0% found this document useful (0 votes)
31 views953 pages

Chi Rem Ware Mwa

The story revolves around Laiza, who is rushing home for her daughter Monalisa's birthday while dealing with her friend Nyenge's critical remarks about her husband. As Laiza navigates her feelings and the challenges of motherhood, she receives unexpected support from Nyenge, who helps her buy a birthday present for Monalisa. The narrative captures themes of friendship, family dynamics, and the importance of celebrating special moments despite life's difficulties.

Uploaded by

sevenedavide
Copyright
© © All Rights Reserved
We take content rights seriously. If you suspect this is your content, claim it here.
Available Formats
Download as PDF, TXT or read online on Scribd
0% found this document useful (0 votes)
31 views953 pages

Chi Rem Ware Mwa

The story revolves around Laiza, who is rushing home for her daughter Monalisa's birthday while dealing with her friend Nyenge's critical remarks about her husband. As Laiza navigates her feelings and the challenges of motherhood, she receives unexpected support from Nyenge, who helps her buy a birthday present for Monalisa. The narrative captures themes of friendship, family dynamics, and the importance of celebrating special moments despite life's difficulties.

Uploaded by

sevenedavide
Copyright
© © All Rights Reserved
We take content rights seriously. If you suspect this is your content, claim it here.
Available Formats
Download as PDF, TXT or read online on Scribd
You are on page 1/ 953

Chiremwaremwa

Story by

Mai LEX
№ +27 ⁶⁵ ⁸⁴⁰ ⁷¹⁰³

Edited by *Opha*

№ *+27 748695086*

Pdf by VaDeny...
📘 Book ¹⁴

Chapter *1*

"Ko nhaiwe Laiza unogomhanya ukadero


kwakanaka here kuita kunge tisiri
kufamba munzira imwe chete?"

Ndakamunzwa Nyenge achidero


mushure mekunge ndambomuvudza
kuti
"ndinoda kumhanyira kumba , i birthday
remwana wangu iye ndokutanga zvake
kufamba achinanaira kunge kamba"

Ndakakurumidza kumupindura ndichiti


"Munoti ndingatevedzera speed yenyu
here iyi, nhasi i birthday ra Monalisa.
Mwanasikana wangu angagumbuka
chaizvo akaziva kuti ndasarudza
kuyenda kubasa nezuva rake
rinomukoshera.
Zvirinane nditomhanya ndimutangire
kusvika ndivone kuti ndamubikira
zvaanofarira sezvo ndisina mari
yekumutengera cake"
"Haiwa ibvapo, ndiro basa rechigunduru
chako iroro.
At least munhu akatadza kuyenda
kubasa , anofanira kuvona nezvemapoto
kwete kungoswera akamaremberedza
uko"

"Murume wangu wauri kudero Nyenge"

"Munhu anonzi murume kana achiunza


something mumba kwete zvemunhu
anongoswera mbeya nemadziro" said
Nyenge achifambisa kuzobatana neni.
Zvekutaura zvakawanda ndakanga
ndisingade saka ndakasarudza
kunyarara.
Takatanga kufamba takanyararidzana ,
munguva yatakanga tava kusvika
pamba pa Nyenge akataura achiti
"nhasi ndava kumbopfuurira newe. At
least ndimbondoita happy bornday
kumwanasikana wedu"

"Please kana tasvika uzive chifambirwa.


Ndinokumbirisisa zvangu usaita
zvawakaita last time kuchoropodza
murume wangu. Unonyatsozviziva kuti
kusayenda kubasa kwaari kuita hakusi
kuda kwake asi kuti mazuva ano
vakambomiswa"

Nyenge akaseka ndokutaura achiti


"Chero zvikanzi akamiswa basa,
munhu angabva agara gore rese
achimirira kuombera zvekupiwa
nemukadzi here.
Now ndava kunzwisisa kuti sei family
yavo ichinzi yekwa Marombedze.
Mhuri iya ine chimwe chihurombe
chinosvota.
Chokwadi munhu wa Engineer
anomirira ku fidhwa nemukadzi.
Sies mhani, i hate that husband of
yours best.
He is so useless unomboziva "

"Nyengerai !" Ndakasheedza zita rake


ndava kututuma nehasha nokuti
mashoko ake akanga
asingachanditandadze zvachose.
Nyenge munhu wandakatanga kutamba
naye achitori mu marriage, akazosiyana
nemurume wake nechikonzero chaasina
kundivudza.
Handina zvangu kuda kuramba kutamba
naye semunhu wandanga ndajaira
kuturira nhunha dzangu.
Manje mashoko ake akanga ava kuita
achindibuda zvishoma nezvishoma.
Inini zvekushororerwa murume wangu
ndaisazvida.
Ndiri munhu wenherera akarerwa na
mbuya, ende vaigaro ndivudza kuti
"amai ndivo mbariro inobata huswa
hwedenga. Chero zvikarema sei ,
zvakakosha kutsungirira mumba
hazvizorambe zvakadero"

Ndaive ndakatochengetedza mashoko


ambuya vangu mumusoro, zvekuti
ndaisatoda kunzwa nonsense.
Ndiri kutsi kwendangariro ndakanzwa
Nyenge oti
"Accept the truth girl, murume wako
angova chipota nemadziro haana
zvaachakubatsira nazvo muupenyu. "

Handina kuzomboramba ndichinetsana


naye , ndakangotaura ndichiti
"ndinokumbirawo udzokere kumba
kwako , handikwanise kuramba
ndichifamba newe"

"Inga tanga tava kutosvika wani, wadini


kuti nditange ndapa Monalisa present
yake"

"Ndipe ndinondomupa inini" ndaidero


ndichibvuta ka box kaaive akabata.
Ndaitoziva kuti ndiko sezvo kaive
kakaputiridzwa zvakanaka.

Ndichingotora ndakatanga kufambisa


ndichiyenda pamba.
Nyenge akada kupinda neni mukati asi
ndakabva ndatomuvharira kunze.

Kutanga ayifunga kuti ndaitamba


akazogutsikana pandaka locker gedhe.
Ndichisvika mumba ndakagamuchirwa
na daddy avo vaitove busy kusuka ndiro.
Izvi ndizvo zvandainyanya kudira
murume wangu, aisazvitsvaka kuti basa
nderevakadzi ayitoti andibetsere.

Ndakangonyemwerera ndakamutarisa
iye akabva ati "ohh babe , ko
watodzoka?"

"Ndadzoka Marombedze, ndati nhasi


ndikurumidze kusvika ndisati
ndatangirwa na lisa. Munongomuziva
mwana wenyu kuti anokoshesa zuva
rake zvakanyanya"
"Matogona maimwana , saka kwanga
kurisei kubasa ?"

"Kwanga kuchishandika shewe kuneta


chete, ko mamboswera sei nhasi?"

Baba Lisa vakati


"Very soon muchange mazorora
maimwana, ndine kuvimba kuti gore rino
harizombopere rakadai, kurikuswera
ndaswera zvakanaka zvangu
kungokusuwa chete sweet wangu"
vaidero vachindimbundira

Vakatanga kundikisa , ndikabva


ndatanga kuvakisawo ndichitsinzinira
twumaziso sezvo ndakanga ndava
kutopinzwa mudenga rechinomwe.
Takazovhundutswa ne hooter kugedhe,
ipapo ndakabva ndaziva kuti ndi driver
anotakura Lisa kumuyendesa kuchikoro
pamwechete nekumudzosa.

Munguva iyoyo baba Lisa vakataura


vachiti
"I guess our Princess is here "

"OHH Yes , regai ndinomuvhurira gedhe"


ndaidero ndichitobuda panze
Ndichisvika ndakawanika akamira na
Bamunini Benny achiti
"Nhasi i birthday rangu uncle Bernard
saka muchandiitirei?"

"Ohhh Princess , is it your birthday


today?"

"Yes Uncle, and i wish to have a big


teddy" aidero akarereka kamutsipa
"Monalisa!" Ndakamusheedza

Ndokubva ayita zvekuvhunduka achiti


" Yes mummy"

"Ndakakuti chii nenyaya yekukumbira


zvinhu kuvanhu?"

"Handi makati kuvanhu vandisingazive


here mhamha, manje apa ndiri
kukumbira kuna Uncle vangu ka nhai?"
Akadero

Ndikati "i know ndi Uncle vako, but you


have no right to bother him" Ndaidero
ndichiita zvekumudhonzera kwandiri

Bamunini Benny vakanyemwerera


ndokutaura achiti
"don't worry gules ndizvo zvandinoita
ma customers angu ese kuti ndivafadze.
Kana richitova zuva rekuzvarwa kwavo
ndinovapa something, i am very sure lisa
akavona ndichipa vamwe vana ndosaka
ava kunetsera birthday present kudai"

"Kwete bamunini, haafanire kuita hunhu


hwakadaro. She is only 9 achiri mwana
mudiki kwazvo paku demander kuti
anotoda birthday present" ndakadero

Ndokubva vati
"she is just a child, haatombozive kuti
hatina hukama sezvo achingonzwa
muchinditi bamunini.
Please batai ne apa muzowana
kumutengera chidhori chaanoda "
vaidero vachinditambidza mari
yakatowanda yekuti ndaikwanisa
kubhadharira Monalisa mwedzi wese
kuti akwire mumota yavo.

Ndakamboiramba asi vakataura vachiti


"please gules torai , for the sake of our
princess "

Ndakazongoigamuchira asi ndisiri


comfortable, ndokubva ndaonekana
navo.
Ndichipinda mumba ndakayenda pana
baba Lisa ndokubva ndataura ndichiti
"bamunini vandipa mari iyi kuti
nditengere mwana present ye birthday "
ndaidero ndichivatambidza

Vakaiverenga vakabva vashama


muromo ndokutaura vachiti
"vakupa mari yakawanda kudai?"
"Neniwo ndatoshamisika mufunge"
ndakadero

Vakati
"inga varatidza rudo.
Wotozoyenda na Lisa kumashops
andotenga zvaanoda pamari yacho yese
"

Inini nekuziva nhamo yedu pamusha


ndakataura ndichiti "tadini tamupa
shoma , imwe ndozotenga twu grocery
nekuti pakuvona kwangu mafuta
neshuga zvasara hazvingambopedzi
mwedzi"

"Aiwa hazvibude babe, mari iyi yanzi


ndeya Lisa saka inofanira kushanda
kwaari.
Zviri zvechikafu chinoshota ndichaita
plan ndiri murume ka inini" vaidero
Marombedze vachinyemwerera

Ndakanyemwererawo ndokubva
ndazoyenda kuna Lisa, ndaida
kundomupa present yake uye
kumuvudza nezvemari yandanga
ndapiwa na bamunini.

Ndichisvika akataura achiti


"what's for supper mummy ?
Remember today is my special day,
there is no way i can eat sadza with
those small fish of yours"

"Small fish" kwairehwa matemba ipapo.

Ndakamugadzika pabed ndokutaura


ndichiti "ohh birthday girl , papi
pandingakubikira matemba nhai
I will try kundokwereta brolier
ndinyatsokukangira mwanangu "

"Yeeeee" akadero achiratidza kuva


nemufaro.

Ndakazomutambidza present yaanga


atengerwa na Nyenge.
Achivhura akafara kwazvo achivona
mune ka watch ke plastic kaive
kakanaka kwazvo, pamwechete ne
envelope.

Ndini ndakatozoivhura ndokuvona mune


tsamba yaive yakanyorwa mashoko
mashoma mashoma ekuti
"Ndavona kuti ndikakupa mari muruvoko
haungaibvume best wangu.
Ndinozviziva kuti mazuva ano
zvakakuwandira ndosaka ndasarudza
kuisa mari iyi mu present box kuti
utengere mwanasikana wedu cake.
Yours girlfriend :
Nyenge ❤ "

Ndakangoverenga mari
ndichinyemwerera,
Nyenge aitopenga chete.
Yaitove mari inokwana kutenga cake
ikasara change zvekuti ndakanzwa
mufaro uchiwedzera.
Ndega ndakanyatsovona kuti Nyenge
anondida.

Chero kumufarira kwakawedzera


mandiri, zvekuti ndakatononokerwa
nekuti kuyedze ndinomutenda sezvo
ndaive ndisina foni.

Ndakazoyenda nemwana wangu


kumashops akandotenga zvaaida.
Mari yaakapiwa na bamunini ,
akasarudza mudhori waive wakakura
kwazvo zvekuti ndaingovona
nyemwerero pachiso chake.

Cake takazotenga diki kuti imwe mari


ikwane kuhuku sezvo ndakanga
ndatokanzura zvekundokwereta.

Tichidzokera kumba ndakawanika


babamwana vatova pamapoto
vachibika sadza , twuma veg twavo
paside.
Inini ndakazoitawo zvekuundura huku,
pamwechete nekuibika.
Ndichipedzisa baba nemwana vakanga
vava busy ku setter table.
Takagara pasi ndokubva tadya tine
mufaro wega wega.

Munguva dzatanga tava kuda kuimbira


lisa , birthday song takanzwa knock
kugedhe.

"Ndiyani angava atishanyira nguva


dzino?" Vakabvunza baba Lisa

Inini ndikati "zvimwe ndisekuru na


mbuya va Lisa vanodero vafunga
kuzotivona"

"Aiwa hazvigone, baba naamai


havambovuye vasina kutaura.
Zvekare hapana pavangambofamba
usiku hwakadai" vakadero baba Lisa

"Endai munotarisa baba mwana ,


vanodero vanonoka kukwira bhazi
munongomaziva mabhazi ekumusha"
Ndakadero asi neniwo ndisina chokwadi
nezvandaitaura.

Baba Lisa vakazofamba kuyenda


kugedhe, vachidzoka vakauya
vakadungamidzana na Nyenge uyo
akangosvika achiti
"Surprise !!!" ayidero achitaura
akakwidza inzwi.

Lisa akamhanya achiyenda kwaaive


ndokubva ati "thank you aunt Nyenge ne
watch yamanditengera"

"Waifarira here mwanangu?" Akabvunza


achimumbundira

Lisa ndokubva ati


"yes aunt , iyi yandakatosunga thank
you so much"

"Ko ndiwe Nyenge, tanga tava kutoshaya


kuti ndiyani?" Ndakazobvunza ndava
kumupa pekugara

"Hongu ndini Laiza , ndavona zvakanaka


kuzodyawo cake " aidero
achibwibwinyika.

Ndakavona baba Lisa vachinditarisa,


ndikabva ndaziva kuti inyaya
yekundisheedza nezita kwaaive aita
nokuti vaisazvida.

Kuti ndimutsiure pamberi pemurume


wangu ndakavona zvisingaite.
Zvaizoita kunge ndava kuda
kuvonererwa saka ndakangosimuka
ndokundotora banga.
Ndakatambidza Lisa ndokumuvudza
kuti acheke cake tiwane kupawo aunt.

Iye Nyenge akatanga kuimba song ye


birthday, tese tichidavira.
Lisa akazocheka cake ndokubva inini na
baba vake tatanga kumupakisa
achigegedzera zvake.
Ndakazogovanisa cake rinokwanira
ndokubva tadya.
Ma drinks aisavepo saka takadzisira
nemvura.

Takambotandara kwechinguva
ndichifunga kuti zvimwe Nyenge
achaoneka.
Ndakavona akanyatsogarisika zvake
kuratidza kuti akanga asiri kutarisira
kuyenda nekukurumidza.

Ndakazonzwa baba Lisa vava kuti


"inini ndava kuyenda kundozorora ladies
ngatimutsanei mangwana"

Vachingosimuka chete ndakavudza Lisa


kuti achiyenda kundorara, ndokubva
ndasara na Nyenge uyo
wandakabvunza ndichiti "murikufunga
kuyenda nguvai vasikana, mangwana
kubasa zvinoda kuti tizorore nenguva"

Unofunga kuti ndinoyendepi usiku


hwuno nhai Laiza, nhasi ndirikutorara
pano ndozomuka makuseni ndichiyenda.
"Aiwa izvozvo hazvibude " ndakadero
ndichirambirana naye

Iye ndokubva ati


"what kind of friend are you , saka
unoda kuti ndifambe ndega usiku
hwuno ndipondwe here?"

"Kwete Nyenge, asi kuti baba Lisa


vanozoti chii kana ukarara pano ndisina
kana kumbovaudza nezvekuti wauya
kuzorarara" ndakadero
Akabva ati
"Pano pamba ndepako Laiza, ndiwe
unobhadhara rent saka masimba ese
ndeako.
Murume wako haana kana kodzero
yekukuvudzira zvekuita shaa" akadero
Nyenge achitaurira pamusoro

Ndakada kumuvhara muromo kuti


asaramba achitaura nyaya yake , asi
ndakatangirwa na Baba Lisa vakataura
vachiti "....."
End of chapter 1

Stay tuned

Tati timboritanga takadai book redu


ndinotenda nerutsigiro rwamunogaro
ndipa nguva dzese.
*CHIREMWAREMWA*

https://whatsapp.com/channel/0029Va
Fhlo91CYoJTe70A63O

Munhu wese achaverenga book iri


ndokumbirawo muite follow pa link
channel redu.
https://chat.whatsapp.com/F6F58ZwzX
OPBPXbuQ3m44S
what's App group

Story by

mªi *£ex*

№ +27 ⁶⁵ ⁸⁴⁰ ⁷¹⁰³

Edited by *Opha*

№ *+27 748695086*
📘 Book ¹⁴

Chapter *2*

Ndakanzwa baba Lisa vachiti


"It's okay babe , you don't have to"

Ndakangobvisa ruvoko rwangu


pamuromo wa Nyenge zvishoma
nezvishoma ndichinzwa kunyara.
Ndakatadza kuziva kuti vanga vabuda
mu bedroom nguvai.

vaitaura kudaro vachiyenda ku fridge


ndokubva vanwa mvura.
Vachipedza vakataura vachiti
"handei tiperekedzi vasahwira venyu
maimwana, ndanzwa vachitaura
zvekutya"

"Thank you so much Marombedze,


ndanga ndichitoshaya kuti
ndingakutangai sei" ndakadero
Vakabva vanyemwerera vachiti
"ndiri murume wako mai Lisa, haufanire
kumbonditya.
Inga ndakakuudza wani kuti feel free
pane zvese zvaungangoda kwandiri "

"Sorry daddy" ndakadero ndava


kunyemwerera ndichivakisa padama
sezvo ndaive ndanyatsorerukirwa.

Nyenge akatitarisa achifinyamisa


kumeso zvekuratidza kunyangadzirwa.
Ndakangoti ndaizotaura naye pedu tega
kuti kahunhu kake kepambare
ndaisanakirwa nako zvachose .

Takazovhara ma doors ndokubva


tikamuperekedza.
Munzira mese inini nemurume wangu
tisu taingotaura ,Marombedze
vachimbondiyemedza.
Nyenge aingove zvake akanyarara.
Patakasvika pachivanze pake ndipo
paakataura achiti
"maita basa nekundiperekedza.
Husiku hwaizorebesa ndisina kurara pa
queen bed rangu chokwadi"
"It's okay best, thank you so much for
everything toonana mangwana "
ndakadero ndichimumbundira

Ndakazomusiya munguva dzakanzi na


baba Lisa "rangarira tasiya mwana ega ,
onekanai zvinopera"

"Ichokwadi Marombedze handei"


ndaidero ndava kuvabata ruvoko.

"Haude kuti ndikubereke here


chipondamoyo changu?" Vakabvunza
Ndikabva ndati
"matanga daddy, manje tinozosvika
nguvai tikada kuita zvekuberekana"
ndaidero ndava kutoita zvekumhanya
ivo vachindidzingirira.

Munzira maive makachena nekuda


kwema lights ema getsi saka
takanyatso mhanyirirana zvakanaka.
Ndakazotanga kufamba mushure
mechinguvana , apa ndakanga ndava
kufemera pamusoro nekuneta.

Baba lisa vakakotama vachiseka


ndokutaura vachiti "vuya ndikubereke
babe wangu"
Handina kumboramba , ndakakurumidza
kuti kata kata kumusana ndokubva
vatanga kumhanya neni.
Munguva iyoyo ndakanga ndava
kungogegedzera ndichinakirwa sezvo
vaimboita vachindipfanya kumagadziko.

Zvimwe ndezvimwe murume wangu


anondiitira zvake.
Tava ne 10yrs tiri mu marriage asi rudo
rwedu haruna kumbochinja.
Tinongodanana sezvataingoita kubva
pakutanga zvisinei nekuti tine
zvikwanisiro mumba medu here kana
kuti hatina.
Ndakaramba ndakati kwati kumusana ,
kusvika tasvika kumba ndiko
kuburutswa kwandakaitwa.

Chekutanga takatarisa mwana wedu


ndokuvona akanyatsorara , takangosiya
tamufukidza magumbezi ndokururama
ku bath.

Takanyatsogeza tiri pamwechete,


murume wangu zviri zverudo ndozvake.
Ndakatangirwa ku bathroom ikoko
zvekuti pandakazoyendwa neni ku
bedroom ndakanga ndatova ready for
him.

Sezvo taironga mhuri, ndichipinda


mubedroom ndisati ndatanga kutamba
na baba ndakayenda kundotora ma
family planing angu kuti ndimwe.

Baba Lisa vakavuya vakandibata


muchivunu , ndokuchitanga kundikisa
muhuro vachiti
"ndava kuda kuti tichiita mwana wepiri
babe , Lisa akura anofanira kuva ne
munin'ina manje"

"Ahh daddy ne situation yatiri zvinozoda


here?" Ndakadero ndichitanga kudedera
sezvo ndainge ndatoparara nechekare
nekuda kwemukisiro wavaindiita.

"Anoziva ndi Mwari mukadzi wangu,


kutanga nhasi ndinoda kuti uchisiya
mapiritsi aya" vaidero vachimatora
vachimakandira pa table.

Inini handina kana kumboita


nharo,chandakaita kutovharira maziso
ndichinyatsoterera feeling yandainzwa
munguva yacho.
Zvaive nekamwe kakutekenyedzera
zvekuti ndainzwa kuti dai varamba
vachingondikisa muhuro.
Ivo vanenge vakaona kamurerekero
kandaive ndakaita musoro nokuti
vakaramba vachikwidza nehuro yacho
zvishoma nezvishoma kusvika
vazoyenda kumuromo vachinditakura.

Vakandiradzika pamubhedha
ndokundiita zvinogara zvakadero.

Inini sezvo ndakanga ndapinzwa


mumood yerudo nechekare
ndakakurumidza kuimba manhanga
kutapira , ndokusheedza murume
wangu nemutupo apa ndichinzwa gotsi
kuoma kuti patata.
Munguva yatakanga tava kutamba
mutambo wedu.

Musi uyu takanyatsoita ma styles ese


atainzwa kuda zvekuti chero
pakazoburitsa baba ndakavatenda
nekuti vanga vanyatsondisvitsa
pandaida chaipo.
Vachiburuka ndakarohwa magadziko
chimbama, ndokunzi tsvodi pahuma
ndikanzwa voti
"thank you so much chidochemoyo,
nhasi wanga wakaipirwa"

Ndakanzwa muviri wese kuti zhwaraaa


hameno zvazvingori soo kana
ukatendwa nemurume wako.
Kazhinji ndini ndinowanzo vatenda asi
apa vakasarudza kutanga ivo zvekuti
zvakandipa nyemwerero.

Ndakazongoti
"ndinototi mazviita kwamuri
Marombedze, ndimi marwa mumire"
ndaidero ndichinyatsovapukuta kusvika
ndavona kuti vachena.

Ndichipedza ndakaisa mvura


inotonhorera muchibucket
ndokunyatsogeza sika rudzi yangu
zvakanaka, ndichigomerera kuti
zvinotsvedzerera zvibude zvese.
Ndakazosvina towel , ndokunatso
zvipukuta kusvika ndanzwa kuti
ndaoma.

Ndakayenda kundorasara mvura


ndokuisa imwe yakachena kuitira kuti
kana tava kuda kuita rwapamhe
ndisazotambudzika sezvo ndakarairiswa
kuti
"zvakakosha munhu wechikadzi kugara
akashambidzika. Hazvaigoneka kuti
pandinopedza bonde nemurume wangu
ndirare ndisina kugeza sika rudzi aiwa
zvaitondiremera."

Ndakazoyanika ka towel kangu mushure


mekunyatsokawacha ndokubva
ndakwira pamubedha ndirichiberekerwo.
Kubva ndichiroorwa handirare
ndakapfeka chero ndikatsamwira
Marombedze zvakaita sei, zvekuti
kazhinji hakuzomboyedze tinenge tava
kutowirirana zvedu.
Ndichikwira pamubhedha daddy
vakandigumbatira ndokutaura vachiti
"Laiza ndinokuda, ndinokumbirawo
chero zviite sei urambe wakamira neni
mukadzi wangu"

"Neniwo ndinokudai daddy, handimbofe


ndakakurasisai. Munhamo
nemumatambudziko ndichange ndinewe
murume wangu" ndakadero
ndichinyatsoti kwati pachipfuva chavo.
Vakanditarisa ndokubva vamboramba
vakanditi ndee.
Ndakazosvika pakuti
"what's wrong daddy, murikuratidza
kuti njere dzenyu dziri kufunga pakakura
kwazvo?"

"Your friend mai Lisa, handifunge kuti


arikufara nekugara kwawakaita mu
marriage " vakadero ndikabva ndati
"You mean Nyenge?"

"Yes Nyenge, ane kamwe kahunhu


kasinei nekuvaka. Anoratidza kuti
kuputsa chete ndiko kwakazara
mumusoro make" vakadero ndikabva
ndaseka.

Ndakazotaura ndichiti
"don't mind her honey.
Nyenge haasi kuzvibvuma kuti
kusayenda kubasa kwamuri kuita hakusi
kuda kwenyu.
Anongofunga kuti zvimwe munoda kuti
ndikushandirei makagara.
Trust me mudiwa wangu, she is not that
bad as you think.
Chandakavona paari, anondida
zvakanyanya haatombode kuvona
ndichishungurudzika."

"Do you think so?" Vakabvunza


vachiratidza kusatenderana neni

Ndakabva ndati "i know so, she is my


girlfriend i know her very well"

"If you say so, asi ndinokumbirawo kuti


nerimwe ramazuva usazofuririka
mukadzi wangu" vakadero

"Izvozvo hazviitike , I am now 30 yrs


kureva kuti ndava munhu mukuru
ndinotoziva chakanaka nechaipa pasina
kana kuvudzirwa" ndakadero

"That's why I love you Lizzy " vakadero


vachindikisa

Ndikabva ndati
" I love you more Marombedze"

Takazorara mushure mekunge


tambotandara.
Kuchiyedza ndakamuka rungwanani,
ndokutanga nekugeza.
Ndakazomutsa Lisa kuti ageze inini
ndava kubika sezvo ndaitakura lunch
box kubasa.

Murume wangu aidawo kusara


nechekudya zvekare mwana aidawo
yake lunch.
Ndichipedza ndakabika tea ndokubva
ndamwa na Lisa, bamunini Benny
vachizomutora ndakabva ndatoyenda
kundooneka baba Lisa.

Ndichisvika ndakawanika vatomuka


kare. Vaisawanzo muka zvavo makuseni
saka zvakandinetsa kuti vanga vafunga
kuyendepi.

"Good morning daddy?"


"morning babe wamuka sei?" Vaidero
vachindimbundira kunge tanga tisina
kurara tiri tese.

"Ndamuka Marombedze, ko mafungepi


nhasi mamuka rungwanani rwuno?"

"Zvinanikovo ndati ndimbofurwa


nemhepo nhasi, pamwe ndinogona
kungowana pekubata.
Munhu wemurume hazvizode kunyanyo
itirwa zvese nemukadzi" vaidero
vakanyatsondiyeva
Vakabva vazotaura vachiti
"you look stunning today"

"Chokwadi here , nemugubvu we dress


uyoyu?" Ndakabvunza nokuti ndaisave
ne chokwadi kana dress racho raive
rakandifita nokuda kwekureba kwaro.

"Yes babe , dress rakakugara iri "


vakadero vachinditenderedza ndikati

"Thank you daddy" i said while blushing.

Ndakazovaudza paive ne chikafu chavo,


ndokuonekana navo ndava kuyenda
kubasa.

Kubasa kwangu kwaive chinhambo asi


ndaito prefer kufamba netsoka kuti
ndikwanise ku saver mari.
Ndakatanga kukazaira kuti
ndisazononoka.

Ndava pedyo nekutosvika kubasa


ndakavona mota ichimira kumberi
kwangu.
Pakutanga ndakambofunga kuti
zvimwe kungomirawo zvayo, asi
ndakazonzwa Nyenge achiti "hey best
mhanya tiyende "

Kungoziva kuti mumota maive na


Nyenge ndakatanga kumhanya
ndokukwira.

Mota yacho yaityairwa neumwe murume


uyo wandakapiwa ma intro as Nyenge's
boyfriend ainzi Clive.

Aitove murume aisashoreka zvake.

Ndakamukwazisa ndichiti "makadini?"


"I am good thanks , how are you?" He
replied

"I am well sir"

"What's her name bbe ?" Akazobvunza


murume uya.

Nyenge paanga oda kupindura


ndakamutangira nokuti ndakaziva kuti
aigona kuzondi introducer ne zita
zvinova zvandaisada.
"Mai Marombedze " Ndakadero

"Asi mune murume ?" Akabvunza


murume uya

Ndikati "hongu"

"Saka mune mwana ?"

"Musikana, ane 9yrs her name is Lisa"


ndakadero kuti asaramba achindivhunza
mibvunzo.
Iye anenge akazvivona noti akaseka
ndokuzoti

"Ndakunzwai mai Marombedze"

Vakazotanga kutaura na Nyenge nyaya


dzavo inini ndakanyarara.
Tichisvika pabasa ndakaburuka
ndokutaura ndichiti "maita basa "

Nyenge akabva ati


"ungatenda mota yedu here Laiza,
hadzisi idzo tsika dzembudzi here idzi"
ayidero achiseka.

Munguva iyoyo Clive akati


"mai Marombedze vanoratidza kuti
mukadzi akabva kuvanhu"

"Saka urikuti inini ndakabva kumhuka


here?" Akadero Nyenge achiratidza
kusafara nekutaura kweumwe wake.

"Kwete bbe, ndiri kungotaurawo


zvandavona pana mai Marombedze.
She looks so different pauri, pamwe
inyaya yekuti ivo vari pamurume iwewe
haupo" akadero

Ndikanzwa Nyenge achiti


"you are beginning to insulting me Clive
and i don't like it !!" Akadero
achisheedzera

Clive akabva ati


"Ko zvatoipa here maimufana ?"
akadero achiseka kuratidza kutamba
naye.

Nyenge akangotaura achiti


"It's over between us Clive.
Chikangamwa nezvangu!" Aidero
achitofambisa.

Ndakavona Clive achishama muromo


zviye zvekuratidza kushamisika.
Akanditarisa inini ndokubva ndataura
ndichiti "tsvariro bamunini, regai
ndizotaura naye" ndaidero
ndichitomhanya.

Pandakasvika pana Nyenge ndakataura


ndichiti "what was that?"
Iye akabva ati "Clive haandikodzere"

"Why?" Ndakabvunza

Akati
"akanyanyoomera stereki, do you know
kuti ndakamukumbira mari shoma
shoma yekuisiswa manails akandiudza
kuti ndiri so expensive haangandigone.
Ndanga ndagara ndichida kumuramba
ndatomubatira pakundishoora kwaaita."

"Yaive marii yawakakumbira?"


Ndakabvunza
Akabva andiudza.

Yaitove mari yakawanda zvekuda


kunanavira kukwana pay yataipiwa
pamwedzi.

Ndakazongotaura ndichiti
"how can you demand such amount,
pazvinhu zvisina basa nhai Nyenge.
Unofunga kuti mari inodonha kubva
mumuti here ?"
"Anoda nezvangu anofanira kuita zvese
zvandinoda shaa.
Inini ndasiyana newe kaa wajaira
kuitiswa nechidzumunyu chako chiye..
Vakadzi tiri so special tinofanira
kuremekedzwa wangu " akadero

Ndikati
"how many times did I warn you
nekahunhu kako kekundishoorera
sarudzo yangu Nyenge.? Zvakare
kupiwa mari hakusi kuremekedzwa ziva
izvozvo please change your behavior
when it comes to my Hubby I'm begging
you"
"Nyarara hauna chaunoziva.
Wajaira kuitiswa ka iwewe
handingakutevedzere" akazodero ava
kuvhura shop, sezvo ma keys achigara
nawo

Tinoshanda mu boutique tichitengesa


mbatya, iye anogona kusona saka
sometimes anenge achitombosona ma
orders zvekuti anogona kunonoka
kubva pabasa ndosaka achigara nema
keys.
Takazoswera tichishanda zvakanaka,
tinoshanda tiri vakadzi vashanu nokuti
shop yacho yakakura.

Pane vese wandinonzwanana naye


zvakanyanya ndi Nyenge nokuti ndiye
akanditsvakira basa racho.

Nyaya dzaitsva basa richiyenda kumberi ,


inini ndaingove wekuseka sezvo
ndaisanyanya kutaura.
Umwe wevasikana akazotaura achiti
"mai Marombedze ndimi muri mumba,
tiudzewo vasikana kuti marriage
murikuinzwa sei zviri kuyendeka here?"

Nyenge akati "kupikowo basa ndiro


rekuitiswa nevanezvinomira ava.
Makambovonepi munhu wemukadzi
anohora mari yese ichiyenda kuma bills
apa ane murume mumba. "

Ndakaseka ndokubva ndati


"roorwai vasikana , kuva nemurume
kunonakidza sewangu
anonyatsokundi...." ndaidero
ndichinyatsodonongodza in details
zvese zvandinoitirwa na Marombedze.
Ndakanzwa Nyenge oti
"you mean chigunduru chako chiye
chinotoziva kudya sinhi?"

"Why not, zuro chaiko changa


chakatochaya.
Izvezvi ndinonzwa kunonokerwa kuti
tichaise ndimbondoitwa zvinogara
zvakadero.
Baba vekwangu basa chairo vanoriziva
zvekuti kungofunga nezvavo ndinonzwa
kuvhita.
Kuzoti ku tsvimbo uku aiwa vakatakura
zvekuti munguva yebonde
ndinonyatsonzwa kuti vanenge vakazara
mandiri" ndaidero ndichiseka.

Vasikana vese vakati


"bvuuu kuseka kuratidza kunakirwa
nenyaya dzangu"

Nyenge ndiye asina kuseka, aingove


akanditarisa.
Akazoti
"i can see zuro unenge
wakanyatsonamwa nokuti wakazara ma
love bites mativi ese e huro"

"Aiwa zuro panga pakaipa asikana


handide kukunyeperai" ndakadero

Nyenge akati "basa ndoraanoziva


rekungokuchepesa achitadza
kukuchengeta "

Vasikana vakawedzera kuseka


ndokutaura vachiti
"waratidza godo apa Nyenge,
unotonzwa kuti dai wanga uri iweweka
unopota uchiiswa rurimi.."
Iye akafinyamisa kumeso ndokuti
"aiwa handina godo randinoita pamunhu
anotambura inini.
Murume asingagone kupa mari mukadzi
wake haaverengwe kuvarume !" Aidero
achisheedzera achitoratidza
kugugumbuka.

Ipapo ndakataura ndichiti "...."

End of chapter 2
Stay tuned

Handei tese ku comment group


timbosimudzira new book redu

*CHIREMWAREMWA*
https://whatsapp.com/channel/0029Va
Fhlo91CYoJTe70A63O

Munhu wese achaverenga book iri


ndokumbirawo muite follow pa link
channel redu.

https://chat.whatsapp.com/F6F58ZwzX
OPBPXbuQ3m44S *vasati vawana
runaway bride from 1 to37 pindai umu
ndinoisa nhs
what's App group

Story by
mªi *£ex*

№ +27 ⁶⁵ ⁸⁴⁰ ⁷¹⁰³

Edited by *Opha*

№ *+27 748695086*

📘 Book ¹⁴

*Vese varimudzimba musasaririra


kuverenga book iri nokuti rine dzidziso
zhinji dzarichakupai*

Chapter *3*

*NYENGE*

"*Money can provide comfort, but it


can't guarantee happiness* " aya
mashoko akataurwa na Laiza mushure
mekunge ndataura kuti munhu
asingakwanise kupa mudzimai wake
mari haangaverengwe kuvarume.

Mashoko aya handina kufara nawo


zvachose nokuti zvakanyatsondiratidza
kuti Laiza anoda murume wake
zvakanyanya.
Chemusi uyu chero basa handina
kurishanda zvakanaka.
Ndainyatsonzwa kudikitira kana
ndikafunga rudo rwunopiwa Laiza
nemurume wake.
Kuzoti paakatondiudza kuti
Marombedze anogona kumudya
kushuga uku aiwa ndakanzwa moyo
wangu uchiita kunzi mbii nezidombo
rinorema kwazvo.

It always my wish kuwana murume


anombondiisawo mushuga.
Izvi ndakatanga kunzwa kuda kuzviitwa
pandakambopinda mugroup raana amai
ndikanzwa vachirumbidza kuti
"kuiswa rurimi pasi kunonaka kwazvo."

Ndakataura nemurume wangu sezvo


mazuva acho ndaive mu marriage.
Akarambisisa achiti ndine huchapa
haangakwanise kuisa rurimi mumunda
wenzimbe dzisina kusakurirwa.
Zvakandirwadza kusvika ndazongo
seducer munin'ina wake, ndichida kuti
atomboita zviri kukundikanwa na
mukoma vake.

Bamunini nehudiki kana kuti kupata


vakabva vati nazvo kuna mukoma vavo,
ende ma voice notes andaitaura
aitovepo saka nyaya yacho
yaisarambika.
Semunhu abatwa achiba dovi
ndodzakava mviro mviro dzekuparara
kweimba yangu , vakuru vakambozama
kutigadza pasi kuti tinzwanane asi
murume akaramba akasunga moyo .
Sezvo ndakanga ndisina mwana
handina kumboda kunyengerera
zvakanyanya, ndakabva
ndatongomudzinga mumba macho.
Akatakura dzake dzekupfeka chete
ndokuyenda, zvimwe zvese akandisiira.

Laiza handina kuda kumuudza


zvakakonzera kuti ndirambane
nemurume nekuziva kuti anogona
kuzoramba kutamba neni.
I am not ready kutsvaka imwe shamwari,
nokuti iye ndiye wandakajaira.
Murume wake ndaingova
ndakamuvenga kubva kare , ane kamwe
kahurombe kanosvota asi
zvandazonzwa nhasi eish zvaita kuti
ndimbosarudza kuisa ziso rangu paari.

"Innocent, Innocent, Innocent.


Hoo, wakatotakura pauri ipo paya zvako.
Ende unotogona kuisa rurimi pasika
rudzi yemudzimai.
Wow inga ndimi mashasha nhai
Marombedze " Ndakadero
ndichinyemwerera.
Sezvo ndaikundikana kunyatsoshanda
ndakangofonera boss , ndokuvaudza
kuti "maziso angu arikuchururuka
misodzi handisi kugona
kunyatsoshanda zvakanaka "

Boss vakati "enda zvako kumba Nyenge,


chero mangwana wotora day off
wozouya kana wanyatsopora nokuti
haungasone zvisvinu"

"Thank you boss " ndakadero ndichikata


foni yangu.
Laiza akazouya achibvunza kana pane
zvaida kutasamurwa , sezvo raive
rimwe basa rake kutora zvandinenge
nda sona achi ironer.
Ndakamupindura ndichiti
"nhasi motongoshanda kurongedza ,
inini ndava kumboyenda kumba handisi
kuita zvakanaka" ndaidero
ndichitopakatira ka bhegi.

"Ko waita sei best, urikunzwei nhai?"


Akadero achiratidza kuva worried

Ndakapindura ndichiti
"maziso angu haasi kunyatsoita
zvakanaka, ndambozama kugara
pamachine manje ndavona kuti handina
zvisvinu zvandingasona ndingatoguma
ndazvibaya netsono" ndayidero
ndichitanga kufamba.

"Rega ndikuperekedze ndinozodzoka


ndoyenderera kumberi nebasa." Akadero
ndikabva ndaridzira zitsamwa mumoyo.

Aitopenga chete, kupi kwaaida


kundiperekedza nhai.
Ndakangokurumidza kuti
"don't worry ndinoyenda ndega best,
kana ndikazokundikana kufamba
ndichafonera Clive. Sara uchiita zve
basa kuti boss vazorega kukutsamwira"

"Get well soon darling" akadero


achindimbundira.

Inini ndakangoramba ndakaisa mavoko


angu pasi kuti akurumidze kundisiya.
Achingondiregedza chete ndakatanga
kunanaira, pandakangoona kuti apota
ndakabva ndakazaira ndichiyenda
kumba.
Ndichisvika chandakatanga kuita
kumbogera sango, sezvo ndakanga
ndafunga parefu.
Ndakazopinda mu bath ndokubva
ndanyatsogeza, ndichibuda ndakati roll
on ndokudira perfume yangu inodhura
yacho yandisingawanzoshandisa
nenyaya yekutoi budgeter.

Ndakapfeka ka dress kadiki


kanonyatsobuditsa zvidya panze,
ndokuita ka make up kakafanira.
Ndakazvitarisa pachiringiso ndikavona
ndakanyatsobuda kunaka kwese.

Aiwa pachokwadi ndega ndakavona kuti


ndakazvarwa baba naamai vanyatsotora
nguva yavo.
Ndakazotora foni ndokutarisa nguva.
Ndakavona pachine mahours matatu
ese kuti nguva yekuchaisa kwa Laiza
ikwane.
Aiwa ndakangovona ndava kutorurama
kumba kwake.

Ndayifamba zvishoma nezvishoma kuti


ndisvike ndichiri fresh.
Pandakasvika ndakagugudza pagedhe,
ndikatadza kudairwa.

Ndakazo noticer kuti raive risina


kukiyiwa saka ndakabva ndatopinda
mukati.
Ndichipinda ndainzwa kunonokerwa
nekuvona Marombedze, zvekuti
ndainzwa nyama dzangu kutovhita vhita
nechekare.

Ndayiti ndikafunga mashoko ekuti


"*baba vekwangu vanogona basa,
kurikutakura handichataure
vanonyatsozara mandiri*" ndainzwa
kuvhita chaiko zvekuti chibhurugwa
changa chatotota nechekare ndisina
kana nekumboona naMarombedze
wacho.

Ndaida kutombonzwawo Marombedze


vakazara mandiri, ko ndini ndaita sei
zvangu.
Ndakasviko gugudza pa door asi
handina kudairwa.

Ndakazoita rekusunda nehasha, sezvo


ndaitoona kuti nguva dzekuchaisa kwa
Laiza dzinogona kukwana pasina kana
chafamba.
Ndichisunda door rakaramba kuvhurika
ndikaziva kuti raive rakakiiwa.

Zvaive pachena kuti pamba apa


paisatove nemunhu.
Ndakanyangadzwa kwazvo, sezvo
ndaisada kuwanikidzwa ndiripo
ndakazongopesanisa makumbo angu
ndichiyenda kumba.

Ndichisvika ndakambozama kurara asi


ndakakundikana.
Ndakabatidza data , ndokutsvaka ma
videos evakadzi vanosanganiwa navo
pabonde vatanga vambodyiwa kushuga.

Ndakanzwa vachiita kubowa zvakandipa


kuwedzera ukasha hwaive mandiri.
Ndakazongoona ndava kufonera Clive
nenguva imwecheteyo.

