vachibva vati,"Maisa kupi
vana vangu iwe naMasamba
wako?"

"Ava wangu zvino Masamba


kutanga rini?Nokuti mabatwa
nechikomba makuda kuti
Masamba ndewangu.Tee
unoziva chii l was hurt
nekundirova kwawakaita
paya.Ndikabuda ndakananga
kwatete ndikawana kune vana
chete.I called bamkuru vakati
vabuda out nebasa izvo kwani
bamkuru vanga vabata
magame emukadzi
wavo.Vakanyepa kuti vabuda
ivo varipo havo.Vakatevera
mukadzi wavo kusvika
paimba yavakatengerwa
nechikomba chavo chinonzi
Mundoza.Bamkuru
vakazofona kuti ndizova
witness thats it.Pamusoro
pazvo vava kuti vana vaviri
vavanavo havasi vabamkuru
ndeve chikomba chavo apa
vakubvunza ini vana hameno
kuti varikuda kuti ndipindure
kuti chii?"

"Sarah!"Vakadaro
vachikwamatata asi handina
kana kuvhunduka.Ko ndaityei
hangu ini ndaiva ndabata
macorner ese.Everyone was
shocked vachinzwa
zvandaiva
ndataura.Ndakazonzwa tete
voti,"Better l have the proof
with me."Vakatanga kubaya
baya phone ndoku scroller
asi vakawana angova
machira chete.Vakandikanda
ziso ndikati,"Show us the
proof "Vakabva vati,"You
deleted everything
Sarah."Apo misodzi
ichierera.Baba vangu ndivo
vakazoti,"What's going on
here?"Tete vakabva
vadonhedza misodzi
ndikatarisa Tee ndiye ega
munhu wandaida aiva
pamoyo, reaction yake yanga
yakandikoshera zvakanyanya
kudarika vamwe vose.Akabva
anditarisa ndokuti,"Nyaya
tainzwa kare auntie
mataurawo mega kuti vana
havasi vemurume watanga
tichifunga kuti ndewenyu saka
chokwadi chose chabuda l
trust my wife.Handisi kuda
zvinhu zvinondiparadzira
musha wangu l love Sarah a
lot please solve your own
mess musiyane nesu.Lets go
love."

Akadero achindibata ruoko


kuti tibude wanike tete vainge
vongochema
zvavo.Takasvikirana neimwe
mota pagedhe yaiva
yakanaka kwazvo umo
makabva maburuka umwe
mukadzi aiva neganda
remvura aiva akachena kuti
mbuu.Ndakamutarisa
ndikaerekana ndati,"You look
familiar takamboonana here
maa'm."Vakaseka vachibva
vati,"I don't know dear pane
munhu wandiri kutsvaka l
followed his car ikasvika pano
angobuda achimhanya so l
followed him kusvika pano."
"Ndiani munhu wacho?"

"Gilbert."

"You mean musoja ma'am?"

"Yes."
"Let's go inside."

Takabva tadzokera mumba


muya ndini ndaiva mberi
tichipinda baba vangu
vakabva vasimuka pamwe
chete natete.Amai vangu
vaisavamo ndakabva
ndanzwa dad vangu
vachiti,"Mai Taonga."Panguva
iyoyo mhamha vakabva
vapinda ndikaona mai Taonga
vaya vachiramba vakavati
ndee.Mhamha
vakavatarisawo ndipo
pandakazoona kufanana
kwavaiva vakaita.Vakafamba
mai Taonga vaya ndokusvika
vachibata mhamha vangu
kumeso vakapenengura
nzeve yamhamha ndikanzwa
voti,"Bertina."Vachibva
vangodonha pasi nekunaka
kwavo ikoko.
End of chapter 23

More Comments more

Sharee please kafree aka


[4/20, 11:38 PM] K.Khums:
https://www.facebook.com/gro
ups/548448597213044/?ref=s
hare
Follow my Facebook page

Vanoda from 1 please join

https://chat.whatsapp.com/KO
UnPZhXZai9FyVrvDiKYD

KOMBONI LIFE

Short story written by Amai


Mimie (K.khums)
0782 818 892
0716 622 299

SHARE ,READ AND


COMMENT

Chapter 24

NARRATION
"Nhaiwe uchiri
kuitei?Ndangomira
handichaziva zvekuita
ini.Hauna kana kundipa feed
back chii Fatima?Wavawana
here vana vacho?"

Akatozoita zvekutumira
message Mundoza sezvo
macalls ake
aisadairwa.Chekuita chaicho
anga agumirwa akaguma
anopinda mubedroom
ndokutanga kutsvaka
chingaita kuti awane clue
yekwaiva kwaenda vana.Anoti
achingopinda anotambirwa
nemapaper aiva
pamubhedha.Anotanga
kupenengura wanike maDNA
results."So it's true kuti vana
ndevangu
ava?"Anozvibvunza mushure
mekuona maresults aya,kuti
Masamba aona maresults aya
akafunga kunotorwa mamwe
manewone?Akazvibvunza
zvakare panguva iyoyo
panobva papinda message
kubva kunaFatima
achiti,"Kuno vana
havako.Hapana arikumboziva
nezvevana.Ndanga
ndatodaidzirwa nyaya
dzaSarah bedzi kuno asi
hakuna chimuko.Dai ndanga
ndaziva kuti ndizvo zviri kuno
ndisina kumbouya.Sarah
andinakurira nyoka
mhenyu.Achinja hake nyaya
yose ikaita yangu zvekuti
vanhu vese kuno
vakutondiona sepfambi."

"Kuti hausi here?"Akapindura


Mundoza ndokukanda phone
uko.Akarara akatarisa
mudenga achifunga kuti
odii?Hope dzakabva
dzangomubata zvekuti zvose
zvakaitika hapana
chaakanzwa.Akatozovhunduk
a akunzwa kurira
kwemimhanzi ndipo
paakamuka.Achibva
asanganidzana
naMasamba.Akaita
kukwakuka akapotsa arovera
pawardrobe.

"Sorry broo l dozed off


ndofunga kuneta."Akadero
Mundoza ,Masamba achibva
ati,"You are stressed right?"

Akagutsurira musoro
kuratidza kubvumirana naye
achibva ati,"Vana vari
kudinning don't streess
yourself l can not harm the
kids ko vatadzei
havo?Vangava vasiri vangu
zvavo but in my heart
vakawana nzvimbo kare l love
them.Ndanga ndaenda navo
out for the last time.Sorry
handina wandaudza."

"It's okay bro don't apologise


vana ndevedu tose you raised
them ini handina handakaita
pavari I'm sorry
zvangonyukirawo padumbu
izvi kana neni ndichiri
mushock."
"Zvatoitika broo,the results
are clear hapana
chandichada kuziva
hangu.Zviri pachena kuti l'm
not the father.Aiva agara
akagadzira zvinhu zvake
Fatima now It's clear.I don't
blame her l started ita all."

"But bro,,,"
"I made a mistake
bro,ndakangoita ruchiva chete
pana Sarah l took advantage
of her, semwana mudiki
hapana zvaaigona kuita.Its all
my fault l'm even ashamed of
myself kuti ko ndaiva
ndapindwa nei?Ko kana
ndaida hangu zveside chick
ndakadii kutsvaka kunze pane
kutora mumba.Ndakaita
hutsinye,ndakamurwadzisa
Fatima in return she did the
same,but its all right l deserve
the punishment."

