Svetuka kuchirochemo

Chitofu (mugodhi)

Kubva Wikipedia

Muhushangazhi hwemugodhi, chitofu (Ore kuEnglish) izwi rinoreva matombo ane simbi kana chimwe chicherwa chakakosha chiri kutsvakwa chiri kuchererwa mugodhi wacho.

Chitofu chinokwanisa kunge chiine ndarama, mhangura, nickel, platinum kana ipi zvayo simbi iri kutsvakwa nevacheri vemigodhi. Pamigodhi mizhinji chitofu chinowanikwa chiine simbi dzine ukoshi mbiri kana nhatu.

  • Somuenzaniso, muZimbabwe migodhi inocherwa ndarama inowanza kunge ichiburitsawo darejena.
  • Migodhi inowanikwa platinum inowanza kuwanikwawo simbi dzinoti: palladium; ruthenium; rhodium; ndarama uye jena.
  • Sarudzo yokuti mugodhi unodaidzwa kunzi unochera simbi ipi inotevedza kuti ndeipi simbi yakakosha zvakanyanya pakuunza mari pamugodhi iwoyo. Simbi inowanikwa nehuremu hushoma inokwanisa kunge iriyo iri kuunza mari yakawanda kuburikidza nemutengo wainotengwa nayo. Somuenzaniso migodhi inocherwa platinum muZimbabwe inowana nickel ine huremu hwakawanda kudarika platinum yacho. Nokuda kwekuti platinum ine mutengo wepamusoro, mugodhi unodanwa nezita rokuti Platinum Mine.

Panocherwa mugodhi panobudawo mamwe matombo asina simbi yakakosha; nguva zhinji matombo aya anoburitswa kuti nzira dzinosvika kune dombo rine mari dzitambanuke. Matombo asina mari anodanwa kunzi mambara. Vavariro yevanochera mugodhi ndeyekuti: dombo risina mari rive ndiro shoma; dombo risina mari ritsaurwe kubva pane rine mari; dombo rine mari rikororwe (extraction) napose panogonekwa nenzira dzisina njodzi kuvanhu, mugodhi kana michina.


pFad - Phonifier reborn

Pfad - The Proxy pFad of © 2024 Garber Painting. All rights reserved.

Note: This service is not intended for secure transactions such as banking, social media, email, or purchasing. Use at your own risk. We assume no liability whatsoever for broken pages.


Alternative Proxies:

Alternative Proxy

pFad Proxy

pFad v3 Proxy

pFad v4 Proxy