Haana kumbononokawo kuyibata,


achingo receiver akataura achiti
"urikupi babe ndasvika kubasa kwako
ndikanzwa kuti hausi kuita zvakanaka
wayenda kumba. Manje ndabva kumba
kwako izvezvi handina kukuvona"

"Ndavako kumba vuya" ndiyo yakava


mhinduro yangu ndichitokata.

Clive haana kuzombotora nguva ayinge


asvika, achisvika airatidza kuva worried
nezvekurwara kwangu.
Inini ndaisatoda zvese izvozvo,
ndakangokumura mbatya ndokubva
ndikatovhura makumbo ndichiti
"vuya undidye "

Ndakavona Clive achiratidza


kushamisika.
Kubva ndichidanana naye aizama
kwazvo kuda kurara neni asi ndayiramba
nokuti ayisabuda mari.

Akabvunza achiti
"are you sure ndizvo zvaunoda ?"
"Hongu ndizvo" ndaidero
ndichitowedzera kuzhadabuda
makumbo.

Iye akataura achiti


"okay hapana chakaipa , ndiri kudzoka
kusiri kare" aidero achibuda panze.

Handina kuda kumubvunza kuti ari


kuyenda
kundoitei.
Ndakasara ndichitoi imaginer kakudziya
kandakanzwa kuti kanoita kana murume
akakuisa rurumi.
Achidzoka akavuya akabata mabutiro
muruvoko rwake.

Handina kuda kumubvunza kuti sei ada


kumashandisa, ndakazongoti zvimwe
aitira kuti asazondimitisa.
Inini handina mwana muupenyu, asi wa
Clive ndaisatomudawo nokuti mari yake
yakasungirirwa pagumbo rengwena
haaputsunuri zvekumhanya ndakatoona
andigonera.

Ndazotaura ndichiti
"Ita uvuye shaa urikutambisa nguva "
ndakadero ndichinzwa kunonokerwa.
Akakumura mbatya ndokuvuya
pandaive, pandakati ndimubvise nduwe
ndakabatwa nesetswa ndichiona zvaive
mukati mebhurugwa rake.
Ayisave zvake nekadora asi nekuda
kwekuti zvandakavona hazvisi izvo
zvandaitarisira ndakataura ndichiti
"saka nhaiwe unondiudza kuti wavuya
netwumapepa utwu kuti upfekere
pachidora ichocho here?"

"Dora unoriziva here Nyenge, dzikama


apo" ayidero achitondiradzika achikwira
pamusoro pangu kuti atange kurara neni.
Inini nekuda kwekuti ndaida kuiswa
rurimi ndakataura ndichiti
"urikuzama kuita sei?"

"Kukupa rudo ka sezvawakumbira "


akadero Clive

Ndikabva ndati "inga urichidzoyi,


unondiudza kuti watadza kuva
gentleman here zvekungokona kuisa
rurimi pa honeypot yangu"

Clive akaseka ndokubva ati


"inini kuisa rurimi panhu pako apo
pandisingazive kuti panopindwa
nevangani haa kwana iwewe " aidero
achitobvisa butiro ndokuputiridza ne
tissue achikanda mubin

Akazopfeka mbatya dzake ndokubva


ataura achiti "iko nhasi wazomboda
kurariwa ukadero kwakanaka here ?"

Clive aive nepamuromo, ndakatovona


kuti ndikamupa mukana aigona
kutongondichera kabisira.
Ndakamonera tauro ndokubva
ndamusundira panze ndichiti
"buda muno imbwa ! Kumisa iko kadora
kasina kwakanosvika ndosaka
usingagone kutunditsa mukadzi"
"Haa pfutseki apo, handirare nemahure
inini.
Ndinotoshaya kuti pandakakuudza kuti
ndinokuda ndakanga ndavonei.
You are not my type Nyenge chinhu
chakaora chinongopindwa chero
nevarwere vepfungwa !" Akadero Clive
ava kutondifamba zvishoma
nezvishoma.

Ndakanzwa kubitirirwa , ndakazviudza


kuti zvaandiita hazvaizofanira kupera
zvakadero.
Achiyenda ndakasara nekungokwira
pamubhedha ndokurara.

Ndakazomutswa na Laiza aive auya


nemwasikana wake kuzondiona

Pandakamuka Lisa akataura achiti


"ndakuvigirai mabanana aunt Nyenge"

"Waiwaniepiko mari yekutenga nhai


mwanasikana wangu?" Ndakabvunza
akabva ati

"Ndapiwa na baba vangu. Vanga vati


ndinodya kuchikoro saka pandanzwa
kuti murikurwara ndabva ndasarudza
kukutengerai mabanana"

"Wow you are so sweet my child"


ndakadero ndichimutsvoda.

Laiza akabva ati


"zva Lisa here , kungonzwa kuti hausi
kuita zvakanaka abva asarudza kuvuya
neni"

"Aiwa matogona vasikana, nyama


dzangu dzakaita kuneta apa zvoti nzara
handina kana chandambodya kubva
makuseni." Ndakadero kuti ayende neni
kumba kwavo.

Ndainzwa kuda kutombondoona


Marombedze.

Ndakasvotekana achiti "manje handina


kana mari yekukutengera zvekudya,
chirega nditongosiya ndakubvuwira
tigobva tadzokera zvedu" aidero
achitobatidza stove.

Akabuditsa muriwo mufridge ndokubva


abika fast fast zvekuti 30mins anga
apedza zvese.
Akazotaura achiti "isusu hatichagare ,
regai tidzokere kundobikawo.
Marombedze vawana ka piece job ke
week rese.
Nhasi vanenge vachitoda kuzorora
nenguva kuti mangwana vawane
kumukira kubasa"

Ndichinzwa kudero ndakavona kuti


chero ndikazoda kuyenda kundotaimira
Marombedze zuva rinotevera
ndaisandomuwana saka ndakazviudza
kuti
"paanongooneka chete , ndinobva
ndamuperekedza kusvika ndasvika
pamba pake chaipo.
Ende ndichingosvika ndinotoita kunge
munhu arikubatwa nedzungu, zvekuti
kumba kwake ndiko kwandaizorara
achida asingadi"

Paakangoti "toonana best, inini


ndakabva ndangoti..."

End of chapter 3
Stay tuned

*CHIREMWAREMWA*

https://whatsapp.com/channel/0029Va
Fhlo91CYoJTe70A63O

Munhu wese achaverenga book iri


ndokumbirawo muite follow pa link
channel redu.

https://chat.whatsapp.com/F6F58ZwzX
OPBPXbuQ3m44S
what's App group

Story by

mªi *£ex*

№ +27 ⁶⁵ ⁸⁴⁰ ⁷¹⁰³

Edited by *Opha*
№ *+27 748695086*

📘 Book ¹⁴

Chapter *4*

*MAI MAROMBEDZE*

Pandakaoneka ndakanzwa Nyenge


achiti
"regai ndikubuditsei vasikana "

"Aiwa sara dear , zvinozoita here kuti


ufambe iwewe uchirwara" ndakadero

Akati "ndizvo ndimbotasamura tsoka ,


kubva zvandabva kubasa ndanga
ndakangorara wena.
Hakuna kure kwandinosvika zvangu"
ayidero achidzima stove yake .

Ndakabvunza ndichiti "manje zvawava


kudzima stove wozodya ratonhora here
nekuti unofanira kudya rinopisa kuti
udziise mapapu?"

"Afamba apota kani, hazviite kuti ndisiye


stove iri on " ayidero achitotora ma keys

Takazobuda ndokubva avhara madoors.


Munzira mese taifamba zvishoma
nezvishoma kusvika tatozongosvika
kumba.
Pandakanga ndava kuvhura gedhe
akataura achiti "inini handichapinde rega
ndidzokere kumba ndiwane kundodya
sadza rangu risati ratonhora"
"Zvakanakai, ndinopfuura ndichikuvona
mangwana ndisati ndayenda kubasa"
ndakadero.

Paakangoti nharu nhatu, ndakavona


achibata musoro achitanga kutenderera
kunge munhu anonzwa dzungu.

"Are you okay?" Ndakabvunza akati

"Yes, kungoti ndiri kuvona rima" ayidero


achitanga kudzedzereka nenguva
shoma akanga atova muvhu

Ndakamhanya ndichindomubetsera
kumuka , ndichiti "you are not fine
Nyenge, wambomwa chero ma pain
killer here iwewe?" Ndaidero ndichi
tester temperature neruvoko.

Ndakanzwa asingapise muviri , asi huso


hwake hwairatidza kuti anorwara
nekuda kwekuniwa niwa kwaaive nako.
Akataura achiti "hongu ndamwa
girlfriend, kungoti ndirikunzwa dzungu
chete. Ndinokumbirawo upinde neni
mumba mako ndiwane kuzorora
mbichana, ndinozoyenda kwangu kana
ndava kunzwa zvirinane ndokunge
zvichiita"
"Hey , how can you say that. Pamba
pangu pakangofanana nekuti ndepako,
hauna kana kodzero yekumbokumbira
handei" ndaidero ndichimubetsera
kufamba.

"Ko murume wako anozoti chii, rangarira


last time ayiratidza kusandifarira"
akadero ndikati

"Izvi zvasiyana best.


Apa hausi kuita zvakanaka saka
unotoda rubatsiro rwangu" vhura gedhe
Lisa ndakadero
Lisa achivhura takapinda mukati.
Takawana baba Lisa vachitoridza
kamuridzo vari mushort zvavo vachibika.

Pavakativona vakataura vachiti "ko


matodzoka?"

"Hongu baba mwana" ndakapindura


ndichigadzika Nyenge pa sofa kuti agare
zvakanaka.

Ivo vakamutarisa , ndokubva


vakatogadzika mugoti wavaimonesa
sadza. Vakataura vachiti
"motongoenderera kumberi pandasiira
amai , Lisa vuya ne home work book
yako tione " vaidero vachifamba
kuyenda ku room kwa Lisa.

Ndakazongoti "thank you daddy "


ndaidero ndava kuyenderera kumberi
nekubika.

Munguva yese iyi Nyenge aive akayeva


baba Lisa, chero kuvamhoresa haana.
Ndakatoziva kuti inyaya yekuvavenga ,
kwaimupa kudero saka handina zvangu
kushamiswa nazvo.

Ndichipedza kubika , tisati tatanga


kudya baba Lisa vakazondisheedza ku
bedroom.
Ndichiyenda vakandivhunza mubvunzo
wekuti "kwanzi chii nechiremwaremwa
chako this time?"

"Muri kuti Chiremwaremwa kureva


aniko?" Ndakabvunza zvangu chero
ndayiziva kuti vaitotaura Nyenge.

"Umwe wandingataura ndiyani kunze


kwe shamwari yako yenhema
isingazikamwe paimire" Vakadero
ndikati
"Ticharamba tichitaura nyaya imwechete
kusvika rinhi nhai baba Lisa, inga wani
ndakakuvudzai kuti Nyenge haasi
shamwari yenhema."

"No she is fake, ko iko kuzokundikana


kufamba hanzi chii?"

"Haasi kuita zvakanaka ndosaka


ndasarudza kuvuya naye pano."
Ndakadero
Vakati "as a doctor or what?"

"As a good friend of hers, sei


machitadza kunzwisisa zvinhu
zvakareruka izvi nhai baba mwana"
ndakataura nenzwi nyoro asi risina
mufaro.

Baba Lisa vanenge vakazviona kuti


ndakanga ndisisina mufaro nokuti
vakataura vachiti "it's not like handide
kuti uve neshamwari mukadzi wangu,
kungoti munhu wacho wauri kusarudza
kutamba naye handivone ari munhu ane
rudo. Ziso rake chairo rinototaura kuti
anekaruvengo kaanako pauri"
"Kwete Nyenge daddy, please give her
sometime muchimudzidza muchavona
kuti handina kumboita sarudzo yakaipa
kutamba nemunhu akaita saiye.
Rangarirai kubasa kwandiri kushanda
ndiye akanditsvakira, zvekare zvizhinji
zvaanotibetsera nazvo.
Mari chaiyo kana takaomerwa anotipa ,
ari semwanasikana wedu hatichataure
anongomutora sewake.
Chii chimwe chandingada pashamwari
kuti ndinyatsogutsikana kuti ishamwari
yezvokwadi" ndakadero

Vakati "ko kukushorera murume


kwaanoita unofara nako here ?"

"Aiwa izvo zvishoma, ndinovimba kuti


ndikagara naye pasi anotozvinzwisisa
muchavona ava kutotanga kukufarirai"
ndakapindura

Vakati "i can see hautombode nayo


shamwari yako, zvisinei iwewe ndiwe
unoziva munhu wako saka
handingarambe ndichikumanikidza kuti
usiyane naye.
Wanga watopedza kubika here ?"
Vakazobvunza
Ndikati "hongu honey"

"Nhasi ndiri kuda kudyira muno,


ungavuya zvako nacho"

"Okay daddy , regai ndinotora" ndaidero


ndichitomhanya mu kitchen
kundopakura.

Ndakapa Nyenge na Lisa ravo ndokubva


ndataura ndichiti "inini ndichandodyira
ku bedroom na daddy, enjoy your meal
guys"

"Asi havagone kudya kana iwewe usipo"


akabvunza Nyenge

Ndikati "ko inini ndigotimbirwa nani


sadza racho, zvigumwe zvangu
hazvichina kuzvijaira izvi" ndaidero
ndichiseka sezvo ndaitaura zvema jokes
zvangu

Chokwadi chaingova chekuti "ndajaira


kudyira mundiro imwechete nemurume
wangu, ndikatodya ndega
harinyatsopinda"

Haana zvaakazombotaura, ndakatakura


tray ndokubva ndayenda kundodya na
babamwana.
Tichipedza pandakazoyenda ku sitting
room Nyenge akabva ati
"ndichimuwaridzira pekurara, nokuti
haangakwanise kudzokera kumba
kwake kwadoka"

Sezvo ndayiziva kuti haasi kuita


zvakanaka ndakangoti arare na Lisa.

Handina kuzombogarisa ndomhanyira


kuyenda kunababa.
Nyenge akamboda kuti ndimutandadze
haana hope asi ndakataura ndichiti
"hazvizoite best murume haazozvifarire.
Kana ukanzwa nyama dzonyanyisa
sununguka kuzondimutsa , morara
zvakanaka " ndaidero ndichiyenda pana
Lisa

Ndokubva ndazoti "good night my sister"

Lisa akaseka ndokubva ati


"sleep well mummy, i love you"

"I love you too sweetheart " ndaidero


ndichimupa tsvodi pa forehead
ndokubva ndazoyenda kubedroom.

Semazuva ese ndakatanga


nekubathroom ndokuzoyenda pa bed
ndiri fresh.
Ndakawanikwa baba Lisa vakatarisa
mudenga vachiratidza kuti pfungwa
dzavo dziri parefu.

Handina kuda kuvabvunza zvaivanetsa


ndakangoti kwati pachipfuva chavo
ndokubva tarara takadero.
Hope dzakatombondibata, pava pakati
pehusiku ndipo pandakanzwa munhu
achitamba neni.

"Hey Marombedze murikuitei?"


Ndakabvunza nenzwi rine
kakuzhozhomera sezvo ndaive nehope
asi zvekare ndichinzwa nyama dzangu
kudairira nezvavayindiita.

Vakangondiswededzera pedyo navo


ndokubva vakati "hanzii nekurara munhu
asina kumbopa daddy chikafu chavo?"

"Ndafunga kuti sezvo muchida kuyenda


kubasa mangwana , mati mumbozorora
kaa" ndaidero ndichitotanga kuyema.
Ndainyatsokunzwa muviri wangu wese
uchidairira zvekuti

Pavakazongondikotamisa ndakaita
kunge ndava kubuda shavi nekunakirwa.
Ndakatozoyeuka kuti hatisi tega pamba,
tatopedza mutambo.

Tichipedza chete ndipo pandakaseka


ndikati "munoda kundiuraya here
imimi?"

"Ahh nei zvangu, iko mazuva ano unoita


kunge wakadirwa shuga kaa nhai.
Ndinombozama kuda kukupudzunura
asi zvinoramba, unondiitira mukadzi
wangu" vakadero

Ndikati "nemiwo munondiitira daddy,


aiwa nhasi ndanyatsokuinzwa "
Ndine chokwadi kuti
" chero bhora ragowa apa" vakadero
vachiwedzera kuseka

Ndikabva ndati "dai akavuyawo ari


mukomana this time "

"Aiwa zvinoita mukadzi wangu.


Chamunokumbira ndicho chamunopiwa
amai" vaidero vachitora towel
vachindipukuta

Ndakazotarisa nguva ndikavona ichitori


midnight chaiyo, saka hatina
kuzombosvinura kwenguva refu takanga
tatodzokera kuhope.

Kuchiyedza ndakamuka ndichiita zvese


semazuva ese, Lisa ndiye akatanga
kubuda.
Marombedze vachizobudawo ndokubva
ndasara na Nyenge

Iye ndanga ndisina kumbobvira ndataura


naye sezvo aive akarara kubva
ndichimuka.
Pandakavona kuti ndapedza kugadzirira
zvese ndipo pandakayenda kwaaive.
Ndakasvika ndichimumutsa, paakamuka
ndakabva ndati "wamuka sei best?"

"Mushe urisei?" Akapindura ndikati

"Mushe, urisei muviri nhasi?"

"Wava nane kungoti hope , iii nezuro


handina kana kumborara zvachose"

"Ko hindava asi muviri wainyanyisa here ,


ko wakadini kuzondimutsa?" Ndakadero
Akabva ati "muviri waisanyanyisa asi
noise yamayiita yanga isina kumira
zvakanaka, ko makatadza mudzora
volume here asikana?"

Achidero ndakavhara muromo


ndichinyaririra ndakabvunza ndichiti "ko
zvainzwika here ?"

"Zvaigotadza nei imimi mayiita


kuvharisa imba yese , vaimbonaka
zvakadiniko ivo Marombedze vacho
zvekuti maibva matadza kudzikama
kudero?"
"Haungazvinzwisise veduwe, dhogi
style zvee yakati kuvuya iyi ndiyo
yakanga yava kundipenza kudero "
ndakadero ndichinyemwerera sezvo
ndainge ndafunga kakumutswa
kandakaitwa uye the way
yandakachovhwa nayo nemurume
wangu.

Nyenge akabvunza achiti


"dog style inonaka here nokuti
ndinoziva ichirwadza inini " akadero
achiratidza kusabvuma
zvandayimuvudza.
Ndakatovona kuti shamwari yangu
yaive nekusatoziva chaiko saka
ndakavona zvakanaka
kunyatsomurondedzera.
After all she is my best friend, ndayiziva
kuti hakuna kwaangamboyenda nenyaya
dzemumba mangu saka ndakataura
ndichiti
"Kana mazogara hakuna style
inonakirana ne dhogi. Aiwa dhogi
kumberi pane dzese asi inonyatsoda
munhu anoigona, sa Marombedze.
Vanonyatsoita zvinyoro nyoro, uku
vachipuruzira kushuga uku nezvigumwe
zvavo zvekuti wega unonyatsokunzwa
kuti wava panguva chaiyo"
Ndichidero ndakavoka Nyenge ava
kubuda rute, ndakangoseka ndokubva
ndati
"aiwa chirega ndigumire pano, usati
watiitira zvimwe " ndaidero
ndichiwedzera kuseka.

Ndakazotakura lunch box yangu


ndokubva ndataura ndichiti
"bye girlfriend , chirega ndimhanyire
kubasa ndokuvona ndadzoka" ndayidero
ndichimupa ka tsvodi padama
Iye akangoti
"bye best, toonana wadzoka ndokunge
ukawanikwa ndichiri pano"

"Pano ndepako hauna kwaunomhanyira.


Chikafu ndasiya ndabika ndikaisa mu
microwave kana wava nenzara unodya.
Nyatsotora nguva yako yekuzorora
uchiziva kuti mangwana kubasa.
Baba Lisa vati vanodzoka kuma 1 kureva
kuti ndivo vachatanga kuvuya before
lisa" ndakadero

Akati "okay best, kubva kana zvakadero


rega ndimuke ndiwane kugeza baba Lisa
vakasati vadzoka. Nokuti zvimwe
vanenge vachizodawo kupinda mubath
pamwechete nekuzorora semunhu
anenge abva kubasa"

"Achiri makuseni aya, chero ukageza


kuma 11 ikoko" ndakazodero ndava
kufambisa sezvo ndayivona kuti pane
nguva ndinogona kungononoka kubasa
ndikaita zvekutamba

Ndichingobuda mumba ndava kugedhe


ndakanzwa Nyenge achiti
"Laiza "
Ndakacheuka ndokubva ndati "yes
Nyenge"

Akafamba achivuya pandaive.


Akavhura pouch yefoni yake ndokutora
mari kuseri kwayo .
Akanditambidza ndokutaura achiti
"tora mari iyi ukwire kombi usanonoka
kubasa best"

"Aiwa best ndinofamba ndatojaira inini"


ndakadero ndichiiramba asi akabva
ataura achiti
" ..."
Ndikazongonyemwerera ndichiti "...."

End of Chapter 4

Stay tuned

*CHIREMWAREMWA*
https://whatsapp.com/channel/0029Va
Fhlo91CYoJTe70A63O

Munhu wese achaverenga book iri


ndokumbirawo muite follow pa link
channel redu.

https://chat.whatsapp.com/F6F58ZwzX
OPBPXbuQ3m44S
what's App group
Story by

mªi *£ex*

№ +27 ⁶⁵ ⁸⁴⁰ ⁷¹⁰³

Edited by *Opha*

№ *+27 748695086*

📘 Book ¹⁴

Chapter *5*
*MAROMBEDZE*

Sezvo ndayitoziva kuti mudzimai wangu


anobva kubasa kwake akaneta ,
pandakangochaisa chete ndakatanga
kufambisa ndichiyenda kumba.
Ndichisvika ndakazama kukiyinura door
ndikavona rakavhurika nechekare.
Zvakandinetsa kuti mai Lisa anga
akurumidza kudero sarinhi, ndakamira
pamusuwo ndokubva ndasheedzera
ndichiti
"I am home babe"

Handina kunzwa kudairwa saka


ndakafamba ndichiyenda ku bedroom.
Ndichisvika handina kuvona munhu,
ndakazongofunga kuti pamwe kune
kwavaive vayenda pedyo.

Ndakayenda kubath ndokubva


ndandogeza, ndakabva kubath
ndakatomonera drying towel sezvo
ndayiziva kuti Lisa achiri ku chikoro.
Ndichipinda mu bedroom ndakaribvisa
ndokutanga kuzora mafuta.
Gonhi ndaive ndakatorivhara asi ndisina
kukiya.

Ndichitori mukuzora mafuta ndakanzwa


door richivhurwa, ipapo ndakataura
ndichiti
"ko nhasi makurumidza kudzoka
kwakanaka here maimwana?"
Ndayidero ndakanyatsoti tumbi
ndakamirira kuvona munhu wangu.

Ndaitoda kumutakura ndimbomupa


kemasati asi ndakazorohwa nehana
ndichinzwa inzwi ra Nyenge richiti
"Marombedze maswera sei?" akadero
achipinda , apa ziso rakatarisa pakati
pemakumbo angu.

Ndakanzwa kunyara pamwechete


nehasha.
Ndakakurumidza kudhonza tauro
ndokubva ndikazvimonera ndichiti
"urikudei muno Nyenge, infact urikudei
pamba pano?"

Ndakavona achikatanura dress raaive


akapfeka iro raive nema button kubva
kumusoro kusvika kuzasi.
Mukati me dress aive asina kana
kupfeka chinhu, akatanga kumbunyaira
arichiberekerwo achivuya kwandaive.
Ndakazongovona ava kunenekedza
ruvoko rwake kuda kundibata kuma
sabhuku.

Ndakamuti dzvi-i ruvoko ndokubvunza


ndichiti "what are you trying to do
Nyengerai !?"

"I need you Marombedze, i want you


badly please do not resist me" ayidero
achiita kuhuta muviri wese apa ziso
rakatsvuka kuti piro kunge nunhu asvuta
mbanje.
Ndakambomutarisa ndichida kuvona
kuti ari kuzama kuda kuita sei chaizvo.
Pandakavona kuti anotoda nezvangu
ndakashandisa simba chairo
kumusundira panze ndokukiya door.

Ndakasara ndichibata hana nokuti


Nyenge akanga amira sechiyedzo
kuhuso hwangu.
Ndichivhara door, ndakakurumidza
kupfeka mbatya.

Chinzwa iye ruzha rwaaiita achigugudza.


Munguva iyoyo ndakabvunza ndichiti
"urikudei Nyenge?"

"Ndiri kuda iwe Innocent, please open


the door me"

Ndakambozama kumu ignore asi


ndakazovona kuti ndaitamba nenguva.
Akaramba achigugudza musuwo
kusvika ndazongorivhura.

Akada kupinda asi ndakakurumidza


kubuda ndokutaura ndichiti
"Siya zvauri kuita izvi, uri shamwari
yerudzii nhai unosarudza kuda kurara
nemurume wemunhu waunosheedza
kuti best friend"

Ndichidero akati "kangamwa nezve


hushamwari hwandinahwo na Laiza,
iwewe tora mukana uno chete kundipa
zvandinoda. " aidero achiita kutambisa
chivunu apa akakotamira kwandaive
asina mbatya pamuviri wake.

Ndega ndakatovona kuti Nyenge ane


inoregerera imwe.
Apa chivona zvandairatidzwa zvacho dai
kwaiyevedza zvaive nane.
Kwaingove kwakaita flat, kusina kana
kushongedzerwa sezvandajaira kuvona
pamudzimai wangu.
Ndaitonzwa kusemeswa zvekuti ,
ndakazongoyerekana ndamukava
bhutsu achindoti nyondo nemuromo.

Ndakanzwa achiti "Innocent!!" Aidero


achindisheedza

Ndikabva ndati "that's my name , i am


so innocent handina nguva yezvese izvi .
I love my wife with all my heart,
handitarisire kumurwadzisa at least not
nechiremwaremwa chakaita sewe !"
Ndaidero ndichitomukandira dress rake
kuti apfeke.

Akada kuramba pamwechete


nekundipa ma threats kuti ndikaramba
kurara naye , aizo screamer otaura
kuvanhu kuti ndanga ndichida kumubata
chibharo.

Ndakanyatsovhomora bhande ,
ndokubva ndatanga kumudzudzunga.
Ndakamurova kusvika ndava kunzwa
kuti zvaringana.
Akatanga achichema kusvika ava
kungogomera ari pa floor.

Ndakazomusiya ndokutaura ndichiti


"chiyenda kumapurisa
undondimhangarira zviripo kukurova
kwandayita"
ndaidero ndisina kana matyira.

Ndaive ndatozvivudza kuti


"kana jere raizovuya raivona inini.
Zvaitove nane kundovharirwa pane kuti
ndirare nemuvurayi ndichivona.
Ehe ka Nyenge anga atomira
semuvurayi muupenyu hwangu.
Fungai kana mukadzi wangu aizoziva
kuti ndarara neshamwari yake wanano
yedu yaizoramba ichiyenderera kumberi
here ?"

Ndakavona Nyenge achipfeka dress


rake , achipedza akapfugama ndokubva
atanga kuchema.
Akazotaura achiti "handizive kuti
ndichakwanisa kutarisana nemi sei
Marombedze, chokwadi ndechekuti
handizive kuti mweya rudzii wanga
wandibata.
Kana zvichibvira ndinokumbirawo
mundiregerere uye murege kuvudza
Laiza nezvenyanya iyi"

"Inini handina zvandinovanzira


mudzimai wangu, achingosvika chete
ndichabva ndatomuvudza zvese zvaitika
muzuva ranhasi" ndakadero

Akabva ati " unofunga kuti achakuvimba


here ?" Akabvunza achisimuka

"Zvinenge zvava naye , asi ndamuvudza


chokwadi" ndakadero
Akati
"well itai zvamunoda , i wish you all the
best Marombedze" aidero achitotanga
kufamba achiyenda.

Ndakasara ndichitura befu kasingaperi.


Munguva iyoyo ndakavona kushata
kwehurombo, kudai ndaive ne foni ine
camera handi ndingai ndakatorawo ka
video kekuti ndive nehumbowo
hwakakwana.
Manje inini nemudzimai wangu
tinongoshandisa twuma popopo, foni
hombe ndakasoitengesa kare.

Ndakazviudza kuti chero zvoita sei


nyaya iyi handaizoinyarara, yakanga
yachikwana nguva yekuti ndimire
semusoro wemba sezvo ndaivona kuti
ndikaita zvekutamba imba yangu
inogona kuparara.

Mudzimai wangu ndinomuda chaizvo,


anondigonera zvekuti handishuvire
kuparadzana naye nezvisina basa.
Ndakazoyenda kundogara mu seating
room, ndokubva ndabatidza T.v.
Ndaingove ndakatarisa mifananidza asi
pfungwa dzisiri pachivhiti vhiti.
Ndaiti ndikafunga mashura andakanga
ndaitirwa na Nyenge , ndainyatsovona
kuti chero mukadzi wangu anogona
kungodzidziswa zvisiri izvo akaramba
achishamwaridzana naye.

Aiwa ushamwari hwacho hwaitofanira


kupera.
Kana aizoramba kunzwisisa kana basa
racho ndaizotomumisa zvangu.
Semunhu aive nekufunganya
kwakanyanya ndakazobiwa nehope
ndakagara.
Ndakazoita zvekutopeputswa ne inzwi
ra Lisa ayitaura achiti
"ko baba muri muno, uncle Benny
vanguva varidza hooter vachifunga kuti
gedhe rakakiyiwa"

Ndakachikinya maziso ndokutaura


ndichiti
"i am sorry my daughter, hongu ndirimo
handina kunge ndazvinzwa"

"Zvakanakai baba , maswera sei?"

"Ndaswera mwanasikana wangu,


kwanga kurisei kuchikoro?"

"Kwanga kwakanaka kwazvo, and


guess what?" Akadero achiratidza kuva
nemufaro

Ndakabva ndati "what...?" Ndaidero


ndichitonokerwa kunzwa

Akabva ati "ndawana ²⁰/²⁰ ku maths


zvese neku English nhasi , teacher
vangu varikufara neni"

"Ohh really " ndakadero


ndichinyemwerera akati

"Yes father , vonai" aidero


achindiratidza mabooks ake.

Ndakanzwa kufara neku improver


kwemwana wangu.
Kubva kare aingogona asi
pandakambomira basa nenyaya
yekushaya zvikwanisiro aive ava
kudzikira.
Sevabereki hatina kuda kurasa tariro
maari.
Takagara naye pasi tikamuvonesa kuti
"misi hayifanane , ngaasachiva upenyu
hwevamwe vana hwakewo hwuchanaka
"

Zvairatidza kuti dzidziso dzedu akanga


akadzichengetedza nokuti ma marks
ake aingotaura ega.

Ndakamumbundira ndichiti
"ko zvawangodzosera nhai zimhandara
rangu"

Akatanga kugegedzera ndokuzoti


"I am the daughter of my father, ndava
ne nzara baba mhamha vasiya vabika
here ?"

Ndakasimuka kundotarisa chikafu,


ndikavona mandiro akazara musink.
Ipapo ndakabva ndaziva kuti
"Chiremwaremwa changa chadya
chikafu chese nokuti nemapoto
aitovemowo mu sink macho"

Ndakazoburitsa muriwo ndokutanga


kubika, Lisa achindibetsera.

Tichitori pakati nemapoto ndakanzwa


mai Lisa vachitanga kupopota vari ku
gedhe.
Kubva ndichiroora mudzimai wangu ,
kwakava kwekutanga kumunzwa
achitaura akakwidza inzwi kudero.
Ndakasiya zvandayiita ndokubva
ndamira ndakamutarisa sezvo aive
asvika pataive.

Ndakanzwa achiti
"how could you baba Lisa !?"

"Hey lower your voice babe , kwakanaka


here kwaunongosvika uchipopota
kudero?" Ndakataura nenzwi risina
hasha kuti Lisa aregedze kuvhunduka
Mai Lisa vakatowedzeresa kukwidza
inzwi
vachiti
"sei mune moyo wakashata imimi,
chokwadi mungazvambaradza
shamwari yangu zvekusvika
pakumukwatura ganda kudero.
Anga ambonyanyokutadzirai chiiko
zvekutadza kudzora hasha dzenyu, apa
munhu wamunonyatsoziva kuti ari
kudziya muviri ndiye wamava kusarudza
kuisa ruvoko zvekare. Ruvengo rwayi
rwunokupai kuvenga munhu kusvika
pakadero?"
Simba rekupindira chairo ndakarishaya,
chero nezvese zvandaive ndakaronga
kumuvudza pamusoro peshamwari
yake ndakabva ndashaya pekutangira.
Zvaive pachena kuti Nyenge aive
atonditangira nechekare.

Ndakatarisa mwana wangu ndikavona


akaisa musoro parutivi akatarisa
kwataive.

Ndakasarudza kusuduruka , saka


ndakasiya mai Lisa achipopota
ndokubva ndatoyenda ku bedroom.
Ndayiti kana paanozouya hasha dzake
dzaserera ndopandichagara naye pasi
tonyatsotaura saamai nababa.

Chakandinetsa , ndakasviko gara


kwenguva yakareba kwazvo munhu
asina kana kumbobudikira.
Pandakazoti regai ndiyende kundoona
chaitora nzvimbo ndakavona akatorara
zvake ari mu room ma Lisa.
Ndakada kumbomumutsa asi
ndakazongoti regai ndimurege.

Ndakayenda kundopakura chikafu


ndega, ndokubva ndadya ndichizoyenda
kundorara.
Ndakazama kumborara asi hope
dzakaramba kubata, ndakazvivudza kuti
handirare
"$ sign mukadzi wangu aripo , saka
ndakadzokera kwaive na mai Lisa"

To my surprise, ndakawanikwa door


ratokiyiwa nemukati.
Kuti ndigugudze hazvayiita nokuti
ndaizomutsa mwana.
Semunhu mukuru ndakazongopesanisa
makumbo ndokubva ndadzokera
kubedroom, ende hope
dzakazondibatawo.
Kuchiyedza ndini ndakatanga kumuka,
mai Lisa achimuka aingove
akafundumwara chero kundimutsira
haana saka ndakazongomedza pride
ndokumutanga.

Akapindura akaisa muromo mumhino.

Handaida kuti titange kupokana Lisa


achinzwa, saka ndakamirira kuti atange
ayenda kuchikoro ndigotaurirana
nemudzimai wangu.
Sezvineiwo achingobuda ndipo
pandakayenda paaive ndokubva
ndazama kumukochekera ruvoko.

Ndaida kuti atange afara ndigobva


ndazotaura naye.
Akasundira ruvoko rwangu kure
ndokutaura achiti
"murikuzama kuda kuita sei murume
mukuru?"

Ndakaseka ndokuti
"Wakatsamweiko nhai Lizzy, zvekusvika
pakurasira ruvoko rwangu kure
kudero?".

"Imimi zvamakaita hamuzvizive


here?"akadero

Ndikati
"please remind me chipondamoyo
changu, handina kana chandiri kuziva
inini"

"Munoreva kuti hamuzvizive kuti


makarova Nyenge asina mhaka here ?"
Akabvunza asinganyename

"Ndozvaakakuvudza kuti akarohwa


asina mhaka here?" Ndakabvunza

Akati "hongu, anoti makamuwanika


akazvirarira pasofar mukataura kuti
abude mu life mangu hamude
kumuvona.
Asina nezvaambotaura makabva
matotanga kumurova"

"Akati ndozvakaitika here?"


Ndakabvunza akati

"Hongu, akanyatsotaura kuti dai musiri


murume wangu angadai akayenda
kumapurisa.
Nemakuvariro aakaita hapana
pamaizombopabuda"

Zvekutaura ndaisada saka ndakazotaura


ndichiti
"Nyaya ya Nyenge ngaichipera mhamha,
chivuyai muvudze daddy kuti makarara
sei?"
Ndayidero ndichimumbundira ndichida
kumukisa muhuro.

Ndakasundwa zvine simba


ndakavarairwa zvekuti kudai ndisina
kuita zvekutsiga ndingadai ndakandoti
nyondo nemuromo..

Ataura achiti
"Siyai kundibata Marombedze, kana
muchitoda izvozvo munofanira kutanga
mayenda kuna Nyenge mondokumbira
ruregerero ndiko kuti tiwane rugare
mumba muno. "

Mashoko ake akandishamisa , zvekuti


ndakangoshama muromo ndakavhura
maziso ndiye kanha nazvo.
Ndakatadza kunzwisisa kuti mukadzi
wangu aimbonyanyonyengererei chaizvo
pana Nyenge zvekusvika pakuvudza
inini murume wake kuti ndinokumbira
ruregerero ndisina kana mhosva.

Pakati pedu pakambova nerunyararo iye


akazotaura achiti
"Your hatred against her is breaking
my heart daddy , for the sake of our
relationship please let it go " ayidero
achiratidza kuva nekurwadziwa.

Ndakanyatsomutarisa ndikavona kuti


aive murima chaimo.
Chero ndaizoda kumuvudza chokwadi
pamusoro paNyenge haana kana
chaaizonzwisisa saka ndakangotaura
ndichiti
"seshuviro yenyu amai ndichaita
zvamunoda " ndaidero ndichitobva
paaive ndokubva ndatanga kufamba
ndichibuda panze.

Akamhanya ndokubvunza achiti


"mafunga kuyenda kupi?"

Ndakapindura ndichiti "...."

End of chapter 5
Stay tuned

"Vakadzi asi chii chaizvo????"

*CHIREMWAREMWA*
https://whatsapp.com/channel/0029Va
Fhlo91CYoJTe70A63O

Munhu wese achaverenga book iri


ndokumbirawo muite follow pa link
channel redu.

https://chat.whatsapp.com/F6F58ZwzX
OPBPXbuQ3m44S
what's App group

Story by
mªi *£ex*

№ +27 ⁶⁵ ⁸⁴⁰ ⁷¹⁰³

Edited by *Opha*

№ *+27 748695086*

📘 Book ¹⁴

Chapter *6*
*NYENGE*

"Ohh Marombedze, you rejected me


like a piece of trash aiwa izvozvo
hazviitirwe inini"

Ndichingobva pamusha wake


ndakarurama kumba, ndakaita
kugumbuka.
Hayisi nyore kuti wakanyatsogadzirira
kuimba manhanga kutapira , wobva
waiswa bhande kumusana.
Chokwadi ne effort yese yandakanga
ndaisa here , kunyatsogeza nemvura
yemufridge kuti kudzokedzane munhu
obva atadza kuisa ziso rake pandiri.
Marombedze akanga andirwadzisa,
ndayinyatsokunzwa kuti mbabvu dzangu
dzirikurwadza nekundirova kwaanga
ayita.
Ndakatadza kuziva kuti mushonga
rudziiko waakadyiswa na Laiza
zvekutadza kucheuka chigagairwa
chakaita seni.

Ndichisvika kumba kwangu


ndakarurama pa mirror hombe
ndokunyatsozvitarisa kuti ndivone
pakaresveka pandiri, zvazokonzeresa
kuti Marombedze andiseme zvakadero.

Ndakavona pasina kana chaive


chachinja , ndaingove nerunako rwangu
rwemazuva ese.
Ndakazvivhunza kuti
"What is so special pana Laiza ,
chaanacho chandisina inini ?"

Ndakadzungudza musoro ndokutaura


ndichiti "laiza , Laiza , Laiza.
Ndadzikisirwa na Marombedze nekuda
kwako , aiwa zvaisafanira kupera
zvakadero."
Ndakadziisa mvura ndokutanga
kuzvitova ndakamirira kuti nguva dzake
dzekuchaisa dzikwane.
Ndichingovona kuti dzakwana
ndakabva ndanomugarira kunzira
kwandayiziva kuti aizopfuura nako.
Sezvinei haana kutora nguva , akabva
asvikawo.

Achindivona akabvunza achiti


"urikuitei kuno nhai Nyenge ko kumba
kwangu wabva nguvai?"

Handina kuwana nguva yekumupindura


asi ndakatotanga kuyeredza misodzi.
Ndakanzwa achiti
"ko zvaunenge uri kuchema, waitwa
seiko?"

Ndakapukuta misidzo ndokutaura


ndichiti
"Saka ndizvo zvauri Laiza izvi?"

"Ndaita sei nhai vasikana, handina kana


chandiri kunzwisisa inini?"

Ndakadzungudza musoro ndokutaura


ndichiti "kudai mayiziva kuti hamundide
kumba kwenyu makagobvumireiko kuti
ndirareko.
Ko iko kuzotuma murume wenyu kuti
andirove, ndakanyanyokutadzira chii
Laiza zvekuti unondivenga kusvika
pakadai?" Ndaidero ndichitobvisa
hembe kuti avone kuzvimba kwaive
kwakaita musana wangu apa misodzi
ndichiwedzera kuyeredza.

Ndakavona achibata muromo


zvekushamisika, akabvunza achiti
"chii chaitika kwauri Nyenge, ko
zvaunoratidza kuti warohwa
zvakaipisisa ?"
"Hongu ndarohwa na Marombedze.
Handizive kuti manga makazvironga
mese here kana kuti zvangobva
mudehenya rake." Ndakadero
ndichipukuta misodzi akabva ataura
achiti

"You shouldn't know me by now Nyenge.


Handina moyo weruvengo inini ,zvekuti
ndingakutumira murume wangu kuti
akuitire zvakashata." Akadero

Ndikati
"anoziva chokwadi ndiwe.
Inini chandinoda kukuvudza ndechekuti
iyi haipere yakadai.
Kutaura kuno ndiri kutoyenda
kumapurisa kundomhan'ara nezvenyaya
iyi." ndakadero ndava kunyepedzera
kufamba

Laiza akandibata ruvoko ndokupfugama


achiti , "please Nyenge
ndinokumbirawo titaurirane. Chokwadi
ndechekuti inini handina chandinoziva
nezvenyaya iyi, ko ivo baba Lisa
vachikurova vati vanokurovera chii?"
Akabvunza

Ndikati
"Nyaya yacho haibatike ndosaka
ndafunga kuyiendesa kumapurisa."
Murume wako achipinda mumba ,
angosheedzera kuti
"surprise "

Inini ndokutaura kuti


"Mai lisa havasati vadzoka kubva
kubasa.
Havana zvakawanda zvavazombotaura ,
vangovhomora bhande ndokutanga
kundirova.
Kutaura kuno musana wangu hausi
kana kuita zvakanaka , chero kukotoma
ndiri kukundikana.
Hayisi nyore kurohwa usina
kumbozvifungira , kutaura chokwadi
ndiri mumarwadzo.
Ingava mhosva here kuti handina
murume, unofunga kuti kudai ndiri
mukadzi weumwe munhu
vaizondirerutsa zvakadai zvekusvika
pakundiisa ruvoko.?" Ndakadero ndava
kutangira pandanga ndambosiira
nekuhwihwidza.

Ndakachema kwenguva yakareba


kwazvo, Laiza akambozama chose
kundinyararidza asi ndakaramba
ndichingochema.
Ndakavona ofinyamisa kumeso,
akazotaura achiti
" This madness has to stop ! Ruvengo
rudziiko rwadzvarwa na baba Lisa pauri
sahwira wangu. No i can not it anymore
!" Akadero achiratidza kugumbuka
nokuti akanga asingachagone kumira
panzvimbo imwechete.