"Noo broo haisi mhosva


yenyu.Dai ndakapa
introduction pasina zvese
izvi."

"Kana ini dai ndakakupa intro


pasina zvese izvi but its water
under the bridge now lets
move on with our lives.Ini
ndichaita 3days
ndichigadzirisa zvinhu zvangu
ndobva ndabuda hameno
kwandichananga asi
zvekugara munyika muno
no."

"Ko mamines,and the


business zvichaita sei?"
"Ndoita plan don't worry."

"Ko muchato?"

"Zvinogona kunditorera nguva


asi ndichadamburisa so that
you guys moita new
wedding."
"Zvinoda aripo Fatima."

"Don't worry ndine


maconnections saka zvoita
bho."

"Ko imba ino?"

"Iri muzita raFatima,l bought it


for her so don't worry."
Mundoza tried everything
kumudzivisa asi murume aiva
atoshinga.Akaoneka vana
achibva abuda hake
ndokuenda
kusingazivikanwi.Akasara
akagara pasofa Mundoza
achinzwa moyo wake
kubanda kwazvo.Anosvika
pakupusa chaiko.Chekuita
akachishaya.Vana
vaisamuziva akangogara
kusvikawo Fatima adzoka uyo
akabva audza vana zvaivapo
achiratidza kusuwa kwazvo
zvinova zvakaita kuti
Mundoza abvunze
kuti,"Kwakanaka here?"

"Zvine nharo chero simba


handina."

"Mazvokuda aya."
"Saka todii?"

"Maresults ndamaona vana


vangu ndiri kutora."

"What are you saying?"

"Ndati vana vangu ndiri kutora


izvozvi ndiri kutobuda navo
ndakananga kuHarare."

"Ko ini?"

"Hameno."

"What do you mean?"


"Handikwanisi kugara newe
after all this Fatima.Kugara
nemukadzi webrother yangu
its a big NO."

"Saka uri kuda kuti ndiite


sei?"

"I don't know uchangoita


zvawafungawo ini chandoziva
vana ndiri kutora."

Akabva atosimuka
ndokuti,"Girls l'm sorry for
everything but from today
onwards makunogara nadad
venyu manzwa."

Vana vaya vaitovawo zvavo


mushock vakangoramba
vakavatarisa mukuru wacho
ndiye akazoti,"Ko dad vedu
chaivo vaenda kupi?"

Vakatarisana vabereki
zvikanzi,"I'm your real dad
vanangu nekufamba nguva
muchazvinzwisisa henyu.So
for now lets go."

Vana vakatarisa mai vavo avo


vakabva vati,"Vana vangu
hakuna kwavanoenda.Kana
uchida vana make sure neni
ndiri kuenda semukadzi
wako.You can't treat me like
this Mundoza ndiri mai
vevana vako we can start
over as a family."

"Ko ukandihurira zvawakaita


Masamba ndozviudza
ani?Iwe neni we are done
Fatima.I appreciate vana
vawakandizvarira asi kugara
newe kwete.Handidi kuramba
ndorwadziswa ini."

"I'm sorry Mundoza


ndakakurwadzisa asi tarisa
we can make a beautiful
home please usadaro l can be
abetter person for you my
love."
Akaseka Mundoza achibva
ati,"Kwete."

Akabva ajamuka Fatima


achibva ati,"Vana vangu
havana kwavanoenda."

"Are you sure?"Akadero


Mundoza.
"Yes."Akapindura Fatima
akaenderera mberi achibva
ati,"Hongu haungaendi
nevana vangu uchisiya ini mai
vacho."

"Okay."Akabva atosumuka
mukomana achibva ati,"Ipo
paya unopaziva kana
zvarema unouya nevana
vangu l will be waiting."
Akambofunga kuti zvimwe
kutamba asi mukomana
akapinda mumota ndokurova
pasi.Akasara achinopinda
mugumbeze chaimo zvanga
zvamuomera mwanasikana
asina kutarisira.Aifunga kuti
sezvo azvara vana
aizotambirwa zviri easy asi
zvakaramba.
Mazuva akafamba vana vaya
vakatanga kungochinja
behavior kuita vana vaya
vasinganzwe.Nhinhe dzevana
zvakamunetsa Fatima
akangoti zvichanaka asi
zvaitoita worse.Husiku
vaigona kungorara
vachichema kuita kuchinjana
hanzi nzeve
dzarwadza.Semunhu
wanurse akaedza nepose
paaigona asi
zvakaramba.Kana iye Fatima
wacho anga aonda
kwazvo.Woti kubasa aiswera
akamira kumba orara akagara
akatarisa vana vake.Hope
dzoondesa plus pfungwa
nendangariro zvakamupa
kushushikana ndipo
paakafunga kumbokumbira
ruregerero kuna Masamba asi
phone yakaramba kupinda.
Akashaya zvekuita kusvika
aenda nevana kuhanzvadzi
yake iyo yakamuti
chimbovasiya
pano.Akadzokera kubasa asi
pasina mazuva maviri akanzi
adzoke kuzotora vana
vake.Haana kuzoda kuramba
overengera akabva angokwira
bhazi ndokuendesa vana
vemuridzi.
"Ndakakuti chii?Wauya wega
ka?"Ndiwo mashoko
akataurwa naMundoza
bedzi.Akamboda
kunyengerera Fatima asi
akabudirwa pachena
kuti,"Nezvangu kanganwa
zvako,ndiri munzira kuzoroora
vana vangu kana zvadaro
zvinenge zvanakira tose."
Akabva adzingwa sembwa
Fatima.Chakanyanya
kumurwadza vana vaya
vakaratidza kufara kwazvo
vachiona Mundoza akabva
aziva kuti hapachina
chembwa apa vatenzi vararira
mutakura.Akarova mota yake
odzokera Bindura asi pamba
pacho pakamuchinjira angova
ega panga pasisagariki
zvachose.Sarah anga
aporonga zvese ndiko
kufungawo kwake
Fatima,akambofunga kuda
kuenda kumba kwaSarah
omutsa hovhiyo akarangarira
mashoko aTellme
ekuti,"Kungobata mukadzi
wangu chete tocheka hukama
tete.Hugure hwangu ndipo
pamuchahuonera."Akabva
adzikama ndokuita zvaivapo.
Aiva akagara paakanzwa
knock kudoor achibva
anovhura akatambidzwa
mapaper nemurume aiva
akamira ipapo.Akasi
igner kuratidza kuti
amaona,murume uya
ndokuenda hake.Akasara
ovhura envelope iya wanike
madivorce papers.Akachema
akamatarisa.Ndokutarisa ring
yake iyo yaaiva azotenga
imwe mushure mekurasa iya
yakazonhongwa
naSarah.Akabva aziva hake
kuti hapachina chake
apa.Anga arasikirwa nevese
vaaifunga kuti vari pedyo
naye.

Akabva afona ndokupinda


achibva angoti,"Sorry
Masamba l made a big
mistake please ngatitange
patsva."