Inini ndakazotaura ndichiti


"Mapurisa ega ndiwo anokwanisa
kugadzirisa nyaya iyi.
Murume wako anofanira kusungwa
Laiza, ndizvo zvega zvinozoita kuti
hushamwari hwedu hwurambe
hwuchiyenderera kumberi. Pasina
kupinda kwemurume wako
muchitirongo, handide kana kukuvona
pedyo neni"

Ndichidero akapfugama muvhu ,


ndokundibata tsoka achiti
"please Nyenge, ndokumbirawo uite
tsitsi.
Kana baba vemwana vangu vakasungwa
ndingasara ndiri pachidanho chipi
chokwadi.
Ko iye Lisa zvake , ndinozomuvudza
kuti baba vake varipiko.?"
"Unenge wava kutovona
zvekumuvudza" ndakadero

Akabva ati " rega kudero shamwari


yangu, ndinokumbirawo utaure
zvaunoda kuti ndikuitire kuti
usasungisa murume wangu."

Mashoko ake akandipa nyemwerero


mukati memoyo wangu zvekuti
ndakamutarisa ndokutaura ndichiti
"you are so lucky ndinokuda nemoyo
wangu wese.
Kudai anga ari murume weumwe munhu
asiri iwewe aiwa iyi ayisazoibuda."
Ndaidero ndava kunyatsopukuta
misodzi.
Ko zvangu zvanga zvaitaka

"Thank you best, thank you so much"


akadero achindimbundira ndikataura
ndichiti

"Well like i said , nokuda kwako


handichayende kumapurisa.
Asi murume wako anofanira kudzidza
chidzidzo kuti vanhu vechidzimai
havarohwe.
Ndinoda kuti avuye kwandiri
kuzokumbira ruregerero , ndiko kuti
nyaya yacho ipere.
Ndinokupa zuva ranhasi chete , kana
akatadzawo mangwana ndinofuma
ndichiyenda kumapurisa mavanga angu
achiri manyoro kudai"

Laiza akasimuka ndokutanga kuita up &


down. Akazotaura achiti
"unodero nokuti hauzive murume wangu
Nyenge. Baba Lisa zvimwe zvese
vangaita asi kukumbira ruregerero
kunovanetsa especially kumunhu
wavasingapinde naye mumagumbezi"
"It's okay , saka kana zvakadero
ndichatoita kuti asungwe.
Dzikanyatsochena ndipo pavanozovona
kutadza kwavo" ndakataura kudero
ndakafinyamisa kumeso.

Chokwadi munhu kutobuda pachena


kuti Marombedze haangandikumbire
ruregerero nokuti haarare neni, aiwa
aitowedzera kukwidza forongonya
yanguzve.
Akazotaura achiti
"Don't worry best , i wil try my best kuti
baba lisa vavone kutadza kwavo.
Ndichavapa punishment inogozha
kwazvo. Chandinoziva Marombedze
weakness yavo iri pazasi peguvhu
rangu.
Kana ndikangovanyima chete bonde ,
ndinoziva kuti vanotovuya kuno
vachimhanya"
Achidero ndakayerekena ndava kuseka.

Ndakanzwa ndine mufaro wakapetwa


nekuti ndaiva nechokwadi kuti
"chero zvoita sei Marombedze hapana
paaizombovuya kuzokumbira ruregerero
iye achiziva kuti ndini ndiri wrong."

Kureva kuti pese paanenge achiramba


kuzokumbira ruregerero, mumba
mavovo anenge arimasvanhikongonya
kutarisana kwevakarambana.
"Ohh Nyenge you are too much"
ndakadero nechemumoyo
ndichiwedzera kuzhinya ndichinzwa
ndine mufaro wakapetwa.

Ndakazotaura ndichiti "unenge wagona


best, kuronga kwakanaka ikoko unenge
waratidza kuva chimhamha.
Munhu wepi asingagone kuremekedza
vakadzi.
Funga kuti izvezvi ndanga ndava
kutonetsana newe ndichifungira zvisizvo,
aiwa enda upinze murume wako
mugwara kana akaramba achitonetsera
bonde rara muroom ya Lisa amborara
akamana mabhora avone kukosha
kwako"

"Zvekuita ndinazvo best


usatombondityira zvako. Murume
ndewangu ndinoziva zvekuita naye.
Vuya ndikuperekedze ndinokusiya wava
mumba" ayidero achindibata ruvoko
ndokutanga kufamba achiyenda neni
kumba kwangu."

Tichingosvika haana kana kuisa


magadziko pasi, akaoneka ndokutaura
achiti
"Zvinogona kutora zvimazuva baba Lisa
vasina kuvuya , asi ndinokuvimbisa kuti
vachauya chete chero zvoita sei
vachauya chete saka ndokumbirawo
usiye pfungwa yekumapurisa"

"That's my girl, varume vanoda


kutomboiswa pachinzvimbo chavo
nekuti ukasadero unganzwa nekuitiswa.
Zviri zvekumapurisa handichayende"
ndakataura ndichidero akabva ati

"Thank you dear, i love my husband


with all my heart asi kana paanenge
atadza ndinotomuisa mungwara. Inini
anonditerera zvake nokuti anondida
kwazvo" akadero ava kutanga kufamba
achiyenda.

Achingoyenda ndakasara ndichitamba


nefoni yangu.
Ndine ma groups ema singles akati
wandei saka ndinenge ndichimbopisa
ndirimo semunhu asina anomutonga.
Ko handi kuna Marombedze zvanga
zvakona , zvakare kuna Clive ndaive
ndisisina tarisiro according
nemaparadzanirano atakaita.
Ndaifanira kutombotsvaka mukwenyi
wemhezi, ndakamirira kunyatsoronga
tsoro dzangu.
Ko kutyei kunge ndine murume ,
ndinofanira kuita zvandinoda nenguva
yandinoda.
Ndakambotandara mugroup, kusvika
foni yapera moto.
Ndichiyiisa pa charge ndakabva
ndagadzirira zvekubasa.
Kudya ndakangodzisa raive rakabikwa
na Laiza ndokudya nekutokwira
pamubhedha.

Ndakabidirika ndabidirikazve
ndichifunga nezva Marombedze.
Ndakanzwisisa kuti sei Laiza
achingomurumbidza pese pese.
Kundirova kwaaive ayita akandiratidza
kuti mu hard, haangobvume zvese zvese
zvinova zvakandipa kuwedzera kumuda.
Inini kubva ndichikura ndayivimba
nerekuti runako rwevarume rwuri
muhomwe.
Handina kumbobvira ndakada munhu
asina mari, zvekuti Marombedze
ndayisave nebasa naye. Chandaitoda
kuti Laiza amusiye nenhamo yake
atsvake umwe anokwanisa
kumuchengeta todya tese.
Manje nezvese zvaakazondivudza aiwa
ndava kushandira kuti Laiza achisiira
inini murume wake.
Ndichashanda nesimba kusvika zvaita.
Marombedze anofanira kutozvivona
kuti pana Laiza akaita mistake chaiyo,
ndichavona kuti ndozvifambisa sei.
Inini ndega ndini ndine kodzero yekuva
mai Marombedze kwete Laiza.
Semunhu aida kumukira kubasa
ndakakurumidza kurara.

Zuva rakatevera ndakamuka rungwanani


ndichigadzirira zvekubasa.
Ndayitonokerwa nekundosangana na
Laiza kuti andivudze reaction yaive
yatorwa na Marombedze ndigowana
kutangira ipapo.

Ndichingobuda chivanze ndakabva


ndasangana na Marombedze achisvika
pachivanze.
Pandaive payisambonzvengeka saka
ndakamira ndakazvaura maziso
ndichishamisika pamwe nekutya kukuru
sezvo chiso chake chaitaura chega kuti
akatakura nyaya isingafadzi.

"Hi Nyenge" akataura kudero nenzwi


rakanyorova kwazvo riripasi pasi.

"Hi" ndakapindura ndichitarisa pasi


sezvo kutarisana naye kwayisaita.

Munguva iyoyo akaswedera pedyo neni


ndokubva ataura mashoko
akandishamisa chaizvo anova ekuti "...."

End of chapter 6

Ruregerero kwanga kusina getsi now


radzoka i will try kunyora 7 nhs after
work kuti tiyende kumberi
ndinokumbirawo comment section
musarasa tariro
[
*CHIREMWAREMWA*

https://whatsapp.com/channel/0029Va
Fhlo91CYoJTe70A63O

Munhu wese achaverenga book iri


ndokumbirawo muite follow pa link
channel redu.

https://chat.whatsapp.com/F6F58ZwzX
OPBPXbuQ3m44S
what's App group

Story by

mªi *£ex*

№ +27 ⁶⁵ ⁸⁴⁰ ⁷¹⁰³

Edited by *Opha*

№ *+27 748695086*

📘 Book ¹⁴
Chapter *7*

*MAI MAROMBEDZE*

Nekuziva kuti wangu murume kana


atovenga munhu anenge amuvenga
zvekurevesa , paakafamba achibuda
gedhe ndakamumhanyira ndokubvunza
ndichiti
" murikuyenda kupi daddy?"
Kumba kwa Nyenge, ndinoda kuwana
asati ayenda kubasa.

"Mafunga kundoiteiko?" Ndakabvunza

Vakabva vati
"kundokumbira ruregerero, i realize kuti
ndakakutadzira kwazvo kukurovera
shamwari yako yepamoyo saka ndava
kuyenda kundozadzisa zvishuviro
zvemoyo wako."

Zvakandinetsa kuti baba Lisa sarinhi


vachibvuma kukumbira ruregerero
nekukurumidza kudero.
Ndakakurumidza kutaura ndichiti
"aiwa musayenda "

"Ko hindava, hazvisi izvo zvaunoda here


zvirikukupa kuti undisundire kure newe
kudai?" Vakabvunza

Ndikati
"not really, kungoti iye Nyenge ndiye
akati pasina kumukumbira ruregerero ,
hushamwari hahwungayenderere
kumberi"
"Exactly ndosaka iniwo ndasarudza kuti
ndinokumbirawo ruregerero kuti pakati
penyu parege kuva nekupokana."
Vakataura kudero

Ndikabva ndati
"are you sure daddy kuti murikuita izvi
mune mufaro?"

"Hongu , asi ndichibva ikoko newewo


hakuchina kubasa kwaunoyenda.
Yava nguva yekuti uchigara pamba
saamai vemusha ndichikuchengeta
Nekufambawo kwenguva kana mari
yazongotamba muruvoko rwangu
ndichatsvaka zvekuti uzoita zvinokupa
mari."

Vachidero ndakajamhuka , ndakataura


ndichiti "kwete kubasa handisi kuzoziya
Marombedze, munoda kuti titange
kudzokera kunhamo kwataimbova
kwekudya muriwo usina mafuta here. ?"

"Haumboudye ndichirarama,
ndichazama nepandinogona napo
kutsvaka mari kuti iwewe na Lisa
musafa nenzara"

"Ko rent ne school fees inozobva kupi,


it's not like mune basa re permanent
kaa rinozokwanisa kukupai mari
yekubhadhara ma bills ese iwayo"
ndakadero iri nzira yekutovaonesa kuti
kubasa kwandiri kuyenda ndiko
kurikutiyamura handifanire
kutombokusiya

Vakataura vachiti
"chizosiira zvese kwandiri
Kana ndikazokundikana tinoyenda
kumusha tondorima , Lisa tomuyendesa
kuchikoro che government.
Zvitori nane kuti tigare zvedu tisina
chatinacho asi tine mufaro mumba
medu.
Ndinokuvimbisa kuti hazvizomborambe
zvakadero, rangarira inini murume wako
ndiri professional engineer. Anytime
basa rinomuka, rugare rwugotanga futi
kutandavara mumba medu"

Ndinokunzwai baba Lisa asi kuti ndisiye


basa hazviite.
Kana iye Nyenge anozondivona
semunhu akaita sei , nokuti akayuvira
achinditsvakira basa racho.

"Forget about Nyenge, haana kana


zvitsvene zvaanoshuvira kuti uve nazvo.
Unongomuvudza chokwadi kuti ndini
ndakusiisa.
After all she is fake haakude, chaanoda
chete kukuputsira imba yako okutorera
inini murume wako"

"Nyenge kutora imimi sei? " ndakadero


ndichiseka.

Ndayinyatsoziva kuti Marombedze


vakanga vava kundinyepera.
Nyenge anogara akataura kuti
"haadanane nevanhu vasina mari, saka
ayizoda kutora Marombedze nekuchivei
zvake ivo vasina kana mari yekutenga
nduwe yavo chaiyo"

Ndakatovona kuti vanenge vava


kutsvaka nzira dzekuda kunzvenga
nyaya yavaive vambotaura yekuyenda
kundokumbira ruregerero saka
ndakanyatsofunga zvakandaka
ndokutaura ndichiti
"tibvirei murume mukuru hamunyare
here , endai mundokumbira ruregerero
apo musiye kupomera shamwari yangu
pasina "
"Hongu ndiri kuyenda handimbotadze.
Asi musi wauchawanika Nyenge iyeye
achishinyira aripasi pangu usazoti
handina kukuyambira" vakadero
vachitofamba.

"Ndinoda kuyendawo nemi" ndakadero

Vakati "hande, siya wavhara ma doors


ese"

"Zvakanakai " ndakadero


Takazobuda ndokudungamidzana
tichiyenda kumba kwa Nyenge.
Patakanga tava pedyo nekusvika
Marombedze vakataura vachiti
"sara wakamira pano, unozovuya kana
ndakuisira txt message "

"Kwakanaka here kwamuri kundisiya


pano?" Ndakabvunza

Vakabva vati
"hongu, Kwakanaka kwazvo ndine
zvandiri kuzviitira"
"Zvei ?" Ndakabvunza ndisinganzwisise
nyaya yavo.

"Chero ndikakuvudza haungazvibvume ,


iwewe chingovuya kana ndaisa message
chete" vaidero vachitoyenda.

Ndichisara ndakamira asi hana yangu


yaive isina kugadzikana zvekuti handina
kuzomboramba ndakamira kwenguva
refu.
Ndayinyatsofunga kuti ndasiirwei
chaizvo, aiwa kuramba ndakamira
panzvimbo imwechete
kwakandirambira saka ndakatanga
kufambisa ndichitevera.
Ndichisvika ndakati kwati nemadziro ,
sezvo ndaive ndabudira nekuseri

Pamba pa Nyenge hapana gedhe


unongoshandisa nzira yawada.
Ndakanzwa Nyenge achiti
"Kwakanaka here Marombedze
kwamanditsika rungwanani rwuno?"

"Hongu kwakanaka zvako. Ndavuya


kuzokukumbira ruregerero nekukurova
kwandakaita. Ndakanyatsofungisisa
nezvazvo ndikavona kuti ndakatadza"

"Wakafungisisa here, kana kuti


watumwa nemudzimai wako kuti
uzondikumbira ruregerero nhai Inno?"

Nyenge achisheedza murume wangu


nezita ndakanzwa svigodo asi handina
kuda kuramba ndichisviita.
Ko handi ndihwo hwunu hwake chero
neni anongonditi Laiza.

Marombedze vakati "hongu mai Lisa


vakataura, asi neniwo
ndakazonyatsofunga kuti chokwadi ndiri
murume rudzii anoramba wudyo hwese
uhwu. You're so beautiful Nyenge and i
..." havana kubuditsa mashoko
ekumberi vakaramba vaka sticker
vakatarisa Nyenge

Iye Nyenge akaramba akamirawo


akatarisana navo.
Kakuyevana kavakaita kakaita kuti
ndinzwe kutsva , ndakamboda kuti
ndimirire kunzwa zvemberi asi
zvakandibata nesimba.

Ndakabudikira ndokutaura ndichiti


"baba Lisa !!" Ndayisheedza zvine
hasha

Vakaita zvekuvhunduka vachiti


"wavuya kuzoitei pano mai Lisa?"

"Hoo saka ndizvo zvamarambira kusvika


neni pano izvi, manga muchiziva zvenyu
kuti munoda kurumbidza Nyenge.
Ende newevo Nyenge , sei waramba
wakanyarara?"

"I was shocked girlfriend, ndatadza


kuziva kuti murume wako arikuzama
kuda kuita sei. Ndirwo ruregerero
rwacho here urwu !?" Akabvunza Nyenge
achiratidza kusafara nezvaitwa na baba
lisa.

Ipapo ndakataura ndichiti "sorry best,


rega ndiyende kundopedzerana
newangu kumba" ndayidero
ndichidhonza baba Lisa.

Munzira mese ndayipopota asi havana


kana kundipindura.
Patakapinda mumba ndipo pandakati
"manga muchizama kuita sei
Marombedze kuvudza Nyenge kuti
akanaka, iye udyo hwamakaramba
ndehwupi?"
"Ohhh my beautiful wife , don't tell me
kuti kubudikira kwawaita ranga riri
jealous?" Vakabvunza vachiseka

Ndikati "hapana chiri kusekesa apa , i


rumbidzo hwai inoitwa nemurume
wemunhu?"

"Wakanganisa tsoro dzese babe, ndanga


ndichida uvone kuti Nyenge haakufarire
anotonakirwa neni big time.
Manje wakurumidza kusvika ukayisa
zvese mudondo.
Zvisinei nyaya ya Nyenge ngaichipera,
chandinoda kuti uzive ndechekuti
ndinokuda mai Lisa. Hakuna umwe
munhu achatora chinzvimbo chako
chero zvoita sei, pauri ndipo pakaperera
moyo wangu ndinoda kuti undivimbe"
vaidero vachitonditakura.

Chero simba rekuramba ndichipopota


handina kuzoriwana, nokuti ndakanga
ndatoitwa fugu ndee ndisina kana
kufungira ndichitova mumbatya dzangu
imomo.

Marombedze vachipedza kutamba neni ,


vakazotaura vachiti
"ndava kuda kuyenda kubasa mai Lisa.
Ndisati ndayenda ndinokumbirawo
umbondipa nzeve dzako uterere
kutaura kwangu"

"Taurai daddy ndakaterera" ndakadero


ndichitokama musoro wangu wanga
wabvanganyuka semunhu ayida
kumhanyira kubasa.

Nguva chaidzo ndaisazodzibata asi


kurovha ndayisaita zvangu chero zvoita
sei.

Marombedze vakataura vachiti


"ndanga ndisinganyepe pandataura kuti
handichade kuti urambe uchiyenda
kubasa kwako.
Chizonyorera murungu message kuti
wava kusiya basa , akwanise kukupa
mari yemazuva awakashanda.
Kana uchikundikana kutaura naye ,
unondivudza ndoyendako inini kwaari.

"What are you saying daddy?"


Ndakadero ndichitonzwa kuda kuchema.
Ndayivona ndayita kudzvanyirirwa
chaiko, nekuti basa rangu raindikoshera.

Marombedze vakati "ndanga ndisina


dambudziko nekuti uyende kubasa mai
Lisa. Chandiri kunyanya kukumisira
ishamwari yako.
Ndinonyatsoziva kuti chero ndikati
usatamba naye as long
muchingovonana daily
hamuzomboregedze.
Nyenge haana zvisvinu
zvaanokudzidzisa muupenyu
ndinokumbirawo undinzwisise ipapo.
Ndava kuyenda kubasa , ndichidzoka
ndinoda kuwana uri pano"
vaidero vachitondipa ka tsvodi
ndokubereka chisecho chavo
vachiyenda.
Ndakangosara ndakazvaura maziso
ndichishaya kuti ndoita sei.
Kuterera murume wangu ndayida , asi
nhamo ndiyo yandayitya.

Zvavo zvekuti kana zvazotiomera


tinoyenda kumusha aiwa izvozvo bodo
zvayisabuda.
Ndakakurira munhamo ndoramba ndiri
wenhamo kuti zvaita sei inini
ndakatombowana mukana wekuwana
basa.
Ndakazvivudza kuti kubasa ndiko
kwandiri kuyenda.
Vachingobuda neniwo ndakabva
ndabereka changu chibhegi kuyenda
kubasa.
Ndichisvika ndakawanikwa Varaidzo na
Nyenge varipandima vachitaura nyaya
vachiseka
Vasikana vamwe handina kuvaona
vanenge vaive ku store room.

Pandakasvika vakanyarara, inini


ndokubva ndamhoresa Varaidzo.
Nyenge ndakanga ndambobva
mukumuvona saka ndaive ndisina need
yekumukwazisa.
Varaidzo akazobvunza achiti
"kwanzi chii kunonoka nhasi nhai mai
Marombedze?"

"Vari Marombedze zvavo vasingachade


kuti ndishande.
Izvezvi ndatovuya vasingazive, vasiya
varaira kuti ndichisiya basa" ndakataura
kudero.
Ndakavona zvirinane kutaura nyaya
yangu pane vamwe vakadzi kuti
vagondibetsera nemazano.

Varaidzo akaseka akabva ataura achiti


"anopenga here murume wako. Regai
Nyenge achigaro kutaura kuti akazara
chirombe mumusoro.
Anofunga kuti izvezvi ukasiya basa
munozorarama nei"

"Exactly, it's not like mudzvobo


unodyiwa ka nhai. Ita zvaunoda best,
kana wabvuma kusiya basa wondiudza
ndifonere munin'ina wangu atokwira
bhazi izvezvi apinde pachinzvimbo
chako" akadero Nyenge

Inini ndakataura ndichiti


"basa handisi kuzosiya chero zvoita sei,
kana ndikasiya basa ndigobatana nei
chokwadi?"

Inga wani mataura kuti murume wenyu


ati
"ndiye achavona zvese , madii
kumbomupa mukana mavona kuti
anokundikana here. Kana murume
wenyu ati chisiyai basa siyai mai
Marombedze, varume vanoda kutererwa
ava. Mukaramba muchipikisana naye
nokuda kwana Nyenge na Varaidzo ava
vasina varume muchazviputsira imba
yenyu mega. " ndakanzwa Theresa
achidero achivuya kwataive.
Nyenge na Varaidzo vakarovana
mavoko. Varaidzo akazotaura achiti
"look who is vomiting the trash?"

Nyenge abva ati " madam THERESA


heeede, kuda kuva sister holy here ?."

Varaidzo akazoti
"kwakanaka here Theresa kwaunosvika
uchitaura zvisina nebasa rese.
Kana dai wainyatsogona zvemumba
ungadai wakasiiwa nemurume here
nevana vaviri vese ?"

Theresa akataura achiti "chakaita kuti


ndisiyane nababa vevana vangu mese
pano hapana anochiziva saka
ndokumbirawo muvhare magaba enyu
murege kutaura kwamusina kuswera.
Inini ndiripo pakuvaka mai Marombedze
kuti varege kuita mistake kupesaniswa
nemurume wavo nekuda kwema gupta
akaita semi asingafare nekugara
kweumwe munhu zvakanaka mumba
make.
Anoziva ndiyani pamwe mese munodero
muchitomuda Marombedze wacho
monyepedzera kuita kunge musina
kana basa naye."

"Wava kufarisa manje Theresa, wauri


kuti anoda tsvina yakaita sa
Marombedze ndiyani?" Akataura kudero
Nyenge

Theresa akabva ati "handina nguva


yezvese iyi, ndavuya kuzotorwa zvinoda
kutasamurwa ndiyite zvakandiunza
panzvimbo ino zvinova zvekushanda.
Mai Marombedze zvirikwamuri kuterera
murume wenyu kana vana Nyenge inini
ndangotaurawo mufungo wangu i am
out of here " aidero ava kutofamba
achiyenda.

Varaidzo akati "ndava kunzwisisa kuti


sei akasiiwa nemurume.
Pakutanga ndayimbofunga kuti Bernard
ndiye ane dambudziko asi ndava
kutovona kuti amai ava vane
dambudziko hombe.
Izvezvi kana Laiza ava kutambura
haana kana nguva yekubatsira
kunyangwe nechiupfu zvacho.
Basa ndiro rekutaura zvisina basa
kumunyengera kuti asiye basa"

"Murume wake unomuziva here ?"


Akabvunza Nyenge

Varaidzo akati "hongu, achindivudza


anoti akamusiira nyaya yechihure.
Anoti murume wake akatozobatwa
nechirwere iye akavona asina akabva
amusiya zvake."

"Anonyepa uyu , anenge iye anechirwere


chete" akataura kudero Nyenge.

Vaviri vakatanga kutsoropodza


Theresa, inini ndainge ndava
mukufunganya kuti ndoita zvipi.
Nyenge akazobvunza achiti
"mai Marombedze masarudza kuita
zvipi, tivone kufonera murungu nguva
iripo?"

Kuti ndisiye basa moyo wangu waisada


saka ndakataura ndichiti "...."

End of Chapter 7

Stay tuned
Timbopawo muvono wedu ku comment
section.

Zvayitwa na Marombedze ndizvo here


kuda kuregesa mukadzi basa mari
yacho iri iyo iri kuvararamisa?

*CHIREMWAREMWA*
https://whatsapp.com/channel/0029Va
Fhlo91CYoJTe70A63O

Munhu wese achaverenga book iri


ndokumbirawo muite follow pa link
channel redu.

https://chat.whatsapp.com/F6F58ZwzX
OPBPXbuQ3m44S
what's App group
Story by

mªi *£ex*

№ +27 ⁶⁵ ⁸⁴⁰ ⁷¹⁰³

Edited by *Opha*

№ *+27 748695086*

📘 Book ¹⁴
Chapter *8*

*MAROMBEDZE*

Ndaive ndisina chokwadi kana ndainge


ndagona kumisa mai Lisa kubasa kwavo.
Chokwadi ndechekuti mudzimai wangu
handide kurasikirirwa naye, zvekare
handide kumurwadzisa.
Mai Lisa mukadzi wandakaroora
ndichimuda chaizvo, ende iye haana
umwe murume waakaziva kunze
kwangu saka ikodzero dzangu kuti
ndimubate zvakanaka ndisava
nekumushungurudza.

Ndichingobva pamba ndakafunga


kufonera sekuru vangu vanova baba va
baba vangu zita ravo vanonzi
"Nyamanza" nokuda kwemazha
yavanayo.
Ndakavona vari ivo vega vaizokwanisa
kundibetsera nemazano akanaka, sezvo
ndisingaite zvemashamwari.

Ndaka dialer number dzavo ikabva ya


ringer nguva yakareba kwazvo isina
kubatwa foni.
Pandakanga ndava kutofunga kuti yava
pedyo kukata ndipo pandakanzwa
vachiti "Marombedze"

"Makadini Nyamanza?"

"Kwakanaka here nhasi kwawafunga


kundibata parunhare kudai, nhai
muzukuru?"

"Kwakanaka sekuru, kungoti


ndakusuwai ndikati ndimbobata sahwira
wangu wepamoyo"
Ndichidero vakatanga kuseka ndokuti
"taurai neni Marombedze. Ndinoziva
chete kana motaura nerurimi
rwunotapira kudai munenge mune nyaya
yamunayo"

Murikutaura chokwadi Nyamanza,


nyaya yandavuya nayo ndeyemumba
mangu sekuru.

"Ivhiye zvenyu Marombedze


ndakaterera" vakazodero ndikabva ndati

"Mudzimai wangu sekuru, ane shamwari


yake yaari kutamba nayo manje
shamwari iyi yamira sechiyedzo
muwanano yangu...."
ndakadero ndichinyatsovarondedzera
zvese kubva pakatanga kutamba mai
Lisa na Nyenge uye mashiripiti akaitwa
na Nyenge kuzosvika ndamisa mai Lisa
basa.

Sekuru vakataura vachiti


"Marombedze ndinoziva
makachengetedza mashoko
atakakudzidzisai ekuti mukadzi
haarohwe neruvoko asi netsvimbo
yamakatakura.
Mashoko iwayo akakosha kwazvo asi
kana nyaya yamira nenzira idzi aiwa
kuchengetedza imba yenyu ndinovona
zvakanaka kuti mumbosimudza musoro
sa baba.
Munofanira kutomira chaiko
zvichambotanga kudai, kana
zvichitobvira isai ruvoko kumukadzi.
Mukamurova anobva aziva kuti baba
ndivo vane masimba ese zvese
zvamuchataura achakutererai.
Mukurova kwamuchaita rovai muchiziva
kuti murikuvaka imba yenyu saka
musatomboita zvekunyapudzira"

Ndakatura befu ndokutaura ndichiti


"9 yrs in marriage ndisina kumboisa
mukadzi ruvoko , manje achazonditora
semunhu akaita sei chokwadi kana
ndikamurova?"

Nekufamba kwenguva anotonzwisisa


kuti maimudzosera panzvimbo.

"Ko akandisungisa sekuru, munongoziva


mutongo wemunyika yedu muno?"

"Aiwa izvozvo hazvife zvakaitika, chero


zvikaita sei hakuna mukadzi
anosungisa murume wake ukavona
adero ziva kuti anenge apera rudo
mauri" vakadero ndikati

"Ndinotenda Nyamanza nemuvono


wamandipa. Ndichavona kuti
zvichafamba sei nokuti izvezvi
ndamusiya akagumbukira kuyenda
kubasa "

"Chakosha ndechekuti haana kuyendako.


Zvaatotanga kurega kuyenda nhasi ,
chibva watoramba wakatsika ipapo
achajaira zvake."

Ndichatodero.
Ndakazoonekana navo sezvo ndaive
ndasvika pabasa pangu.
Ndichisvika ndakarurama
kwandaichinjira ndokubva ndapfeka
dzebasa.

Boss vanenge vanga vabuda nokuti


ndakangovona mudzimai wavo ndiye
akandivudza zvekuita.

Ndakazotora foshoro ndokutanga


kufamba ndichiorera tsvina yeimbwa.
Zvaisave nyore kwandiri , kuti chokwadi
munhu wa graduater akaita sei kuita
chibasa chekutsvairana nema yard
evamwe vanhu.
Aiwa zvaindimara asi chekuita
ndakanga ndisina.
Ndakashanda zvangu zvakanaka
kusvika nguva ye lunch yakwana.
Pandakanga ndagara ndichidya
ndakanzwa mhere muimba yemurungu.

Inzwi ra madam boss rayisheyedzera


richiti "please Marombedze
ndinokumbirawo muzondibetsera"

Ndakatarisa kwayibuda neinzwi


ndikabva ndavona zivutsi rakati togo.
Ndakakandira lunch box yandaive
ndakabata pasi ndokubva ndatanga
kumhanya.

Ndichisvika ndakawanikwa urimoto


wakanga wasvika kuti main box ,
ndakangotora broom raive pedyo
ndokubva ndadzima main switch.
Ndichipedza ndakazotora mvura
ndokutaura ndichiti "motombobuda
panze amai "

"Ko imimi Marombedze?" Vakadero


vachihuta kuratidza kutya ndikati
"Ibasa rangu iri musandityira"

Vachibuda ndakatanga kudzima moto,


ndakazosara kubudamo Boss vasvika
zvayiratidza kuti vakanga vafonerwa
nemudzimai wavo.

Ndichiyenda kwavaive vakabvunza


vachiti
"are you okay Innocent?"

"Yes boss , wanga wakonzerwa nei


moto ?"
Mudzimai wangu anoti abatidza
chibucket pamagetsi kuti mvura yake
yekugeza idziye sezvo geyser risiri
kushanda.
Semunhu akazvitakura azobiwa nehope,
kusvika mvura yapera chibucket
ndokunyunguduka zvichindobatira
kuplug zvinova zvazokonzeresa moto
wese uyu.

Vagona vakatomuka nenguva, kudai


moto wazobatira kuma curtains imba
yese yaitsva.

"Taura zvako ndayizozviudza ani


chokwadi, kana ndaizotsvirwa
nemudzimai wangu pamwechete neimb
yacho yese.
Ndinotenda Innocent nebasa guru
rawabata." Vakadero ndikati

"Don't mention it boss, ndangozamawo


nepandagona napo"

"Aiwa waitwa Mwari wedu chaivo, regai


nditofonera Mr Alex vatibetsere
neservice yavo. Ndayitombozesa
kuvasheedza pakugadzira geyser nokuti
vanodhura, manje kana main switch
yatsva kudai handina kana sarudzo
hatingagare tisina magetsi"
vayidero vachitobaya foni yavo.

Ndakavamisa ndokutaura ndichiti


"kufunga kwenyu kugadzira box ratsva
iri vangada marii?"

Vakataura mari yaive yakatowanda


kwazvo, ipapo ndakataura ndichiti
"Kana makasununguka ndinokwanisa
kukugadzirirai mahara"

Vakaseka ndokuti
"Marombedze muri kuti kugadzira
magetsi kucheka maruva here ?"
Ndakapindura ndichiti
"ndinoziva magetsi zvakanyanyisa,
chandinokumbira ndechekuti
munditengere....." ndayidero ndichitaura
zvacho zvandaida pakuzogadzira
magetsi acho.

Boss vaitaura vachiti


"ndava kuyenda kundotenga asi kana
ukakundikana Inno handingazofare
newe"

"Vimbai mandiri, murikutopedza nguva."


ndakadero ndichitora scew driver
ndokutanga kusunungura ma screw"
Ndayivona kuti mukuru vayisandivimba
zvachose nokuti vaingove vakanditarisa.
Mudzimai wavo ndiye akazoti
"Endai munotenga dad, ndinekuvimba
kuti Innocent anogona nekuti
mudzimiro waaita moto hazviitwe
nemunhu asina ruzivo nemagetsi"

"Let's hope zvinofamba zvakanaka


bbe"

"Aiwa endai zvinoita"


Boss vachiyenda ndakazosara
ndichipedzisa kudya ndakamirira
kudzoka kwavo.
Musi uyu chero rinotonhorerwa
ndakaripiwa, ndakavona kuti
"ndakanga ndaita zvafadza vanhu"

Boss vachizosvika ndakabva


ndatosimuka ndokutanga basa.
Zvakanditorera nguva yakati rebei
kugadzira sezvo ndaive ndega.
Ndichipedza handina kumbovaudza ,
ndakangomutsa ma breaker vakavona
yangova ngwee ngwee.
Nemanyemwe ndakayenda neku geyser
ndokutondobata bata kusvika mvura
yava kutopisa.
Boss vakafara zvandakavona, vakataura
vachiti "ko wakagonerepi magetsi nhai
Inno?"

"Ndiro basa rangu boss , i am a


professional electricial engineer
ndayishandira ku company ye ZPC
kwemakore akatowanda.
Ndakazomiswa gore rakapera vachiti
company hayichina mari yakawanda,
vachazotisheedza. Kutaura kuno
takangomirira kubva kwavari, it's been 6
months now ndakangogara" ndakadero
Vakati
"inga zvakaoma handinakumbenge
ndaziva kuti unotogona basa rine mari
kudai inini.
Saka chero zvikanzi wakamiswa basa ,
sei wakasarudza kushanda re garden
iri?"

Ndakapindura ndichiti
"Ndine mhuri inoda kudya boss.
Ndaimbove ndakagara ndichifunga kuti
tichasheedzwa nekukurumidza manje
ndiri kutovona kuti gore rava kutopera
pasina zvabuda. Rehu garden irori ndiro
rakamuka ndikati ndibve
ndatongotamba irikurira."
"Saka pa 6 months idzi wanga
uchirarama sei mudhorobha muno
iwewe usingashande?" Vakabvunza

Ndikati "mudzimai ndiye anoyenda


kubasa saka ndiye anga
achimbondibetsera nema bills "

"Izvozvo hazviitwe Marombedze.


Kana wafunga kurimirwa munda wako
nevamwe varume tamba uchidero.
Vakadzi ndivo vanhu vasingade
kubatirwa homwe yavo manje kana
wazogara.
Vanogona kutanga achimbobuda mari
asi kuzoyenda nekuyenda haarambe
akavimbika kwauri nokuti anokubvisa
pachinzvimbo chekuva baba." Vakadero

Madam boss vakati "Especially


akatozowana vamwe vakadzi vafuririri
zvake, aiwa nyaya yacho hayipere
zvakanaka"

Ndakanyatsovona kuti vanhu ava


vaitaura chokwadi, semurume handina
kuda kupekura hapwa kutaura zviri
kuitika kumba kwangu. Ndakavanza
hurema hwaamai vekwangu ndokuti
"handifunge kuti vangu vangadero,
sahwira wavo ndini murume wavo"

Aiwa kana vakadero vakanaka, asi


hazvifanire kuramba zvakadero.
Nekuda kwekundibetsera kwawaita
nemhuri yangu Marombedze neniwo
ndavona zvakanaka kukubetsera
kukutsvakira basa rako chairo.
Mr Alex vandanga ndichitaura nezvavo
ndivo vanotonga company ye
"Taqon Electrico , ndinovimba unoziva
nezvayo?"

"Hongu ndinoyiziva.
Mazuva ano ndiyo ka ine chimuti
munyika medu muno"

"Ichokwadi ichocho.
Nhasi chaiko ndichazama kutaura navo
pamusoro pako, tava nenguva
tichizivana saka ndine chivimbo
chekuti kana ukanyora Cv rako rakanaka
uye ma qualifications ako
havazombotadze kukutora"

Ndichinzwa kudero ndakanzwa svihana


svangu kurova.
Ndakatumba ndokutaura ndichiti
"kana mukandiitira izvi munenge
mandigonera boss "

"Don't worry Innocent, you are a good


man you deserve good things in your
life. Ndichatoisa ka pressure kusvika
zvaita. Ndinokuvimbisa kuti mangwana
chaiko uchange watochairwa runhare"

"Thank you boss " ndakadero


ndichisimuka kubva pandaive
ndakatumba

Vakati "i am no longer your boss,


ndideedze nerangu chairo Mr
Mashingaidze" vakadero
vachinyemwerera.

Ndakangovona ndava kunyemwererawo


ndichinzwa kufara.
VaMashingaidze vakanga vandifadza
kwazvo nemashoko akanaka avaive
vandiudza. Ndayinyatsokuzvinzwa
muropa kuti "ndivo vamira se destiny
helper muhupenyu hwangu"

Sezvo nguva dzaive dzafamba


ndakavaudza kuti ndava kuyenda kumba
ndozocontiner pandasiira zuva
rinotevera.
Vakataura vachiti
"kwete kwete Marombedze, pano
handichatombode kukuvonai hapasi
penyu.
Imimi endai munogara kumba , renyu
basa richavuya muriko" vaidero
vachivhura wallet ndokunditambidza
mari yemazuva andaive ndakashanda.

Pavakazoti imwe pamusoro


yekunditenda kugadzira magetsi avo
ndakarambisisa ndokutaura ndichiti
"Imwe mari handikwanise kutora
rangarirai ndataura kuti ndiri kuzviita
pasina mubhadharo"
Ndakunzwai Marombedze, asi
ndinokumbirawo mutore foni iyi
muwane kuzoshandisa.
Basa randiri kuti ndichakutsvakirai
munogona kuitisirwa interview pa
phone.
Sometimes vanotoita video call chaiyo,
manje nekambudzi kenyu aka
hazvingabude.
Ko iwo ma C.v munozomasenda sei
torai foni iyi zvizokurerukirai, ndakupai
ichibva pasi pemoyo wangu.

Ndakagamuchira foni ndichifara.


Vakati yaishandiswa nehanzvadzi yavo,
vakazomutengera itsva ndosaka
akayisiya.

"Ndinotenda nerudo rwamaita"


ndakadero ndichiisa foni muhomwe
ndokubereka ka secho kangu
ndichionekana navo.

Munzira ndayikundikana kufamba


zvishoma nekuti ndayinonokerwa
kundoudza mukadzi wangu good news.
Ndakashuvira kuti dai ndine mapapiro
ndayita zvekubhururuka.
Zvisinei ndakazoita zvekumhanya kuti
ndisvike nenguva.
Ndichisvika ndakavona gedhe
rakavhurwa, ndakapinda mukati
ndokusheedzera ndichiti
"my darling wife vuyai unzwe mashoko
anotapira andavuya nawo"

"Ohhh daddy you're back" ndakanzwa


inzwi ra Lisa richidero

"Yes my princess i am back, varikupi


mhamha ?"

"Ndasvika vasipo inini, ndinovimba kuti


havasati vadzoka kubva kubasa"
"Mybe kune kwavayenda nokuti nhasi
havana kuyenda kubasa " ndakadero

Akati "hoo, vangava vayendepi nokuti


ndatova ne 1hour yese ndasvika"

"Really?"

"Yes dad" akadero

Ndikati "rega ndivafonere ndinzwisise"


Ndaka dialer number dzamai Lisa , foni
yakangoringer ikashaya akabata.

Ndakangoti ndichazozama zvekare ,


ndakatora mwana wangu ndokubva
ndayenda kundomutengera ma chips
sezvo musi uyu ndayisatove mu mood
yekubika.
Munongoziva vanhu vevarume
zvemapoto hazvisi zvedu pamwe pacho
unenge uchingodawo kufadza madam
asi hauzorambe wakamira pa stove.

Lisa achipedza kudya akabva ayenda


kuroom kwake kundoita homework.
Akati anoyiziva haade rubatsiro,
achazongondiratidza kana apedza.
Inini ndakagara pa sofa ndokutanga
kubaya foni yandaive ndapiwa na Mr
Mashingaidze.

Yaisave nemapictures akawanda


yaingove nemapicture maviri chete.
Rimwe raive remukadzi mutsvuku, aive
zvake nemuviri mudiki akashonga
zvakanaka kwazvo.
Rinotevera aive zvekare iye nevana
vasikana vaviri, vanenge vake nokuti
raive rakanyorwa kuti amai nevana vavo.
Ndakada kuti ndiite delete mapictures
acho asi ndakazomiswa na mai Lisa
vakataura vachiti
"ko mayiwana kupi foni ye touch
Marombedze?"

Ndanga ndisina kunzwa kupinda kwake,


ndakangomutarisa ndokubvunza ndichiti
"urikubvepi nhai Lizzy?"

"Mibvunzo hayibvunzane babamwana


"akadero achitobvuta foni.

Paakatarisa kuma pictures akabva


ataura achiti "inga zvaari Theresa , ko
mamuwana kupi munhu uyu?"
"Unomuziva ?" Ndakabvunza

Akati "hongu toshanda naye,


wamawanepi mapictures ake asi ndiye
akupa foni?"

"Kwete haasi, ko iwewe urikubvepi?"


Ndakabvunza mubvunzo uyu zvekare

Akati "kubasa"

"Ndasiya ndataura kuti chii nenyaya


yekubasa kwako?" Ndakabvunza

Akabva ataurira pamusoro achiti


"izvi zvekurongerwa upenyu nemi inini
handizvide baba Lisa.
Ndinoziva ndiri mudzimai wenyu asi
hamuna ma rights ekundivudzira
zvekuita.
Kubasa ndiko kwandiri kutoyenda as
long imimi musati mava kushanda
nokuti upenyu hwekutambura
handingahwugone zvangu" akadero
achitobva pandiri.

Attitude yake yakandibhowa zvekuti


chero good news dzandaida
kumuvudza handina kuzombotaura.
Ndakasimuka pandaive ndakagara
ndokutaura ndichiti
"zvakanakai amai, itai zvamunoda
nehupenyu hwenyu" ndakataura kudero
ndichitoyenda zvangu ndokugeza.
Ndayindwa ndine bundu mumoyo
mangu nekuda kwekusaterera
kwemudzimai wangu.
Ndakatadza kuziva kuti ndomuitira
zvipi chaizvo kuti anditerere.
Kuti ndimurove sekutaura kwa sekuru
vangu aiwa zvayindiremera.

Ndichipedza kugeza ndakabva ndati


"Mumagumbezi ndisina kana kudya,
paakandimutsa ndakataura ndichiti...."
Iye ndokuti "....."

End of chapter 8

Stay tuned
*CHIREMWAREMWA*
https://whatsapp.com/channel/0029Va
Fhlo91CYoJTe70A63O

Munhu wese achaverenga book iri


ndokumbirawo muite follow pa link
channel redu.

https://chat.whatsapp.com/F6F58ZwzX
OPBPXbuQ3m44S
what's App group

Story by
mªi *£ex*

№ +27 ⁶⁵ ⁸⁴⁰ ⁷¹⁰³

Edited by *Opha*

№ *+27 748695086*

📘 Book ¹⁴

Chapter *9*
*Amai MAROMBEDZE*

"Mukai mudye Marombedze" ndakadero


ndichivazungunutsa ndokubva vataura
vachiti

"As long usati wava kunditerera


usatarisira kuti ndichadya zvaunobika"
vaidero vachitodhonza gumbezi
vachifuga musoro. Kuda vaifunga kuti
ndichavanyengerera.
Ndakataura ndichiti
"anorara achikwengwa nenzara ndimi
kwete inini, kana mudumbu mokuma
mundozvitorera chikafu ku kitchen"
ndayidero ndichitoyenda ku dinning
room

Ndichisvika ndakataura na Monalisa


ndichiti "let's eat my sister sadza risati
rapora"

"Tinogodya sei baba vasati vauya?"

"Vati vakaguta" Ndakapindura


ndichinyepa
Lisa akabva ati "hazviite kuti vagute.
Ndine chokwadi nazvo nokuti
pandabva kuchikoro vatengera inini
machips chete vakati ivo vanozodya
sadza manheru"

"Sadza racho ndiro ravandivudza kuti


vakaguta" ndakadero

Akabva ati "kana baba vakaguta kana


neniwo ndakaguta saka" ayidero
achitoda kusimuka.
Ndakamudhonzera pasi ndokutaura
ndichiti "haugute usina chawadya zve
nhai mwanasikana"
"Ndambodya ma fried andatengerwa na
dad vangu ndiwo andakaguta" akataura
achidero
Nekuziva kuti Lisa ane musoro
wakaoma ndikaita zvekutamba
ndinogona kungochiramwira chikafu
ndakangotora mugoti ndokutaura
ndichiti
"idya sadza apo, unoda kurara nenzara
uzotinetsa usiku"

Kurohwa anokutya saka akakurumudza


kutaura achiti "sorry mummy , ndava
kudya" aidero achitanga kudya
"Good usazvipamha zvekare!"
Ndakadero ndichitaurira pamusoro.
Mupfungwa mangu ndakanga ndava
kuzvidya moyo kuti "sarinhi murume
wangu achiramba kudya kwandabika."

Ndakazvibvunza kuti "ingava nyaya


yekuti ndirikuramba kusiya basa here
kana kuti pane zviripo?"

Ndiri mukuzvibvunza ndakarangarira


phone yandakanga ndavona anayo.
Munguva iyoyo ndakati
"Yaa that's right, yes i am correct "
"Kureva kuti Marombedze vanodanana
na Theresa ndosaka vasingachade kuti
ndishandeko vanotya kuti
ndinozovabatikidza nhai.
Hiii Nhai Mwari, ko ndanga ndisina
kumbozvifunga seiko?" Ndayidero
ndichinzwa kuzarirwa.

Ndakatora foni yangu ndokukwereta


airtime kuti ndifonere sahwira wangu
wepamoyo.
Ndayitoziva kuti Nyenge
achandibetsera chete nenyaya iyi, aiwa
Theresa ayisafanira kupabuda.
Munhu haangatore murume wangu
onyepedzera kunge good advisor ka
nhai

"Girlfriend " akadero Nyenge achidaira


foni.

"Sorry best kukufonera usiku, let's hope


wanga usati wakotsira ?" ndakadero

Akati " not yet my love ndanga


ndichimbovona undercover mazuva ano
iri kunakidza kaa"
"Haa iwewe muma India hawubvemo"
ndakadero

Akati "ndodiniko handina


zvinondivaraidza, i am so lonely zvangu.
So tell me hanzii kutifonera nguva
dzino varikupi Marombedze?"

"Vari mubedroom "

"Vatorara here?" Akabvunza


Ndikati "handizive"

"What do you mean hausi kuziva, iwewe


chaiye kutadza kuziva nezvemurume
wako here?"

"Hongu iyeni, unoziva nhs varamba


kudya chikafu "

"Ko hindava hanzi chii?"

"Kwanzi ndichadya kana wasiya basa


rako,
ende kurwadza kwazvo vava nefoni ye
what's App" ndakadero akaseka
Ndokutaura achiti "ohh best you're
worrying yourself for nothing. Chikafu
vachadya, zviri zvefoni ye what's App
aiwa tinototi makorokoto ka nhai "

"Hapana makorokoto apa , nekuti foni


yacho vayipiwa na Theresa ?"

"Theresa how? Ndozvavakuvudza here


?"

"Havana kutaura izvozvo asi ndine


chokwadi chekuti ndiye, nokuti anotova
pa wallpaper uye ku gallery "

Ndakanzwa Nyenge achiti


"heeeeede , what a combination.
Saka Theresa ayida kunyepedzera kuita
dzvene achiziva kuti arikunamwa na
Marombedze.
Aiwa best iyi hayide kunyararwa iyi.
Enda unotaura nemurume wako ,
anofanira kukuudza chokwadi , kana
aramba akanyarara dhonza mabhora
anotaura chete.
Rega kujairirwa kusvika pakadero Laiza,
after all the sacrifices aiwa bodo
panyaya iyi ndichamira newe kusvika
kumagumo.
Kana kune munhu anofanira kuzomira
basa ndi Theresa kwete iwewe ramba
kuitiswa chisikana wake up!" akadero
ava kufemera pamusoro..

Ndakataura ndichiti "thank you best


nekundivonesa, izvezvi ndanga
ndirikuzvidya moyo kuti ndoyita zvipi
chaizvo"

"Tanga nepana Marombedze ipapo,


mangwana tozoshanda na Theresa
simbi inorohwa ichapisa" akadero
ndokubva foni yakata.
Ndakava nechokwadi kuti "airtime
yanga yapera, chandakafarira
ndechekuti yakazokata tataura
zvakakosha zvacho ".

Ndakatanga kutofambisa ndichiyenda


kubedroom, ndichisvika ndakamutsa
Marombedze ndokutaura ndichiti
"ndakakutadzira chii baba Lisa zvekuti
inombesvuka uchindonyika zunhu rako
pese pese?"
"Ndirikuda kurara Lizzy ndinokumbirawo
umbosiyana neni" ayidero achida
kudhonza jira.
Ndakanzwa hasha zvekuti
ndakayerekana ndamupa gwati.
Zvekuitwa chituta ndayisambozvida inini.
Munhu akandiwana ndiri mhandara ,
chokwadi otadza kugutsikana neni
oyenda kundokwira mvana ine vana
vaviri aiwa anga andidzikisira.

Pandakamurova akabata dama rake


ndokubva ati "Lizzy!!" Ayidero achihuta
muviri wake wese apa akaita kutsvuka
maziso akasimudza zivoko rake.
Ndakamuduma nefudzi ndokutaura
ndichiti "urikuzama kuda kuita sei
Innocent kundirova here?
heeede ndirove kaa nhai!"

Pandakadero akadzungudza musoro


ndokutaura achiti "stop pushing me
Laiza, you know i love you very much
kukurova chaiko kunondiremera"

"Siya kutaura zvemanyepo apo!"


Ndayidero ndichimutunga nemusoro.

Akangosimudza mavoko ake


ndokubuda mu bedroom. Kuti
ndimutevere ku sitting room ndayisada
kumutsa Lisa saka ndakabva ndamusiya
ndokuzvivudza kuti chimoto chacho
ndayizochitangidza zuva rinotevera.

"Ndakakiya door , kuti arare kunze ikoko"


ndakakungura kuti dai ndaive ne airtime
ndamboudza Nyenge chidanho
chandatora.
Ko uyo ndinomuda seweropa ranguzve,
ndiye ega munhu anomira neni pane
zvese saka anokodzera kuziva every
detail reupenyu hwangu.
She is my mentor
She always provides support and
encouragement"
Ndakazongoseta alarm ndokurara.
Hope dzakaramba kuvuya zvakazondipa
kutsvaka foni yandaive ndambovona ina
Marombedze.

Ndakayiwana ndokubva ndarurama


kumapicture. To my surprise ma
pictures a Theresa aive abviswa, chero
pa wallpaper panga patoiswa inini na
Lisa.
Marombedze ayindivona kunge mwana
mudiki hayikona, ndakangoigadzika
pandaive ndayivona ndokuzorara
kwandakaita.
Kuchiyedza ndakamuka ndichigadzirira
mwana wangu kuti ayende kuchikoro
semazuva.
Achibuda ndakazoyenda kuna
Marombedze aive akarara pa sofa
musitting room.

Ndakamurova rova ndokubva


ndabvunza ndichiti "ko munodai
makarara asi hamusi kuyenda kubasa ?"

"Ndamuka wamuka seiwo?" Akadero


Ndikabva ndati "handirangarire
ndichikumhoresai" ndakadaira izvozvo
sezvo ndaive ndichakagumbuka, nyaya
ya Teresa yanga isina kupera zvee.

Akangobuditsa mari muhomwe


ndokunditambidza achiti
"ndakamiswa basa , mari yemazuva
andakashanda ndiyo iyi.
Pane yese ndakabvisa $ rimwe chete
ndichitengera ma chips Lisa iyoyo
ndoyakasara"

Ndakatarisa mari yandayitambidzwa


ndikanzwa hasha dzangu dzichiwedzera.
Chokwadi ndakatarisira kuti munhu
akapedza 7dys sekutaura kwake
achapiwa mari inokwana kubhadara rent
, ndozovonawo pa school fees iye
onditambidza isingasvike chero pa half
aiwa handina kufara nazvo.

Ndakavona ndichiitiswa zvakanyanya,


ndakataura ndichiti
" wakamisirwei kubasa kwako
Marombedze.
Wakatadza kakuvhara zip ukarara na
madam boss ka zvakazosakisa kuti
udzingwe basa "
"Laiza !" Akadero achindiridzwa zenya
kumeso ndisina kufungira.
Ndakatanga kunzwa dzungu
ndokuzeyereka, nenguva shoma
ndakavona rima ndichindowira pasi.
Kubva ndichigara na Marombedze
havana kana kumbondiisa ruvoko,
zvekuti kundirova kwavakaita
kwakandirwadza kwazvo.

Ndakakurumidza kumuka ndokutaura


ndichiti "nyatsondirova undivuraye
Marombedze , ndozvaunogona ka
kurova vanhu vechikadzi. Zuro ndizuro
wakarova shamwari yangu nhasi wava
kurova inini aiwa iyi hayipere
wakajaidzwa kwazvo" ndayidero
ndichida kumudira chibhakera.

Munguva iyoyo akataura achiti


"chero Mwari chaivo vanozviziva kuti
yaisave shuviro yangu kukurova mai
Lisa.
Zvawava kundiratidza kuti newewo uri
bhuru une mabhora aiwa vuya
timisidzane " vaidero vachinditi imwe
mbama.

Ndakarangarira mashoko a Nyenge


ekudhonza mabhora saka ndakazama
kuisa ruvoko rwangu ikoko vakabva
varwubata kuti tsvi-i.
Vakatora broom ndokubvisa kunotsvaira
kuya ndokutanga kundirova naro
kusvika ravhunika.
Ndakatanga ndichichema ,
kuzongosvika ndanyarara vachindirova
chete.

Vakazondisiya , pavakavona kuti vaneta


ndokutanga kumhanya vachiyenda
kubedroom maziso avo akazenga
mosodzi.
Ndakatanga kugwesha ndichiyenda pa
carpet apa ndichinzwa kuti nyama
dzangu dzirikurwadza.
Handina kuziva kuti hope dzakanditora
nguvai ndakazongomutswa na Lisa uyo
akataura achiti "ko maita sei mhamha?"

"Hi Lisa , ko watodzoka kubva


kuchikoro?"

"Hongu mhamha nhasi i Friday saka


takurumidza "

"Ohh that's good , so waswera sei?"

"Ndaswera amai maswera seiwo?"


"Ndaswera" ndakadero ndokunyarara

Iye ndiye akazoti "mayitwa seiko?"

"Ndarohwa nababa vako" ndakadero


ndikavona achivhura maziso zviya
zvekutadza kutenderana neni.

Haana kana zvaakambotaura asi


ndayivona kuti ayitoda kubuditsa
misodzi.
"Ndakavona zvakanaka kumuzivisa kuti
baba vake imhuka, agare aziva ma tru
colours avo. Chokwadi Marombedze
kundizvambaradza zvakadero akanga
andirwadzisa"

Semunhu aive nenzara ndakazama


kumuka kuti ndinobika asi
ndakakundikana.
Ndakavona baba Iisa vachikanyaira ne
tray ye chikafu , handina kana kutaura
navo ndakaramba ndakanyarara.
Ndakanyatsovona kuti
" Baba lisa vane zvivhindi zvemuroyi
chaizvo"

Papera chinguva Nyenge akazosvika ,


achindivona ndakadhinda shamhu
akabvunza achiti
"ndiMarombedze here vaita izvi?"

"Ndivo zvavo ndakadero ndichizama


kugara nedivi sezvo kugadzika maviri
pasi kwayisaita nekuda kwemarwadzo"

Nyenge akataura achiti "aiwa


Marombedze vava kuyenderera manje,
chero zvoita sei nyaya iyi ndava
kutoyiisa mumavoko emapurisa.
Akambondovharirwa achabva atanga
kuremekedza vanhu vechidzimai chi
bully ichi chinofanira kupera" ayidero
achiisa foni panzeve.
Ini handina kana kumumisa nokuti
ndayitove ndakaguta nehasha.

Lisa akabvunza achiti "mati mapurisa ?"

Nyenge ndokuti
"your father is a monster sweetheart
vanokodzera kutorwa nemapurisa
vambondopiwa mutongo yavo
inovakodzera.
Tarisa kurova kwavaita amai vako ,
kukwatanura muviri wese kunge vairova
mbavha kudaro "
Lisa akatanga kuchema ndokutaura
achiti "please aunt Nyenge
ndinokumbirawo musasungisa baba
vangu?"

Nyenge akati "inini ndiripo pakubetsera


shamwari yangu.
Kana amai vako vakati havakwanise
kusungisa baba vako ndipo
pandinozomisa mapurisa kuvuya.

"Munoti kudii nenyaya iyi mhamha?"


Akabvunza Lisa ndikati
"Aunt Nyenge is right my baby girl, your
father needs to be taught a lesson."

"Saka murikuti zvakanaka kuti baba


vasungwe ?" Akabvunza achiwedzera
kuyeredza misodzi

Inini ndikati "chero vakatovorera kujere


ikoko havana zvavo kana basa.
Rangarira zvese ndini ndinongoita
pano!" Ndakataura kudero ndakatarisa
baba Lisa aive akagara pasofa
akatsikitsira.
"Kusungisa murume wangu ndayisada
asi ndayiti ndikafunga kundirova
kwaaive ayita aiwa ndainzwa kusviba
moyo chaiko."

Sezvo Nyenge aive ataura kuti it's


urgent Mapurisa haana kana
kumbononokera kusvika.
Achingosvika Nyenge akabva ataura
achiti
"Ndiyo mhondi yakagara apo iyo"

"Aunt Nyenge please " akadero lisa


Nyenge vakati "sorry sweetheart, nyaya
yatova mumavoko emapurisa
handichina zvandingakwanisa kuzviita"

Umwe wemupurisa azotaura achiti


"nekuda kwemavanga atiri kuvona aya
zvizhinji tinozozvibvunzurudza tava
kuma offices , surgents arrest him
please"

Marombedze vakasimuka ndokutaura


vachiti
"ndinokumbira musandiisa njema
pahuso hwemwana wangu.
Ndinokuvimbisai kuti ndichafamba
kusvika kwamuri kuyenda neni
handimbotize" vaidero vachivuya
kwandiri

Vakazotaura mashoko ekuti


"thank you mudzimai wangu nezvawaita
izvi.
Ndinokumbirawo uzochengeta vana
vedu neari mudumbu wacho nekuti
kwandiri kuyenda kumaziva ndadzoka"
vakataura kudero vachitotanga
kufamba.
Ndakatanga kunzwa urahwangu
kumonya monya pamwechete nekutya.
Ndayinyatsokuzvinzwa kuti step
yandatora hayisiri iyo saka ndakataura
"ndichiti...."

End of chapter 9

Stay tuned
*CHIREMWAREMWA*
https://whatsapp.com/channel/0029Va
Fhlo91CYoJTe70A63O

Munhu wese achaverenga book iri


ndokumbirawo muite follow pa link
channel redu.

https://chat.whatsapp.com/F6F58ZwzX
OPBPXbuQ3m44S
what's App group
Story by

mªi *£ex*

№ +27 ⁶⁵ ⁸⁴⁰ ⁷¹⁰³

Edited by *Opha*

№ *+27 748695086*

📘 Book ¹⁴

Chapter *10*
*NYENGE*

" Ndachinja moyo Nyenge handichade


kuti baba Lisa vasungwe" ndakamunzwa
Laiza achitaura achidero

Ipapo ndakakurumidza kutaura ndichiti


"izvozvo hazvigone shamwari, murume
wako akatadza anofanira kuti ayende
kujere.
Nyaya yatova mumavoko emapurisa
saka chiisira ivo vaite basa ravo"
ndakadero

Akati "kwete , jere harisi iro


ringagadzirisa hunhu hwemunhu"
ayidero achifamba kuda kuyenda
kundodzivisa mapurisa

Ndakamudhonzera kure ndokubva


ndachiyenda inini pedyo navo ndichiti
"Musaterera kutaura kweshamwari
yangu.
Ane moyo munyoro zvekuti
haangakwanise kusungisa murume
wake ndosaka ndakufonerai inini.
Sezvamunongovona murume uyu arova
mukadzi zvakaipisisa ende pamusoro
pazvo akazvitakura, ko kana nhumbu
yanga yabva handi ayitoverengwa kuhu
murder !"
Ndakadero ndisina chokwadi kana
Laiza aive nenhumbu yacho.
Ndaingove ndanzwa baba Lisa
vachitaura saka ndayitoda kushandisa
mukana uyoyo kuti ndizorere mhiripiri
pachironda.

Rudo rwevaviri ava rwaindimara chaizvo,


zvekuti handaizorega rwuchiyenderera
kumberi.
Ndayitofanira kuzama nepandinogona
napo kusvika musha wavo waputsika.
Ndakacherechedza ndikavona kuti
Marombedze anoda Laiza zvakanyanya,
zvekuti haangambondicheuke chero
ndikazama kumunyengetedza zvakadini.

Ndakazvivudza kuti
" kana asingakwanise kundipa mukana ,
kureva kuti haafanire kugarawo
nemukadzi wake zvakanaka.
Laiza ayifanira kutovawo single seni.
Zvake zvekuti Marombedze this,
Marombedze that zvayitofanira
kuchipera. Handito innocent
anondisheedza zvake kuti
Chiremwaremwa aiwa ndinofanira
kumuratidza kuti zvedi akanga asina
kuvona. Inini handifare kana umwe
munhu achibudirira , ndinoona kunge
ndinenge ndakundikana"

Mapurisa achinzwa kuti Laiza


akazvitakura vakabva vatoti
" vana tumbwa havatevedzerwi vanofira
mumavoko evarume vachingovanzwira
ngoni. Parizvino Marombedze tava
kumboyenda navo, zuva ramangwana
tichazokusheedzai mukadzi nemurume
votaurirana tisati tatanga kupa
musungwa mirango" vayidero
vachitodhonza Marombedze.
Lisa akatanga kuchema , akamhanya
kuti atevere kuna baba vake asi haana
kure kwaakasvika akanga adonhera pasi
ndokutanga kuumburuka achiridza
zimhere.
Ndakazama kundomubata sezvo
ndayiziva achindifarira chaizvo.
Chemusi uyu zvakayenda nepamwe
nekuti akaita kundivhizura mavoko angu
ndokutaura achiti
"leave me alone aunt Nyenge you are
evil !"

"Ndayita evil ndadini nhaiwe mwana wa


Marombedze ukati haushure ?"
Ndakadero akabva ati

"Sei mafonera mapurisa kuti azotora


baba vangu?"

"Ohh daddy's girl, ndezvenguva shoma


vanobuditswa kusiri kare. Apa
tamboitira kuti vasarara pano nokuti
vaigona kukuvadza amai vako"
ndakadero ndichizama kuda kumubata.

Akanzvengesa mavoko ake ndokutaura


achiti "musandinyengetedza handisi
kufara nezvamaita" akadero achimuka
paaive adonhera ndokutotanga
kumhanya.
Haana kure kwaakasvika akabva amira.

Akatarisa amai vake zviya zvekuratidza


kuvagumbukira.
Ayivonekwa kuti semwana haana
zvekuzviita asi akatsamwa kwazvo.
Akazoyenderera kumberi nokumhanya
achiyenda kuroom kwake ,
ndakazongonzwa door kunzi dhwa-a
kuri kuvharwa zve hasha .

Munguva iyoyo ndakataura na Laiza


ndichiti "don't worry, she will come
around"
"Do you think tatora chidanho
chakanaka here Nyenge kutendera
mapurisa kuti ayende na baba Lisa?"
Akabvunza

Ndikati
"hongu my friend, hatina kana
patakamboresva.
Kunongova kuvasungisa kwezvimazuva
then tozoita kuti vabude.
Uchavona kuti pavanobuda
havazombofe vakakuisa ruvoko zvekare
vanenge vava munhu kwaye.
Pane zvese ndinoda kuti undivimbe
shamwari yangu, uchavona zvese
zvichafamba zvakanaka.
Ndinokuvimbisa kuti pachadzoka
Marombedze muchange masuwana
zvekuti muchange mava kugara
nemufaro usingapere mumba menyu.
Riri se Gupta ravo Theresa aiwa musiire
kwandiri zvekuita nazvo kwaari ndinazvo.
Handishaiwisirwe shamwari mufaro
ndichivona inini "

Laiza akatura befu ndokuzotaura achiti


"Ndiri kunzwa kutya uye zibig feeling
rekuita kunge ndirikuzviputsira imba
yangu.
Murume wangu ndinomuda zvekare
handide kurasikirwa naye.
Ko kana vakauya vachindiyendesa
kumusha kwedu ndinozotangira papi?
Ko hama dzangu ndinozodzivudza kuti
chii?"

"Vanenge vagara vasingakude shamwari,


ivo ndivo vakatanga kukurova saka
havafanire kutombosvika kwese ikoko"
ndakadero ndava kutoyenda kukitchen
kundobika.

Ndakanyatsokanga ndokupakura.
Ndichipedza kugadzika pa table
ndakayenda kundonokera Lisa kuti
azodya.
Akataura achiti
"handidye chikafu pasina baba vangu"

Ndakambofunga kuti zvimwe


achabudikira asi haana.
Laiza akangoti nyobvo nyobvo
ndokusiya.
Ndayinyatsomuvona kuti pfungwa dzake
dzaifunga zvakawanda.

Ndakangoti nechemumoyo, tsvati waro


kuita basa rekundidadira ini mwana
wemuyera shiri muchadyanana zviweti
kuhope not under my watch never!
Ndaifunga zvese izvi ndakamutarisa
nekona yeziso ndiribusy
kunyatsoritimba zvangu.
Ko kuregerei , zvese zvandiri kuronga
zvichifamba negwara kwaro.

Musi uyu ndakatorara muroom ya Laiza


ndichinyepedzera kumutova tova.
Kuchiyedza takamukira ku police
station, ndini ndakamuvudzira
zvekutaura.
Ayisada asi ndakamuvudza kuti
" akazosangana nezvaasanga nazvo
asazondinyaudza nokuti ndichange
ndabuda maari"

Nekuda kwetuma threats itwotwo Laiza


akasungirira murume wake nemhosva.
Akanyatsotaura kuti
"Marombedze vakandirova mushure
mekunge ndavabvunza nezvehure ravo,
vakati ivo havade zvekunyaudzwa
nokuti murume anekodzero yekuita
vakadzi vakawanda kana achingoda"
Guys handisati ndakamboona munhu
akapusa sa Laiza inini.
Kudai ndayibata mishonga ndayizoti
zvimwe ndakamudyisa kuti anditerere
manje evo handina kana gwenzi
randinoziva muupenyu chero rekurapa
mudumbu zvaro.

Ndakanzwa Marombedze vachiti


"Lizzy !!"

Iye akabva atarisa pasi , ayiita


kukundikana kutarisana nemurume
wake mumaziso. Vemutemo
vakazopawo Marombedze mukana
wekuti ataure divi rake

Marombedze vakatarisa Laiza


ndokutaura vachiti
"zvese zvataurwa naamai
ndezvechokwadi.
Ndine hurombo nekutadza kudzora
hasha kwandakaita zvekusvika
pakurova mudzimai wangu
ndinokumbirawo mundiregerere "
Achidero Laiza akabva atanga
kuipangura mhere.
Mapurisa akabva ataura achiti
"zvawabvuma mhosva umene kubva
warerutsa basa redu" vayidero
vachiyenda kundovharira Marombedze.

Inini ndakasimudza Laiza paaive


akagara ndokutaura ndichiti
"handei best, mapurisa atopedza nesu"

"Murume wangu kani Nyenge" akadero


achiyenderera kumberi nekuchema kuda
ayifunga kuti mapurisa
ayizomusunungura nekuda kwemisodzi
yake.
Inini zvandaida zvainge zvaita , zvekuti
chero ayizochema achibuditsa ropa
mumaziso ndaiyisambomunzwira tsitsi.
Takazokwira kombi kudzokera kumba
kwa Laiza, tichisvika Lisa ayitove
akatigarira pagedhe chaipo.

Tichingopinda akabvunza achiti


"varikupi baba vangu?"

"Tavasiya kuchitirongo , kutaura kuno


vatovharirwa ende vacharohwa
zvakaipisisa kudarika kurova kwavakaita
amai vako" ndakadero kuti
zvinyatsobaya moyo

Laiza akadzungudza musoro


zvekuratidza kundirambidza kutaura
nezvaMarombedze pahuso hwa Lisa
ndakangoti
"anofanira kuziva chokwadi best, kuti
arege kutarisira kudzoka kwababa vake
mumazuva aripedyo"
Ndichipedza kutaura izvi ndakaona Lisa
kachimhanya kuyenda ku room kwako
zvekuratidza kugumbuka kwakanyanya
Laiza akabva ati nenzwi rakafizuka.

"Waisafanira kutaura uchidaro Nyenge ,


Lisa anoda baba vake zvakanyanya
haadi kuvona kana kunzwa zvakaipa
pamusoro pavo.
Watadza zvakanyanya Nyenge
nekugona kwanga kuchiita mwana
wangu izvozvi zvichatomuita kuti
adzokere kumashure pazvidzidzo
dzake."

"Enough Laiza !" Siya kudemba demba


kwako uko kusina zvakunokupa.
Lisa mwana mudiki chaizvo haana
kodzero yekuku controller. Kana
akatoda kukuyendera kumberi
unofanira kumurova ndiro basa
reshamhu iroro"

"Lisa kubva tichimuzvara hatina kana


mumbobvira takamurova.
Kana ane zvaatadza tinongomuvudza
nemuromo.
Mwana anoterera saka hatina kodzero
yekumuisa ruvoko" akadero Laiza
ndikabva ndati
"Suite yourself kana zvakadero.
Inini ndava kumboyenda kumba kwangu
handingarare pano zvakare " ndakadero
ndichimupa tsvodi padama ndokuzoti

"Wosara zvakanaka "

"Ndinotenda" akadero akanditarisa


hameno zvaaifunga.

Inini ndakatanga kutofambisa


ndichiyenda kumba.
Ndichisvika ndakakwira pamubhedha
ndokunyatsorara ndichinzwa ndine
mufaro.

Zuva rakatevera Laiza akandifonera


achitaura kuti " lisa haasi kudya"

Ndakamuvudza kuti ngaamurove


arikumuyemedza zvakanyanya.

Haana kundipa mhinduro munguva


iyoyo akatokata, ava masikati
akazondiisira message yekuti
"Lisa handichamuvone Nyenge
handizive kuti ayenda kupi
ndangomuvhundutsira kuti
ndichamurova akaramba asingadye,
anenge atiza nenyanya iyoyo "

Nekuziva kuti ndini ndakatanga nyaya


dzacho handina kunzwa husimbe
kuyendako.
Ndakayenda ndokubva tabetserana
kutsvaka Lisa asi hatina kumuwana.

Laiza akazotaura kuti


"mari yaive patable haipo "

Ipapo ndakabva ndati "kureva kuti Lisa


ayitora"

Laiza akabva ati


"shit! Handina kumbozvifunga.
Kana ayitora anenge ayenda kumusha
kwavo. Haaa kana nyaya iyi ikasvika
mumavoko asekuru Nyamanza
handingazoikunde "

"Sekuru Nyamanza ndiyani?"


Ndakabvunza

Akabva ati
"baba va baba Lisa.
Ivavo chero vari vega pasina vedare
vanogona kungondirongedzesa ma
bhegi nokuti mukweguri ane musoro
wakaoma.
Nhasi chaiko rinofanira kudoka baba
Lisa tavabuditsa mujere"

Achidero hana yangu yakarova.


Munhu akanga angorara mujere usiku
uviri chete otonzi ngatimubuditse kureva
kuti aisambonyanya kutsamwira
mukadzi wake zvee aiwa
handaizvitendera.
Ndakataura ndichiti
"izvozvo hazviite Laiza , mapurisa
haazombotitendere ngatisiyane nazvo"
Laiza akabva ati "mapurisa anofanira
kutobuditsa baba Lisa, kana zvichitoda
kunyepa ndotondonyepa ndovavudza
kuti mavanga handina kurohwa nababa
Lisa ndakarohwa nematsotsi asi nekuda
kwekuti ndanga ndakavatsamwira
nezvima personal issues zvemumba
medu ndakabva ndapa ivo mhosva kuti
ndivo vakandirova"

"Uchizviitire nhai unopenga here


iwewe?" Ndakadero

Akabva ati "ku saver marriage yangu , i


will do anything Nyenge"

"Zvichaita chinyadziso kwandiri.


Kana ukaita izvozvo chikangamwa
nezvehushamwari hwedu" ndakataura
kudero ndichitofamba kuratidza
kumuramwa

Ipapo akataura achiti "you are my best


friend Nyenge ende ndinokuda
naizvozvo.
Asi apa tava kutaura zvemurume wangu
weupenyu hwangu hwese, aiwa kana
uchida kugura hushamwari hwedu
nekuda kwekuti ndava kundobuditsa
baba Lisa gura zvako" aidero achitokiya
ma doors ndokubva atanga
kushamwaridzana nemhepo.

Ndakangosara ndakashama muromo


kuita kunge ndichapindwa nemhepo.
Ndakazvibvunza kuti
"chii chaizvo chirikumboitika, apa
ndakanga ndanyatsoronga tsoro dzangu
ndichitoti dzafamba zvakanaka Laiza
haapabude"

Zvichingobvawo neka Lisa, eish


ndakadumbirwa.

Ndakazvivudza kuti handifanire kuita


give up, ndayitofanira kutangira Laiza
kusvika kumapurisa saka ndakabva
ndato....

End of chapter 10

Stay tuned

11 ndichanyora after work.


Thank yu

Book hamuvhunzire ku inbox kana


ndisati ndaisa ku channel ndinenge
ndisina kunyora.

*CHIREMWAREMWA*
https://whatsapp.com/channel/0029Va
Fhlo91CYoJTe70A63O

Munhu wese achaverenga book iri


ndokumbirawo muite follow pa link
channel redu.

https://chat.whatsapp.com/F6F58ZwzX
OPBPXbuQ3m44S
what's App group

Story by

mªi *£ex*

№ +27 ⁶⁵ ⁸⁴⁰ ⁷¹⁰³

Edited by *Opha*

№ *+27 748695086*

📘 Book ¹⁴
Chapter *11*

*MAROMBEDZE*

Zvimwe zvese ndakanga ndisisinei


nazvo. Moyo wangu wakanga wava
kunyanya kurwadzirwa nhau mbiri
dangwe rangu uye kuziva kuti
"VaMashingaidze vachatonditsvaka
pafoni vagotadza kundibata"
Upenyu hwemuchitokishi
ndaisambohuziva. Zuva rekutanga
zvaive nane asi repiri pandakayendeswa
kune vamwe vasungwa ndipo
pandakavona kuti
"upenyu hwemujere kunanzva muvururo
chaiko hauna kujairika"

Ndakarohwa nevamwe vasungwa


ndisina kana chandavatadzira.
Hana yangu yakanga yava kungobika
manhanga ndichifunga nyaya
yandakambonzwa kuti
"kana ukaita munyama unogona kuitwa
mainini kujere vachikuita nekumanyuwa.
Chokwadi kana ndaizobatwa
ndaizopukunyuka nepai"

Ndakatanga kuhuta ndakazviputanidza


muchikona, apa ropa rakanga rachizara
kumeso kwangu. Umwe mupurisa
akasvika ndokubva ataura achiti
" kwanzi chiiko mukati umo?"

Vaya vainge vabva kundirova vakaramba


vakanyarara, kuita kunge vaisaziva
zvavaita.
Inini ndini ndakazotanga kufamba
kuyenda pedyo naye kuti avone
kukuvara kwandaive ndaita.
Ndaifunga kuti achandinzwira tsitsi asi
akatotaura achiti "basa ndiro rekurova
vakadzi, kana uchigona kurwa chaizvo
wadini kudzoserana nevamwe varume?"

Ndakapererwa , chero remuromo


ndakarishaya. Ndakaramba ndaka
sticker ivo ndokutanga kufamba
vachiyenda.
Ndakanzwa umwe achiti
" toita sei nechimhandara ichi?"

"Aiwa inini paneropa handipinde


ndozozvivona mangwana atanga ageza"
akadero umwe

Ndikanzwa umwe woti "taura zvako


unoita kunge urikunama mukadzi
arikuchema magamba, aiwa zvanhasi
ari kusemesa haatangike"

Saka zvatati mangwana ndipo patiri


kurova mutambo wacho achatanga
ndiyani?

Ayimbove akanyarara vamwe vese


vachitaura ndiye akati "ndini varume,
ndagarisa ndisina kumboteura mbeu"

"Kubva zvakanaka Gorge, iwewe


uchipedza kuchateverawo inini zvekuti
ndiri kutononokerwa" akadero umwe
wevarume ava.

Vese vakatanga zvavo kuseka


vachiratidza kufara nekuronga kwavo.
Inini kutya kwakawedzera mandiri
zvekuti ndakademba kuti kudai zvaro
zuva racho remangwana ratadza
kusvika.
Sezvinei ndakazongorara ndakagonya
sezvo ndaive ndatorerwa machira.
Ko kuzoti marwadzo ekurohwa
kwandaive ndaitwa aiwa
hazvaitsanangurika.
Kuchiyedza takamutswa mangwanani,
ndakanzwa ayinzi Gorge achiti
"zviminamato zvavo zvinondisembura.
Makororo akaita sesu tinoparidzirwa
tikanzweiko?"

"Taura zvako umwe wangu


tinotongoyenda hapana yekuseter."
Akadero umwe achitanga kufamba
isusu tichitevera kumashure.
Zveshuwa kwakazoimbwa munamato
ukwaita.
Kwakanzi vanhu vanotanga kuyenda
kundochera makomba vasati vadya.
Hameno toilet dzevasungwa dzainzi
dzinoda kuwedzerwa
Inini kushanda ndaikuziva saka
handina kunyanya kurwadziwa, nzara
chete ndiyo yaindibvunza zita nemutupo.
Apa zvoti kutya kwaiwedzera mandiri
nokuti zuva iri ndiro zuva
randairongerwa kuti ndichange
ndichibviswa umhandara.

Ndakambozama kutaura neumwe wema


gadhi jere akabva atondituka kuti haana
nguva yekutaura neni.
Zuva rava kurova nhongonya ndipo
patakanzi tiyende kundogeza , George
akavuya akandirova magadziko
ndakavarairwa.

Ii ndakanzwa hasha, ndakayerekana


ndamubata huro.
Pavakanga voda kundikutsira umwe
wemapurisa ndipo paakasvika akabva
ataura achiti "mukangorwa chete
murikuswera nayo nhasi"

Achiyenda Gorge akataura achiti


"yawaita yekundibata mhandamatsipa
hayisi kupera Marombedze, regedza
zvako manheru asvike"

Ndaitomutyawo asi handina kuda


kuzviratidza. Ndakataura ndichiti "pakati
penyu mese hapana kana ane kodzero
yekundibata, uyo achandigumha ndiye
achavudza vamwe !" Ndaidero
ndichitaura nenzwi riripamusoro vese
ndokubva vatanga kuseka.

Tichindoti kuchikafu pandakatora


changu, ndakazosara kugara pasi
mundiro mangu musisina chinhu.
Varume vaive nehudzvanyiriri zvavo
ivavo zvekuti ndakazvibvunza kuti
ndinosvika kupi ndichirarama upenyu
hwepachiro chemakudo kudero

Ivo vairatidza kuti zvaitovanakidza


nokuti waingonzwa vachiseka.
Ndakabatira rushaya ndokutaura ndichiti
"Laiza wandiurayira upenyu mudzimai
wangu, imhosva here kukusarudza kuti
uve munyaradzi wangu."

Musi uyu ndakatozoswera nayo,


pakwakanga kwava kutonhorera
takabva tanzi kumakomba zvekare.
Apa mudumbu maikuma nzara.
Ndakazama kuzvishingisa , ndikanzwa
ndabatwa nedzungu
ndakazongoyerekana ndava muvhu.
Munguva iyoyo umwe wemapurisa
akavuya ndokutaura achiti
"Marombedze murikutoumburuka
muvhu zvenyu muchafamba sei munzira
makazara vanhu mavakuyenda kumba?"

"Kuyenda kumba zvarinhi izvozvo?"


Ndakabvunza ndichitokonya nzeve kuti
ndinyatsokunzwa zvaitaurwa
nemupurisa.
Akatura achiti
"ndavuya kutozokusheedzai.
Mwanasikana wenyu ari pano avuya na
Mr Mashingaidze.
Tamupa mukana wekutaura divi rake.
Pane zvaataura mukuru wedu
acherechedza akavona kuti hamuna
kana imwe criminal record yamunayo,
saka vasarudza kukubuditsai.
Chandinoda kungokuyambirai
ndechekuti , musazoita zvimwe
zvichakonzera kuti mukadzi wenyu
akumhan'arirei nokuti
hamungazopabude nyore"
Ndichinzwa mashoko aya
ndakangovona ndava kuyeredza misodzi
yemufaro.
Ohh my sweet child, handina kana
kumbobvira ndakafunga kuti angava
nesimba rekundibuditsa muchitirongo.

Ndakataura ndichiti "thank you officer ,


thank you so much nemashoko
anodakadza kudai"

"You are a good man Mr Marombedze,


hamukodzere kuva pano"
"Arikupi mwanasikana wangu?"
Ndakabvunza

"Vakati ariko kuoffice ya Shefu na Mr


Mashingaidze. Vakatokumirirai kutaura
kuno"

Handina kuzoda kubvunza zvakawanda.


Ndakangosimudza tsoka ndichimhanya,
ndichisvika ndakawana Lisa
akatogarisana nema shefu achimwa
juice.
Paakandivona akarigadzika pasi
ndokutanga kumhanya achiti "father"

"My sunshine" ndakadero ndichimuti


mbunde

Ndakanzwa hembe yangu yanyorova


ndikaziva kuti akanga ava kuchema.
Ipapo ndakataura ndichiti "chirega
kuchema mwanawangu,
zvawandibuditsa mujere kudai
ndinokuvimbisa kuti handichamudzoke
zvekare" ndaidero ndichimusimudza
kuyenda kwaive na Mr Mashingaidze
"Makadini boss?"

Ndakavakwazisa vakati "ndinosimba


Marombedze ndine hurombo
nezvakakuwirai"

"Ndizvo zvinoita kuroora baba ,


unosangana nezvakasiyana siyana
muwanano" ndakataura kudero
ndichidzosera misodzi mukati

"Ko zvakafamba seiko?" Vakabvunza

Semunhu akanga andibetsera kubuda


mumadhaka handina kumbovavanzira
ndakavavudza zvese vakataura vachiti
"inga wani vakuru vanoti zano pangwa
une rako, mudzimai wenyu akadireiko
kufuririka kwakadero?"

"Handizive baba Mashingaidze, moyo


wangu chaiwo wakaita kunonzi kusviba.
Ko imimi mazosangana sei
nemwanasikana wangu?"
Ndakazobvunza ndichida kunzwisisa

Mr Mashingaidze vakataura vachiti


"ndataura na Mr Alex nhasi vachiti
hamusi kubata foni yenyu apa vanoda
kukupai mukana webasa.
Saka inini ndazozamawo kufona
ndikavona musiri kubata.
Pandaisa text message ndipo
pandavona number yenyu yava
kundifonera.
Ndichi receiver ndataura na Lisa ,
akabva akumbira kundivona.
Kutaura kuno akwira kombi kubva
kumba kwenyu kuvuya kumba kwangu.
Ndambozama kumurambidza asi ataura
kuti haade kuti amai vake vazive.
Achizonditsanangurira mumiriro
wenyaya ndavona zvakanaka
kukubetserai.
Nekuziva kwandinokuita , ndava
nechokwadi kuti hamungamboite
mhondi that's why ndakataura na shefu
kuti vakupei umwe mukana"

Vachidero ndakasimuka pandaive


ndakagara.
Ndakatumba ndokupa ruremekedzo
shefu kuvatenda kunzwisisa kwavaive
vaita.

Ivo vakangotaura zvimwechete zvekuti


"parizvino endayi zvenyu
makasununguka, kana mudzimai wenyu
akazovuya achi reporter zvakare ndipo
pamunozosungirirwa nemhosva"
vakadero vachindipa pekuisa signature
Ndichipedza VaMashingaidze
vakapiwa pavo ndokubva va signer wo.
Takazobuda takadungamidzana ,
ndakatakura mwanasikana wangu.
Ko ndakanga ndamusuwa zvee zvekuti
ndaisatoda kuti ayende kure neni.

Tisati tayenda kumota ndakakumbira


kundoonekana nehama dzangu
ndikapiwa 2 minutes chete.
Ndakangotaura navo ndichiti
"ndava kuyenda varume, sarai
zvakanaka" ndayidero ndichivakandira
mbatya dzangu dzehujere dzandaive
ndakumura.

Ndakavona vese vachiratidza


kusvibirirwa.
Ko handi vakanga vakataimira
kundichinjana mukudoka kwezuva iri.
Chavasina kuziva ndechekuti , kuronga
kwese ndekwa Mwari.

Ndayigoitwa mukadzi kuti ndakanga


ndatadzei zvangu.
Tava kuyenda kwaive nemota ya
Mashingaidze ndipo pandakavona
Nyenge achiburuka mu meter taxi.
Akangonditarisa zviya zvekushamisika
hameno zvaakanga avinga kumapurisa.