"Its too late Fatima just sign


those divorce papers tobva
taziva kuti zvavharana."

"Please Masamba,,,"

"No, Fatima l'm done newe


zvakatopera.Ndaikuda asi
manje ndava chiseko chako
nokuti handizvare enda kuna
Mundoza baba vevana vako."

Akataga kupfikura achibva


azoti,"Akandiramba."

"Saka wakuda kudzokera


marutsi sembwa tamba yako
nditambe yangu."
Akabva acutter call iya
ndokusara angoti
tuzu."Zvakaoma,hupenyu
hwangu hwatochinja
chokwadi mukubwaira
kweziso kudai."Tinomunzwa
achidaro Fatima mushure
anobva atsvaka pen
ndokusigner,anofonera lawyer
oripa mapaper aya achibva
angosara ava zindoga.
End of chapter 24

Please shareeeee
[4/20, 11:39 PM] K.Khums:
https://www.facebook.com/gro
ups/548448597213044/?ref=s
hare
Follow my Facebook page

Vanoda from chapter 1please


join
https://chat.whatsapp.com/KO
UnPZhXZai9FyVrvDiKYD

KOMBONI LIFE

Short Story by Amai


Mimie(K.Khums)
0782818892
0716622299

SHARE READ AND


COMMENT

Chapter 25

Ndakatarisa vanhu vose


ndikaona vachishamisika
kwazvo nechiitiko ichi.Ndakati
better kubvunza mudhara avo
vakabva vangoti,"Nditori
mushock handisi kuziva kuti
zviri kufamba sei?"

"Asi makambozvionawo here


kuti amai Taonga venyu
namhamha vangu
vakafanana here?"
"Aiwa aaah handisati
ndambozvicherechedza."

"Its because hamuna kubvira


matarisa amai vangu neziso
rerudo.Saka maizvionawo
sei?Ini mai Taonga
ndangovaona nhasi asi
ndatozviona kuti vakafanana
namai vangu.You are too
much father zvimwe zvacho
kana musingadi munhu it's
best to let her go."

"Ndaisamuda hongu but l'm


not that heartless zvekuti
ndaimusiya achitetereka
nenyika.I know l was not a
good husband to your mother
but that doesn't mean l don't
care about her well being."

"Well being ipi apa imi


maivarova kunge nyoka
yapinda mumba.Hamuna
kubvira mavada mai vedu
chamaida kuvashandisa
chete.Hama dzenyu dzose
dzaiziva nezvamai Taonga
asi isu vana venyu hamuna
kana kuti udza
nezvazvo.Takazvarwa isu
varipo mai Taonga asi
hamuna kana kuti udza kuti
kune imwe mhuri why father?"
"Ndaisada kuti muzivane
Sarah zvachose.This was my
hidden secret for life.Hameno
kuti mai Taonga azviziva sei
nhasi."

"I followed you pamangobuda


mumba.Ndaizviziva hangu
kuti mune mumwe munhu
mulife menyu .Ndakazvibata
kare so ndaona sekuti nguva
yekuti muzvizive yanga
yangokwanawo."

Vakadero mai Taonga baba


vedu vachibva vati,"Asi
handina kubvira ndakuudza
nyaya yacho who told you?"

"Hantie mune vazukuru


vanoziva nyaya dzenyu.Muri
kukanganwa here kuti l'm the
one who is paying fees for
Shelter muzukuru
wenyu.Akandiudza zvese and
l regret everything."

"What are you saying?"

Vakabvunza baba vangu


zvikanzi,"Pandakaziva kuti
une vana vaviri musikana
nemukomana ndakarwadziwa
zvakapfurikidza.Waisafanirwa
kundiitira shura
rakadaro.Waifanirwa
kundiudza chokwadi kana
wanga usisandidi
Gilbert.Chandakaona
ndechekuti chawaida imari
chete nothing more
ndakakuzvarira vana vashanu
pavese zvavo l'm the one
arikuona kuti vana vadya
,vawana education yakanaka
,zvese ndini ndiri kuona
nezvazvo ndini.Hapana chako
pazviri.Mari yako haikwani
chinhu zvachose asi
ndaingokuda zvakadaro chero
uri wanga zvake.Pashoma
yawaiwana ndaidawo kuti
tironge pamwe chete
semhuri.Ndaona zvose
zvisingawanike mumba
mangu ndakaziva kuti kamari
kako kari kuperera kumukadzi
wako wepiri.Zvakandirwadza
kusvika ndacurser mhuri
yenyu yese mushure
mekuziva zvese izvozvo but
now l regret."

Vakabata musoro wavo dad


vachibva vati,"You cursed my
family Nyaradzo?"

Vakagutsurira musoro uku


misodzi ichiyerera vachibva
vadzokorodza kuti," now l
regret ever doing it."

"But why Nyaradzo?Inga all


the love and attention
ndaikupa wani?Han'a namai
Dee ndaiva ndisina nokuti
ndiwe waiva pamoyo pangu
sehosi yangu.Varume tingaita
hedu zvevamwe vakadzi asi
hatife takakanganwa mudzi
wemhuri.Hosi yemba hatife
takakanganwa,asi zvose
waisa zviona wakatora
mamistakes angu ose
ukamasundidzira kumhuri
yangu for the why?Uyu ndi
Fatima aparadza imba
nemaoko ake.Kana ari Sarah
handichatauri.Ko iye Dee
wacho kuuya kuno hantie
basa rakatopera nokuda
kweka mistake kasina kana
basa.Nhamo yose iyoyo
ndiwe hako urikukonzeresa "
"I regret.'

"Regret, regret taura ka


chauri kuregreter chacho."

"I cursed mwana wabhudhi


vangu,hanzvadzi yangu buda
ndibudewo."
"Who?"

Vakabvunza dad
zvikanzi,"Uyu Bertina agere
apa mwana wehanzvadzi
yangu.Tisu tega takasara
patakaita accident
semhuri.Sekuziva kwenyu
vabereki vedu vakafa ndichiri
mudiki kwazvo.Pakashaya
hanzvadzi yangu nemukadzi
wake mashoko ake
ekupedzisa akava ekuti
ndimuchengetere mwana
wake,but l failed
him.Ndakaona kudzidza
kwakandikoshera than
kuchengeta mwana ndichibva
ndanomusiya paorphanage
pasina kana chairatidza kuti
mwana wani uye abvepi?"

Vakatambisa kagumbo dad


vangu vachibva
vati,"Ndakaitei?"Ndakatarisa
amai vangu avo vaichema
zvaisiririsa kwazvo.

"Saka ndine hama?Makore


ose aya ndaidzungaira ndega
musango hama ndinadzo
shuwa.Ndairohwa,vana vangu
hupenyu hwavo hauna kana
direction nokuda kwenyu imi
weropa.Ndakatadzei asi nhai
tete?Kundiraramisa life
inorwadza kudai muripo
zvenyu.Ko kuzopa mhuri
yangu matambudziko kudaro
sei musinawo kufunga kuviri
nhai tete?Ndizvo zvamaida
izvi tete?"

Vakadero vachivhura musana


wavo vakaita kushama
muromo kunge gatahwa
chairo tete vaya vachibva
vati,"Gilbert ndiwo mabasa
ako aya?"