Akada kutaura neni asi ndakabva


ndatopinda mumota ndisu hutu
kuyenda kumba.
Mr Mashingaidze vaive vataura kuti
"zuva harifanire kudoka ndisina
kusangana na Mr Alex, kureva kuti
ndaitofanira kundotora ma documents
angu ese "

Ndakazosiya Mr Mashingaidze na Lisa


kunze kwe gedhe , inini ndichipinda
mumba.
Ndayitove ndakagadzirira kuzonyararira
Laiza kana ayizoda zvekutaura neni.
Sezvineiwo ndakasvika asitoripo pamba
pacho, hameno kwaakanga ayenda.
Ma door aive akavharwa saka
ndakangotora ma spare keys
ndokuvhura musuwo ndichitora
zvandaida nekutobuda.

Ndakasiya ndavhara ndokudzosera


makey pekare.
Ndichidzokera kuna baba Mashingaidze
vakataura vachiti "ndabva mukutaura na
Mr Alex at least vati variko kubasa
kwavo saka handei nekuchimbidzika"
Munzira mese hana yangu yaingorova.
Ndakanga ndichakadhinda kurohwa
kwandaive ndakaitwa zvekuti ndayitotya
kuti Mr Alex vachanoti chii.

Tichisvika Mr Mashingaidze vakataura


vachiti "tasvika" vayidero vachiburuka
mumota.

Inini ndakangotora ma papers angu


ndokutaura na Lisa ndichiti "ndinodzoka
sweetheart " ndayidero ndichimupa
tsvodi padama

Mr Mashingaidze vakataura vachiti


"handei Lisa tizodzoka tese, kana baba
vava kuitiswa interview "

"Thank you Mr Mashingaidze" akadero


achizobata ma papers angu achiratidza
kuva nemufaro.

Takatanga kufamba tichisvika


ndakashamisika Mr Alex vacho
vachitova murungu.
Ko Mr Mashingaidze vainge vasina
kutaura kuti tiri kuyenda kumunhu
muchena kanhai ndingadai ndakachinja
zvandaive ndakapfeka.
Lisa ndiye akatanga kuti
"good day Mr Alex" ayidero achiisa
mapapers patable achivaita handshake

"Good day ma'am , how are you?"


Vakadero Mr Alex vachinyemwerera
kuratidza kufarira lisa.

Lisa akabva ati "i am good thanks.


My name is Lisa Marombedze. I am
8yrs old and i am here for...." asina
kupedzisa ndakamubata muromo kuti
anyarare ndokutaura ndichiti
"Pardon my talkertive daughter sir,
please forgive her"

Mr Alex vakaseka ndokuti


"No-no-no.
i like her confidence, i can confess she
is so intelligent "

Mr Mashingaidze vakazoti
"Indeed she is so clever"

Takazokwazisana, Mr Mashingaidze
ndokuzozivisa Mr Alex kuti ndini
Innocent wacho.

Vakazotora ma papers angu


ndokuverenga ndakangovona
vachigutsirira musoro ndokutaura
vachiti "ndinokumbirawo kumbosara na
Mr Marombedze titange kuvabvunza
maringe nebasa ravari kuti vanogona iri.
Kana vakangopasa chete ,basa
vanototanga mangwana.
Kana tikazofara navo tinobva tavaita
permanent"

Mr Mashingaidze vakabata Lisa ruvoko,


iye ndokutaura achiti
"My heart tells me you will succeed
dad, i have faith in you. I wish you all the
best , i love you"

"I love you more my angel " ndakadero


ndichinyemwerera.

Mr Alex vamboramba vakatarisa Lisa


achibuda panze, vakazotaura vachiti
"your daughter loves you a lot Mr
Marombedze"

"Oh yeah" Ndakapindura apa hana


ichirova.
Ndayisada kuruza mukana uyu saka
ndakabata hana yangu kuti idzikame
ndikwanise kupindira zvese
zvandayizobvunzwa pasina kukundikana.

Mr Alex vakazotanga nekubvunza kuti


"..."

Ndokupindura ndichiti "...."

End of chapter 11
*CHIREMWAREMWA*
https://whatsapp.com/channel/0029Va
Fhlo91CYoJTe70A63O

Munhu wese achaverenga book iri


ndokumbirawo muite follow pa link
channel redu.

https://chat.whatsapp.com/F6F58ZwzX
OPBPXbuQ3m44S
what's App group

Story by

mªi *£ex*

№ +27 ⁶⁵ ⁸⁴⁰ ⁷¹⁰³

Edited by *Opha*

№ *+27 748695086*

📘 Book ¹⁴
Chapter *12*

*MAI MAROMBEDZE*

Ndega ndainyatsokuzvinzwa muropa


kuti ndakakanganisa.
Kana nyaya yaizosvika kuhama dzababa
Lisa ndayitoziva kuti ndayisazopabuda.
Ndakatanga kumhanya ndichiyenda
kunochengeterwa vasungwa
munzvimbo yedu.
Chakandishamisa ndichisvika
ndakavona Nyenge akatomira neumwe
mupurisa. Zvakandinetsa kuti akanga
asvika nguvai uye kuti ayidei chaizvo
pajere.

Ndakaenda paaive ndokubva ndabvunza


ndichiti "watova pano?"

"Hongu, handina nguva ndasvika "


akapindura

Ndikabva ndati "wavuya kuzoitei ?"

Ndafonerwa na Clive achiti "akasungwa


nemapurisa madeko meku driver
akadhakwa saka ndiye wandavuya
kuzobetsera"

"Ohh i see " ndakadero ndokubva


ndafamba ndichipinda mukati.
Ndakasangana neumwe mupurisa
wechikadzi ndokubva achiti
"ndingakubetserai nei amai ?"

"Ndinokumbirawo kutaura nemukuru


wenyu"

"Mune appointment here ?" Vakabvunza


ndikati kwete. Asi zvandiri kuvadira
zvakakosha saka Ndinokumbirawo
mundipe mukana.

Mupurisa uya akazondiratidza office


yavo, ndichipinda ndakawana shefu
vacho varimo ndikabva ndangovapira
nyaya yangu.

"Mati murume wenyu anonzi ani?"


Vaidero vachitarisa mu book ravo
ndikabva ndati

"Innocent Marombedze "


"Ohh Mr Marombedze havachasi pano,
hatina nguva tavasunungura zvekuti
kana musina kuvavona mukati mumo,
munogona mapesana pagedhe"

"Is that so?" Ndakabvunza ndichisimuka

Vakazosara kuti
"hongu inini ndava kutobutsa panze"

Ndakambovatarisa tarisa asi handina


kuvavona. Ndakazoyenda kwaive
kwakamira Nyenge ndokubvunza
ndichiti
"hauna kumbovona Marombedze here
Nyenge?"

"Kwete handina, kuti havasi kumacells


here ?" Akabvunza ndikati

"Kwete havako. Ndiri kubva mukutaura


nemukuru wemapurisa izvezvi ataura
kuti Marombedze vabuditswa"

"Vabuda how, ndiyani angava aita simba


rekuvabuditsa?"

"Handina kana chezivo ufunge, zvava


kutoda kuti ndidzokere ndinonzwisisa."
Ndakadero ndava kutofamba kudzokera
ku office kwandanga ndabva

Nyenge akataura kuti


"mira ndiyende newe " ndikati

"Kwete Nyenge, ndinoda kundotaura


navo ndiri ndega. Iwewe ita zva Clive
wawafambira, kana wapedza
usandimirira zvako ibva wayenda"
ndayidero ndichitanga kufambambisa.

Ndichida kundopinda mukati


ndakamiswa nemupurisa akataura achiti
"hamutenderwi kupinda imomo, Shefu
vava nevamwe vanhu vavari kubetsera"

"Ndine mashoko mashomanana


andinoda kutaura navo ndobva
ndatobuda zvangu" ndakadero
vakarambisisa kuti ndipinde.

Vakatondisundira kunze ndokutaura kuti


havade kundivona zvakare.
Kana ndichida kutaura nemukuru wavo
ndinofanira kuva ne appointment.

Zve appointment yaitove imwe nyaya,


ndakavona zvakanaka kudzokera kumba
ndaive nechokwadi kuti murume wangu
ndiko kwaainge ananga
Ndakatanga kufambisa kuti ndiwane
kusvika kumba nenguva.

Ndakazonzwa Nyenge achisheedzera


achiti "Laiza mira"

Uyu ndiye umwe akanga ava kundisvota


sechimota chemumhino.
Ndinozviziva kuti ishamwari yangu
yepamoyo asi take take yacho yakanga
isingachandifadze zvachose chero
imbwa yakapfumvura haitevererwi
seizvozvo.
Nguva yandaive yaitomboda kuti ndinge
ndiri ndega ndichigadzirisa nyaya
dzangu.

Ndakanga ndasungirira murume wangu


nemhosva nekuda kwake
ndaisazoramba ndichibvuma amwe
emazano ake.
Ndakatanga kumhanya kurikutomutiza
chaiko.

"Lubva maita zveku mhanya here


vasikana kunge tatukana ndimirirewo
kani Laiza tifambe tese "

"Handina kubva newe Nyenge ,


ndinokumbirawo umbosiya kunditsoma
nekuti tsomu tsomu yacho yaakuti
nyanyeyi." Ndakayerekana ndadero

Akati "ndiwe here Laiza urikutaura neni


nenzira iyi kunge munhu akagara
pachamber kudai?"

Paakadero ndakaona kuti kumutiza


hakuna zvakunogadzirisa only one way
kutongomira towirirana nekuti hasha
chaidzo dzaitova pahuma sezvo
ndaisaziva reaction
yandichanotambirwa nayo nemurume
wangu.
Ndakamira ndokutaura ndichiti
"chokwadi ndechekuti handikwanise
kusvika newe kumba kwangu Nyenge.
Ndinoziva baba Lisa vakatonditsamwira
nechekare kana ndikazosvika newe aiwa
kuisa mhiripiri nesauti pachitonda
chaiko. "

"I am only trying to help you. Ndinoziva


kuti baba Lisa vakatsamwa vanogona
kusvika vakakuponda ndosaka ndichida
kusvika newe"

"Zvirinane ndifire mumavoko emurume


wangu Nyenge.
Pandakatadzira murume wangu
pakakwana handichade kuramba
ndichipikisana nezvavanoda.
Ndinokumbirawo ungondinzwisisa"

"Saka urikuti chii?"

"Ndiri kutaura kuti panguva ino timboita


break pahushamwari hwedu
ndimbozama kuvaka musha wangu.
At least iwewe hauna murume , hauna
mwana saka zvimwe zvacho
haungazvinzwisise"

"Hausi wava kudzikisa gejo here Laiza ?"


Akabvunza

Ndikati "handingakwanisi kupinda


munjere dzako pamwe nekukuudzira
zvekufunga shar.
You can take my words with any angle
you like I don't mind.
Chokwadi ndicho chandiri kutaura kuti
for now ma advices ako haana zvavo
zvaati andibatsira. Kubva zvawakatanga
kundifurira kuti ndisaterera murume
wangu, mumba mangu hamuna kana
mufaro." Ndakadero ndikavona Nyenge
azvondora maziso sechidzvororo
akanditarisa.
Inini handina kuziva kana ndainge ndaita
zvinhu kwazvo, chandaisada kuti
Nyenge anditeverere.
Nokuda kwemakobvu andakamuvudza
ndakavona achitsauka munzira
ndokubva agara padombo raive parutivi
akatsikitsira.

Handina kuzomboramba ndakamira


ndakatanga kufambisa ndichiyenda
kumba kwangu.
Munzira mese ndayironga mashoko
ekuzokumbira nawo murume wangu.
Semunhu aive nezvakawanda
mupfungwa ndakazongovona
ndatosvika ndisina nekufungira.

Ndakapinda mukati megedhe,


ndakatarisira kuwanikwa ma door
akashama ndakarwadziwa ndichivona
akavharwa.

Pandakakiyinura ndipo pandakava


nechokwadi kuti murume wangu aive
asina kudzoka nokuti zvese zvaingove
panzvimbo.
Zvekare mubath maive makaoma
kuratidza kuti pandangogeza inini
hapana umwe aive azombovhurira
mvura zvekare.
"Ndakarwadziwa, ndakazvivhunza kuti
arikupiko murume wangu?"

Ndakambozvisimbisa nerekuti zvimwe


achavuya.
Ndakagara kusvika ndava kutovona kuti
zuva rava pedyo kupinda muna amai
ravo.
Ipapo ndakatanga kutsvaka foni itsva
yababa Lisa asi handina kuiwa, kadiki
ndiko kaive kakangoti gwendere asi
kasina line.
Number dzavo ndakadzifonera
dzikatopinda ndokushaya akabata.
Mupfungwa mangu makangofunga kuti
Theresa ndiye chete anoziva
kunemurume wangu.

Ndakatora mari ndokwira kombi


kuyenda kubasa.
Handayiziva kana ndayizomuwana
kwaingovewo kutsvaka kwewarasikirwa
*kutsvaka truck pasi pemubhedha.*

Ndichisvika ndakawanikwa shop


yavharwa kuratidza kuti vanga vachaisa.
Pandakazonzwa hiri, hiri divi
remadokero ndipo pandakavona
vasikana vekubasa.

Ndakamhanya ndichiyenda kwavaive


ndokuwana vese vatoripo kusanganisira
na Nyenge hameno anga asvikapo
nguvai.

Nehasha ndakangosvika nekubvunza


Theresa zvineukasha ndichiti "arikupi
murume wangu?"

"Munorevei kana muchibvunza murume


wenyu kwandiri mai Marombedze?"
Akabvunza nenzwi rakapora kwazvo.

Hasha dzandaive nadzo dzayisamboda


zvese izvozvo, ndakangomumhara
nembama iyo isina kumusiya akamira
semunhu wandakarova asina kutarisira
ndokuwira pasi.
Pandakanga ndava kuda kumugarira
akabva andikava ndichidonha.
Akazondigarira ari iye ndokutanga
kundisvasvanga

Ndakatanga kuchema ndichiti "Varaidzo,


Nyenge ndinokumbirawo mubvise
murwere wepfungwa uyu asati
andivuraya"

Varaidzo akatanga kutaura achiti


"ndinokuza inobaya!" Ayidero achiimba
ka nziyo hameno muimbi wako asi
ndaingonzwa achiti
"Waitangirei musindo , uchiutangirei"

Theresa ayingondirova chete.


Nyenge akanga akamira akapeta
mavoko.
Vamwe ndivo vakazobvunza vachiti
"ko iwewe haubetsere vasahwira here
vasati vagwenyewa mazino?"

"Nekungoti ndine moyo wakanaka


zvangu ndava kumurwira asi ushamwari
hwedu ahwugura kare uyu" akadero
Nyenge achida kubata Theresa.

Theresa akasiya kurova inini akabva ati


kuna Nyenge.
Akamudhinda kusvika azongomurega
ega.
Achimusiya akazovuya pandaive
ndokubva ataura achiti
"ndine hurombo nekukurovai kwandaita
mai Marombedze chokwadi ndechekuti
handizive kune murume wenyu. Next
time musatamba muchiisa munhu asina
mhosva nemi ruvoko, handisi
Marombedze inini wamunoita yese
yese"
Handina kana kutaura naye, ndakanga
ndava kutasamura mutsipa.

Akazobvunza achiti
"sei muchiti ndinodanana nemurume
wenyu?"

"Ngayipere zvayo Mwari ndivo vanoziva"


ndakadero ndichizvizuza mavhu
ndichinzwa kuda kuchema.
Ko takanga tatounganirwa nevanhu zvee.

Vamwe amai vechikuru ndivo


vakazobvunza kuti
"Muri kurwireiko vanasikana?"
Vamwe baba vakapindura vachiti
"ava ndivo vatanga" vayidero
vachinditendeka

Mai vaya ndokuti "ko munotangireiko


musindo Mongo usimo nhai?"

"Ndine shungu mumoyo mangu,


musikana uyu anodanana nemurume
wangu. Izvezvi kutaura kuno handizive
kwaayenda ndine chokwadi kuti ndiye
amunzvengesa chete "
"Sei muchiti ndinodanana nemurume
wenyu nhai mai Lisa, nokuti chero huso
hwake handitombomuzive?"

"Unotadza kuvaziva seiko iwewe


wakavapa foni inotova nemapictures
ako?"

"Ifoni yakaita sei iyoyo?" Akabvunza


ndikamuvudza ruvara rwayo

"Murume wenyu anonzani zita rake ?"


"Anonzi Innocent " Ndakapindura
akabva ati

"Now it make sense, Innocent


Marombedze ayigaro taurwa na bhudhi
vangu Mashingaidze kuti vakamupa
foni yekuti atsvagise basa. Foni
yamakavona imimi kudai makabvunza
murume wenyu zvakanaka angadai
akakuvudzai chokwadi chizere.
Ma housewife mune dambudziko kuti
murume akakudai chaizvo mofunga kuti
ndimi mune yese, murume wenyu
paayiita basa reku garden ayishandira
brother yangu kana muchida izvezvi
endai munomubvunza nezva Mr
Mashingaidze ndivo vakamupa foni
kwete inini.
look over here " ayidero achindiratidza
text message yaive yakanzi

"Hi vatete ndazama kufona number


yenyu ikasaita.
Ndayida kukuvudzai kuti foni yenyu iya
ndazoipa garden boy wangu,
andibetsera chaizvo nekugadzira
magetsi paadhuka saka nokuda
kwehunyanzvi hwake ndafunga
kumutsvakira pari nane"
ndakazopedzisa kuverenga misodzi
yazara pamatama.

"Saka Mr Mashingaidze i brother


yenyu?" Ndakazobvunza

"Hongu, ndinonzi Theresa


Mashingaidze here is my i.d " ayidero
achinditambidza.

Ndakaverenga ndikavona zvedi ari


mwana wekwa Mashingaidze.
Vanhu vese vakashamisika nokuti
hapana kana aimbomuzvifungira.
Varaidzo ndiye akazobvunza achiti
" saka kana uri hanzvanzi ya major sei
uchishanda pano pasingabhadhare
nhaiwe Theresa?"

"Izvozvo hazvichinei nemi, chakakosha


ndechekuti ndirikushandira vana vangu"
akataura kudero achitofamba
achiyenda.

Varaidzo akashama muromo


ndokutaura achiti "kugara kwese
handina kumbobvira ndakafungira kuti
Theresa ane hama dzakabudirira
kudero?"

"Chero neniwo ufunge" akadero Nyenge


achiratidza kuva mushock.

Vaviri vakazofamba vachiyenda ,


ndokundisiya ndakagara
ndichingopukuta misodzi.
Zvekuchema ndakavona kuti
hazvayizondibetsera saka ndakasimuka
pandaive ndakagara ndokudzokera
kumba.

Ndichisvika ngoma yakanga iri iyoyo iyo,


murume wangu ayisavepo. Apa Lisa
ndakanga ndisingazive kwaaive zvakare.

Ndakazama kufona number dzababa


Lisa hakuna akabata, ndakazozama
dzekumba kwavo ndikanzwa
dzisingapinde.
Ndakatovona kuti kukadoka ndiri
pamba apa hapana zvandinenge ndayita.

Ndakarongedza mbatya shoma shoma ,


ndokubva ndapinda mu bath kugeza
sezvo ndakanga ndafunga kurwuvamba
rwekumazurevha
Ndakatoziva chete chero ndikashaya
baba lisa kumusha kwavo asi Lisa
handayizomushaya.
Ndichipedza kugadziririra ndakayenda
kurank ndokukwira kombi yekuyenda
kumamisha.

Kwayisave kure zvakanyanya, zvekuti


mukupera kwe hour rimwechete
ndayitoziva kuti ndinenge ndasvika.
Sezvinei kombi hayinawo kunonoka
kuzara, ndokusimuka.

Tichingosvika pachiteshi kwa Nyandoro


ndakati mutyairi andiburutse.
Kwakanga kune mhindo asi handina
zvangu kutya, zvagara kumamisha
hakunyanye kundityisa nokuti ndiko
kwandakakurira.

Ndakavheneka torch ndokutanga


kufamba kusvika ndasvika pamusha wa
sekuru Nyamanza, ndiko
kwandakarurama sezvo ndainzwa
kunyara kusvika kuna vamwene
navatezvara.

Nyaya yacho hayaitsanangurika


chokwadi, kuti ndiri kutsvaka murume
wangu wandakasungisa ii
ndaizoushama sei muromo uyoyo
pahuso hwevabereki vamurume.
At least sekuru Nyamanza vakaoma
musoro, asi vane moyo munyoro
ndayiziva kuti vaitozonzwisisa nyaya
yangu.
Ndakanga ndazvipira kutaura nyaya
yangu sezvairi , semunhu aida rubatsiro.

Ndichisvika pachivanze vanhu vaive


vakagara zvavo vakatandara.
Ndakataura ndichiti
"tisvikewo pano, pamusha
wevaJichidza.." ndaingogaro nzwa baba
Lisa vachiizviita
Sekuru Nyamanza ndivo vakapindura
vachiti "sunungukai zvenyu kusvika,
imbwa dzepano hadzirume vehwo"
vaidero vachiseka.

Vakazoyenderera kumberi vachiti "...."

End of chapter 12
Stay tuned.

Ndinotenda nema comments

CHIREMWAREMWA*
https://whatsapp.com/channel/0029Va
Fhlo91CYoJTe70A63O
Munhu wese achaverenga book iri
ndokumbirawo muite follow pa link
channel redu.

https://chat.whatsapp.com/F6F58ZwzX
OPBPXbuQ3m44S
what's App group

Story by

mªi *£ex*

№ +27 ⁶⁵ ⁸⁴⁰ ⁷¹⁰³


Edited by *Opha*

№ *+27 748695086*

📘 Book ¹⁴

Chapter *13*

*MAROMBEDZE*
Kana vada zvavo Mwari hakuna
chinoramba.
Pandayiitiswa interview
ndayinyatsovhura nzeve kuti nditeere
mibvunzo.
Pane zvese zvandayibvunzwa hapana
chaive chitsva saka
ndakanyatsodonongodza zvakapa kuti
Mr Alex vanyemwerere.
Vakazotaura vachiti "now ndava
kunzwisisa kuti sei Lisa akachenjera
kudero, mhembwe rudzi nhai"

Ndakasekerera ndokuti "kungodero dero


sir"
Ndakazopiwa pandakanzi ndigadzire ,
senzira yeku tester kana ndayigona
magetsi. Ndakabatanidza zvisina kana
kukundikana , zvekuti ndakanzwa
vachitaura vachiti
"ndanga ndine chokwadi kuti Mr
Mashingaidze havangambondivigire
munhu asiri iye.
Nekuda kwehunyanzvi hwako ndinoti
basa wariwana , urikutanga next week
kuti utangirane nemwedzi"

Ndakauruka ndichinzwa ndine mufaro,


ndakada ku screma asi
ndakazorangarira kuti ndayive mu Office
yemaboss saka ndakakurumidza
kuvhara muromo ndichingonyemwerera.

Ndakazotumba ndokutaura ndichiti


"Ndinokutendai Mr Alex, nemukana
wamandipa.
Ndinokuvimbisai kuti ndichashanda
basa rangu nemazvo"

"That's okay Mr Marombedze, you


deserve it" vakadero vachindirova rova
mafudzi ndokubva vati ndakasununguka
kuchiyenda.
Ndakabuda ndiri bara, ndichisvika paive
na Lisa na Mr Mashingaidze
ndakasheedzera ndichiti
"i did it !!"

Lisa akandijambira achifara.


Vari sa VaMashingaidze waingova
nenyemwerero kuratidza kuti vayi fara.
Vakatotaura kuti
"zvinoda kuti timbopemberera, saka
vakabva vatiyendesa out uko
kwatakandotengerwa chikafu kusvika
tava kungochitarisa nokuda
kwekugutisa.
Takatozobvako kwatosviba , zvekuti
pavakatisiya kunze kwe gedhe
takashandisa torch kupinda mukati
nekuda kwe mhindo.

Vakanga vatotigonerawo nokuti


taisaziva kana mai Lisa vainge vatisiira
zvekudya.
Tichipinda ndakafunga kuti varara nekuti
ma lights aive akadzimwa.
Ndakabatidza ndokuvatsvaga asi
handina kuvaona.
Ndakangozvivudza kuti vanenge
vayenda kwava sahwira wavo, nekuti
Nyenge vayimuda chaizvo.
Handina kuda kufungisisa zvakawanda,
ndayingove nemufaro webasa randainge
ndawana.
Ndakagadzirira mwana wangu pekurara.
Anofarira kuverenga mastories saka
musi uyu ndakasarudza kumuverengera
ndiri ini kusvika azongobatwa nehope.

Achirara ndakayenda kubedroom


kwangu, ndakambozama kurara asi
hope hadzina kundishanyira.
Chandinoziva zvimwe zvese mai Lisa
anoyita asi kurara asiri pamba aiwa
hazvingave zvake.

Ndakamuka ndikagara pasi,


ndakazvivhunza kuti "aripiko mudzimai
wangu?" Ndikashaya mhinduro

Ndakatora foni iyo yandaive ndisina


kumbobata muswere wese wezuva
ndokuwanikwa mune ma missed calls
akawanda kubva kuna mai Lisa.
Ndakazama kuda kufona back foni
yangu ndokubva ikatodzima.

Pandakada kundoti pacharger ndipo


pandakanzwa mudhumo wemota panze.
Ndakadongorera nepa window
ndikashamisika iri rori ya sekuru
Nyamanza.

Nekuziva kuti musharukwa uyu


haangosimudze simudze mota yake
nhando kuvuya kudhorobha ndakava
nekukahadzika kukuru kwazvo.

Ndakazovona sekuru vachipinda


vakadungamidzana na mai Lisa.
Kungouya kwavo nhambo idzi, ndakava
nechokwadi kuti mai Lisa vainge
vataura chokwadi.
Inini kudzikisira mudzimai wangu
ndayisada saka ndakatogadzirira
zvekutaura zvisingazopinze amai
vekwangu munjodzi.
Chandinoziva sekuru kana vatovenga
munhu vanenge vatomuvenga
zvachose , zvisinei nekuti
wazombovaitira zvakanaka zvinengei.

Ndakabva pa window
ndokundovagamuchira ndichiti
"titambire Nyamanza ko ndimi madai
mutitsika?" Ndayidero ndichivamhoresa
muruvoko
"Munogamuchireiko vanhu
vanongozvifambira nhai Marombedze"
vakadero vachindogara pasi

Ndikabva ndati
"hupenyu sekuru, ko mavawanepiko
amai vekwangu ava.
Zvandanguva ndanzwa nekuvatsvaka?"
Ndayidero ndichiyenda kuna Mai Lisa
uyo akanga akangomira pamusuwo
achihuta.

Ndayimuvona kuti njere dzake


dzakasangana sangana ayikundikana
chero kufamba kuratidza kuzvitongesa
muhana make.

Ayitozvinetsawo zvake ndakanga


ndisina nekumbomutsamwira.
Chandinoziva mukadzi wangu munhu
anemoyo une rudo, kungoti kufuririka
chete ndiko kwakamushanyira.
Nekuda kwekuzarurirwa mukana
webasa kwanga kwaitika,ndakasarudza
kumupa second chance kuti tigare
zvekare mumba medu tine mufaro.
Papi pandayizotendera
Chiremwaremwa chichibudirira aiwa
izvo handaida.
Ndakamumbundira ndokubva
ndabvunza ndichiti "wanga wayenda
kupi babe , unoda kundiuraya ne stress
here mudiwa wangu?"

Akatanga kuchema ndikabva


ndamunyararidza.

Munguva iyoyo sekuru vakazotaura


vachiti "shoko rasvika nemunzeve
dzangu muzukuru kuti hausi kuvonekwa.
Moyo warwadza kurara ndisingazive
kwauri ndosaka wavona ndasimudza
tsoka nehusiku kudai"
"Ndiyani ati handisi kuvonekwa sekuru?"

Ndiye ka mudzimai wako , ataura kuti


"akakusungisa, saka nhasi ayenda
kumapurisa achida kuti usunungurwe
ndokuvudzwa kuti watobuditswa kare.
Mukukutsvaka haana kuzokuwana
zvazomupa kuti gumbo rake rirasikire
nemumusha mangu "

Ndakaseka ndokubvunza ndichiti


"mai Lisa anoti akasungisa inini ?"
Hongu mushure mekunge akurova
mbama, ukabva wazomuzvambaradza.

Ndakawedzera kuseka ndokutaura


ndichiti
"anga achingoda kuti muvuye naye
chete sekuru. Mai Lisa haana kana
kumbobvira akandisungisa uyu.
Ichokwadi takambotadza kunzwanana
zvekusvika pakuisana mavoko , asi
zvakagumira pakati pedu hapana
watakavudza.
Takatozokumbirana ruregerero nyaya
yacho ikatopera saka kumapurisa
kwamuri kutaura ndekupi?"
Sekuru vakabvunza vachiti
"une chokwadi nezvauri kutaura here
Marombedze?"

"Hongu sekuru. Kungoti mudzimai


wangu akazvitakura munovaziva
vanatumbwa zvavanoita vanomboita
sevana vadiki. Ndine hurombo
nekufambiswa nguva dzino
musharukwa, chokwadi ndicho chekuti
handina kana kumapurisa
kwandakamboyendeswa"
Ndakazoyenda pana mai Lisa
ndokutaura ndichiti
"ko wadireiko kuyenda kundonyepa
kuna sekuru mudiwa wangu, unoda kuti
mukweguru abatwe ne stroke here ?"

Mai lisa vakaramba vakandizvondora


vasingapindure.
Ndakavachonya vakabva vazoti "sorry
Marombedze, ndanga ndakusuwai saka
ndafunga kuti mayenda kumusha ndizvo
zvazondipa kuyenda kuna sekuru. "

Aiwa ndanga ndambobuda na Lisa, inga


wani ndatosiya ka note kekuti
"tichanonoka kudzoka
musazotambudzika nekutitsvaka kana
mamuka"

"Handina kunge ndachivona , tsvariro


murume wangu" akadero

Munguva yese Nyamanza vakanga


vakanditarisa mumaziso chaizvo.
Ndakaziva kuti kungozama zvangu kuda
kuzvivanza asi mudhara wacho
haavharike zvekumhanya.

Vakatozotaura vachiti
"Ndinoti makorokoto nekuwedzera
mhuri Marombedze " vaidero
vachindikwazisa kuratidza kufarira
nyaya yenhumbu.

Ndakangonyemwerera ndichiti
"Tinokudza Ishe, vakavona
zvakakodzera kutipa imwe mhonzi"

Vazoti "ndinokumbirawo mundipe


pekurara, ndinoda kukurumidza
kuzorora.
Mota yandavuya nayo ndeyebasa ,
mangwana kune vanoda kusengerwa
mabhero ecotton kuyendesa ku market
kureva kuti ndichatobva pano kuseni"

"Munoda kurara musina kudya here


sekuru?" Ndakadero vakabva vati

"Pasvika mudzimai wako ndanga


ndabva mukudya saka handina kana
nzara"
"Kubva zvakanaka sekuru, mai Lisa
vonai kuti magadzirira musharukwa
pekurara"

"Zvakanakai Marombedze " vakadero


vachisimuka kuyenda kubedroom

Sekuru vakada kutaura asi mai lisa


vakabva vadzoka vakabata magumbezi
nguva yakare iyoyo zvekuti
ndakangosara ndichisekera
mudundundu kuti mutikitivha uyu anga
avharwa muromo.
Neniwo ndaisatove ready kupindura
mibvunzo yavo, saka mai Lisa vakanga
vandigonera.

Ndakanzwa mudiwa wangu oti " sekuru


morovera matama pano tomutsana
mangwana" akadero mushure mekunge
apedza kuwaridza

"Zvakanakai muzukuru ndinotenda"


vakadero sekuru

Inini ndikazoti
"ngatimutsanei mangwana Nyamanza"

"Zvakanakai Marombedze " vakadero


vava kukumura butsu dzavo.
Ndakazofamba ndakadungamidzana
nemudzimai wangu, tichingopinda
mubedroom akabva atanga
kuzvigonyesera ku corner
kwemubhedha.
Kutya kwaive kwakazara pahuso hwake ,
zvekuti ndakavona zvakanaka
kumuratidza kuti handina
kumbomutsamwira

Ndakaswedera pedyo naye ndokubva


ndataura ndichiti "ndakusuwa mukadzi
wangu"

Ipapo akasimuka ndokupfugama achiti


"i am sorry daddy nezvandakaita.
Chokwadi ndechekuti ndakakurirwa
nekutsamwa ndikabva ndaiita zvisiri
izvo. Mupfungwa ndaingofunga kuti
mava kutanga kundihurira saka
mandirovera Theresa." Ayidero
achisvimha.

Zvekuvona mukadzi wangu achichema


ndizvo zvandaisada saka ndakataura
ndichiti "zvakatodarika mambokadzi
ndinoziva yaisave mhosva yenyu.
Kudai Nyenye asina kufonera mapurisa
handifunge kuti mega maimboita
zvakadero "
"But still ndayifanira kumurambidza
daddy, panyaya iyi handina kodzero
yekupa umwe munhu mhosva ndini
ndakazvikanyira ndega"

Ndakamupukuta misodzi nemavoko


angu ndokubva ndanyatsomutarisa
mumaziso. Pachokwadi mukadzi wangu
ndaive ndamusuwa zvakanyanya.
Ndakatanga kumusvisvina muromo.
Handina kumbomupa romance
yakareba nokuti ndayinyatsovona kuti
tese tanga tasuwana.

Nenguva shoma takanga tava


kutosandurana, muromo nemuromo
zvichidyanana kuti amai vasazonyanya
ruzha. Ko corner randaive ndakabata
ndainyatsozviva ka kuti harina kumira
zvakanaka.
Pandakangoonzwa voshinyira
vachiwewedzera speed ndakabva
ndanzwa neniwo gotsi richioma.
Handina kuzombotora nguva ndakabva
ndaburitsa.
Handaikona nokuti mudzimai wangu
akanga ava kuwedzera kudziya.
Kamudziiro kacho ayikaita mazuva
aakabata nhumbu ya Lisa saka ndakava
nechokwadi kuti ndakagowesa.

Ndayive nemufaro kuti ndava kuzova


baba zvekare.
Ndakazopukuta mudiwa wangu
naiyewo , ndokubva andipukuta
ndokurara takanyatsombundirana.

Kuchiyedza ndakazosara kumuka iye


atomuka kare kugadzirira mwana
wechikoro.
Ndakashamisika achisvika masikati
asati agadzirira zvekubasa.

Ndakabvunza ndichiti
"asi nhasi hamuyende kubasa amai ?"

Akapindura achiti "kwete daddy,


ndafunga kusiya basa ndimbogara
pamba"

Achidero ndakafara kwazvo.


Ndakangoyerakana ndamumbundira
ndichiti thank you babe.
Zvawaita izvi wagona nekuti neniwo
next week ndiri ku"...."

Ndisina kupedzisa kutaura ndakavona


sekuru Nyamanza vakamira pamusuwo
vakatarisa kwataive.
Vaive vatopedza kugadzirira
vachiratidza kuti rwaive rwapfumba.
Kamutarisiro kavaive vakandiita
ndakaziva chete kuti vane zvavanoda
kutaura neni.
Munguva iyoyo ndataura ndichiti
"rwapfumba here musharukwa?"

"Rwapfumba muzukuru, kuva kwangu


kuno kudhorobha basa rese rinenge
rakatomira. Ndazovona kuti
handingamuke ndichitoyenda mungazoti
ndakuramwai"
Vakadero ndikabva ndati
"Matogona sekuru, taizoshaya kuti
makagumbukeiko chiregai
ndikubuditsei" ndaidero ndichitofamba.

Takavaperekedza tese kusvika kumota


namai Lisa asi vakazodzokera mumba
mushure mekunge vapedza kuonekana
nasekuru.

Munguva iyoyo sekuru vakazoti


"pinda mumota muzukuru , ndine
zvandinoda kutaura newe"

Mutauriro wavakaita ndakatoziva kuti


hakuna imwe chete, yaitove
yekuvanyepera kwandakaita.
Ndichipinda vakataura vachiti
"taurai neni Marombedze zvakafamba
sei?"

Ndakada kunyepedzera kunge


ndaisaziva zvavaibvunza vakabva vati
"musambozvizama zvenyu. Ndine
chokwadi chekuti mai Lisa vaisanyepa
pavaiti vaive vakakusungisai"

"Ichokwadi sekuru asi yaisave mhosva


yavo. Shamwari yavo ndiyo yakavafurira
, izvezvi zvandawana basa ndine
kuvimba kuti zvakaitika hazvife
zvakadzokorora zvekare "

Sekuru vakadzungudza musoro


ndokuzotaura vachiti
"Pamudzeyero wandakaita nyaya iyi ,
mudzimai wako haachavimbike
zvechose"

"Handifunge kudero sekuru, nokuti


pamwedzi dzese idzi ndiye ayimira
sababa zvinhu zvakaoma haana kana
kumbondisiya. Pane here
paangazotadza kuvimbika zvinhu zvava
pedyo kutambanuka kudai"
"Izvozvo ndinozvibvuma asi
kamufuririkiro kakaita mudzimai wako
aiwa haangatembeki .
Ndinoda kuti ugare wakaisa ziso rako
paari , kuti aregeregedze
kukurwadziswa"

"Munorevei sekuru handina kana


chandiri kunzwisisa, munoda kuti ndiise
ziso rangu chirudzii" ndakadero
ndichinzwa hana yangu kurova sezvo
ndayitoziva kuti musharukwa uyu
haawanzo kutaura nhando.

Havana zvavakazombotaura
zvakawanda vazongoti "chisarai
zvakanaka Marombedze, ndinovimba
manzwa zvandareva.
Mukadzi ndewenyu, asi chizogarai
makaisa ziso renyu paari kuti muvone
nzira dzaari kufamba"

Ndinotenda sekuru fambai zvakanaka,


mangowanikwa muzukuru akatsva
ndingadai ndakupaiwo yemafuta

Ndakadero vakaseka vachiti


"zvichanaka, chandafarira ndechekuti
wawana basa chizorichengetedza
kuwanewo kuronga zvipenyu"
"Ndizvozvo sekuru" ndakadero
ndichiburuka sezvo vaive vava kumutsa
rori yavo kuti vayende.

Vachiyenda ndakazama kufungisisa


mashoko a sekuru, ndikashaya shumo
yawo nekuti mudzimai wangu
ndinomuvimba.
Munhu wandakawanikwa asina kana
kumboziva murume, aive mhandara
yakakwana zvekuti zvakandinetsa kuti
"anozotadza kuvimbika aita sei
chaizvo?"
Ndakazvivudza kuti "Mashoko ana
sorojena haasi ekunyanya kudzeya saka
ndakazvibvisa mupfungwa ndokufamba
ndichiyenda kwaive na maimwana"

Ndichingosvika chete vakandibvunza


mubvunzo wandaive ndisina kana
kumbotarisira wekuti "ndakanzwa kuti
murikutsvakirwa basa na Mr
Mashingaidze mava papi baba Lisa?"

Mubvunzo uyu ndaive ndisina


kuutarisira, zvachose sezvo ndaida
kumuvudza ndega saka ndakapindura
ndichiti
"...."

iye ndokuti "...."

End of chapter 13

Stay tuned

*CHIREMWAREMWA*
https://whatsapp.com/channel/0029Va
Fhlo91CYoJTe70A63O

Munhu wese achaverenga book iri


ndokumbirawo muite follow pa link
channel redu.

https://chat.whatsapp.com/F6F58ZwzX
OPBPXbuQ3m44S
what's App group

Story by

mªi *£ex*
№ +27 ⁶⁵ ⁸⁴⁰ ⁷¹⁰³

Edited by *Opha*

№ *+27 748695086*

📘 Book ¹⁴

Chapter *14*

MAI MAROMBEDZE
Semunhu akakura achirarama upenyu
hwakaoma nekuda kwekurerwa pasina
vabereki ndakazvivudza kuti
"upenyu hwekudya nhoko dzezvironda
hahwungave hwangu"

Ndiyo yeimwe nyaya yaindipa kuti


nditsungirire kubasa kwangu.
Pakavuya sekuru Nyamanza , baba Lisa
vakamira neni zvakaita kuti ndichiitawo
zvavanoda chero hazvo moyo
wairwadza kusiya basa.
Ndainyatsoziva kuti takanga tasara
zvishoma kuti gore ripere , murungu
wedu akanga akativimbisa kutitutsira
muhoro yedu nemadhora akati wandei.
Haiwa kungofunga zvese izvozvo
ndainzwa moyo wangu kuyenda kure,
kunzwa dundundu richirema chaiko.

Baba Lisa vachidzoka kundoperekedza


sekuru ndakavabvunza nyaya yekubasa
randaive ndakanzwa kuti vari
kutsvakirwa na VaMashingaidze.
Vakapindura vachiti
"sezvaunoziva ndaive kujere , unoti
basa racho ranga raita nenguvai?"
Vakabvunza vakanyatsonditarisa
mumaziso kunge vaida kunzwisisa
paive nenjere dzangu.

Ndakanzwa kuzvinyarira zvekuti


ndakataura ndichiti
"ruregerero bamwana, handizive kuti
ndanga ndichifungei kukubvunzai
mubvunzo nhando uyu"

"It's okay maimwana, handei


timbondotamba tipedze chisuwo chese
" vakadero vachida kundisimudza.

The fact yekuti ndainyatsofunga kuti


tese zvatakagara kana mwedzi ukapera
landlord ndichamupei ndakanzwa
kusatomboda zvese zvekubatwa batwa
asi kuti ndirambe hazvaiita nekuti
ndaisada kutsamwisa murume wangu.

Ndakataura ndichiti
"don't worry ndinofamba ndega "
ndayidero ndichitofamba kupinda
musikiro medu.

Marombedze vakatanga kutamba neni


asi ma feelings haana kana kumbouya,
zvekuti chero nguva yebonde harina
kumbondinakira zvachose.
Pavakavona kuti vapedza inini ndisina
vakabva vatanga kuda kuimutsidziramo.
Payakanga yava kuda kutanga kumuka
ndakatokurumidza kubvunza mubvunzo
wekuti
"Saka ivo VaMashingaidze havanawo
kana mamwe ma piece job ekukupai
here ?"

Chiriporityo ndakanzwa ichiti forototo


kunge vhiri rapera mweya.
Vakakurumidza kubva pamusoro pangu
ndokubva vapfeka boxer ravo vachiti
"Pane zviri kunyanya kushota mumba
here mai Lisa parizvino ?" Vakabvunza
vachiratidza kusava nemufaro pachiso
chavo.
"Kwete daddy, kungoti ndasiya basa
saka ndiri kufunga kuti tichararama sei
kana tese takagara kudai" Ndakapindura

Vakati
"zvese zvichanaka mudzimai wangu ,
vimba neni murume wako"

"Kuti kudero here?" Ndakadero

Vakabva vati "hongu.


Kwatakabva ndiko kwaive kumukwidza ,
kwatava kuyenda kwangova kumadenu
uku"

"Dai zvakadero" ndakazodero


ndichitozvipfinyira mumagumbezi sezvo
ndaingonzwa kuneta.
Handina kuzombovona kuti hope
dzakandishanyira nguvai ,
ndakazotongonzwa inzwi ra baba Lisa
richiti

"Mukai mambokadzi, munoda kufira


kuhope here?"
Ndakatarisa nguva ndikavona atove
masikati chaiwo, apa mudumbu mangu
maikuma nzara.

Rombo rakanaka baba Lisa vakanga


vatopedzawo kubika, nekuti munguva
yavakandimutsa vaive vakatobata tray
yaive nechikafu.

Handina kumboda kutambisa nguva


ndakabva ndadya, pamwechete
nemurume.
Tichipedza baba Lisa vakandiburitsira
dress ndokutaura vachiti "pfekai iri
timbosvika kuchipatara maimwana"
"Ko hindava , marwara here
Marombedze?" Ndakabvunza

Vakati "kwete amai, asi kuti ndine


kakufungira kuti munenge makatsika
mwedzi saka ndinoda kuti tinova
nechokwadi "

"Aiwa zvakanaka.
Neniwo mazuva ano ndiri kungonzwa
kuneta neta chaiko, ii dai zvarega
kudero"
ndakataura ndichitosimuka pandaive
ndakagara ndokubva ndatambira dress
randaitambidzwa ndokuriisa pabed
pakare ndokumbomhanya kuno geza
mdakangoita mugezagwenhure sezvo
ndaisada kunonoka kundonzwisisa
nezvekurukutika kwenyama dzangu
kwachiremba.

Munguva isina kufanira ndainge


ndapedza tichibva Tazotanga kufamba
tichiyenda kuchipatara, tichisvika
ndakaitwa ma tests zveshuwa
ndikawanikwa kuti ndakazvitakura.
Murume wangu akafara kwazvo , asi
inini ndakanzwa kusurukirwa kukuru.
Vana vanodiwa hongu, asi kwete
kuzvarira mwana munhamo.
Monalisa chaiye taitadza kumuwanira
zvinokwana, kuzoti aizovuya wacho
taizotangira papi nhai.

Ndakavona ndaita amai benzi chaivo,


zvakatondipa kufundumwara.
Tiri munzira kudzokera kumba baba Lisa
ndivo vaitaura inini ndakanyarara.

Vakazosvika pakundimisa ndokubva


vakabvunza vachiti
"hamusi kufara here mai mwana kuti
tava kuzova neumwe mwana ?"
"Chinofadza handichivone zvangu "
Ndakapindura

Vakati "ko hindava?"

Handina kupindura ndakatanga


kutofamba, ivo ndokuzotevera
kumashure.

Munguva yatakanga tava kupfuura


nepabasa pedu ndakavona zvakanaka
kutaura na boss vangu kuitira kana
zvaizooma vazokwanisa kunditora
zvekare pabasa.
Kuti nditaure navo pasina mvumo ya
baba Lisa ndakavona kuti ndinogona
kudzimura mufaro wavo saka
ndakasarudza kutaura navo kutanga.

"Ko wamirirei?" Vakabvunza

Ndikati "ndanga ndichikumbirawo


kundotaura na boss vangu ndivaudze
nezvekusiya basa kwangu pamwe
vangandipawo yemazuva mashoma
andakashanda ." Ndakadero ndisingade
kuvaudza main reason chaiyo yaindipa
kunooneka kubasa
Baba Lisa vakati
"hapana chakaipa mai mwana ,
ndinogona kuyenda nemi " vakadero

Ndikati
" kwete ndinokumbirawo mundimirire
kunze kuno ndinoda ndinotaura na boss
vangu pangu ndega"

"Zvinozoita kunge tisiri kuwirirana babe


nekuti vanounoshanda navo vatotivona
hande tese" vakadero

Handina kuzoramba ndichida kupikisana


navo sezvo ndaivona vana Nyenge
vakatarisa kwataive.
Takazofamba kupinda mu office ya
boss ndokubva ndikataura navo.

Takatanga nekukwazisana ndokubva


ndazoti
"Ndavuya kuzokuzivisai kuti ndava
kumbomira basa murungu"

"Kusiya basa ?" Vakabvunza

Ndikabva ndati
"hongu.
Muchindivona ndakadai ndakazvitakura
saka nhumbu irikumbopota
ichindirwarisa ndosaka ndasarudza
kumbosiya zvekushanda.
Ndichazodzoka kana ndabetserwa
ndokunge hwuri upenyu"

"Maita chinhu chakanaka chaizvo


kundizivisa.
Neniwo ndiri munhu wemukadzi
ndinonzwisisa. Endai mumbondozorora
mwana awane kukura zvakanaka,
ndichawana wandinoisa pachinzvimbo
chenyu. Kana mongonzwa kuti masimba
mava kuda kudzoka , ndinokuwanirai
rimwe rekuita. " vaidero
vachinyemwerera.

Ndakanga ndisina kushanda mazuva


akawanda pamwedzi uyu, asi
vakasarudza kundipa mari yemwedzi
wese yakaperera ndokutaura vachiti
"handina kana chisvoro pamushandire
wamayiita , saka ndavona zvakanaka
kukupai mari yemwedzi"

Ndakabata muromo ndichishamisika.


Chero Marombedze vakandibetsera
kutenda.

Boss vakazobuda nesu panze


ndokuyenda nesu kwaive nevasikana.
Ndakavona vamwe vese vachiisa ziso
kuna Marombedze kusara kwa Nyenge
chete.

Varaidzo ndiye akatanga kumhoresa


baba Lisa achiti "Marombedze murisei?"
ayidero achitarisa nechepakati pe trouse
ravo. Achinhanzvira muromo kunge
munhu asina dzakakwana.

"Ndinosimba muriseiwo?" Vakapindura


vachitarisa kudivi.

Akati "bho zvangu"


Vamwe vasikana vese vakayenderana
kuti
"Zvirisei sei sei Marombedze ?"
Vaivamhoresa vachivambundira.

Ndakavona baba Lisa vachinditarisa


zviya zvekuratidza kushamisika ne
behavior yakanga yaitwa ne girls.

Neniwo ndakatoshaya kuti chirudzii.


Ndakazongoti sevana vakakurira
mudhorobha handifanire kuzviisa
mumusoro.
Theresa ndiye akazoti
"baba Marombedze makadini?" Ayidero
achitofamba kuyenda.

Ndakavona baba Lisa vachiramba


vakamutarisa , handizive sei vakaramba
vakamuyeva kudero.
Chero nguva yekumupindura havana
kuiwana , nekuti akanga atova busy
nebasa rake.

Vakazodzosa maziso pakakosorwa na


boss , avo vakataura vachiti "vasikana
ndavuya kuzokuzivisai kuti amai
Marombedze vava kumboyenda
kundozorora , vachadzoka kana
vachinge vasununguka nhumbu yavo"

Munguva iyoyo ndipo pakazotaura


Nyenge sezvo aive asina kana zvainge
ataura kubva tichisvika.
Ndakamunzwa achiti
"makorokoto mai Mai Marombedze
inga makadiwa nedenga chokwadi,
mava kutoita mwana wepiri vamwe
tisina kana umwe chete "
"Akangovuyawo ndisina nekufungira
asikana, asi handisi zvangu kushoora
ndinoda kungotenda Mwari nazvo"
ndakadero ndichinyemwerera

Akabva ati
"Aiwa tendai Mwari akakupai murume
chaiye " akadero achinyemwerera
achiratidza kusambova nedaka neni.
Akazoyenda paive na baba Lisa
ndokutaura achiti
"Congratulations Mr Marombedze,
ndinokumbirawo muzondichengetera
sahwira wangu." ayidero achitoyenda
kwaive kwayenda Theresa.
Nekuziva kwandinoita Nyenge
ndakatoshamisika, kuti kungoyenda
asina zvizhinji zvaataura Nyenge chaiye.
Ndakaramba ndakatarisa kwaaive
ndichinzwa ka moyo kurwadza.
Pachokwadi ndakanga ndatomusuwa,
chero hug chaiyo akanga asina
kumbondipa kuratidza kuti kubva
zvandakamuudza kuti ambosuduruka
pandiri akanga akazvigamuchira"

Ndichakamutarisa Varaidzo ndiye


akabvunza achiti "why mabva
mamuyeva kudero, nhai mai
Marombedze mamusuwa here sahwira
wenyu?"

Ndakangonyepedzera kunyemwerera
ndokuti "ndingasuwa munhu wandiri
kuvona here?"

"Zvamava kundogara makavharirwa na


Marombedze aiwa muchamusuwa
zvenyu chipangamazano wenyu uyu"
akadero Varaidzo achiseka.

Boss ndivo vakazomutsiura vachiti


" Iwe Vairaidzo chimbosiya mai
Marombedze uyite zvebasa
wakanyanya kuvhengedzeka chaizvo"

"Sorry boss" akadero ava kundobatana


nevamwe pandima.

Inini nababa Lisa takazoonekana na


boss ndokubva tatanga kufamba
tichiyenda kumba.
Tichisvika takawana Lisa adzoka kubva
kuchikoro.

Achitivona akamhanyira baba vake


ndokubva ati "maswera baba ?"
"Ndakaswera zvangu mwanawangu ,
waswera sei?" Vakapindura

Akabva ati "ndaswera, ndanga


ndatokusuwai chaizvo" ayidero
achinyemwerera.

Akazonditarisa ndokubva asunga chiso,


haana kuzoramba akamira akatanga
kufamba achitoyenda ku room kwake
asina kutaura neni.

Ndakaita zvekumusheedzera ndichiti


"unoreva kuti hausi kundivona here
Lisa?"

Akanditarisa kubva kumusoro kusvika


kutsoka, zvaanga amboita rungwanani
ndikati kuda achadzoka kuchikoro
achinja.

Achipedza kunditarisa achafinyamisa


kumeso ndokuramba achifamba.
Ndakataura ndichiti
"ndiri kutaura newe Lisa"

" sorry mom, maziso angu arikusosona


handisi kunyatsoona"
aidaro achifuratira zvekuratidza kusada
kuŕamba achitaura neni.

Ka behavior kake handina kana


kukafarira, ndakavona zvakanaka
kumbomuratidza kuti ndiri amai vake
saka ndakamusiiya achiyenda ku
bedroom ndokubva ndabuda panze.

Ndakavhuna kamushamhu
kanoyenderana naye ndokudzokera
mukati.
Ndakataimira baba vake vari
kubedroom ndokubva ndamuvingira.
Ndichisvika ndakataura ndichiti
"urikuzama kuita sei Lisa, sarinhi iwewe
uchitadza kundimhoresa kana
wandivona"

Akaramba akanyarara asi akanditarisa.


Kunyarara kwaakaita kwandipa hasha
zvekuti ndakabva ndatanga kumurova,
kusvika mushamhu wavhunika.

Ndichimurova haana kuchema, asi


ayiratidza kuti airwadziwa kwazvo.
Paakavona ndamira
Akataura mashoko ekuti
"kutanga makararisa baba vangu kujere,
nhasi uno mandirova neshamu chenjerai
kuti ndichakubvisai pamoyo pangu
amai ndirikukuverengerai mazuva enyu.
Chii chaizvo chandakutadzirai zvekuti
mungasvika pakundirova zvakadai ?"
Ayidero achitomhanya kuyenda kuna
baba vake.

Handina kusara mumba ndakabva


ndamuteera.

Achisvika akasvika akambundira baba


vake ndokubva atanga kuridza rimwe
zimhere randanga ndisina kana
kutarisira.
Munguva yaaichema baba Lisa
vakabvunza vachiti "aita sei mwana
,mai Lisa?"

Handina kupindura ndakaramba


ndakanyarara, iye Lisa ndokubva ataura
achiti "vandirova"

"She did what...?" Vakabvunza


vakatsvukisa maziso kuratidza
kutsamwa.
Inini ndakabva ndazotaura ndichti "...."

End of chapter 14

Stay tuned for 15 today ndinounza after


work.

Mazuva ano ndiri busy saka ndiri


kunyora pandawanira mukana musarasa
tariro.
*CHIREMWAREMWA*
https://whatsapp.com/channel/0029Va
Fhlo91CYoJTe70A63O

Munhu wese achaverenga book iri


ndokumbirawo muite follow pa link
channel redu.

https://chat.whatsapp.com/F6F58ZwzX
OPBPXbuQ3m44S
what's App group

Story by

mªi *£ex*

№ +27 ⁶⁵ ⁸⁴⁰ ⁷¹⁰³

Edited by *Opha*

№ *+27 748695086*

📘 Book ¹⁴
Chapter *15*

*NYENGE*

Ndakanzwa hana yangu kutibvura


ndichinzwa murungu achitaura nyaya
yekuti mai Marombedze vavakusiya
basa nekuti vakazvitakura.
Chivona huso hwaivo Marombedze
vacho.
Hwaive hwakaita kunyevenuka zvekuti
ndega ndakanyatsovona kuti murume
mukuru arikufara.
Vaisamboratidza kutsamwira Laiza
zvachose"

Semunhu akangwarira handina zvangu


kuda kuzviratidza, kuti ndine daka
nevaviri ava.
Ndakangotaurawo maviri ndokubva
ndatanga kufamba ndichiyenda.
Vakazosara voonekana naboss inini
ndava kunyepedzera kuva busy asi
moyo uchitsva.
Vachingoyenda ndakazvivhunza kuti
"kana mai Marombedze vava
kutoshandira mwana wepiri inini ndisina
kana umwechete zvinozama kurevei
chaizvo.
Kureva kuti ndakanga ndava
kutokundwa na Laiza ka apa.
Zvese ndakazama kuti asungise
murume wake vatadze kuwirirana asi
hazvina kushanda kwazvakaita.
Vaviri ava vaitoratidza kuti rudo rwavo
rwurikunyatsobvira kutodarika
pakutanga"
Ndakavona zvakanaka kumbosiyana
navo, ndimbo focuser nehupenyu
hwangu ndaizovaona pamberi
ndanyatsoronga.
Pachokwadi mwana ndakanga ndava
kutomudawo.
Pandaive ndakaroorwa nemurume
wangu, ndaimwa mapiritsi nokuti
ndayisada kubata nhumbu.

Ikozvino ndava nemakore 33


ekuberekwa handina kana mwana.
Chero nhumbu zvayo handina
kumbobvira ndakayitakura, aiwa
ndayitofanira kuita plan kuti ndinziwo
amai.
Munhu umwechete wandakatanga
kufunga nezvake ndi Clive ndaiziva kuti
aigona kungondibetsera pane
zvandayida.
Chandakanzwisisa Clive anondida asi
akavenga zvandinoita.

Kungofunga nezvake ndakatora foni


yangu ndokubva ndika unblocker
number dzake.
Ndakayenda ku what's App ndokubva
ndikatanga kuto typer
"hi Clive ?"
"Unodei Nyenge?" Ndowakava
mubvunzo wake wekutanga.

"Ndinokumbirawo usvike kumba


kwangu nhasi kana wakasununguka,
ndine zvandinoda kutaura newe"
ndakadero.

Haana kupindura asi ayitove online


zvake.

Ndakatanga kushanda ndakamirira


mhinduro asi hayina kuiswa kusvikawo
tatochaisa.
Kuti ndirambe ndichingomuisira ma
message zvayisaita, saka
ndakangosiyana naye.

Ndakazvivudza kuti
"kana ayizoramba kuvuya ndaizobvuma
pane vaindinyenga mu group rema
singles and searching randaive.
Kungoti inini ndichiri mutano ndinotya
chirwere ndosaka zvangu
ndisingangobvume kudanana nemunhu
wese wese.
Ndichisvika kumba ndakanyatsopinda
mu shower kugeza , sezvo ndayida
kuzombowana nguva yekuisa make up
kuti ndigozvirota ma pictures
ekutumira mugroup.
Kusatopindura kwa Clive handi
ayitoratidza kuti aive asingade kuvuya.
Ndaida kutotsvaka zvitsva
nekukurumidza, kuredzva nguva ndiko
kwandaisada.

Ndichizobuda mu shower ndapedza


kugeza ndaive ndakamonera towel.
Ndakarohwa nehana ndichivona Clive
akagara pabed munguva
yakandakapinda muimba yangu
yekurara.

Ndaka sticker ndokuramba ndakamira ,


iye akabva ati "ndeip ?"

"Urikudeiko muno unondirovesa nehana


mhani ! " Ndakadero ndichitaurira
pamusoro

Iye akabva ati


"hawusi iwewe wati ndisvike here ?"

Ndini hanguzve asi handina kumbobvira


ndati ururame mu bedroom mangu.
"As you can see ndatopinda, wanga
uchindisheedzerei taura tinzwe nyaya
yako?" Akadero

Ndikati
"Ndinotaura newe ndisina kupfeka
mbatya unovona zvichibuda here
izvozvo ?" Ndakabvunza akati

"Pfeka ka nhai , ko pane chinoshamisira


here pauri ?" Akadero
Haa Clive pamuromo paisapera

"Chinoshamisira chiripo, body yangu


iyeyi inotoshamisa kuti uyivone ndisina
kupfeka" ndakadero akabva aseka achiti

"Iyo poto isina mubato iyoyo ndiyo


yaungatoda kushamisa nayo ?" Akadero
akandisvorera

"Handisi kuda zvekunetsana newe Clive


" ndakadero

Akati
"kungokuvonesa kuti iwewe hauna kana
basa.
Chero ukatozumbura mbatya dzese
ukamira apa urichiberekerwo
handimbonzwe moyo nokuti , kutanga
hauna kushambidzika.
Zvekare unogona uchitove nenjovhera
hautembeki zvako"

Ndakayerekana ndaseka, ndakatovona


kuti kutsamwira benzi kutamba nenguva.

Iye akabva asekawo ndokuti


"what's so funny?"

"Wavona ndakakodzera kuita zvirwere


zvepabonde zvekuti
ndingangokupomera here?"
"Iwewe hautembeki zvako ndochokwadi,
kutaura kuno ndakatorohwa nenyere asi
chero ukanditi ohh handibate nokuti
handina butiro nhasi" akadero

Ndikati
"Une chokwadi nazvo?"

"100%" akapindura

"Ndakunzwai tembo" ndakadero


ndichiseka ndokubva ndikatanga
kuzora mafuta.
Pandakakumura tauro
ndakanyatsokotamira kwaari, ndikavona
ava kumana pakati pemakumbo.
Ndakasekera mudumbu ndokuramba
ndichingokotama ndayida kumuwachisa
chete.

Ndakavona achisimuka paaive akagara,


kungwarisa kwese kwakanga kwapera
zvino ziso rachitsvuka kuti piro
musatamba nenyere zve imi.
Ndega ndainyatsoona kuti mukomana
arohwa nechikara.
Akasvika achinditi dzvi-i muchivunu
ndokutanga kutondifemera muhuro.
Paakada kundiradzika pa bed, ndakabva
ndamusundira kure ndokutaura ndichiti
"ani waunoda kuzadza zvindakwenya
zvako?"

"Handirware mhani Nyenge chiiko newe


?" Akadero ava kuwedzera kufemera
pamusoro.
Ayiratidza kukundikana kuzvidzora.

"Siyana neni Clive.


Zvimwe zvese ndingaita asi kwete
zvekurara nemunhu wandisingazive
health status yake kangamwa zvako
mwanakomana " ndakadero
Akabva ati
"babe please usandidero ndaparara.
Kutaura kuno ndiri kunzwa kupera
simba mumuviri, ndipowo ndingoisa
muzvidya ndiwane kurasa mbeu
ndirerukirwe"

"Handitambe ndichidero.
Kubva ndichibuda mudumbu raamai
vangu ndiri mutano, now ndava ne 33yrs
handirware ndozotanga kurwariswa
newe aiwa handibate kuita hutsvina
hwakadero " ndakataura kudero
ndichitopfeka mbatya dzangu.
Ndichipedza akandibata ruvoko
ndokutaura kuti "handei"

"Kupi kwaunoda kuyenda neni ?"


Ndakabvunza

Akati iwewe nditevere chete.

Ndakamutevera kusvika tasvika kwaive


asiya mota yake.
"Pinda mukati tiyende" akadero
achitondivhurira door

Handina kudakubvunza zvakawanda


ndakangopinda ndokubva ayimutsa
mota zvemufirimu.

"Una doctor here waunoziva ,


watingakwanisa kuwana nguva dzino?"
Akabvunza munguva yatakanga tava
kutopinda mu town

" D.R Shava vanowanikwa chero nguva,


unovadini dhokotera?" Ndakabvunza

Akati
"kuti tiitwe ma tests ka ugutsikane ,
handi urikundivharira kunze here "
Achidero ndakava nemufaro, nekuti inini
ndaitodawo yakadero kuti ndizokwanisa
kuita nhumbu.
Zvekucharamba ndichakundwa na
Laiza ndakanga ndisisade.

Ndakazomupa ma directions kusvika


tasvika kwa doctor shava.
Tichisvika Clive ndiye akataura
chifambirwa chedu kuti
"tinoda kuitwa matests ezvirwere zvepa
bonde."

Akavudzwa mari yacho yaidikamwa


akabva abhadhara.
Achipedza takatangwa neku STIs ,
ndokuzoongororwa ropa aiwa takava
nemufaro wakapetwa ma results
achibuda achitaura kuti tese takachena.

Ndakavona Clive achindirova rova


chipfuva, ndokuzotaura achiti
"saka unotovawo mutano nhai?"

"Kwana Clive , saka wanga uchiti


ndinonyepa here kuti ndiri mutano.
Inini ndatoshamisika newe nechi body
chako icho ndaifunga kuti zvimwe
kusimbiswa nema Arv ka inini "
ndakadero ndava kuseka.
Clive akabva ati
"ibvapo, handirove mupositori pese pese
ka inini" ayidero achindibata ruvoko.

Takatenda Doctor ndokubva tazoyenda


ku mota. Akambopinda neni
mumashops akataura achiti "tora
zvaunoshota kumba , asi usazonyanya
kunhonga zvakawanda otherwise
unobhadhara wega"

"Chiiko iwe nepane vanhu?" Ndakadero

Akaseka achiti
"ndokuziva zvee iwewe hauna kana
matyira unogona kungosenga shop yese.
Kushanda kunorwadza uku mari
hayinhongwe"

Clive ndiye munhu ainyatsondivonera


character yangu, zvekuti ndayitadza
kunzwisisa kuti nekundizivira minyati
yangu yese sei achiramba achibvuma
kuva neni.
Ndakazongonhonga zvishoma
ndokubva ndazvibhadharira.

"Inga ndati ndobhadhara wani nhai


VaManyoni ?" Akadero
Ndikati
"ndichibhadharirwa kuti inini handina
mari here ?"

Ndakavona achishama muromo zviya


zvekushamisika.
Kuda aifunga kuti ndichimusheedza kuti
tidzokerane ndinoda mari yake.
Chandaida kupiwa inhumbu chete, chero
aizoda kundiroora ndayitobvuma ko
handi kuna Marombedze kwakanga
kusisina chimuko here.
Takazoyenda kumba, tichisvika ndisati
ndambogadzika zvinhu pasi munhu
akanga akatondinyamura
ndokundiradzika pa sofa zvekuti
ndakazoita zvekungodonhedza zvinhu
zvacho lucky hapana zvaipwanyika
zvapo.

"Hey, Clive chimbondisiya mhani"


ndakadero apa akanga atova mandiri
nechekare.
Chero mbatya haana kana
kumbondikumura, akangoita
dzekudzikisa ndokubva atotanga basa.

Ndichitori mukuda kuterera kurikuyenda


nyesvu yacho ndakanzwa zimunhu
rotogomera.
Ahh ndakaridza chikwee , zvivanhu
zvidhafu chiiko veduwe.

"Haiwa Clive akandityora mbabvu


chemusi uyu"

Achiburuka ndakataura ndichiti


"nekutaurisa kwako kuya ndozvauri
izvi?"

"Ko ndaita sei?" Akabvuna akatsikitsira


achiratidza kunyara
Ndakabva ndati
"chero a minute handifunge kuti
wakwanisa zve inini apa".

"Kutaurisa ndokuneiko vana Nyenge,


ndikanyatsokupina mupfanha
unosheedza amai iwewe" akadero

Ndikati
"aiwa nezvandavona apa handifunge
kudero"

Akazoti
"The fact yekungoti ndiri kurova
pandinonyatsoziva kuti pakachena ndiyo
yandipa kuti ndinakirwe nekuti njere
dzanga dziri panzvimbo.
Plus ndanga ndagarisa shaa handaikona,
uye newevo ka tightness karipo.
Kuzvichengetedza here kana kuti
wageza nemvura yemu fridge kuti
kudzokedzane nekuti zvimubato hakuna
zveuku, ndayizoti pamwe ndizvo zvanga
zvichiita basa"

"Zvinokosheiko izvo zvimubato


zvawanguva wabvirira , kubva
uchisvika?" Ndakabvunza
Akati "kuti nzeve ndiko kuti amai kaa.
Zvinhu zviya zvinokosha kubata
mukomana kuti asabuda, uye chero
shape inovako.
Kwete kuita kunge kwemwana
mucheche, chida nezuda rawakazoisa iri,
aiwa kuita kunge kamwana kakasimba
kasina zvakati kaziva"

"Haa siya pamuromo iwe , zvawapinza


ka dora kako wambovona kachibuda
here ?" Ndakadero akabva ati

"Haudero wava kundinyanyira here


babe?" Ayidero achinyemwerera

Ndikabva ndati "ko iwe wandibvira zvino


here, rinonaka richakweva rimwe ka ?"
Ndakadero ndichiseka

"Okay wahwina ngaichepera" ayidero


achindiswededza pedyo naye.

Akazotaura achiti
"do you know i love you Nyenge?"
Akadero akarova ma serious

Ndakataura ndichiti
"unoda munhu here iwewe Clive, kana
kuti kungonakirwa nekutaura manzwi?"

Akabva ati
"hongu ndinotokuda nemoyo wangu
wese.
Kungoti une kahunhu kandisingafarire
chete ndosaka chero pawakati ndisiyane
newe ndisina zvangu kuda
kukunyengerera asi mumoyo
ndayitotsva"

Ndakamutarisa ndikabva ndavona kuti


"zvedi Clive ayisashoreka, munguva
iyoyo ndakatanga ku developer twuma
feelings.
Ndakanzwa muviri wangu kuti zhwarara
paakanga ava kutanga kutamba neni"

Akazoti anyanyodikitira saka anoda


kutanga ambogeza.
Ndakayenda ndikandogeza naye,
tichidzoka mubedroom, akandiradzika
nemusana ndokubva andivhura
makumbo.
Akatanga kutamba nedumbu rangu
achimborikisa kisa, chiriporityo
ndokuzongo....
apa ndisina kana kumbozvifungira.

Haiwa ndakashama muromo kunge


gwaya , ndokunzwa gotsi richioma kuti
papata.
Aiwa vuyaiwo mufare neni handigone
nemufaro zuva ranhasi.
Ndiniwo here Chiremwaremwa
ndarangarirwa.

End of chapter 15
Stay tuned

😀😀 Chaitweiko Chiremwaremwa
chedu anhuwoye

*CHIREMWAREMWA*
https://whatsapp.com/channel/0029Va
Fhlo91CYoJTe70A63O
Munhu wese achaverenga book iri
ndokumbirawo muite follow pa link
channel redu.

https://chat.whatsapp.com/F6F58ZwzX
OPBPXbuQ3m44S
what's App group

Story by

mªi *£ex*

№ +27 ⁶⁵ ⁸⁴⁰ ⁷¹⁰³


📘 Book ¹⁴

Not edit today, saka pese pane ma


mistakes ndokumbirawo mugadzirise

Chapter *16*

*NYENGE*
Regai Laiza aive oita kunge dzisina
kukwana kungowawata nyaya dzake.
Aiwa ndakanzwisisa nyaya yacho
pandakanzwa kupunani kuchidziya
mushure mekunge Clive aisa rurimi.
Ndakatanga ndichimboshama muromo
ndakazvaura maziso , teverere
kushinyira.
Ndakambozama kunyarara asi
ndakakundikana , ndakapedzisira ndava
kuridza mhere yekunakirwa.

Ndaisamboziva kuti rurimi rwega


rwunogona kukusvitsa kure ka inini.
Chemusi uyu ndakanakirwa nebonde
zvandisati ndakamboita muupenyu.

Paakazopinda akanga ava


kungopedzisa, zvekuti handina
kumbotora nguva ndakabva
ndatogwinha.
Ndakatanga kuisa rurimi rwangu
munzeve dzake kuti naiye asatora nguva
akabva apedza.

Achiburuka ndakamumbundira
ndokutaura ndichiti "thank you so much
mu smile keeper , wandipa mufaro"
"It's okay babe, ndinonzwa kufara kuti
ndakugonera. Ndine hurombo kuti
handinawo mudziyo muhombe
ndingadai ndakusvitsa chaipo chaipo"
akadero achiratidza kusurukirwa

Nyaya yechimugoti chake chidiki


yairatidza kuti yaimushungurudza
kwazvo.
Ndakaswedera pedyo naye ndokubva
ndataura ndichiti
"usazvidya moyo mudiwa wangu hayisi
mhosva yako ndinongokuda wakadero"
Akadzungudza musoro ndokutaura
achiti
"ndakambozama kupinda muma
relationship akasiyana siyana
ndichingovimbiswa zvimwechete asi
kumagumo ndaizovona kuti , kwandiri
vanenge vachida mari chete votsvaka
vanonyatsondovagutsa vovabhadhara
nemari yangu iyoyo. Nyaya iyi inondidya
moyo zvekuti ndanga ndatova
nemwedzi dzakawanda ndisina
wandinofambidzana naye , kutotya
kurwadziswa chaiko. Ugovona handina
zvangu kuzvarwa ndakadai,
zvakangotanga pandakatanga kusimba"
Aiwa inini handidero zvangu.
Ichokwadi kuti ndajaira muzera wakati
kurei , saka ndichazama nepandinogona
napo kuti uvewo murume pane vamwe
varume.

"Ndinotya kumwa mishonga Nyenge


ndiro dambudziko" akadero

Ndikati "don't worry ndichatsvaka


zvimwe zvisinei nemushonga ,
ndichakuvudza kana ndazviwana. "
Ndaidero ndichimupa ka tsvodi.

Ndakazotaura ndichiti
"thank you so much nekundidya
kupunani, yaingove shuviro yangu
zvekuti ndanyatsonakirwa"

Akanyemwerera ndokuti "shuwa here


babe?"

"Chokwadi bae, ndanyatsokunzwa kuti


zvakanaka kuva Tembo"

Aiwa kudya handina dambudziko


zvangu especially ndikava nechokwadi
kuti hakuna umwe munhu arikupindapo.
Zvekare uri smart hauna bvudzi uye
kugeza unokugeza hakuna kana smell
inobuda.

Ndichinzwa kurumbidzwa ndakava


nemufaro. Handisi munhu ane
hutsanana hwakanyaya , asi
ndakazvivudza kuti for Clive
ndicharamba ndakashambidzika kuti
arambe achichizondidya.

Akazooneka ndokuyenda , inini


ndakasara ndine nyemwerero pamoyo
pangu.
Ndakayenda mugrup rema singles
ndokukumbira link rana amai.

Ndakanga ndisingade ma advices


kubva kuvanhu vandoziva nokuti
ndaisavimba nemunhu zvachose.
Ko Clive ane mari zvee , kuzovudza
vana Varaidzo kuti mukomana wangu
anoda munhu ane nzeve apa inini
handina ayigona kungotorwa
ndikazviruza.

Ndakapiwa link raive rakanzi "mukadzi


wa nhasi"

Ndichingopiwa chete ndakaita left rema


singles ko ndanga ndicharidini zvangu.
Nganga ndafunga kunyatso kuva settled
ndimboita zva Clive.

Varume veku grup randakabuda


vakambozama nepavanogona napo
kuda kundinyengerera asi ndakavaudza
kuti "ndakaroorwa handichakwanise
kuita zvema groups.
Kune vairamba vachindinyaudza
ndaibva ndato blocker ndayisada
zvinondinetsa"

Mu group rana amai ndakazvi introducer


sa amai Tembo. Ndakakumbira advice
maringe nezveidzo nzeve dzine vamwe
vakadzi.

Vamwe vakatanga vachiseka kuti "


maivepi kusvika pakuchembera musina
mibato, nokuti zvinodhonzwa musati
matombotanga kuyenda kumazuva
enyu"

Handina kupindura ndaingove


ndichiverenga ma comments chete.
Kune akazonyora achiti
"kana musina zvachose motombopisa
makanda emabanana muchizora
makuseni, masikati , manheru
muchavona zvichitanga kukuririra. Kana
mukavona kuti zvakura zvekubatika
munenge mava kutaimira muchangobva
kumazuva enyu mopisa dzungu tsvuku,
dota racho sanganisai ne Vaseline
mozora"

Umwe akati "Ichokwadi, chimwe


chandakanzwa chisinganonoke
chiremwaremwa. Mukachibata
munogura mapapiro moapisa, dota
racho mukashandisa pakudhonza aiwa
kupera kwemwedzi munotivudza
testimony muno musazokangamwa
kusanganisa ne Vaseline kuti zvive
nekakutsvedzerera.
Zvese zvakataurika ndakazvichengeta
muhana.
Kuchiyedza ndakadya mabanana matatu
ndokusiya makanda acho pazuva
ndichiyenda kubasa.
Pandakadzoka akanga atove pedyo
kuoma zvekuti haana kunditambudza
kuapisa.

Ndakanyatsosanganisa ne original
Vaseline sekuvudzwa kwandainge
ndazviitwa ndokutotanga kuzora.
Zvayibaya baya , zvichitekenyedzera
ende chandakafarira ndechekuti
"Clive ayive akabuda nebasa saka
ndaizokwanisa kuita nyaya dzangu
pasina zvibingiridzo.

Rungwanani ndichimuka , ndakayenda


kundogeza teverere nekuzora.
Ko ndaida kufadza umwe wangu zvee
saka ndayifanira kutoisa effort yese.
Chigaba changu ndakayenda nacho
kubasa , kuitira kuzora masikati.

Zvese ndayingozviita muchinyararire


handina kana wandakavudza nyaya
dzangu.
Pakazopera mwedzi ndakavona
kakuchinja zvinova zvakandifadza.

Zvedi tunzeve twakanga twava


kutotanga kubudikira zvekuti chero
kubata nemavoko twakanga twava
kubatika.

Chero pakazovuya Clive ndichivhura


makumbo ndakavona achinditarisisa ,
akabvunza achiti
"asi ndiri kutadza kuvona here ?"

Ndakangonyemwerera ndikati
"urikuvonei , kunge ndayisaziva"
Akabva ati "ndiri kuvona kunge
zvimubato zvirikutanga kumera "

Achidero ndakabva ndaziva kuti


chokwadi makanda emabanana
anoshanda , ndakataura naye ndichiti
"zvinanikovo ndakangozamawo
zvandakavudzwa mugroup rana amai.
Ndayitoita ndisiri serious sezvo
ndaisave nechokwadi kuti zvinoshanda
"

"Zvirikushanda babe , watochinja hako.


What ever chauri kushandisa , ramba
wakadzvanya i am so impressed"
ayidero achitotwubata bata.

Munguva iyoyo ndakangomurondedzera


mushandisirwo wazvo,
pandakazomuudza kuti panoda
kushandisa dota rechiremwaremwa
kudhonza kuti zvisadzoka akabva ataura
achiti "haa chinhu chinotyisa chiya"

Ndakabva ndati "hongu chinotyisa wena ,


rega tinongosiyana nazvo"
"Aiwa ahh kusiya hakuite.
Handizombode kukusiya babe wangu
nokuda kwenyanya yemibato iyi.
Zvatatowana solution kudai
tichabetserana kuchitsvaka.
Chiremwaremwa chakanakira kuti
chinotyisa chete asi hachiuraye"

"Inga wayida chose mibato" ndakadero


ndichiseka

Akabva ati
"zvinotikoshera zvinhu zviya kwatiri
isusu varume.
Kungoti ukawana mudzimai wako asina
unozongogamuchira zvinenge zviripo
nekuda kwekumuda , but hazvirevi kuti
kamoyo hakatomboshuve kupinda pane
mibato."

"Haa iwe" ndakadero ndichiwedzera


kuseka

Akati
"Ko ndopanokoka ma feelings ese kaa ,
uchivona kuita kachuru munhu
akapfeka chivharangozi.
Paunozochibvisa unenge watoparara
wotangawo kutamba netunzeve
zvonyatsoendeka"
"Ndakunzwai tembo ndosaka
ndichitsungirira kuti rudo rwedu rwurege
kuparara."

Takazotamba mutambo wedu ,


tichipedza pandakageza Clive ndiye
akatondizora asati ayenda.
Pachokwadi mukomana uyu akanga ava
kutotanga kundipa mufaro sekutamba
sekuseka.

Ndakazvivudza kuti handide


kutombomurwadzisa.
Zvese zvandayida ayindiitira, neniwo
ndakatanga kuchinja hunhu paku
demander mari yakawanda kubva
kwaari.
Ndayingogamuchira yaanenge andipa
iyoyo.
Takasvika pakubata mwedzi wepiri rudo
rwedu rwuchitoyendeka.
Chiremwaremwa takazenge tachiwana
tikabvisa mapapiro ndokupisa.
Parizvino dota racho ndorandiri
kushandisa ende ndiri kuvona shanduko
nokuti ndakatomira ndinotoonawo
twunzeve kubudikira.

Mudiwa wangu haagone nemufaro,


every day anomaker sure kuti avuya
kuzombozora dota osiya andibetsera
kutwudhonza sezvo akanzwa kuchinzi
twukabatwa na baba ndiko kuti
twukurumidze kuvhomoka.

Inini ndinozoitawo makuseni


ndichangomuka.
Ndiwo munamato wangu
wemangwanani zuva risati rabuda.

Pandakavona kuti ku side kwangu zviri


kufaya kwasarira baba ndakavona
zvakanaka kutsvakira umwe wangu
solution.
Ndakayenda kuna doctor Shava
ndikavaudza mumiriro wenyaya.

Doctor Shava vakandipa mhinduro


yandakafara nayo yekuti "as long asina
kuzvarwa akadero rubetsero
anotorwuwana"

Ndakabvunza kuti angabetsereka sei


vakabva vati "kune ma work outs
anoitwa e fitness achipedza dumbu.
Kune mamwe anotasamura nyama ekuti
ano losser weight , uye anozopiwa ma
tablets anenge achimubetsera kukudza
mudziyo ova nezera rakanaka rinenge
richiyenderana nebody yake"
"Chokwadi here doctor ?" Ndakabvunza
ndichinyemwerera vakabva vati
"chokwadi mai Tembo, zvinonga
patience chete nokuti zvinogona kutora
nguva yakareba chaizvo kuti mudziyo
ukure "

"Mwedzi mingani?"

"Chero gore chairo amai.


Ndine chokwadi kuti zvinonoka, asi
zvinonyatsoshanda.
Misha mizhinji yakamira nekuda kwema
works outs andiri kutaura iwayo.
Ndine boys rangu rinoita izvozvo riri
kuseri uko.
Mari munobhadhara mwedzi wega
wega ma prices ndiwo ari apa
zvinoyenderana nekuti baba vekwenyu
vanoda zvipi"

"Mari haringave dambudziko doctor


murume wangu anayo.
Chaasingade mishonga yechivanhu
inomwiya iya anoti ine ma side effects
anoyitya, asi izvo zvamareva zvema
work outs nekumwa ma tablets aiwa
ndine chokwadi kuti anotobvuma
haamborambe" ndakadero
Vakabva vati "endai munotaura navo.
Kana vava ready vanovuya"

"Ndinotenda doctor " ndakadero


ndichionekana navo ndokudzokera
kumba.

Ndichisvika ndakafonera murume


wangu ndichimuvudza good news
akabva aratidza kufara nazvo.

Akataura achiti "dai zvikaita babe


ndinyatsokufadza mudiwa wangu"

"Zvinoita sweetheart , ndinokuvimbisa


kudero. Doctor vati zvinongoda
patience chete.

"Mangwana ndinokumbirawo utore day


off tiyende tese. Ndinoda uve neni
murwendo urwu mukadzi wangu, chero
ndikazofunga kundobvisa pfuma
ndinenge ndava nechokwadi kuti ndiri
kuroora munhu anondidawo"

Ndakaseka ndikati "we are in this


together honey, rangarira
uchidzinganisa chiremwaremwa
kubetsera inini.
Papi pandingazokusiya mudiwa wangu"
"I love you Nyenge"

"Neniwo ndinokudai tembo umwwaah"


ndakaita ka kiss pa foni ndichibva
ndakata.

Ndakayisira boss message


ndichikumbira kutora day off.
Havana zvavo kuramba , nokuti
vayitoziva kuti handiwanzokungorovha
rovha pasina zvikonzero zvinokosha.

Ndakafunga kumbochinja order ,


semumba mava kupota muchiuya
munhu wechirume ndayida kugara
nehutsanana.
Ndiri busy kutosunda mubhedha,
ndakanzwa inzwi rakandirovesa nehana
richiti "tisvikewo"

Ndakakurumidza kuisa mubhedha pasi ,


ndokubva ndataura ndega ndichiti
"Laiza ?"

Zvakandinetsa kuti ayidei nokuti


ndakanga ndatova ne two months dzese
ndisina kana kumbomuvona kubva
zvandakaparadzana naye.
Ndakazongoti regai ndinosangana naye
ndinzwe chifambirwa.

"Mai Marombedze makadini ?"


Ndakamukwazisa.

Akabva ati "urisei Nyenge ?" Ayidero


akamira necheku door apa
achingocheuka cheuka

"Ndiribho kwakanaka here


kwawanditsika nhasi?" Ndakabvunza

Akabva ati
"Handina mufaro Nyenge, Marombedze
vari ku..."
Ndakakurumidza kumudamburira
panzira ndokubva ndataura ndichiti
"Not today shaa , i am so busy ende
handide kunzwa nyaya dzekumba
kwako saka ndinokumbirawo uyende "

"Please Nyenge hear me out"

"Handina chekunzwa.
Iwewe enda unoterera murume wako he
is a good guy haambofe akakuitisa
zvisiri izvo"

"Unodero nekuti hausi kuziva zvirikuita.


For the past two months Marombedze
varikuyenda kubasa asi mari yacho
handisi kuvona zvayiri kushanda.
Varikuti varikuichengeta kuti tinovaka
musha kumaruzevha.
Chokwadi nezera redu rino towanikwa
tichiita zvekumamisha unovona
zvichibuda here munhu achitadza
kuitawo kuita zvemudhorobha zvinoita
vamwe vanana"

"Saka urikuvudza inini kuti ndiite sei?"


Ndakabvunza

Akati "ndinoda ma advices sahwira


wangu.
Ndinoziva kuti ukandivudza zvekuita
ndinobetsereka , inini upenyu
wekumamisha kwandakakurira handide
zvangu"

Munoziva ndakatarisa Laiza ndikasekera


mudumbu. Vamwe vanhu vanenge
vachida kuvhaira vachiti ivo ma happily
married , wotoshaya kuti kwatiri ma
singles vanenge vachidei.

Laiza dai ayiziva kuti "iye nemurume


wake ndakavavenga ayizambovuya
kwandiri kuzotsvaka ma advices."

Zvisinei musi uyu ndayisave mu mood


nenyaya dzake saka ndakataura ndichiti
"chimbozama kuterera murume wako,
zvaanoda enda unoteedzera
uchazonditenda nerimwe ramakore"

"Kuti kudero here best?"

"Chokwadi" ndakadero
ndichizvimanikidza kunyemwerera

"Ndanga ndakusuwa" akadero ndibva


ndamumbundira ndichiti

"Neniwo dear, kungoti wavuya ndiri


busy anytime Clive anogona kusvika
saka ndinoda kuti awanike ndapedza ku
cleaner mumba"

"Makadzokerana here?" Akabvunza


achiratidza kufara ndikati

"Hongu, tatova nemwedzi muviri yese


akatoyenda kundobvisa pfuma ndatova
mai TEMBO vakakwana inini" ndakadero
kuti zvityise anyatsova comfortable
neni.