Vakatarisa pasi mudhara


ndikati,"Mairarama kafancy
life hamuna zuva rimwe chete
ramakafunga kudzokera
kotarisa mwana wehanzvadzi
yenyu kwamaiva
mamusiya.Inga maiva
mapedza chikoro chacho
mava successful wani ko sei
makadaro?Chionai nhasi
ndezvipi nesuwo tisina
mhosva makatikwanisa
panyaya dzenyu muri tete
rudzii vasina moyo?Kana
kufungawo ropa rehanzvadzi
yenyu shuwa.Nhasi mava
pamurume umwe chete."

"I messed up asi ndogona


kugadzirisa pose
pandakakanganisa Sarah."
Vakabaya phone yavo
vachibva
vafona,ndakangonzwa
vachipa madirections handina
kuziva kuti vaitaura
nani.Vakaita macalls kuvanhu
vakasiyana ndikanzwa
voti,"Kasikai vanangu."

Ndakabva ndaziva kuti vana


vaya vava kuuya kumba
kwedu.Taida kuenda kumba
kwedu naTellme asi
ndakabva ndamuti timire
timbonzwa zvaida kuitika
musi uyu.Akabvuma Tellme
tichibva tagara takamirira
hurongwa hwatete
vamhamha.Tete ndivo
vakaguma vaoneka
ndokudzokera kumba kwavo
nhau dzisati
dzapera.Vaingondipa ziso asi
handina kuita basa nazvo
hangu.Panguva dzavakabuda
ndidzo nguva dzakabva
dzasvika imwe mota yaiva
yakanaka kwazvo.

"Tanga taronga party kumba


uku finally my last born
akakwiridzirwa pabasa saka
vanga vari pamwe chete vana
vangu.Ndavadeedza kuti
tizivane tose,uye kuti vazive
kuti kune dzimwe hama dzavo
kuno."

"Chete?"

Ndakabvunza zvikanzi,"
kuzivana kwakanaka.I want
my kids kuti vazive zvakaitika
makore apfuura uye kuti
vazive kuti kuna amai vavo
kuno. l want to rectify all my
mistakes."
Ndakabuda ndokuenda
kubathroom.Pandakadzoka
ndakawana pamasofa pakati
ndandanda vakomana
vashanu kusanganisira
naBeaven.Achinditi baaa
akabva ati,"Sarah!"Ndikati
,"Beaven what are you doing
here?"
Haana kupindura asi
airatidza kutoshamisika
kwazvo.

"Mazivana here?"

Vanodaro tete vamhamha


ndikati,"Chii chenyu Beaven?"

"Ndiye mwanakomana wangu


wechina ari mupurisa
zvakare."

"Mwana wenyu?"

"Ndakabvunza vachibva
vati,"Hongu akabva kuroora
mwedzi mitatu yapfuura
mukadzi wake atori
kuUniversity ipapa
arikupedzisa gore rino.Bee
nevamwe vose ndakudai kuti
muzivane nevamwe venyu
Derick and Sarah vana
vababa venyu, second wife
yavo ari mwana wehanzvadzi
yangu zvakare its a long story
asi ndichataura zvese kuti
munzwisise."

Vakatanga kurondedzera
zvose zvaiva zvaitika only me
naDeee taiva tisina
kugadzikana aingondikanda
ziso kusvika zvazondikunda
ndikaerekana ndati,"But why
Bee?"Ndainzwa nweya
wangu uchiita like kakupera
chaiko.Ndakatanga kutadza
kunyatso kufema
mushe.Ndofunga zvanga
zvasangana nekuneta
futi.Ndaiva ndaswera
ndakamira.
"Tee ndifenewo ndakutsva."

Ndakadero achibva ati,"Ko


chii babie?"Ndakabva
ndamuti ,"Just do it ndiri
kutsva plus mudumbu mangu
murikucheka."

Akaita sekudaro asi handina


kunzwa zviri nani
ndakapedzisira ndangodonha
and the first person
wandakanzwa achindibata
aiva Beee ndakabva ndangoti
zii ndokuzopepuka ndiri
muhospital amai vangu
vakagara vachichema.

"Chii mhamha why are you so


crying?"

"Wanga uchizviziva here kuti


une nhumbu Sarah?"

"Nhumbu?"

Ndakashamisika vachibva
vanditi,"Ko kusataura nhaiwe
unoda kutifira here?"

"Hapana chandanga
ndichiziva.Saka ndizvo
zvamuri kuchema here?"
"Waita miscarriage
mwanangu I'm sorry."

"Yanga ine mwedzi mingani?"

"Handizivi zvozivikanwa
nadictor chete havasati
vataura."
"Pamwe ndiMwari
mhamha,nokuti muridzi
wenhumbu chaiye umm
handifunge kuti ndaizoziva
kuti ndiani?"

"Murume wako kaTellme nhai


Sarah?"

"Kwete mhamha
ndakasangana nevarume
vakawanda l'm confused."

"Uri kuti chii?"

"Pandaenda kwatete
kunosangana naTee
ndakarara nabamkuru."

"What!"
"Hatina kugumira ipapo
changa chatova chijairira
mhamha.NaTellme kubva
zvataroona ndakangorara
naye kamwe chete bedzi
pese apa tanga tichinetsana "

"Nhaiwe Sarah?"
"Another thing mom uyo
Bevean ndiye mukomana
wangu wandaitaura kuti
ndinomuda chaizvo.He is the
reason why ndakarumura
mwana nekukasika.Ndaiva
ndakuda kuti andiroore tigare
tese asi ndakawana ane
umwe musikana kumba
kwake ndipo
pandakazobvuma kuroorwa
naTellme."
"Whaaaat!"

Takacheuka pamwe chete


namhamha kunodai vese
zvavo vandaisada kuti vazive
nezvazvo vaivapo.Ndakabva
ndangopererwawo
ndakadaro.

End of chapter 25
More comments more
[4/20, 11:40 PM] K.Khums:
https://www.facebook.com/gro
ups/548448597213044/?ref=s
hare

Follow Facebook page

Vanoda from 1 please join


https://chat.whatsapp.com/KO
UnPZhXZai9FyVrvDiKYD

KOMBONI LIFE

Short Story by Amai Mimie


(K.khums)

0782 818 892


0716 622 299

SHARE,READ AND
COMMENT
Chapter 26

Ndakaona kushamisika
pazviso zvavo,ndikaziva
hangu kuti vese vaiva vanzwa
zvandaiva ndaudza amai
vangu.Vakaramba vakasticker
ndikaona Bee achifamba
ndokusvika achigara pabed
ndokubata musoro
wake.Vakatevera vamwe
vose ndokusvika vachimira
pabed paya asi Tee
akaramba akamira ndofunga
aishaya zvekuita.Ndakaedza
kumuka ndichibva ndafamba
ndakananga paiva naTee asi
akabva afuratira ndikasara
ndichidaidza zita rake asi aiva
atoenda hake.