"I am happy for you best" akadero


Ndikati "ndi Mwari dear, saka
wambodya here or mwana anodya
kudyei ndikubikire uri kudzikira iwewe"

"Mwana wangu haasarudze uyu, asi


handichamirire kudya Marombedze
vanokurumidza kudzoka saka handide
kuti vawanike ndisiko kumba rega
ndiyende"

"Handichakubuditse.
Chitora mango idzi ufambe uchidya"
ndayidero ndichitodzisuka
ndokumutambidza

Akagamuchira ndokunditenda , haana


kuzombomira akabva achiyenda zvake.

Achingobuda chivanze munhu


wandakatanga kufonera ndi Varaidzo,
uyu ndiye wandaida kuti anditambire
tsoro.

Ko handi Marombedze vakandirova


kunge nyoka yapinda mumba
kundidzikisira inini, aiwa yaisapera
zvayo.
Handichina basa nekudanana navo ,
wangu ndava naye.
As long mukadzi wavo achiri kuda
nezvangu rugare havangarwuwane !!

Vakandipa zita remadunhurirwa , zita


iroro raisafanira kushaya shumo rayo.

After all ndivo vakatanga kunditi


"Chiremwaremwa kunge randakapiwa
nevabereki vangu vayisariziva"

Ndinoda kuvaratidza kuti zvedi ndiri


Chiremwaremwa, vachagara
vakamarana vagotadza kuziva kuti ndine
chekuita navo.

Varaidzo achi receiver foni yake


ndakataura ndichiti "....."

Ndikanzwa achiti
"I am in my girl, imarii yauri
kundibhadhara ?"

Semunhu ayida kuti zvinyatsoita


ndakabva ndati "pay yangu yemwedzi
wese ." Ndakanzwa achizhinya
kuratidza kufara
Ndakabva ndatokata foni nekuti
ndakaziva kuti zvaita.

Mirai muvone zvenyu kutoshainira inini


achiti
"hee Marombedze vakatakura , heee
vanodya sinhi uyo ayizokaura chete.
Vamwe tava kutanga tabuda mari svinu
kuti tsvimbo dzevadiwa vedu dzikure.
Iye akangowana yakakura kare , obva
awana mufaro zvekare kuti zvanyatsoita
seiko?"
Ndanga ndakazvinyararira asi kana
munhu avuya ega , handingamusiye
aiwa kushainirwa ndichivona bodo!

End of chapter 16

Stay tuned
Vanonzwira Laiza hasha, let's gather ku
comment section, vanhu vadzidze
zvinokoshera kuva nehana kana uri
mumba.

Vamwe venyu munoti kana


makawanikwa muri mhandara munoda
kutotonga varume aiwa ndinovimba
muri kudzidza handei naro book redu
*CHIREMWAREMWA*

Rava kutanga manje , richati kusetsa


rigoti kusuwisa zvekare asi richidzidzisa
kune vanoda kudzidza
*CHIREMWAREMWA*

https://whatsapp.com/channel/0029Va
Fhlo91CYoJTe70A63O

Munhu wese achaverenga book iri


ndokumbirawo muite follow pa link
channel redu.
https://chat.whatsapp.com/F6F58ZwzX
OPBPXbuQ3m44S
what's App group

Story by

mªi *£ex*

№ +27 ⁶⁵ ⁸⁴⁰ ⁷¹⁰³

*Not edit today ndinokumbirawo


mugadzirise pane mamistakes
ndatenda*

📘 *Book ¹⁴*

Chapter *17*

*MAROMBEDZE**

Muupenyu hakuna chinhu


chinondishungurudza sekutadza
kuwirirana nemudzimai wangu.
Pandakavona Lisa achivuya kwandaive
akadhinda shamhu ndakanzwa moyo
wangu kurwadza.

Mwana wangu ndinomuda kwazvo ende


handide kuvona misodzi yake.
Ndakamunyararidza kusvika anyarara
ndokuzotaura naye ndichiti
"Chimboyenda ku bedroom kwako my
princess ndinoda kumbotaura na amai
vako"

"Zvakanakai baba" akadero ndokubva


atanga kufamba achiyenda

Ndakasara ndikavhara door, ndokubva


ndazoyenda pana mai Lisa.
Ndakavabata ruvoko ndokutaura ndichiti
"Wazviitireiko kurova ruva redu mudiwa
wangu?"

"Lisa anodherera Marombedze.


Chokwadi kundivudza kuti achandibvisa
pamoyo pake inini.
Nezera rake irori amawana kupi
mashoko anorema kudero?" akataura
kudero achiratidza kuguta nehasha.
Ndakamugadzika pasi ndokutaura
ndichiti
"Unofanira kunzwisisa babe kuti nzira
dzatakarera nadzo mwana wedu
dzakati siyanei nemurero unoita vamwe.
Rangarira kubva achikura hatina
kumbobvira takamuisa ruvoko.
Ruremekedzo rwatinomupa semwana,
ndirwo ruremekedzo rwaanotipawo
sevabereki vake. Ndine chokwadi kuti
ataura mashoko iwayo mushure
mekunge agumbuka kuti wamurova"

"Saka murikuti ndatadza here kumurova


kwandaita ?" akabvunza ndikati
"Handide kukunyepera mukadzi wangu,
ukaramba uchiita izvi uchaputsa rudo
rwuri pakati pako na Lisa.
Kumurova kwaunenge uchiita anofunga
kuti zvimwe hauchamude saka naiye
anobva asarudza kusakudawo"

"Saka ndoita sei daddy, nokuti handide


kuzviparadzanisa nemwana wangu?"

"Ndinoona zvakanaka kuti uzvininipise.


Ndinozviziva Lisa mwana kwauri asi
handivone pane chakaipa kuti ukumbire
ruregerero inini. Rangarira kutsamwa
kwaanako ndekwekuti sei
wakandiyendesa kujere, kunyangwe
ndanga ndiri inini ndakakusungisa
ayingoita zvimwechete nokuti anotida
zvakafanana" ndakadero

Akabva ati "do you think achada kutaura


neni nekumurova kwandayita ukoku?"

"Wotongomuvimbisa kuti
hauchazvipamhe zvekare . Mwana
mudiki haazomborambe akaoma moyo"
"Thank you daddy nekundivonesa,
pasina kundituka"

"Anything for you my Queen,


chandinoda kuti tigare nemufaro
mumba medu" ndakadero ndichimupa
tsvodi.

"Ndokumbirawo mundiperekedze "


akazodero ndikabva ndati

"Anobva aziva kuti ndini ndakuvidzura


saka anogona kunonoka kukuregerera.
Zvakanaka kuti uyende wega
anyatsovona kuti urikukumbira
ruregerero zvichibva pakati pemoyo
wako" ndakataura ndichidero akabva
azotanga kufamba achiyenda

Inini ndakatevera asi handina kupinda


naye.

Achigara pa bed Lisa akatanga kufamba


achida kutobuda.
Ipapo mai Lisa vakataura vachiti
"ndavuya kuzokumbira ruregerero
sweet, handizive mweya upi wanga
wandibata zvekusvika pakukurova ruva
rangu i am sorry"

"It's okay mom" akadero achiwedzera


kukanda nharu asi mai Lisa vakamubata.

Vakamugadzika pamakumbo ndokubva


vanyatsotaura naye kusvika
vamuvimbisa kuti havachazozviite
zvekare.

"Muri kutaura chokwadi kuti


hamuchandirove zvekare here amai?"
akabvunza Lisa.

Mai Lisa vakabva vati


"ndinokuvimbisa kudero dangwe rangu"

"Please cross your heart"

"I am crossing my heart " vakadero mai


Lisa vachichinjika ruvoko rwavo
nechepachipfuva
Lisa akazonyemwerera ndokuti
"handichina kukutsamwirai"

"That's my sister , thank you so much


sweetheart i love you" vakadero mai
Lisa vachipa Lisa katsvodi kepadama

Iye ndokuzoti "i love you more mom"

Munguva iyoyo ndakapinda ndichiti


"what about me , mava kungodanana
mega ka muno umu? "
"Ohh man of the house , we love you so
much" vayidero vese vachindimbundira.

Takava nemufaro wakatutsirwa zvekuti


ndakavona zvakanaka kuvudza
mukadzi wangu kuti ndakawana basa.
Inini handifarire zvekuita zvinhu
zvisingazikamwe na amai mwana nokuti
pane zvese ndivo vandinoisa kumberi.

Zuva raakabvunza ndakamuvanzira


ndichiti zvimwe ndingavona main
reason yaitaurwa na sekuru kuti "she
can not be trusted. Ndakazofunga
kumira kwaakaita neni 6 month's dzese
ndikavona kuti kumuvanzira ndinenge
ndamutadzira kwazvo"

Tiri mukufara ndakazotaura ndichiti


"Attention Attention please "

"Takaterera" vakadero mai Lisa

Munguva iyoyo ndakaisa mavoko


muhomwe ndokutanga
kuzvikanganyadza ndichiti "semusoro
weimba ndine mashoko andinawo
anodakadza kwazvo"
"Taurai nesu takaterera" akadero Lisa

Mai vake vakati


"Ichokwadi nzeve tazarura"

"Okay ndipei ma minutes maviri chete


ndiri kudzoka" ndayidero ndichimhanya
kuyenda mubedroom

Ndakadzoka ndakabata ma papers angu


ekubasa ndokubva ndataura ndichiti
"surprise " ndayidero ndichitambidza
mai Lisa.
Vachiverenga vakandiwurukira
ndokutaura vachiti "saka daddy
makawana mukana webasa" vabvunza
vakabata muromo kuratidza
kushamisika

Ndakabva ndati "yes babe , denga


rakanzwa kuchema kwedu
ndirikutotanga mumazuva aripedyo
ipapa"

Ndakanyatsovona kuti ndakanga


ndafadza mukadzi wangu nokuti
akanga asingachagone chero kugarisika.
Musi uyu chero ku out akatiyendesa ,
mari akanga anayo yaakanga akapiwa
na boss vake.

Tichizobva ku out , takabva tarurama


muimba huru umo mandakandoitwa
zvinogara zvakadero.
Kubva mai Lisa paakaziva kuti
ndakawana basa akanga ava kugara
ane mufaro zvinova zvandaifara nazvo.

Day rangu rekutanga kuti ndiyende


kubasa ndiye nyakutondimutsa apa aive
apedza kuita zvese.
Ndakangorova ka quick shower, tevere
pa dining table kudya breakfast
ndichipedza ndakabva ndaperekedzwa
ndikandosiiwa kugedhe.

Chero basa racho ndakandorishanda


zvakanakisa ndichinyatsoziva kuti
zvese zvakarongeka kumba kwangu.

Ndakanzwa kunyangwe manager


achitaura achiti "Mr Marombedze
munoziva zvamunoita kana mukaramba
makadai ndavona mafadza boss
zvekusvika pakuiswa pahu permanent "

Ndakangonyemwerera ndokutaura
ndichiti "kungozama zama, kuti zvimwe
zvingaitawo"
Aiwa hamusi kuzama murikutogona
imimi.
Ndavona nekwamabva uko kuti
manyatsobata basa zvichatipa ma rates
akawanda isusu ve *Taqon electrico*
chero ma customers achatowanda
kana mukaramba muchishanda seizvi.

"Ndicharamba ndichivavarirara boss


ndinotenda"

Ndakazoyenda ku lunch ichipera


takabva tadzokera pabasa.
Takangoshanda 4 hours chete kubva pa
lunch ndokubva tachaisa.
Takaperekedzwa nemota yekubasa
ikandondisiya pa gedhe, sezvo yaisiya
umwe neumwe pamba pake.

Ndichisvika mudzimai wangu ayitovona


T.v akabva ati "ko matodzoka
Marombedze?"

"Hongu babe, tinotanga na 8 tichichaisa


na 4 p.m asi watokangamwa
zvakanyorwa pabepa riya
randakakuratidza here?"
"Handina kuzozvicherechedza mufunge,
saka kwanga kurisei kubasa sezuva
renyu rekutanga?"

"Kwanga kuchishandika mai mwana..."


ndakadero ndichimurondedzera
mushandiro wandaive ndayita akabva
afara chaizvo.

Semazuva ese ndakaisirwa mvura


yekugeza, chikafu chichitogadzirwa.
Ndega ndayinyatsovona kuti handina
kumbobvira ndakaita mistake kuroora
Laiza.
Kubva zvaakasiyana neshamwari yake
Nyenge zvese zvainyatsoyendeka.

Takagara mwedzi wese zvinhu


zvichifamba negwara rakanaka.
Pandakahora ndakatambidza mai
mwana mari pay yese ndikataura navo
ndichiti
"ndimi munoziva zvinoshata amai ,
chitorai mari iyi mushandise.
Inenge yasara munoisa padivi, tovona
zvatingaita nayo"

Ndakataura kudero nekuziva kuti "pay


yangu yaikwanisa kubhadhara ma bills
ese kukasara change. Company
yandava kushandira inobhadhara
kudarika yandaitombove nokuti iyi vano
charger per hour."

"Ndinotenda Marombedze " vakadero


mai Lisa vachitora mari nyemwerero iri
pahuso.

"Zvedi vakabhadhara rent, vakatenga


chikafu pamwechete nekubvisa
yemwana wechikoro." Imwe yakasara
handina kuyivona , chandaka noticer
ndechekuti mudzimai wangu akanga
asingachabve ku town.
Every day ndichibva kubasa
ndayitongovona ma shopping begs,
mbatya nembatya dzichichinjaniswa
dzinodhura zvekutosvika pakutenga
nemitorogodo.

Handina zvangu kuda kubvunza nokuti


ndayitodawo kuti apedze shungu,
ndayizviziva kuti akanga
akatambudzika kwenguva refu.

Mwedzi wepiri uchipera pandakahora


ndipo pandakabvunza ndichiti
"pamari yemwedzi wakapera pane
yamuchinayo here amai tichitanga
kuronga nokuti mazuva haasi kumira
muchivona zvakadai.
Kudoka kwezuva , ndiko kutofamba
kwawo ukoku"

"Handina daddy ndakashandisa yese "


akapindura

Ndikabva ndati
"hapana chakaipa mai mwana. Sezvo
mwedzi uno tisina ma school fees
issues, ndinoona zvakanaka kuti pane
yandatambira iyi toisa ku rent imwe
totenga chikafu chinotipedzera mwedzi.
Then inosara tosungirira kuitira pane
yandichahora mwedzi unovuya tobva
tayenda kumusha kundotsvaka munda
kwawo wekuti tizomisa musha wedu.
Rangarira patakapiwa nana baba pane
rukangarahwe hapaite kurima ,
hatingamboverenge kuti tine munda
zvoda kuti titenge pedu" ndayidero
ndichiverenga mari ndichitoisa imwe
neimwe pakafanira ichiyenderana
nezvayaida kuzoshanda.

Chibhuku ndaive nacho saka


ndaitonyora pasi kuti zvinyatsorongeka.
Munguva iyoyo ndakavona mai Lisa
vaisa muromo mumhino.
Ndakabvunza ndikati
"pane zvandataura zvamusina kufara
nazvo here mai mwana?"

Hongu zvekuti murikuronga kuti


tinotenga munda kumaruzevha, what
happened kuita zvinoita vamwe vanana
kutenga ma stand muno mudhorobha
tovaka kana kutenga imba yakavakwa
kare.

Kusiyana kwema level babe, vanhu


vaunovona vachivaka maziimba akakura
vanenge vakatobva nekure. Kana huri
upenyu mari yazoita tichatenga muno
mudhorobha asi parizvino ngatimboita
zvinoenderana nemari yedu. Rangarira
tine 8 yrs tichiroja , kumba hatina kana
patinoti pedu tikashanya tinoradzikwa
mu kitchen unovona zvichifadza here
izvo zviya?

"Aiwa inini hangu zvekundovaka


kumusha hazvinyatsondiitira.
Ndajaira kugeza nemvura ine soda,
ndozondotangana nemvura yemurwizi
bodo.
Ende kumwa mvura yemutsime kubika
nemoto ndichifema chivutsi haiwa
kwete inini.
Kunyangwe iye mwana wedu Lisa
anozoti chii nesu?"
Akadero ndikabva ndati
"kungoti wakura makore asi njere dzako
dzichiri dzeudiki haunganzwisise upenyu.
Inini zvangu kumusha ndiko
kwandirikuzondovaka uchida usigade"
ndaidero ndichitotora mari sezvo
zvekucharamba ndichimupa ndakanga
ndisiri comfortable.

Handizive kuti ayizozvotambira sei , asi


chokwadi ndechekuti ndakanga ndava
kuita ndichineta kumuvonesa kuti chii
chinonzi upenyu.
Pamwe pacho ndinozvivhunza kuti
"ndakakanganisa here kuroora munhu
asati aziva upenyu?
Munhu ane 30 yrs angatadza kuziva kuti
kuvawo nekatumba kako kunokosha"

Musi uyu takarara takanyararidzana,


aive akatsamwa kuti sei ndisina
kumupa mari.
Neniwo handina kutaura naye ndakarara
ndakaisa ruvoko pakati pemakumbo.
Kana mukomana ndakatombomuvudza
kuti adzikame , ndaisave mu mood
yekunyengerera munhu zvachose.
Kuchiyendza ndakabhadhara ma bills
angu ndakanyarara.
Zuva rakatevera ndini ndakatondotenda
chikafu ko handi zvaishota ndaizviziva.
Zvema poto ndakanga ndava kuita
ndichizvijaira nenyaya yekugara pamba
zvakanyanya kwandakaita.

Kubasa ndakatozoyenda late ende


ndakanonokawo kuchaisa kutsiva nguva
dzandanga ndamboredzva ndiri
kumashops.
Pandakazochaisa Mr Alex mbune ndivo
vakandondisiya kumba sezvo mota
yekubasa yaisafamba kaviri
ndakachaisa vamwe vatoenda kumba
kare.

Ndichisvika kumba ndakashamisika


ma doors akavharwa , apa inini key
ndaive ndisina kutakura nenyaya
yekuziva kuti mai Lisa haawanzofambe
anenge achingova pamba nguva dzese.

Ndakambomira ndichiti zvimwe ayenda


pedyo anodzoka nekukasira.
Pakazovuya Lisa ndipo pandakavona
zvakanaka kumutsvaka nokuti mwana
ayida kupinda mumba awane nguva
yekuita home work.
Ndisina kure kwandasvika
ndakamuvona achimhanya , achibva
nenzira yekwa Nyenge.

Ndakaita kunge ndisina kumuvona ,


ndakangodzokera pamba.
Achizosvika ndakabvunza kwaaive
ayenda akati "anga ambofurwa
nemhepo"

Handina kuda kumubvunzurudza


zvakawanda ndakangoti
"next time usafamba ne key babe kuitira
mwana asatambudzika"
"Ndakunzwai Marombedze " akadero

Handina zvimwe zvandakazombotaura


nokuti ndakanga ndisisinei
nezvakawanda.
Kana anga afunga kudzokera kuna
Nyenge aiwa simba rekumurambidza
ndakanga ndisina munhu asingatsiurike
anonetsa.

Zvekuzodzokera kujere ndaisa munhu


ruvoko kwete.
Ndakapotsa ndakanganisirwa upenyu
nekumbomurova kwandakaita.

Ikozvino ndichambotarisa ndikavona


zvanyanya ndomuvudzira mbuya vake.
Kana vakamutadzawo haiwa ndichabva
ndakanda mapfumo pasi..

End of chapter 17
Stay tuned.

*CHIREMWAREMWA*
https://whatsapp.com/channel/0029Va
Fhlo91CYoJTe70A63O
Munhu wese achaverenga book iri
ndokumbirawo muite follow pa link
channel redu.

https://chat.whatsapp.com/F6F58ZwzX
OPBPXbuQ3m44S
what's App group

Story by

mªi *£ex*

№ +27 ⁶⁵ ⁸⁴⁰ ⁷¹⁰³


Edited by *Opha*

№ *+27 748695086*

📘 Book ¹⁴

Chapter *18*

*MAI MAROMBEDZE*
Zvokwadi ndongoramba
ndichiraramiswa chinyakare kuti
zvambonyanyo kuita seiko.
Sometimes ndava kunzwisisa kuti
Nyenge ayirevei paayiti baba Lisa
vakazara chihurombe mumusoro.
Nemazakwatira emari yavanohora
munhu ongoramba achitaura zve
kumaruzevha aiwa ndaisazvitendera
izvozvo.

Ndakatobuda pachena kuti kumamisha


hakuite.
Pandakadero ndakavona vachitora mari
yavo ndikabva ndazvivudza kuti
vachadya izvozvo.
Munhu wandakachengeta kwe half
yemwedzi oda kuvhaira nemwedzi miviri
yaanga ashanda.
Aiwa ndaida kuzovona kwazvaizosvika.

Ndakayenda kuna Nyenge kuti


andiwedzere mazano akabva
atondiudza kuti
"nditerere murume"

Zvekuterera murume zvaaitaura


ndayizozviita kana vasiya nyaya yavo
yekutaura zvekundorima.
As long zvichiri mupfungwa dzavo
ndayifanira kutovaratidza kuti neniwo
ndine masimba saamai vemusha.

Ndichisvika kubva kumba kwa Nyenge


ndaive ndakatotaimira kuti vakataura
nyobvo chete tobva tatangira ipapo.
Sezvineiwo havana zvavo kuita hasha,
vanenge vanga vasina kuzvibatanidza
kuti ndanga ndamboyenda kuna sahwira
wangu.

Manheru ndakarara ndakaisa muromo


mumhino nechakare ndakamirira kuti
vandigume ndivavudze magara moyo.
Ndakashamisika vachitodzifodora
pasina kana kundinyengerera.

Ndakanzwa moyo wangu kuyenda kure


asi handina kuda kuzviratidza.
Kuchiyedza ndakangogadzirira mwana
wangu chete, avo vekuzvichengetera
mari dzavo vayizozvivonera.

Vachimuka handina kana kuvamutsira


ivo ndivo vakatozondimhoresa vachiti
"Mamuka sei maimwana?" Vayidero
vachiyenda kundogara mu dinning table
kuratidza kumirira breakfast
"Ndamuka bho" ndakadero ndichiridzira
zitsamwa mumoyo.

"Kudya zvandabika ndiko kwavaida asi


mari munhu asingandipe , aiwa nyaya
iyoyo yaindibata bata" ndakatofamba
ndichiyenda ku bedroom ndokusvika
ndichipinda mumagumbezi.

Ndakazonzwa ndobvunzwa mubvunzo


"asi mati nhasi ndiyende kubasa ndisina
chandaisa mumuromo here mai
mwana?"
"Handisi kuita zvakanaka " ndakadero
ndichitonyepa.
Pandainge ndagadzira lunch ya Lisa
ndakatosiya mazai , ne bacon
zvandainge ndabika asi kungoti
ndaisada kuvapa ndainge ndatoita
zvekuviga kuti vasazvivona.

Ndakanzwa vachiti
"hapana chakaipa regai ndizozvivona
ndadzoka kubva kubasa." Vayidero
vachitobereka chi bhegi chavo.
Vakazondipa mari yavakataura kuti
"kana pane zvandiri kushota
zvandingangoda kutenga ndibve
ndazotenga"

Ndakavatenda ndichinzwa kunyara.


Ndakatotanga kugomera kuti vafunge
kuti zvimwe muviri wava kunyanya
kundidzimba.
Vakagadzika chisecho pasi ndokubva
vayenda kundochera mvura.
Vakanditambidza ndokutaura vachiti
"chimbomwai Mai mwana munoita
zvakanaka"

"Thanks" ndakadero ndichitomwa mvura


Vakazomhanya kuenda ku kitchen
ndakanzwa vava kugudumudza mapoto
vanenge vaida kubika.
Nenguva shoma ndakademba kuti kudai
pasi paivhurika pavhura zvapo
ndakwanisa kupinda munguva yavainge
vavuya vakabata kadheka kema zai
andainge ndavharira mu kitchen unit kuti
vasamavona.

Vakamagadzika patable ndokuisa


nechingwa pamwe chete ne flask
yemvura inopisa kuti ndizokwanisa
kuisa tea ndokutaura vachiti
"ndavakuyenda maimwana mozodya
break fast pamunomukira"

Chero kudaira handina, ndakaramba


ndakanyarara kunge ndaisazvinzwa.
Vachiyenda ndakasara ndichizvitongesa,
ndakazongozvishingisa nekuti
ndichazonyatsovapa bota kuti
vakangamwe zvandainge ndavaitira.

Ndakamboti rarei ndokuzomuka


ndichidya munguva dzemasikati.
Ndakatangawo kuita basa repamba,
kusvika Lisa achinge asvika.
Musi uyu ndakamugamuchira ku gedhe
sezvo ndakanga ndakazviguma kuzviita
kare.
Iye achindivona akaratidza kushamisika
nokuti akati
"mhamha muripano?" Ayidero
achindimhanyira kuratidza kufara
nezvandainge ndamuitira.

"Hongu my sister, how are you my


angel?"

"I am good thank you, how are you


mommy?"

"I am good , how was school today?"


Ndakabvunza

Akabva apindura.

Tichiri mukumbokurukura na Lisa


ndakanzwa inzwi ra bamunini Benny
richiti "gulez makadini?"

"Ndinosimba bamunini makasimba here


?" Ndakapindura ndichiita
kakuvhundukira nokuti munguva yese
ndaive ndisina kuzvicherechedza kuti
vabuda mumota yavo.

Ndakanzwa vachiti
"ndinofara zvangu manga marova
chose. Pamwedzi miviri dzandisina
kukuvonai mabva maita chinguruve
kudai asi manga makayenda kumhiri
mwemakungwa here ?"

"Kwete ndayingovamo mumba bamunini


" ndakadero ndichiseka nokuti ka
statement kavo kaingove funny.
Handina kuzoramba ndakamira, sezvo
inini navo taisave nenyaya dzinoyenda
kure ndakazongotaura ndichiti
"ndinotenda bamunini regai ndipinde
mukati musikana wane kuzorora"

"Zvakanakai gulez, mundimhoroserewo


Marombedze" vakadero vachifamba
kupinda mumota mavo.

Ndichipinda mukati megedhe ndaka


noticer kuti vaive vasina kumutsa mota
yavo vayingove vakatarisa kwataive.
Ndakashaya chaivayevedza , handina
kuzomboramba ndakatarisa kwavaive
ndakabva ndatovhara gedhe ndipo
pandakanzwa kudhuma kwemota.
Ndichipinda mumba ndakagadzirira
mwana wangu zvekudya , ndokubva
ndazotanga kubika zvemanheru zvekuti
baba Lisa pavakavuya ndayitove
ndatopedza.

Ndakavasweresa vakabva vadaira ,


ndokuzobvunza kwaive na Lisa.

"Ari kuita home work" ndakadero

Ndokubva vazoti
"urisei muviri, zvekare arisei mwana
wedu mudumbu?" Vayidero vachikisa
dumbu rangu.
Ndakangonyemwerera ndokubva ndati
"mwana aswera zvake , ndine chokwadi
kuti pa mwedzi unotevera anenge ava
kutangawo ku kava kava"

"I can not wait kuti ipinde mu 4 months


tiyende ku scan." Vakadero

Ndikati "no way, ndinoda


kuzongozvivonera ndabetserwa kuti
mwana rudzii.
Ndinoziva kuti imimi munoda
mukomana , kana akabuda ku scan ari
musikana munozonditsamwira"
" C'mon sweetheart, mwana chipo
chinobva kuna Mwari watinenge tapiwa
iyeye ndinongofara naye.
I love you so much, handizombofa
ndakakushungurudzira kuti sei
wandizvarira vana vasikana vega vega.
Hongu mukomana ndinotomudawo, asi
achavuya nenguva ya Mwari " vakadero

Ndikabva ndati "thank you daddy"

"Thank you too my wife , unondipa


nyemwerero.
Asi ubve warega nyaya yako yekundiitira
hutsinye kundiyendesa kubasa ndisina
kudya chikafu wakaviga zvako.
Ndiri murume wako Laiza hazvichafe
zvakachinja izvozvo.
Moyo wako unofanira kurwadza
nekundiitira zvakashata" vakataura
kudero nenzwi rakapora zvakandipa kuti
ndivone kutadza kwangu

Ndakataura ndichiti
"i am very sorry daddy, ndinokuvimbisai
kuti handichazvipamhe zvekare. Kungoti
ndanga ndakatsamwa chete kuti sei
makasarudza kuita zvinhu zvenyu mega
hamunawo kana mari yamakandipa
saamai vemusha"

Ndakatozviitira izvozvo kuti next time


uzoziva kuchengeta mari.
Unenge wava kuziva kuti ukapfachura
daddy havazokupe zvakare.

Ndakatanga kuseka, nekuti ndakanga


ndatoyamurwa nechekare
ndichiyendwa neni kubathroom.
Vakataura kuti vanoda kugeza neni.
Handina kuramba sezvo ndainge
ndatosuwawo murume wangu.
Husiku humwe chete hwandainge
ndarara ndisina kumbotambwa neni
ndayitonzwa kuti ndainge ndarasikirwa
chaizvo.

Takazotanga kugeza tese , daddy


ndokuzoita basa ravo zvekuti
ndakazobuda mubath ndanyatsopiwa
rudo rwese.

Se happy family takadya kudya kwedu


kwemanheru tine mufaro.
Lisa akabva azoti
"kuchikoro kwavo vanodzidziswa kugara
vachinamata saka anokumbira kuti
tizonamata tiri pamwechete"
Mumba medu zvekunamata zvayive
kure, asi nekuda kwa Lisa
takatongozvimanikidzira kutaurawo
maviri matatu takapfugama
ndokuzoyenda kundorara.

Dzakanyatsobata ndiri pachest ya daddy,


kuchiyedza ndakamuka ndokuita basa
rangu saamai.
Ndakazosarudza kutora Advice ya
Nyenge kuterera murume wangu nokuti
ndakavona zvichizondipa mufaro.

Mazuva akatanga kupindana mumba


medu tine mufaro wakapetwa.
Apa daddy vakanga vazonditengera foni
ye touch, yavakataura kuti ndiri
kuvaterera saka ndinokodzera
kushandisawo foni hombe.

Semunhu aive awana mufaro


kuburikidza nedzidziso dza sahwira
wangu, ndakavona zvakanaka kuti
ndimufonere ndimuvudze mashoko
akanaka.

Ndakamufonera nguva dzandaiziva kuti


ari pa lunch. Achidaira ndakataura
ndichiti "warova best wangu"
"Ndimi marova vasikana , hauchandide
ka sahwira wangu?" Akadero

Ndikabva ndati "ndinokuda kwazvo, asi


kungoti ndayingoti ndisa kudisturber
chete semunhu wandinoziva anogara ari
busy. Nhasi ndakufonera kuti
ndikuvudze mashoko anodakadza."

"Taurai neni, zvese zviri kufamba


zvakanaka here ?"

"Hongu dear kutaura kuno handigone


nemufaro. Marombedze vakanditengera
foni ye touch screen yakakura kwazvo"
ndayidero ndichimuvudza nezita rayo.

Akabva atanga ku screamer


zvandakanzwa kuti afara nazvo.
Akazotaura achiti "ramba uchiterera
murume wako sahwira wangu uchavona
zvese zvichifamba zvakanaka. Ikozvino
neni ndava married ndava kunzwisisa
kuti zvinokoshei kuterera umwe wako"

Akadero ndikabva ndati


"all thanks to you my mentor.
Pasina iwewe hapangave neni"
ndakadero ndichinyemwerera
ndokubva ndazokata.

Kubva zvandakatengerwa foni ndakanga


ndava kutaura na Nyenge almost
everyday, asi Marombedze
vayisazviziva nokuti vayisave nenguva
yekubata foni yangu.

Ku status kwake ayigara akaisa Clive


zvekuti ndega ndayinyatsovona kuti
rudo rwurikubvira.
Mwedzi wakasvika pakupera ,
ndichingotaura naye pafoni ndisina
kumbobvira ndakamushanyira.
Apa takanga tachitarisana ne Christmas.
Baba vekwangu vaingo continuer nema
plans avo ekuzotenga munda kuruzevha,
ende vayiti vachazviita January after
holiday.
Ndayisazvida asi nekuda kwekuterera
mashoko eshamwari yangu ndakavona
zvakanaka kungogutsurira musoro
ndozovona kwazvinosvika.

Rimwe zuva tichitoti kwasara mazuva


maviri kuti tipinde muChristmas
ndakarohwa nehana ndichivhura status
ya Nyenge ndichivona pane mota itsva
pazasi pakanyorwa kuti
"thank you my love nekundiratidza rudo"

Ndakatadza kubvuma zvandayivona


saka ndakaramba ndichidzokorora
kuvhura status iyi kasingapere.
Ndakavona zvakanaka kuti
ndinozvivonera nemaziso angu.

Ndakanyepera baba Lisa kuti ndiri


kuyenda kumashops ndokubva
ndatanga kufambisa ndichiyenda kumba
kwa Nyenge.
Ndichisvika ndakawanikwa akatochena
chena achiti anoda kubuda.
Ndakangobvunza zvandaida kuziva
ndichiti
"ndavona mota ku status kwako sahwi
taura neni ,ndeyako here?"

Akaseka ndokutaura achiti


"mazvinetserei nekuvuya nhai mai
Marombedze, kudai mangoita
zvekubvunza pafoni ndayizongokupai
mhinduro munoda kutsamwisa murume
wenyu here nokuti munoziva kuti
haandifarire"

"Forget about my husband's behavior


girlfriend, pindura zvandabvunza.
Ndati muchini ndewako zvemashuwa
here ?" Ndakabvunza ndichitononokerwa
nekunzwa mhinduro

Nyenge akataura achiti


"hongu babes, mota ndeyangu
yandakatengerwa nemurume wangu
achinditenda kuti ndamutakurura
mwana mudumbu rangu"

"Wava ne nhumbu ?" Ndakabvunza

Akabva ati
"hongu ndinayo, ine vhiki nhatu.
Ndiyo yakaita kuti nditengerwe
muchovha na dadie"

"Wow , i am happy for you " ndakadero


ndichinzwa moyo kuyenda kure.
"Inini ndatova kuda kuzvara mwana
wepiri , asi munhu haana kana zvisvinu
zvaanondiitira iii bodo Marombedze
vayisandiratidza kundikoshesa.
Chokwadi munhu akandiwanika
ndakazvichengetedza otadza kundiyitira
zvinobatika.
Basa ndiro rekufunga kundondigoboresa
zvitsiga kumamisha, ndakanzwa
kushaya mufaro zvachose. Kana Nyenge
ava mu second marriage achitengerwa
mota ko inini sei ndaitadza kuitirwawo
zvinokosha.

Nyenge akazondibvunza kana ndine


zvaindidya moyo mushure mekunge
ndambonyarara.
Ndakabva ndatomuvanzira.

Ndakatovona kuti ndikamuvudza


ayizotanga kundisimbisa kuti
"ndizvo zvinoita dzimba , ihwo hwake
upenyu hwuchitoyendeka
mutserendende"

Ndakazotaura ndichiti
"Regedza ndichidzokera dear, ndanga
ndavuya kuzongonzwisisa kana mota iri
yako zvechokwadi ndiwane
kukukorokotedza" ndakadero

Nyenge akabva ati


"ndeyangu sahwi , kungoti izvezvi
hayigare pano nokuti handina space
yakakura. Rega tivone gore rinovuya
kana imba yatiri kuda kutenga muno
mudhorobha yaita timbosiya zvekuroja
izvi"

"Kutenga Imba ?" Ndakabvunza

Akabva ati
"hongu imba best, daddy
vakandivimbisa kudero.
Vakati havade kuti mwana wavo kana
azvarwa akurire mu location muno.
Zvikafamba zvakanaka tichange tave
kugara kune vanhu vane mari tichiri
kumbosarudza kuti toyenda kupi"

"Munenge matogona vasikana, ndizvo


zvazvinoda kwete zvevedu
vanongofunga zvekugara kumamisha
kunge vakaroiwa nevakafa" ndakadero

Nyenge akabva ati


"kutaura chokwadi handifunge kuti
Marombedze vane ma plans ekugara
kumusha inini, vanenge vanoda
kungoyendesa iwewe chete"

"Unorevei kana uchidero?" Ndakabvunza

Akabva ataura achiti


"Handina zvangu chokwadi asi ndizvo
zvandakanzwa Varaidzo achitaura.
Kungoti ndaisada kukuvudza ndisina
chokwadi chakazara"

"Varaidzo akataura kuti chii, taura neni


best?" Ndakadero ndichitadza
kubatanidza nyaya yake.
"Varaidzo akataura kuti anodanana na
Marombedze ,vatove nenguva vari
murudo.
Ma plans avo ese akandivudza kana
uchiti ndinonyepa rega ndimufonere
uzvinzwire" ayidero achitoisa foni yake
panze.

Varaidzo achidaira, Nyenge akatanga


nekutaura achiti "...."

Varaidzo ndokuti "...."


Ndakangovona ndagara pasi, ndokubata
musoro ndichiti "....."

End of chapter 18

Muupenyu ziva wekuvudza nyaya dzako


nokuti uchavudza neasingakushuvire
zvakanaka.
Ndinonzwa kurwadziwa namai
Marombedze, upenyu hwavo
hwuchanaka seiko vasiri kuda kusiyana
ne Chinyokamuvhu ichi?

Stay tuned ndinotenda nerutsigiro


rwamuri kundipa pa book iri ndinonzwa
kukomborerwa zvakanyanya nema
comments enyu rambai makadero

Asi vakadzi chiiko nemi , kuzvitonga


kuzere here kunokupai kudero. ?
Regai zvakanzi mapudzi anowira kune
vasina hari , aiwa Marombedze
arikushungurudzwa veduwe.
Comment section handei naro book
redu ndiri kufara nema comments
itirwai zvakanaka mu book redu
zvezvidzidzo zvemumb

*CHIREMWAREMWA*
https://whatsapp.com/channel/0029Va
Fhlo91CYoJTe70A63O
Munhu wese achaverenga book iri
ndokumbirawo muite follow pa link
channel redu.

https://chat.whatsapp.com/F6F58ZwzX
OPBPXbuQ3m44S
what's App group

Story by

mªi *£ex*

№ +27 ⁶⁵ ⁸⁴⁰ ⁷¹⁰³


Edited by *Opha*

№ *+27 748695086*

📘 Book ¹⁴

Chapter *19*

*MAROMBEDZE*
Kare ndayimbofunga kuti zvimwe
Nyenge Chiremwaremwa asi
ndakazonyatsocherechedza ndikavona
kuti
" kwete, wangu mukadzi ndiye
Chiremwaremwa nokuti haazive
zvaanoda anongochinja chinja kunge
weather.
Pamwe anomuka akafara, rinotevera
obva atotanga kufinyamisa kumeso."

Rimwe zuva ndakati ndakagara , ndakati


dhu-u ndichinyatsofunga kuti
dambudziko ringava rei chaizvo nokuti
ayinge angobva kuma shops
akanditsamwira apa ndisina
zvandamutadzira.

Ndakazama kutaura naye asi


ayingoridza tsamwa, kusvika
atozongorara akatsamwa kudero.
Apa kuipa kwake ayiti kana atsamwa
haagumike , apa inini ndipo pandinenge
ndakarohwa nechikara zvekurevesa.
Kune varume vasingahurire vakadzi vavo
vakasimba misana ndinovimba
munonzwisisa nyaya yandiri kutaura.
Kuti urare usina kumborima gura
unenge uchinzwa kunge usina kutora
chidanho chako sababa.
Manje zvewangu zvakanga zvava kuita
zvichindikandisa mapfumo pasi.

Aive akatorara achiridza ngonono


mwanamusikana, apa inini mukomana
achingo saluter kasingaperi.
Ndakambokanda pride pasi ndokusofter
munhu wangu asi zvemusi uyu
akarambisisa.

Ndakasvika pakutozovudzwa magara


moyo kuti enda undobaya
kwaunosimbobaya, unoda kuzadza ani
zvindakwenya zvako.
Hakuna nyaya inobhowa sekuvudzwa
wuhure hwausingaite.
Ndaita hasha kunge ndichamumedza
asi ndakazongodzora hasha.

Chandakaita kumurega achirara,


ndokubva ndataura ndega ndichiti
"uyu haasi mudzimai wangu
wandakaroora pane zvirikusakisa kuti
zvidero chete"

Pandakava nechokwadi kuti arara


ndakabva ndatora foni yake.
Ndakanga ndatova nenguva
ndamutengera asi ndanga ndisina
kumboita hanya nekuyibata.

Ndichiyivhura ndakarurama ku what's


App, ndakarohwa nehana ndichivona
kuti mai Lisa akanga atove nenguva
achitaura na Nyenge.

Kureva kuti ma moods ese arikuitwa


nemudiwa wangu Nyenge ane chekuita
nazvo nhai.
Ndakatambisa gumbo rimwe rerudyi
ndichinzwa hasha.
Ndataura ndega ndichiti
"hazvifanire kuramba zvakadai , kana
ndikaputsirwa musha wangu na Nyenge
kureva kuti ndinenge ndatadza kumira
sa baba. Ndakatsividza kuna mbuya
Munyoro kuti muzukuru wavo
ndichamupa mufaro nekusingapere."

Vamwe venyu mungashaya kuti "mbuya


Munyoro ndevapi?
Avo ndivo mbuya vemudzimai wangu
vanova vakabereka baba vamai Lisa.
Ndivo vakachengeta mai Lisa sezvo
vabereki vavo vakashaika vachitori
rusvava ndiko kuvudzwa
kwandakazviitwa.
Pandakaroora mai Lisa mbuya Munyoro
vakandiraisisa kuti
" chero zvoita sei vanokumbira kuti
ndisazosiya muzukuru wavo nokuti
haana anomira naye."

Ndayifanira kuramba ndakamira


pachitsividzo ichi zvekuti ndakavona
zvakanaka kumboyenda nenyaya iyi
kuvakuru kuti vandibetsere.
Ndakarara ndichifunga kuti nyaya yangu
ndingatanga kuyenda nayo kupi chaiko?

Imwe njere yakanditi kwa "Sekuru


Nyamhanza "
Ndikavona ndava kudzungudza musoro
kuri kurambirana nekufunga kwangu.
Kwasekuru kwayisaita nekuti
vayitozondivudza kuti
"vakambondiyambira"

Aiwa ndakazorara ndaronga kuti


kuvabereki vangu ndiko kwakanaka.
Ndayifanira kuyenda nenyaya iyi kuna
baba naamai vangu kuti
vambondondipawo mazano.

Kuchiyedza ndakataura na amai mwana


kuti tiyende kumbondo shopper zvinhu
zve Christmas ndayida kuwana
kuzovanyengerera kuti tiyende kumusha
after shopping.
Akarambisisa akati iye haana nguva
yacho.

Handina kuramba ndichimupikisa asi


kuti ndakatomuvudza kuti Christmas tiri
kundodyira kumusha saka atotanga
kugadzirira.

Akada kumboramba asi paakazovona


kuti handisi pakutamba naye akabva
atotanga kurongedza mbatya
akagumbuka kwazvo.

Takazopinda mu town ndokutenga


zvataida, mai Lisa ayingove akanyarara.
Ndakazama kumbomuvhunza kuti
akatsamwei akabva ataura kuti hapana.