Ndakagwadama pasi misodzi


ndokutanga kuyerera
pamatama angu.Ndakatarisa
kwaiva namai vangu ndikaona
ari mariro chaiwo.Munhu
wese aieredza misodzi
bedzi.Zvakatora nguva
zvakadaro kusvika doctor
vapinda vachibva vati vamwe
vose vabude.Ndakasara paya
ndipo
pandakanzwa,"Wakambobvis
a nhumbu here?"
Ndakadzungudza musoro
vachibva vati,"Better kana
usina asi handisi kuona mberi
uko uchizokwanisa kutaura
mwana kwenine months,
kusvika pakubuda
kwemwana,,,,,"

Vakaramba vachitaura doctor


vaya asi handina
chandainzwa pfungwa
dzangu dzaiva dzatova kure
chaiko.Kana chikonzero
handina kubvunza
ndakafamba ndakabata
dumbu rangu misodzi
ikatanga kuti mokoto
zvakare.Kubuda kwakaita
doctor handina
kukunzwa.Ndakatozobviswa
mundangariro namhamha
vakati,"Simuka unochinja
hanzi urikubuda nhasi Sarah."
Ndakangoita zvaivaiva
vataura ndichibva
ndabatsirwa kufamba
kunosvika mumota
ndokunanga kumba kwamai
vangu uko kwatakawana
hanzvadzi dzangu itsva
dzichiriko.Ndakangonanga
kuroom kwangu ndokusvika
ndichizvikanda pabed
ndokubata hangu ndangariro
dzangu.
"NaTee kureva kuti zvanga
zvatopera sekutamba
sekuseka.Papi pacho
paaizoda munhu akarara
nehanzvadzi yake ,ko
bamkuru zvavo.Papi pacho
pavaindida back.Zvanga
zvatovharana mukubwaira
kweziso.Ko iye Beaven zvairi
hanzvadzi yangu
ndaizotarisana naye
sei?Hupenyu hwangu hwese
ndichiziva kuti ndakumurwa
bhurukwa nemwana wababa
vangu.Tellme haana hake
basa ndizvo zvanga
zvakatarwa kuti hatina
wanano refu tiri tose.Ko
hanzvadzi yangu
ndichamutarisa sei?Chero
ndikati ndoita move on nelife
yangu ndiani angada kugara
nemukadzi asina
production.Muwanano
munotodawo mafruits zvino
ini ndeapiko mafruits
andichazopa iye hake anenge
ada hake kundiita umwe
wake."

Ndakachema kusvika
ndakunzwa musoro ndidzo
nguva dzakapinda Bee uyo
akabva asvika achigara
pastool.Akabatanidza maoko
ake ndokumbotarisa pasi
achibva anditarisa
ndikazonzwa oti,"Sorry
Sarah."

Akabva anyararaa
ndikati,"For what exactly nhai
Bee?"

Akadzungudza musoro wake


achibva atarisa mudenga kuri
kuedza kuti ndisaone misodzi
yake asi ndaiva ndatoiona
hangu kare.

"For everything,now l
understand why relationship
yedu yakadhakwa ndizvo
izvozvi Sarah."

"Wakandipfimbira miedzo Bee


asi waisandida hako."
"Ndaikuda Sarah asi
pandakangoziva kuti
waitisanganisa ndipo
pandakatanga kupera chido
chese."

"Hazvichisina hazvo basa


sezvo uri hanzvadzi yangu ,I
blame our father.Dai vasina
kuvanza chokwadi kutaura
kuno tiri in good books.He
ruined our lives."

"You are right vakaporonga


hupenyu hwedu but we need
to forget and move on Sarah."

"Can you do me a favor?"

"Anything for you my sister."


Akadero achinditarisa
ndikabva
ndati,"Ndokumbirawo
kuperekedzwa kumba
kwangu."

"Ndekupi?"

"KuKomboni."
"Padhuze here?"

"Kubva pano padhuze


please,,,"

"Let's go."

Takabuda takadungamidzana
pavakaona tichipfuura
musitting room vanhu vese
vakabva vasimuka
ndokutitarisa asi hatina
kucheuka.Takaramba
tichienda kusvika kumota
yakamutswa tichibva tananga
kukomboni.Chandaida kwaiva
kutaurawo divi rangu.Ndaiziva
kuti ndaiva ndamutadzira Tee
asi ndaiitawo sei?Imba yangu
ndanga ndichiri kuida
ini.Chero hangu
ndaisazomupa umwe mwana
huvepo hwake mulife mangu
means a lot.Kungova mumba
kwanga kwakandikoshera
kwazvo.Hongu ndaiva
mutadzi asi ndanga
ndazvipira hangu kuti
ndigadzirise pose
pandakatadza.

Ndaipota ndichimbomutarisa
Bee iye aiitawo the same
ndofunga ai imaginer hake
zvose zvataiita mukusaziva.

"Tora right rurn tatosvika."

"Okay ndipo apo here?"

"Yaa tudzimba turi


overcrowded twauri kuona
itwotwo ndimo
mandakaroorwa.Murume
wangu chigure."

"What?"

"Yeah."

"But how come mwana wako


akura kudaro nhai Sarah."

"Pakaipa zvonyadzisa kutaura


asi ndichangozvitaura
hangu,ndaisunga dumbu
rangu pataidanana and l
avoided kurara newe mazuva
acho ndine nhumbu kana
kukuona kwaiva
kushoma.Ndakasvika
pakusununguka pasina
azviziva.Ndakatomboda
kuuraya mwana wangu
because l was not ready to
lose you ndaikuda
Bee.Ndazvara ndakadzokera
kuchikoro again, because of
you ndakarumura mwana
wangu nemwedzi umwe chete
ndaisada kuti uzvibate kuti
ndakazvara.Ndaiku avoider
mazuva acho kusvika
mazamo aoma
mukaka.Pandaiva ndava
serious zvese zvava settled
ndipo pandakakuwana
nemunhu wako."
"I'm sorry hako ndakakupinza
pakaoma."

"Tasvika apo pane


mumangoe."Takadzika
ndokuenda pamba door
raitatidza kuvhurika zvishoma
saka handina kuda kuknoker
ndakangovhura ndichibva
ndatambirwa hangu
neshura.Vaiva zvavo pasofa
vachidya havo kudya kwepasi
peguvhu.Mabhodhoro edoro
akazara pasi.Ndakatarisa
mukadzi aiedza kuzvivhara
wanike ndimai Chido havo
vaishandirwa nemurume
wangu.

"Ndiyo here Komboni life


yacho iyi Tellme,kungobaya
chero pawafunga nenguva
yawada."
"Zvemba zvandiramba
Sarah,rega ndizvidyire nyika
rutivi hangu.Ndikawanawo
anodawo kundipa muno
mukomboni anondipa ini
ndichimupawo hupenyu
huchienda mberi.Ndanga
ndakuda Sarah kusvika
pakupfungaidza mushonga
kuti udzoke kumba asi
ndofunga mushonga
hauchisina power ugoona
ndaingoverengera kukuisa
lock une lucky iwe handina
mukadzi wandakada pano
pasi kupfuura iwe.Chero
mushonga nekuenda
kukabasa kedu kezvigure
ndanga ndazvipira kusiya kuti
tivake musha wedu
mudhorobha chaimo.Kwete
muno mukomboni
makafumuka asi zvaramba
wena.Zvaiva zviroto
zvandairota tichivaka wedu
musha nemwana wedu Junior
asi zvaramba."

"Tinovaka Teee believe me


l'm a changed person
now.Zvanga zvichiitika mulife
mangu sandi kuda kwangu
please siya zvose zvauri kuita
titange life yedu patsva."

"I can't Sarah wandirwadzisa


to the core of my heart."

"I know Tee ndakakurwadzisa


but not anymore."

"Its too late, wanonoka Sarah


handichada kuramba
ndichiitiswa."

"It's okay Tee ndakunzwisisa


hako pazvese zvawataura
ungatadza zvako
kundinzwisisa but the truth is
takangofanana apa.Izvozvi
unochinjanisa vakadzi vose
vawakaitisa vana including
this slot mai Chido.Asi
pazvese l'm willing kugara
newe don't you think its
strange.The reason why l'm
trying to make our relationship
work its because l love you.I
really do asi kana usisandidi l
can't force you Tee.Ndanga
ndati tigare tese nemwana
wedu pamwe chete asi
zvaramba.Mai Chido ndizvo
zvamanga muchida kaa izvi
kuti imba yangu iputsike since
day 1,zvenyu zvaita thank you
manzwa.Mwari vakurangarirei
nguva dzose.As for you Tee
ndiri kukupa only a week kuti
unyatsofunga zvaunoda
chaizvo ukaona week
rapfuura usina kudicider
zvaunoda forget about us.I
mean l and Juniour. "

"Uri kuedza kuti chii?"

"Wazvinzwa Tee wosarudza


zvaunoda uye
zvinokuitira.Uchifunga ndoda
kuti uzive kuti kana
wasarudza ini nemwana wako
usatarisire mwana kubva
kwandiri nokuti ndogona
kusazadzisa zvishuwo
zvako.Doctor vati
hadichakwanisi kutakura
mwana kusvika
azvarwe.Zvava kwauri kuti
wosarudza mai Chido here
kana kuti ini nemwana
wako.Handei Bee."
Takabva tabuda takapinda
mumota todzokera
kumba.Hapana aitaura
neumwe taiva
takanyararidzana chete.Takati
takusvika ndikati,"Last favour
Bee."

"Shoot Sarah."

"Handei Bindura kwatete that


is if usina kuneta."

"Handei."

Takadarikira pamba tisu avo


Bindura.Hope dzakabva
dzadibata ndakatozomutswa
naBee akuda kuziva
madirections
ndichibvandamuudza kusvika
tasvika patete.Tichisvika
takawana mota yakanaka
kwazvo yakamiswa kunze
kwegedhe.Takapinda
ndichingocheuka.Ndakatomb
ofunga kuti zvimwe
ndiMundoza.Takawana door
risina kuvhara ndokungopinda
tichiri kudoor ndakabva
ndaziva munhu aiva mumba
nokuti ndakanzwa tete
begging him kuti vadzokerane
ndidzo nguva dzatakapinda
ndichibva ndangopfugamawo
paiva natete ndikati,"I know
bamkuru kuti zvorema
kuvaregerera but its not her
fault we were cursed tose
zvedu kufira dzatisina
kupara.Imi mungati zviri
normal here zvakaitika
paya.Chokwadi mochiziva but
you can not admit it.Please do
forgive her moita move on
nelife yenyu.Dzimweni
dzenguva Mwari vanogona
kukurangarirai."
"Ndakamuregerera kare
Fatima mainini but problem
yavepo l can't take her back l
was hurt that day zvekuti
ndanga ndisisazivi zvekuita
and ended up doing zvinhu
zvandaisafanirwa
kuita.Ndakapotsa ndatsika
umwe musikana aitodawo
kuzviuraya nokuda
kweheartbreak ndakamutora
ndikaenda naye kwandaienda
and the unplanned happened
after taita a month tichigara
tese.She was a virgin l can't
leave her ndiri kutofunga
kunoroora nditange yangu
mhuri.Ndakamuudza kuti
handizvare tangomirirawo
miracle from the Almighty
pamwe vanogona
kundinzwawo."
Ndakabva ndaperererwa
ndokungoti,"I'm sorry tete
ndizvo zvandanga ndavinga
pano kuzokumbira ruregerero
l contributed pakuparara
kwemba yenyu please do
forgive me."

"Haisi mhosva yako


Sarah,unoziva
ndotombozvibvunza kuti
zvakafamba sei asi ndoshaya
mhinduro svinu.Yakatodeuka
mvura yemuguchu
haichadyorereki l messed up
ndonzira yatakasarudzirwa
nababa vako iyi.I lost
everything Sarah vana
vangu,murume wangu now
ndangova 1 ariega ndiyo life
yacho ndichapora hangu
dear.Ko Tellme hope hachina
kubvondoka."
"Zvadhakwa auntie akuziva
chokwadi kuti ndakarara
nabamkuru,zvese
nehanzvadzi yangu yakamira
apo iyo saka hapachina
imba."

"Hanzvadzi yako."

"Yes ndiye mukomana wangu


wandaitaura paya kuti
ndomuda chaizvo ndichida
kuti mazamo aome so that
tipise rudo.Mwana wamaiguru
mai Taonga tete."

"Nhai Sarah?"

"True tete."

"Yaa baba vako ruined us


ufunge."
"Ndozviripo,hatichagari
tete,handei kumba
mumbonozorodza pfungwa."

"Ko kubasa dear."

"Ipapo manje."

Takaoneka ndokubuda
toenda ndakanzwa Bee
oti,"Pakaipa
wena."Ndikati,"Hupenyu."

"Ugoona you are suffering


nokuda kwangu."

"Kwete Bee."

"Handife ndakamuregerera
mudhara."
"Hameno manje."

Takasvika kumba vanhu


vachikandidzana mashoko
baba vangu vaiva vangoti
tuzu mhosva dzose dzaipihwa
ivo.Ndakaona vanhu
vachifara
pavakationa.Takanogara pasi
ndikati,"Ndanga ndanotaura
naTeee zvaramba hameno
akachinja mufungo ndamupa
one week chete.Tazoenda
kwatete kokumbira ruregerero
we are fine now."

Ndakanzwa mudhara
oti,"Ndiregereiwo vana vangu
dai ndakakuzivisai pasina
zvose izvi.I wronged you
ndaishaya pekutangira chaipo
both sides.Mai Sarah namai
Taonga please forgive me
ndakakutadzirai vakadzi
vangu.I promise to love you
zvakafanana."

"Ndakakuregererai baba
Taonga chandave kutodawo
kuti mainini vandiregererewo
togara zvedu tese pamurume
umwe chete hapana
chakaipa."

"Zvamakaita mese makaona


zvakakodzera asi pandiri
nababa Dee hapana kubvira
paita rudo tete.Havandide
baba ava saka handikwanisi
kuzvimanikidzira
pandisingadiwi.Hakuna
munhu anorova mukadzi
wake zvandaiitwa
kudai.Ngavandisunungure
hangu ndoita move on nelife
yangu ndichiziva kuti handina
murume."
"Mai Sarah ndokuda please,,"

Vakadero mudhara mhamha


vachibva vati,"Musanyepe
baba Dee handina
chandakawana muwanano iyi
kunze kwevana bedzi.Saka
chekugarira hapana endai
kuna tete ndiye mukadzi
wenyu."
"Mai Dee ndogadzirisa hangu
pese pandakatadza
chandisingadi kurasikirwa
newe."

"Handichada."Vakadero mai
vangu ndikanzwa Taonga
aiva mukomana mukuru
achiti,"Ndokunzwisisai mainini
munhurume unofanirwa
kurespecter mukadzi
wako.Zvino kana womuita
punching bag zvobuda here?I
support you
mainini.Nemamiriro aita
nyaya iyi l think
kumbosuduruka ndiko kwega
kwakanaka panguva
ino.Mainini naSarah l think
mofanirwa kumboenda
zvenyu kunze kwenyija
monozorodza pfungwa
dzenyu muri ikoko kwekugara
kuriko.Kana nguva yakwana
munodzoka zvenyu.Iwe Dee
urimurume huya ushande
kucompany kwangu basa
hobho hariperi."

Vaitoda kuti tiende asi


ndakamboti vamire ndaida
kunzwa kubva kuna
Tellme.Week yakasvika
pakukwana kusina munhu
ndikasara ndisina option
panga pasina changu
apa.Takagadzirira ndokubuda
hedu tatopinda mumabhazi
ekuSA ndipo pandakaona
Tellme achiita kukwira
nekudzika mumabhazi asi
handina kuita hangu han'a
naye.Rakutosimuka bhazi
ndipo paakandiona achibva
amira mberi kwebhazi kusvika
ndazodzika.

End of chapter 26
More comments more
[4/20, 11:40 PM] K.Khums:
https://www.facebook.com/gro
ups/548448597213044/?ref=s
hare

Follow Facebook page

Vasina kuwana mukana


wekuwana book redu join
what's app group ndokupai
manheru book kusvika
kufinal.Ukauya inbox
handikupe join

https://chat.whatsapp.com/KO
UnPZhXZai9FyVrvDiKYD

KOMBONI LIFE

Short story by Amai Mimie


(K.khums)
0782 818 892
0716 622 299

SHARE READ AND


COMMENT

FINAL CHAPTER 27

Ainge atozvipira Sarah


kunotanga hake hupenyu
hutsva kunyika iri kure sezvo
baba vemwana vake vanga
vamufuratira zvizhinji.Musi
wavazosimuka aingoringa
nzira achiti zvimwe angaona
mudiwa wemoyo wake.Asi
zvaingova zviroto aizopepuka
hake.Akatozongoti,"Kana mati
kwete Mwari hakuna anogona
kuti yes.Zvamandirongera
Ishe wangu ndinogamuchira."

Akabuda namai vake avo


vainge varerukirwawo
muhana mavo.Kwavari
kuwana hama yavo kwavaiva
vaita kwakaunza rugare
nemufaro muhana
mavo.Mwari anga anzwawo
kuchema kwavo kwavaiita
makore ose.Vainge vatsidza
mai vaSarah kuti vaikwanisa
kuregerera tete vavo asi
murume aizviti wavo
vaisakwanisa kumuisa
pamoyo zvakare.Pakadzika
Sarah ivo vakaenderera
mberi nerwendo
rwavo.Pasina kana kutya
,kana
kumbunyikidzwa.Muzukuru
wavo havana kusiya
vakatakurana naye.Vaida
kupa vaviri ava mukana
wekunyatsozivana chaiko.

Sarah achidzika
anosvikombundirwa
nechigure chake
ndokumbonyarara
vakadaro.Pavanoregedzana
tinonzwa Tee achiti,"I'm sorry
maiJunior for everything
ndakakutadzirawo mudiwa
wangu pasi
nekudenga.Handisi mutsvene
pasi pezuva ndotoda
kubatsirwa newe umwe
wangu.I chose you nemwana
wedu Sarah.Chero tikasabata
umwe mwana anokudza
dzinza aripo handikupe
mukana weku complainer
sweetie wanzwa."

Akagutsurira musoro Sarah


achibva aenderera mberi Tee
achiti,"Zvigure ndakapinda
nokuda kwemashamwari
babie.Kungofuririka
ndikabvumawo kufurirwa
kwacho.Ndaiona kunge
kuzvigure ndiko kune yese
ndiko kwaiperera simba rangu
ndichitamba jiti pandufu
nezvimwewo.Asi nhasi
ndasarudza iwe
Sarah.Vabereki vangu
vaisazvida izvi asi zvanga
zvava muropa kubva mazviri
kwanga kwakunetsa
kwazvo.Hameno akafambisa
guhwa kusvika munzeve
dzevabereki vangu shoko
rakasvika
richiti,"Ndashungurudza
mukadzi mukomboni.Ndarura
nevakadzi vemukomboni
ndichiita kuchinjanisa
senduwe.Ndakangonzi mai
varohwa nezvinhu kumusha
ini ndokumhanya kuya
nokuziva kuti ndaigona
kuvabatsira nemishonga
yangu,asi kupi ndabvuma
hangu babie kune vanhu
vakatumwa.Ndakawana
vanhu vatozara pamusha
pedu vanhu vachiimba
kwazvo ndikazvituka
nekunonoka kusvika
kwangu.Ndaiti zvimwe mai
vangu vatofa izvo kwani
yaitova pungwe yehupenyu
pamba pekwedu.Ndakasvika
nedzungu asi rakapera rese
zvimishonga zvandaiva nazvo
ndokukanda
kwakadaro.Handizivi
zvakaitika asi chandoziva
ndechekuti ndakamuka
kuseni ndakatosunga mbira
dzakondo chaidzo vachitya
violence hanzi
yandaiita.Ndiwo musi
wandakasunungurwa kusvika
pakuzoperekedzwa
kosurrender kuzvigure.Uku
ndiko kwandakachizorohwa
kuita senyoka yapinda
mumba.Aiwa ndakarohwa
zvinoenderana neni.Kana
wapinda mazviri haufanirwi
kusiya nokuti unenge
wakuziva mhiko
dzeko.Unofanirwa kufiramo
kusvika Ishe achiuya but my
case is different
babie.Ndakawanirwa nyasha
ndikapihwa umwe mukana
wekuziva Mwari
ndakasunungurwa
muhutapwa hwandaiva
ndikaziviswa nzira
yandakatiza ndichiri mwana
mudiki.Vaiva vamboedza
vabereki vangu asi zvese
ndakafuratira ndikasarudza
yangu nzira zvino ndiyo yava
kundizvimbira asi ndotenda
ndapihwa umwe mukana
zvakare iwe wandipa umwe
mukana wekuti tirarame
pamwe chete.Ndokuda Sarah
wanzwa."

Akagutsurira musoro Sarah


ndokutanga
kuchema.Aisaziva kuti Tellme
angazvinipisa kuzviisa pasi
petsoka dzake
kudaro.Anomumbundira
achibva ati,"Ndokudawo Tee
and l'm sorry for everything
zvandakaita zvose unozviziva
sorry hubby."

"Ndakazvinzwisisa kuti
kwaisava kuda kwako paiva
nechaikusunda Sarah."

"Thanks."
Vaviri ava vakatanga kufamba
vakanotsvaka mota
dzainanga
kuChitungwiza.Vakadzika paL
ndokutanga kufamba
vachidzika kumanew stands
vakasvika paiva neimwe imba
yaiva hombe kwazvo
zvekuma8 rooms.Sarah
aingotevera hake akatozoona
gedhe rovhurwa ndokupinda
achibva atambirwa nehama
dzemurume wake.Akatarisa
Tee wake achibva
ati,"Komboni life kwete
Sarah.Ndimo
mandakakukutana
nemishonga yose
yandaishandisa kubva ndichiri
mudiki.Kana iwe
ndakakushandisira mudiwa
diwa kuti undide handina
kuuya live ndosaka wakaona
zvakaitika nezuva rimwe
chete.Ndasarudza kanew life
ino imba ndeyedu babie ndipo
patichagara pano totanga
hupenyu hutsva pasina
mishonga."

"Ko vana hobho ava


ndevani?"

Akabvunza Sarah achibva


ati,"Ndevedu Sarah ndangoita
ndisina kutaura newe nhau
yacho asi ndoziva hangu kuti
haurambi kuchengeta vana
vangu.Ndivo vana
vandakazvarira muKomboni
life.Junior ndewe chifive
hameno kuti zvoita here kana
zvisingaite vanoenda naamai
kumusha."

"Zvotadza nei kuita Tee vana


ndochengeta chandongoda
kuvimbiswa ndechekuti.
hauzondisiyi chete
kunyangwe zvireme sei?"

"Handichadaro Sarah
,handikusiyi umwe wangu
ndava munhu mutsva
ndakuzivawo Mwari."

Vanhu vakafarirana
chose.Yanga yatova mhuri
hombe kwazvo.Tuvana
twaTee twanga twatova tuya
tunotumika akazviudza Sarah
kuti aizoedza nepa anogona
napo zvimwe Mwari
vaizomuwanira
nyasha.Kwakafarwa musi
uyu.Vavakuenda amai
vakasiya varaira vana vavo
ndokusimuka
vachifara.Havana kutora
nguva refu vana Sarah
vakatevera kumusha
vachibva vaenda kuchurch
kwavamwene vake uko
kwaakanosunungurwawo
zvakanaka fani.

Vaitobva kumusha zvavo


musi wacho pavanodzika
mutown voti vatsvake
makombi anoenda
kuChitungwiza ndipo Sarah
paanodhuma mukadzi
wechidiki uyo aiva akabata
karusvava.Anomukumbira
ruregerero.Vachitaura kudaro
panosvika murume achiti
,"babie are you okay?"Voice
anoriziva Sarah achibva
ati,"Bamkuru Masamba."

"Mainini Sarah ndimi?Ko


kutsvinda kudai bho
here?Pandakakusiyai paya
manga musina kumbodai?"
Tee anobva abudikirawo
vaviri ndokumhoresana Sarah
ndiye anotanga achiti,"Tipei
maintro kaa."

Vanoseka bamkuru vake


ndokuti,"Ndivo mai Masamba
ivava.Mwari akatiwanira
nyasha handichazi chiseko
chenyika.Nguva yangu
yekubata mwana yanga isati
yakwana mufunge.Akazvarwa
ari premature but karecover
kababy kangu.Handei paBella
apo ndikutengerei chikafu l'm
happy today.Handina kuda
kuswerodya manonoko ndiri
kubva kotora maresults eDNA
emwana.Its not like l don't
trust her kungoti chakatanga
ndicho chakachenjedza."
"Saka ari kuti chii?"

"Its obvious mwana ndewavo


babie hauoni kahappiness
kavanako here?"

"Akadero Tee,Masamba
achibbva ati,"Inyasha
ndaingofunga kuti ndogona
kufa
ndakadaro.Pandakarambwa
natete venyu ndakatomboona
kunge nyika yaguma.Asi
Mwari vane nzira dzavo
dzekusunungura vana
vavo.Apa l'm a changed
person ndakunamata mainini
she changed me."

Vakaseka vachikurukura
kusvika Masamba
azoti,"Sorry for everything
bamnini kwaiva kusaziva
Mwari."

"Zvakapera izvo bamkuru


yaiva KOMBONI LIFE now
tava kurarama hupenyu
hutsva munaKristu."

Vakambokurukura
ndokuzoonekana
zvavo.Vachisvika kumba tete
vavo vanofona
vachiti,"Mundoza abvuma kuti
tigare pamwe chete mainini."

"What!"

"Yes but on 2 conditions."

"Yei manje?"
"Toshandisa one phone,and
no going kubasa "

"Umm tete mukabvuma


izvozvo."

"Ndingadii Sarah vana vangu


first hapachadi pride apa asi
kuzvininipisa bedzi."
Hazvina kutora nguva refu
machira aiva atosonwa
ezambia tikaunganidzwa
natete vakaroorwa
patsva.Vakachera chikomba
vakasvipira mate kuita
kupfidza chaiko.Pamarooro
mhamha vaivapo ndipo
pavakasiya Junior vachibva
vatopanana gupuro nababa
vangu ndokudzokera kunze
nanhasi ndiko
kwavai.Zvekuroorwa
vakazvivharisa hanzi regai
ndizvishandire ndidye
cheziya.Tete vacho vaiva
vamboedza kunyengerera kuti
vagare vese pachipari asi
vakarambisisa.Kana vari baba
Dee vaya vakatanga vachiti
mai Dee vachadzoka wanike
atova makore ndipo
pavakaziva kuti hapachina
chavo ba.Zvanga
zvatovharana.
Vana mai vevana vaTee
vakatanga vachafona
zvavaiva vajaira kuti
vaingobaisa mari ichiuya asi
Tee akazvivharisa.Ko
chavaida chii ivo vana
vaichengetwa nababa
vavo.Akaguma anotsvaka line
ritsva akaita vekufambira
mudzimba dzavo
achivati,"Anoda kuona vana
anotaura namai Junior iye
hazvinei naye
final."Vakatanga vachiti
kutungana kwembudzi asi
ndiwo wakatozova mutemo
mutsva.Zvevana haana
kutombozoda nezvazvo
vanga varipo aigutsikana
navo Tellme,uye anga akuona
babie wake nerimwe ziso
raimutadzisa kugadzikana.Ko
kaivawo kabhora kaSarah
kacho zve.
THE END

Komborerwai vaverengi
rambai muchinditsigira
musaneta musakanganwa
kundibatsirawo kufambisa
mabooks mumagroups
akasiyana siyana.Next book
redu ADORABLE
ndokumbirawo kubatsirwa
kufambisa NEW BOOK redu
zvamanga muchingoita
KOMBONI
LIFE.Musakanganwa
kufollower Facebook page
yedu.Ndichakupai
NDOZVIUDZA ANIKO 1to
46final chapter kufacebook
handei ikoko handipe
kuwhatsapp.

Aka K.Khums Amai Mimie

#PDF CREATED BY LORITY


MOTION PICTURES#

You might also like

pFad - Phonifier reborn

Pfad - The Proxy pFad of © 2024 Garber Painting. All rights reserved.

Note: This service is not intended for secure transactions such as banking, social media, email, or purchasing. Use at your own risk. We assume no liability whatsoever for broken pages.


Alternative Proxies:

Alternative Proxy

pFad Proxy

pFad v3 Proxy

pFad v4 Proxy