Tapedza kutenga takandokwira bhazi


kuyenda kumaruzevha kwedu atova
masikati.
Lisa ayiratidza kuva nemufaro kwazvo
nokuti takanga tava nenguva yakareba
tisina kumboshanya.
Ayitofara kuti ava kundoonawo mbuya
na sekuru vake.

Tichisvika kumusha kwedu munhu


wandakatanga kuvona ndi baba vangu.
Vakaratidza kushamisika nekutivona
nokuti vakaramba vakamira vakatitarisa.

Nenguva shoma ndakazonzwa vava


kusheedzera vachiti "mbuya va Lisa
budai muzovona vatitsika muzuva
ranhasi"

Amai vakabuda vachifambisa,


pavakavona tichipinda pachivanze
vakataura vachiti
"mirai zvenyu ipapo?" Vayidero
vachifambisa kuzosangana nesu
Lisa akavamhanyira achiti "gogo "
ayidero achivambundira

Amai vakabva vati


"tigamuchire muzukuru wangu"
vakadero vachimbofarirana.

"Makadini amai ?" Vakadero mai Lisa


vachipfugama pamwechete
nekuombera.

Munguva iyoyo ndakatadza kubvuma


manzwi andakanzwa achitaurwa naamai
vangu.
Havana kudaira kukwaziswa
kwavayiitwa asi kuti vakataura mashoko
anogumbura ekuti
"ko iwewe Innocent unondivudza kuti
uchiri kugara nemharapatsetsetse
yekukusungisa kuti isare ichihura iyi ?"

Ndakayerekana ndati "mhamha !"


Ndayidero neinzwi rakakwirira kwazvo.

Ndakanzwa baba vachiti "asi wayiti


hazvisvike nemunzeve dzedu here baba
Lisa.
Takazvinzwa kuti mukadzi wako
akakusungisa taive takamirira kuvuya
kwenyu chete kuti tibve tatonga nyaya
yacho.
Uyu mudzimai wava kutofanira
kundomupereka, haakodzere kuyita
muroora wekwa Marombedze!"
Vakadero baba vachitaurira pamusoro.

Ndakataura ndichiti "musakasika


kusimudza inzwi baba , ndinozviziva kuti
sekuru vane zvavakakuvudzai asi
ndinokumbirawo kuti munzwe kubva
kwatiri mafambiro azvakaita"
Ndichidero baba vakatanga kudya
maratya vachibetserana na amai zvekuti
ndakatadza kuzvibvuma kuti vabereki
vangu here varikutaura mashoko
anodzimba kudero.
Vakanyatsokutobuda pachena kuti
"ndava kutofanira kuramba mai Lisa ,
nokuti haasi mukadzi anovaka munhu
kuita makore mapfumbamwe achingova
kudhorobha achitadza kana kuisawo
chitumba pamusha"

Amai vakabva vati "anogovaka nepiko


nokuti anenge achitoda murume avorere
kujere akwanise kuhura. Kutaura kuno
chero chakatakurwa mudumbu,
handifunge kuti iropa remwana wedu I"

Munguva iyoyo mai Lisa akanga ava


kuyeredza misodzi.
Lisa akanga akangomirawo akabata
mornach mumavoko nokuti zvese izvi
zvakataurika tisina kana nekugara pasi.

Ndakanzwa moyo wangu kurwadza.


Zvekuparadzirwa musha wangu
nevanhu vakamisa yavo kare
ndakazviramba.

Ndakatanga kufunga nezverimwe book


randaive ndakamboverenga rinonzi
*Betrayal* rakanyorwa na authoress mai
Lex ra baba vaive vakaromba nemwana
apa vachinyepedzera kumuda kwazvo.
Ndaive ndakariverenga ndikarinzwisisa
zvekuti ndakava nekuvimba kuti
"Hazvisi zvese zvinotaurwa nevabereki
zvaunofanira kuterera, especially zviri
maringe nekuroora kwako.
Kana vayitaura kuti ndisiyane naamai
vevana vangu vayizama kureveiko.
Kureva here kuti ivo kubva vachiroorana
vaviri ava vayive vasina kumbotadzirana,
zvavava kutochembedzana vari vese"

Ndakayenda paive na Mai Lisa


ndokuvabata ruvoko ndichiti
"ngazvisakudyai moyo maimwana "

Mai Lisa vakataura vachiti "ndiri


kurwadziwa Marombedze, ndizvo
zvamavuyira neni kuno kuti
ndizosheedzwa kuti ndiri nzenza here ?"

"Kwete mambokadzi handina kunge


ndaziva kuti sekuru Nyamhanza
vakasvitsa shoko kumusha kuno.
Ngatichipindai mumba tiwane kuzorora"
ndayidero ndichitanga kufamba navo
ndakavabata.
Mai vayingopopota kuti mai Lisa
haafanire kurara pamba apa asi
handina kuda kupindurana navo.
Ndakatora mhuri yangu ndokupinda
mumba.

Takapiwa zvekudya mai Lisa akaramba


kudya achingoyeredza misodzi.
Zvayiratidza kuti mashoko aainge
ataurirwa aive asina kumufadza
zvachose.

Inini ndayingodawo kuti tidye Christmas


zvipfuure ndibve ndadzokera nemhuri
yangu.
Lisa kana mufaro waainge anawo
tochibva kumba wainge watodzikira.

Takarara pasina ayitaura neumwe


pakati pangu na mai Lisa nokuti
vayindipa mhosva kuti
"ndizvo zvandainge ndayendera navo
kumba kwedu kuti vazotukwa"

Ndakatovona kuti ndikaita zvinomupa


hasha , tingazotanga kukandidzana
mashoko tikafadza vabereki vangu.
Kuchiyedza ndayifunga kuti zvimwe
nyaya yacho yapfuura.
Ndakatonzwa amai vachitomukirira
kupopota , apa ndiro zuva re Christmas
rataitarisira kuti munhu wese ange ane
mufaro.

Ndakazama kutaura navo, asi


vakaramba vachitopopota zvayizopa
kuti vanhu vemuraini vabokorere
vachinzwa kutukwa kwemukadzi wangu.

Yaive shuviro yangu kuti ndimbofarawo


nevabereki vangu asi zvakakona n'anga
murapwa achida.
Takarongedza same day , ndikanzwa
mai vachiti "unenge wakadyiswa chete
Innocent. Izvezvi chaunotakurira
muzukuru wangu uchiyenda naye chii
ndisina kuguta kumuvona"

"Fungai zvamunoda amai , chandinoziva


ndechekuti handizombosiye
muchinditukira mudzimai ndakanyarara.
Ndayenda inini, kana moda
nezvemuzukuru wenyu kwatinogara
munokuziva" ndayidero ndichidhonza
bhegi rembatya grocery mai Lisa anga
aramba kuti tiritakure though
ndayifunga kutodzokera naro
kudhorobha.
Christmas takaiyidyira panzira sezvo
mota dzayinetsa.
Takatozosvika kumba zuva rava
kutodoka.

Ndakakumbira mudzimai wangu


ruregerero nezvainge zvaitika akabva
aramba akanyarara. Ndega
ndayinyatsovona kuti pane nyaya iri
kumudya pamoyo yaaisada kuti dyo.

Ndakaramba ndichingozama kutaura


naye kusvika azotaura kuti
"ndiri kumuhurira na Varaidzo "
"Varaidzo ndiyani?" Ndakabvunza
ndichitoshamisika nekuti kwaitovewo
kutanga kurinzwa zita iri.

Akaridza tsamwa ndokuti "handisi


mwana mudiki Marombedze, chokwadi
chaicho munochiziva"

Ndakatoziva kuti nyaya iyi iri


kukonzerwa na Nyenge chete hakuna
umwe.
Ndakarara usiku humwe chete zuva
rakatevera ndakabuda kuyenda kumba
kwa Nyenge ndayida
kumbondomuvonesa kuti zvaari kuita
handisi kufara nazvo.

Ndisati ndasvika ndakavona kuti


"kutovonesa Nyenge kuti hatisi
kuwirirana nekuda kwake ndinenge
ndamupa mukana wekuti anyatsoputsa
imba yangu saka ndakatendeuka
nekukurumidza"

Ndakambogara pasi pemuti ndakabatira


rushaya ndichifunga kuti ndouvaka
seiko musha wangu.
Zvekuva nemufaro unombobata
uchidzimuka ndayisazvida.
Zvandava kushanda yava kufanira kuva
nguva yekuronga nemhuri yangu
zvinobuda. Ndinofanira kuvonesa
vabereki vangu kuti handina kumboita
mistake kuroora nherera.

Ko handi mai Lisa vayisambovada kubva


pandakatanga kuvaroora vachiti
"munhu asina vabereki haasi wekuroora
nokuti anenge asina mutemo. Sekuru
Nyamhanza ndivo vaimbomira neni , asi
apa vanga vandipandukira zvavo."

Ndichiri mukufunga foni yangu yaka


ringer ndokuvona vari sekuru vayitofona.
Handina kana kubata foni yavo
ndayitove ndakavatsamwira,
chavaivudzura vabereki vangu
nezvekusungwa kwangu chii.

Ndakavona vaisa message yekuti


"bata foni muzukuru"

Vakabva vafona zvekare

Ndaka receiver ndokuramba


ndakanyarara.

Ndakanzwa vachiti "ndanzwa kuti


makasvika kuno Marombedze, ko sei
musina kusvikawo kumba kwangu?"

"Chikonzero munochiziva sekuru, ko sei


makavudza vabereki vangu
nezvekuyenda ku chitirongo kwangu
imimi muchiziva kuti havafarire mai Lisa
nechekare?"

"Ndakaitira iwewe muzukuru, kuvona


kwangu mukadzi wako haakodzere kuti
uve naye"
"Sei muchidero?" Ndakabvunza

Vakati
"nokuti anoda upenyu hwepamusoro,
kuzoyenda nekuyenda anogona
kukuparika mukadzi uye handimuvimbe
zvangu " vakadero ndikabva ndati

"Nerubetsero rwenyu hazvingaitike


ndinovimba nemi sekuru"

"Munorevei Marombedze ?" Vakabvunza

Ndikati
"kuti ndive murume zvandiri nhasi uno
ndimi Nyamhanza.
Makandidzidzisa kuva murume
akapangama, zvekare ane rudo anoda
mhuri yake.
Musha wangu haungaparare kana imimi
sekuru muripo izvozvo ndinozviramba"
ndakadero ndichikata foni yangu nokuti
ndayitonzwa kuda kubuda misodzi.
Shungu dzaive dzakandiwandira kwazvo
nokuti zvandaida zvairamba kuyitika.

Chandaishuvira kuva nemufaro


nemukadzi wangu pasina kupokana,
tichirongera upenyu hwedu pamwechete.
Ndainzwa moyo wangu
kushungurudzika zvakanyanya kuti
ndisiyane na mai vemwana wangu
ndizotanga kukanda umwe mudzimai
shoko aiwa izvozvo ndayisazvishuvira.

Chokwadi vana vangu vokura pasina


amai nababa nokuda kwekuti isusu
vabereki takatadza kugadzirisana kwete
kwete, zvaisafanira kuita sekudero.

Ndichikata foni, ndakambogara


chinguva ndikazovona chigwaro changa
chakakura kwazvo kubva kuna sekuru.
Ndakadzokorora kuverenga message
iyoyo kasingapere.
Ndakaidzeya ndikabva ndataura
mumoyo ndichiti
"thank you so much sekuru.
Ndayive nekuvimba kuti zvavainge
vanditaurira kana ndayizozviita
ndaikwanisa kuyikunda chete miyedzo
yainge yodzika midzi
mumba mangu"

Ndakangonyora message yekuti


"zvamataura ndazvinzwa sekuru,
ndichazama kuita sekudero ndinotenda"

Ndiri sekuru vako Marombedze , handife


ndakakuvudza zvinoputsa.
Zvawataura kuti mudzimai wako
unomuda ita zvandakuvudza
uchazonditenda nerimwe ramazuva.

Ndichipedza kuverenga ndakasimuka


pandaive ndakagara ndichinzwa
zvirinane.
Ndakataura nechemumoyo ndichiti
"Ndimirire zvako Nyenge ndiri
kusangana newe kusiri kare."

Kana ayida kuputsa wangu, aiwa wake


ndiwo waizoputsika.
Handi arikuzamawo kuwuvaka musha,
ayifanira kunzwa kurwadza kwazvo
kutsakatikirwa ne relationship yawa
builder.

End of chapter 19

Stay tuned
*CHIREMWAREMWA*

*From chapter 1 kusvika patiri please


join the link ndiri kuisa machapters
ekumashure ese. Rambai kusaririra mu
book redu rezvidzidzo zvemudzimba ma
🔥🔥🔥
bvrrrii ega ega*

https://chat.whatsapp.com/F6F58ZwzX
OPBPXbuQ3m44S
what's App group
Story by

mªi *£ex*

№ +27 ⁶⁵ ⁸⁴⁰ ⁷¹⁰³

Edited by *Opha*

№ *+27 748695086*

📘 Book ¹⁴
Chapter *20*

*MAI MAROMBEDZE*

Ndakanzwa kuremerwa kukuru kwazvo


ndichinzwa Varaidzo achitaura pafoni
achiti
"Marombedze varikutoda kuyendesa
mukadzi kumusha.
As long angova ikoko ndipo
pandichatanga kugara nemurume.
Marombedze vanondida ende
vanonyatsondipa rudo
rwandinogutsikana.
Izvezvi kutaura kuno mari yese
yavakapiwa ye bonus yakavuya
kwandiri"

Ndichinzwa mashoko a Varaidzo


ndakafunga kakumbundira kaakaita
murume wangu musi watakasvika
pabasa ndikabva ndanyatsovona kuti
"pakati pevaviri apa pane zvaivepo
chete."

Ndakaguta nehasha zvekuti handina


kuzombomira.
Ndayenda kumba ndisina kana
kumbooneka Nyenge , ndakatomusiya
ari pafoni.

Ndichisvika ndakasvotwa na
Marombedze, vachinyepedzera kupusa.
Kutoda kundibata bata kuda vayifunga
kuti handina chandayiziva , aiwa
ndakavasundira kure.
Ndayinyatsokunzwa moyo wangu une
kushungurudzika kukuru kwazvo zvekuti
ndainzwa kuvavenga.

Takazoyenda kumusha kwavo, uko


kwandakandoitwa zvinogara zvakadero.
Mashoko akataurwa na vamwene vangu
haana kundifadza, akawedzera
kudzimbira ronda raive pemoyo pangu.

Takazodzokera kumba kwedu, sezvo


Marombedze vakanyepedzera kumira
neni.
Inini ndayingove ndakanyarara
ndichinyatsofunga kuti " Marombedze
vashoreiko pandiri zvekuti vangasvika
pakundihurira"

Zuva rakatevera ndakanzwa vachiti


"mai Lisa handisi kufara"

"Ko ari kufara ndiyani?" Ndakabvunza

Vakabva vati
"Iwewe kusafara mazvokuda ako.
Ndinovimba ndakambokuudza kuti
usiyane neshamwari yako asi
wakanditora kunge ndinopenga.
Wakaisa zvitanda munzeve , ndokubva
wayenderera kumberi nekutamba naye
wakazviitirei?"
"Shamwari yamuri kutaura nezvayo
ndeyipi ?" ndakabvunza kunge
ndayisaziva munhu wavaireva.

Ipapo vakati
"Ndipe foni yako" vakadero ndikabva
ndavatambidza.

Vakarurama ku what's App ndokuyenda


ku number dza Nyenge.
Vachingovhura kwaitove nemessage
yaive ichangobva kusendwa yaive
yakanzi
"best umbomira kubvunza nyaya ya
Varaidzo, tinofanira kuvabata red
handed vari vese ugobva watangira
ipapo"

Baba Lisa vakati


"hawoka mashoko kubva kuna
vasahwira vako, haasi iye Varaidzo
waurikundipomera kuti ndinodanana
naye here arikutaurwa na Nyenge?"

Ndakabwaira maziso ndichishaya


mhinduro.
Ivo vakataura vachiti
"ndava kuita ndichineta newe mai Lisa.
Dzimwe dzenguva ndinoona kuti
vabereki vangu vanorevesa kuti ndakaita
mistake kudanana nemunhu akaita
sewe.
Kutanga tanga ndakakuyambira kuti
sahwira wako haasi kufara newe anoda
kukuputsira musha , asi chii chawakaita
wakatora advice yake ukasvika
pakundisungisa.
Ndakapotsa ndaitwa mukadzi kujere asi
handina kuda kubatira chigumbu
ndakakuregerera.
Nhasi uno urikundivudza kuti ndiri
kukuhurira ndisina chandinoziva,
nekungovimba zvaunoudzwa
neshamwari yako chete.
Haiwa izvi handingazvitenderi
zvichiyenderera kumberi.
Yakwana nguva yekuti uchimboyenda
kumusha kwako, wozodzoka wava
nechokwadi kuti unondida uye unoda
zvemusha.
Kana usingachade musha unondiudza
pachine nguva ndiwane kutsvaka imwe
life partner inoda zvekuronga pamwe
chete neni. Makore haasi kumira
arikuyenda kumberi, ndisina kana
zvisvinu zvandiri kuronga zvinobuda"
vakadero ndikaramba ndakavatarisa
ndichishaya remuromo
Havana kuzomboramba vakamira
pandaive vakabva vayenda.

Munguva iyoyo ndakamboti zvimwe


ayingovewo mashoko ekurwadziwa asi
ndakatozovona kuti vayirevesa
pavakamuka zuva rakatevera
runyanhiriri vachirongedza twumbatya
twangu.

Vakataura kuti
"Lisa haafanire kuziva zviri kuitika saka
tinofanira kubuda achakatorara"
vayidero vachinyora chitsamba.
Ndakadongorera ndikavona chine
maringe nekuti, Lisa kana amuka
asazokahaadzika nekusatiwana pamba.

Vachipedza vakachigadzika pachena


ndokuzotaura vachiti
"mukai amai tiyende regai kuramba
muchipfinyira mumagumbezi"

"Murikuzama kuita sei baba Lisa,


kuyenda kupiko usiku hwuno?"
Ndakabvunza
Vakabva vati
"handisi pakutamba newe mai Lisa.
Zvandakataura nezuro kuti iwewe
ndichambondokusiiya kumusha kwenyu
unozodzoka kana wava nechokwadi
kuti unoda musha ndayitorevesa."
vayidero vachindidhonza kuyenda neni
panze.

Ndakanyatsofungisisa nezvemashoko
andaive ndakanzwa Varaidzo achitaura
ekuti
"mai Lisa varikuda kuyendeswa
kumusha ndikavona kuti manzwi ake
akanga ava kuda kuzadziswa"
Imwe pfungwa yakavuya zvekare yekuti
"Ndinogona ndakamhanyisa kutuka
murume wangu pamwe haana
zvaanotozivawo"

Ndakatanga kufamba ndichidzokera


mumba, nokuti ndakanga ndafunga
kuvarambira kuyenda kumusha.

Ndichidzokera baba Lisa vakataura


vachiti
"urikupedza nguva mai Lisa,
usakangamwa kuti kwatiri kuda kuyenda
kure.
Zvekare tiri kuyenda na bamunini Benny,
unongoziva basa ravo vanenge
vachitova nema customers nechekare
saka hatifanire kuredzva nguva."

"Handisi kuramba kuyenda kumusha


kwedu , asi handina kwandinoyenda
ndisina mwana wangu" ndakataura
ndichidero.

Zvekundosiiwa kumusha pasina lisa


handaida nokuti ndayisaziva zvayifunga
Marombedze.
Vayigona kudero vava kutoronga
kundondisiya zvachose vakasara
vakaroora Varaidzo zvavo.
Kana ndayizoyenda na Lisa ndayitoziva
kuti vaizotevera kana zvikoro zvava
kuvhurwa.

"Lisa hakuna kwaanoyenda nokuti


handina kunge ndataura naye izvozvo"
vakadero ndikati

"She is just a child, kutongomuudza kuti


tiri kundoona vana gogo
anozvinzwisisa" ndakadero ndava
kutondorongedza mbatya dza Lisa.

Ivo ndivo vakazomutakura kuyenda naye


mumota sezvo bamunini Bernard
vainge vatosvika, vanenge vakanga
vasingade kuti titange kupikisana
pahuso hwavo.

Ndichipinda mumota chandakaita


kukwazisa bamunini ndokuzendama pa
seat.
Semunhu akanga achine hope
ndakabva ndatokotsira.
Ndakazopepuka pandakanzwa inzwi
rakataura richiti
"ndiko kumusha kwenyu kunoku gules
kune mapiripiti kudai?"

Munguva iyoyo ndakasvinura maziso


angu zvishoma nezvishoma, sezvo
ndainzwa kakuteyewa nezuva.
Ndakasanganidzana maziso na
bamunini Benny , apa vaive
vakanyatsonditi ndee.
"Varikupi baba Lisa?" Ndiwo wakava
mubvunzo wangu wekutanga
ndichizvizamura.

"Vaudzwa kuti vepano vari ku garden


saka ndiko kwavatevera" Vakapindura

"Ko Lisa?"

"Vayenda naye , ati anotodawo kuyenda


kundovona ku garden.
Tangosiiwa tiri vaviri chete pano"
Vakapindura
"Ohh okay, ndazonyanyorarisawo kana
kumbozvinzwa kuti tasvika , ndipo
pamba pandakazvarirwa pano
bamunini." ndakadero ndichitovhura
door remota ndokubuda panze.

Bamunini vakabva vabudawo.

Munguva yese iyi ndayinyatsovona kuti


vayinditarisisa zvekuti ndakasvika
pakutaura ndichiti
"murikuita kundicherechedza kunge
murikundifananidza kwakanaka here
bamunini?"

Vakasekerera ndokuti
"kutoshamiswa zvangu nezvandiri
kuvona"

"Murikuvonei?" Ndakabvunza vakabva


vati

"Chizvarirwa changu handina kumboona


munhu anobva kuhope akanaka
sezvamuri."
Ndakavatarisa ndichishamiswa
nemashoko avo kuti aive akananga kupi.
Ndakanzwa vachiti

"Sorry gules , ndinogona kuita kunge


ndava kudarika muganhu asi chokwadi
ndicho chekuti makanaka amai
Marombedze.
Mukoma vangu havana kana kumboita
mistake kuroora tsvarakadenga yakaita
semi" vakadero vachitaura nenzwi
riripasi pasi kunge vayizvimanikidza
kubuditsa manzwi

Kubva ndichiziva bamunini Benny


ndaisambovacherechedza asi musi uyu
ndakasarudza kuvatarisa huso.

Zvavayingoita chete ndakavona kuti


"vane kakuzvinzwa kari mavari"

Vakazobvunza mubvunzo wekuti


" sei Marombedze vachida kukusiyai
kumusha kuno?"

"Nokuti kumusha kwangu , pane


chakaipa here kuti munhu ange achiisa
pamba pake" ndakabvunza
Ndikanzwa voseka seka vachiti
"kungoti kamutauriro kandanzwa
Marombedze vachiita, ndavona kunge
vanoda kukusiyai kuno zvachose inini.
Mune chokwadi here kuti vakakusiyai
vanozokutorai zvakare , nokuti
kwakanyanya kuita kumachonyonyo
handifunge kuti chero mota
dzinotombowanika dzekuzodzoka nemi
kudhorobha"

Mibvunzo yacho yakanga ine


kakubhowa saka ndakapindura ndichiti
"zvimwe zvava kuda muchivabvunza ,
ndivo vadzoka avo " ndayidero ndava
kumhanya kundosangana nambuya
vangu.
Ndakanga ndava nenguva yakareba
kwazvo ndisina kuvaona.

Vakandigamuchira vane mufaro


ndokutaura vachiti "mwana wemwana
wangu wavuya?"

"Ndavuya mbuya ndanga ndakusuwai


kwazvo"
"Neniwo muzukuru wangu, manga
morovera kudhorobha kwenyu ka uko?"

Ndakaseka, ndichizopinda mu kitchen


kutora pekuti vanhu vagare.

Ndayinyatsovona kuti mbuya vangu


vane mufaro nekushanya kwatainge
taita.
Takabikirwa zvekudya tikadya,
kuzosvika Marombedze vakataura
vachiti
"Muchitivona tasimudza tsoka kudai
mbuya pane nyaya iripo yandinokumbira
kuti nditaure nemi ndisati ndadzokera"

"Ko munodzokera nhasi here ?"


Vakabvunza mbuya

Marombedze vakati "hongu mbuya, asi


mudzimai na Lisa vachambosara zvavo
"

"Hapana chaipa muzukuru ,


ngatichipindai mumba tiwane
kukurukura" vayidero mbuya
vachisimuka kupinda mumba.

Inini na baba Lisa takatevera, tichigara


pasi baba Lisa ndivo vakatanga kutaura.
"Vakanyatsotaura muraramiro watayiita
kubva pavakasiya basa, kuzotanga
kutamba na Nyenge kwandakaita
achizonditsvakira basa uye
kuvayendesa kujere kwandakaita.."

Ndingangoti vakataura zvese havo


havana kana chavakasiya.

Munguva iyoyo ndayingove


ndakanyarara, ndakanzwa mbuya
vachitura befu.
Ndayifunga kuti vachandipawo mukana
wekutaura asi havana kudero.

Vakataura vachiti
" inga makapinzwa munguva yakaoma
Marombedze.
Maita zvakanaka chose kutanga mauya
nekwandiri" vayidero vachinditarisa inini
ndakabva ndatarisa pasi.

Ndakazonzwa vachiti
"handina kumbobvira ndakafunga kuti
muzukuru wangu wandakarera neangu
mavoko angaita zvinhu zvakadero.
Aiwa ndinokutenderai zvenyu kuti
mumbomusiya.
Ndichazama nepandinogona napo
kutaura naye , kana mukavona
akazotadza kunzwisisa zvekare aiwa
zvemusha zvinenge zvatomuramba"

"Ndinotenda mbuya inini handichagare ,


mhuri yangu ndichavuya ndichiitora
mumazuva ari pedyo."
Vayidero vachibuditsa mari
ndokutambidza mbuya vachiti
"mosara muchibetsereka"

Mbuya vakagamuchira ndokutenda


Marombedze nemutupo, vakazotaura
vachiti
"ndava kumbokusiyai muchiita hurukuro,
munondiwana panze" vayidero
vachibuda.

Pavakabuda baba Lisa vakaswedera


pedyo neni ndokutaura vachiti
"Amai vevana vangu , ruva remoyo
wangu" vayidero vakanditarisa
mumaziso
Ndakatarisa pasi ndichikundikana
kutarisana navo.
Mupfungwa dzangu ndaifunga
zvakasiyana siyana.

Marombedze vakazoti
"Zvandiri kuita izvi ndiri kuitira tese
mukadzi wangu.
Ndinozviziva kuti parizvino hauna kana
chauri kunzwisisa asi nekuzofamba
kwenguva uchanyatsovona kuti inini
murume wako handina kana zuva rimwe
randakakuitira hutsinye."
Vakabuditsa mari yakati kuti ndokubva
vanditambidza vachiti
"wosara uchitenga zvaunoda mudiwa
wangu, ndinokuvimbisa kuti ndinouya
kuzokutora kusiri kare" vayidero
vachipfugama.

Vakakisa dumbu rangu ndokutaura


vachiti
"Bye mwanawangu usasara uchinetsa
mhamha handi" m

Vakazotanga kufamba kuti vachiyenda


ndakabva ndamhanya ndokuvambundira
nekumashure ndichiti
"i will miss you Marombedze " ndayidero
ndichitosvimha.

Ndayinyatsokunzwa kuti ndasundira


murume wangu kure neni.

"I will miss you more my love,


handifunge ranhasi dzikandobata
ndisinewo padhuze. Ndinokuda Laiza"

"Neniwo ndinokudai daddy.


Ndinokumbirawo mundiregerere pane
zvese kusanganisira nekukupumhai
wuhure ndisina chokwadi " ndakadero

Vakabva vati
"handina kumbokutsamwira inini.
Chandaneta nacho kuti tiwirirane
kwenguva shoma totanga futi kumarana
pasina nenyaya." vakazodero
vachiyenda kwaiye na Lisa
ndokundoonekana naye.

Iye ayiratidza kuva nemufaro nekusara


kumusha, nokuti akanga atova busy
kudya mengo nevanwe vana.
"Bye my Princess " vakadero ba Lisa

Lisa akabva ati "by Dad, please


musazokurumidza kuvuya kuzotitora"

Munguva iyoyo tese takaseka.

Ndakazombundirana nemurume wangu,


ndikanzwa bamunini vava kuti
"Itai muchitarisa nguva Marombedze"
vayidero vachiridza hooter
Marombedze vakatanga kumhanya
vachiyenda nokuti mota yanga
yatomutswa.
Ndakaramba ndakamira ndakatarisa
mota kusvika yapota.

Munguva iyoyo ndanzwa mbuya vachiti


"inga unenge unomuda chaizvo murume
wako?"

"Hongu mbuya nemoyo wangu wese"


ndakadero ndichinyemwerera
Ndikanzwa vachiti
"kana uchimuda kubva zvakanaka zvee,
chinditevera tigare pabvute apo
timbonyatsokurukura nokuti murume
wako hatizive kuti anodzoka rinhi.
Ndinoda kuti paanouya kuzokutora
awane mufaro nokusingapere.
Moyo wake muchena kwazvo ,
anokodzera ropafadzo yemudzimai
kwete uyo anomurwadzisa."

Ndakatanga kufamba ndichivatevera


apa hana ichirova.
Ko mbuya vangu vanongonzi mbuya
Munyoro asi hazvirevi kuti vakanyorora
zvee.

Mudunhu redu rese vanotovaziva kuti


kana vakanyatsotsamwa chaiko
vanonhuwa sechidembo.

Ndayitotya zvangu kutukirirwa.

Tichigara pasi vakatanga nekutaura


vachiti..
End of chapter 20

Stay tuned

*CHIREMWAREMWA*
From chapter 1 kusvika patiri pindai
umu risati razara.

https://chat.whatsapp.com/F6F58ZwzX
OPBPXbuQ3m44S
what's App group

Story by

mªi *£ex*

№ +27 ⁶⁵ ⁸⁴⁰ ⁷¹⁰³

Edited by *Opha*
№ *+27 748695086*

📘 Book ¹⁴

Chapter *21*

*NYENGE*

"I am so happy babe ,


ndirikunyatsokunzwa kuti zvakanaka
kuva newe murudo. Aiwa mibato yanaka
iyi chirega kuramba uchiwedzera"
akadero Clive achinyatsondipurudzira ku
honeypot apa inini ndakanga ndava
kuita kakutsumwairira semunhu akanga
azara nerudo nechekare.

Ndakataura ndichiti "mune chokwadi


kuti ndiwo muzera wamunoda here
daddie, nokuti handina kana kumboneta
kudhonza ini.
Zvekare ndine zvimwe zvandakanzwa
zvinokwanisa kuwedzera
nekukurumidza, aiwa kushaya mibato
mazvokuda"
Clive akaseka ndokuti "ndezvei izvozvo?"

Ndikabva ndati "mashizha emutohwe


bae , hanzi kungomaomesa woita
chimonera woita zvekusvuta uchimedza
chihutsu.
Paunohotsira kana kukosora anobva
atanga zvawo kukura"

Clive akawedzera kuseka ndokuti


"kwana iwewe , unoda kuzoita
anosemesa here.
Pawava ndipo chaipo pandinoda , aiwa
Chiremwaremwa chinokosha
muupenyu hwedu shamwari apa
chakashanda apa" ayidero
achinyatsondivhura makumbo.
Ndokubva atanga zvake kuisa rurimi
achiita rwekutenderedza pakati
petunzeve achimboita zvekudhonzerera
narwo.

Ndakashinyira ndashinyirazve.
Zvaayindiita zvayaindi turner on
nekukurumidza, zvekuti ndakazosvika
pakugwinha.
Aiwa Clive ainyatsondigonera, apa iyewo
ku side kwake zvakanga zvicharemera
kumusoro setsvimbo.
Ma work outs ayiita chose , asi
ayiratidza kuti ayinonoka nokuti kasinhi
kaingokura zvishoma nezvishoma
kakanga kasati kanyatsoti dyo-o
pandinoda.

Ayizongondigonera pa congo dust


yaakanga ava kumwa aiwa ndayitoimba
manhanga kutapira nekuti ayitora
damba refu.
Akandipa bonde kusvika
ndanyatsokunzwa kuti ndagutsikana.

Ndakazoita zvekureva kuti


"zvakwana ngatimbotora dendamaro,
achingopombera chete."
Mwedzi dzakanga dzapindana zvinhu
zvakarongeka nemudiwa wangu.
Chakanga chava kundishungurudza
inhau yembereko.
Ndakazama chose kugeza chibereko asi
nhumbu yakaramba kubata. Zvese
zveuchiko ndakamwa asi handina
kuvona sanduko, kana mwedzi wapera
ndayitongoenda kumazuva angu.

Apa iye Clive ayitotaura kuti


"Anotodawo mwana awane wekuzosiira
pfuma yake kana nyama nemweya wake
zvaparadzana"

Ndakamuvimbisa kuti mwana


ndichamuitira , nguva ndiyo isati
yakwana.
Ipapo akataura achiti
"hazvina mhosva babe wangu, handisi
zvangu pakumhanya asi ndangoti
ndikuzivise kuti mwana ndinotomudawo
muupenyu"

Ndayizorwadziwa ndichivona Laiza achi


poster ma status ema pictures ake apa
chitumbu chakanyatsobudikira.
Nekuziva kuti anoda zvinhu ndakabva
ndayisa mota yandakangotorawo mu
group rana amai.
Yaive yeumwe mukadzi ayitaura kuti
"atengerwa nemurume wake mushure
mekunge amuzvarira
mwanamukomana."

Zuva rakazosara kusikata Laiza


atomhara apa ndainge ndatoudzira
Varaidzo zvekutaura.
Ndakavona hama ichiratidza kushaya
mufaro, nemashoko aaive anzwa kuti
Varaidzo arimurudo nemurume wake.
Kubva zvaakayenda musi uyu handina
kana kuzombomuvona.
Ndakazama kuisa ma message asi
ayisapindurwa.

Ndakagara vhiki yese ndisingakwanise


kubata Laiza, ndakatadza kuziva kuti
aive kupi chaizvo.
Rimwe zuva ndakasarudza kuita zvivindi
kuyenda kumba kwake.

Ndichisvika payisatove nemunhu, ndava


kutoda kudzokera ndipo pandakavona
mota ichisiya Marombedze.
Handina kuda kubudikira nokuti
ndayitoda kutaura nemunhu aive na
Marombedze iye asingazvivone.

Marombedze vachipinda mumba


ndakamhanya ndichiyenda kwaive
nemota ndakasvika ndikati "makadini
bamunini?"

"Ndinosimba murisei?" Akapindura


murume ayivemo akanditarisa
achiratidza kuda kunzwisisa zvandaive
ndakamirira pedyo naye

Sezvo ndayisada kuvonekwa na


Marombedze ndakataura ndichiti
"Ndinokumbirawo kutaura nemi , asi
kwete pano"

Haana kana zvaakabvunza akangoti


"okay pindai"

Ndakapinda mumota nekukurumidza,


ndokubva akaimutsa.
Tavachinhambwe nepamba pa
Marombedze ndipo paakamisa akabva
abvunza achiti
"ndimi munonzi ani?"

"Nyenge ndiro zita rangu, ndiri sahwira


mukuru waamai Marombedze"
ndakadero ndokumbonyarara.
Ndisati ndati dyo-o nyaya yangu
ndakataura ndichiti
"Ndinokumbirawo kukuzivai kana
zvichibvira muri chii chaamai na baba
Marombedze "
Vanonditi bamunini asi hatina zvedu
ukama.
Zita rangu ndinonzi "Bernard Chimbwa.
Ndinoita zvekutakura vana vechikoro
nemota yangu iyi, kusanganisira
nemwana wa Marombedze, ndiko
kuzivana kwatakaita.

"Okay zvikoro zvazvakavharwa saka


murikudei pano ?" Ndakabvunza vakati

"Ndirikubetsera Marombedze
nechifambiso sezvo vane dzavari
kutsikisa.
Kutanga ndakandosiya mudzimai wavo
kumusha kwavo, nhasi uno tanga
tichimbobva mumaruzevha mavanga
varikundobhadhara mari ye munda "

"Munoreva kuti Laiza akandosiiwa


kumusha kwavo?" Ndakabvunza

Vakati "laiza ndiyani?"

"Mai Marombedze ndivo vandiri kutaura


nezvavo" ndakadero ndikavona Benny
achisekerera.

Akataura achiti "hongu vakandosiiwa,


kuvona kwandakazviita vaviri ava
vanenge vasiri kunzwanana"

"Saka chii chirikunakidza ndiri kuvona


muchinyemwerera kwazvo?"
Ndakakurumidza kubvunza

Vakapindura vachiti "nokuti tiri kutaura


nezvemunhu anodiwa nemoyo wangu"

"Ndiyani iyeye ?" Ndakabvunza kahana


kachirovera mufaro kuti ndazowana
mubatsiri
"Mai Lisa of course, i love her
wholeheartedly. Hunhu hwawo
hwunondifungidza mudzimai wangu,
zvekuti kungovaona ndinonzwa moyo
wangu kuzorora"

"Ari kupi mudzimai wenyu, asi akadyiwa


nepasi?" Ndakabvunza vakati

"Kwete ariko zvake asi kuti takarambana.


Infact akandiramba ndokuyenda nevana
vangu vaviri vese.
Kutaura kuno ndava nemakore matatu
ndichihutamba hubhachura"

"Ko makarambirwei murume akasvika


kudai ?" Ndakabvunza
ndichinyatsomucherechedza.

Pachokwadi Benny munhu akasvika


sebagwe repachuru.
Body yake yakanyatsogwinya zvekuti
ndivo vaya vanotaurwa kunzi ma fine
boy.
Zviri zverunako hatichataure, ane
hutema hwakafanira apa
akanyatsogerwa zvakanaka. Zvekuti
ndakatombonzwa kamoyo kubayika kuti
sei Laiza achingodiwa nevakanaka
chete.

Munguva iyoyo akapindura achiti


"ndakarambirwa kurwara , ndinodunga
majehovha ndovuyako " ayidero
achiseka akanditarisa.

Ndakaseka ndikati
"kwana iwewe , kune munhu angarwara
akasvika here kudai?"

Akangoramba achiseka ndokuzoti


"ngatizvisiye zvandakarambirwa
nemudzimai wangu.
Chandinokumbira ndechekuti usavudza
Marombedze nezvekuda mudzimai
wavo kwandiri kuita.
Handizive kuti ndakuvumbirei chaizvo
kusvika pakukuvudza nyaya iyi"

Aiwa usatombondityira zvako handina


kana zvandinovaudza.
Kana uchida ndinogona kutokubetsera
kuhwina moyo wamai Marombedze.

"Are you sure ?" Akabvunza ndikati


"Hongu.
Mukadzi uya haasi mu hard zvachose.
Chaunofanira kuita kumupa mari uye
kumuvimbisa kuti unotova neimba
mudhorobha isina anotsvaira.
Zvekare womuvudza kuti
you're willing kweva sanzu nemashizha
aro"

"Do you think angadyira neizvozvo here


?" Akabvunza Bennu ndikati
"Anotodyira nokuti zvinhu anozvida.
Iwewe unganidza mari chete kana wava
neyakawanda unondiudza tobva tayenda
kumusha kwavo izvi tinofanira kuzviita
zvikoro zvisati zvavhurwa"

"Thank you Nyenge, kana zvikafamba


zvakanaka ndinokuvimbisa kukuitira
zvihombe.
Mukadzi uya ndinomuda ende
haakodzerane ne rombe rakaita sa
Marombedze"

"Don't worry lover boy nekuda kwangu


zvinoita chete" ndakadero
ndichinyemwerera.
Akazomutsa mota ndichimupa ma
directions kusvika tava pedyo nepamba
ndakamuti achindisiya nokuti ndayisada
kuvonekwa na Clive ndinaye ayigona
kuzofungira zvisizvo.

Akatondipa mari yekuti ndizogara


ndichimuyeuka

Ayiratidza zvake kuti akanga asina


kuomera munhu wacho, saka
ayishandika naye.
Ndichisvika pamba ndakatora foni
yangu kuti ndimbomhoresa vasahwira ,
ndayida kungonzwa kuti varisei
kumachonyonyo kwandaive ndanzwa
kuti vari.

Ndakasvotswa achiratidza kuti akandi


blocker nokuti
"number yake yaisabuditsa profile pa
App, zvekare kufona yaingoringer
kamwechete yoita kunge yakatwa
kureva kuti yaitove yakaiswa pa black
list.
Izvozvo zvakawedzera uturu hwangu,
inini zvemunhu anoita kunge ava kuda
kundingwarira ndizvo zvandisingade
zvee.
Ku blocker kwaitove kuratidza kutiza
ma advice angu.
Ndayizokwanisa kutumira Vongai kuna
Marombedze sei kana ndisina update
yakwana aiwa Laiza ayifanira kudzokera
mumavoko angu"

Bernard anga andipa number saka


ndakamufonera ndichida kutomuudza
kuti rinotevera titopinda panzira zvinhu
zvisati zvaminama.

Asati adaira Clive akabva asvika


ndikabva ndatokata foni.
At least akavuya nemashoko
akadakadza ekundondiroora.

Ndakazoisira Benny message yekuti


asafona back ndichazomufonera inini
kana ndawana mukana.
Ndakazorara ndichisasana nemudiwa
wangu, rakatevera ndakayenda
kumusha kundozivisa hama dzangu
nezvemukwasha anoda kubvisa.

Sezvineiwo kwedu mari vanenge


vakatoisvinurira kuvamvana vavo list
rakanyorwa , ndikabva ndadzimira
ndichiwedzera mari ko mari yavanga
vaka charger yaive shoma pashoroma
yakaita sa Clive zvee.

After 7 days hama dzakazoungana


ndokubva ndikaroorwa.
Aiwa vabereki vangu vakafara,
vakataura kuti "pandiri vakanga vasisina
Tariro, asi kubata kwedenga
kwavonekwa"

Takazorara kumusha kwedu zuva rimwe


chete, ndokubva tazoyenda kumba
kwana Clive chifume.
Ndakagamuchirwa zvakanakisa , vese
vairatidza kuti vakanga vari desperate
kuva nemuroora.
Vanenge vayiziva hurema hwemwana
wavo.

Vari saamai va Clive handichataure,


vaive nenyemwerero yakakura kwazvo.
Vayiratidza kukundikana kugarisika,
nekungondivona chete ende vayindipa
rumbidzo.

Sevanhu vasingagarire mavoko


takazooneka tava kudzokera
kudhorobha kuitira kuyenda kumabasa.
Isusu tayisave ne holiday yakakura
nekuti kubasa kwedu kana vana vari
pazororo ndiko kwakunotonyatsofamba
vabereki vachitenga ma uniforms.

Ndakatenderana na tembo kuti


ndichange ndichimbogara pandairoja
sezvo paive pedyo ne kubasa kusvika
tazovakawo nemusha unoti wedu.
Clive haasi munhu ane zvibinge
zvakanyanya, akatotaura kuti
"hapana chakaipa, tichange tichingoita
yataiita kana paanenge ari free anenge
achingovuya kwandiri"
Semunhu anogara ari busy , vhiki iyoyo
yaakandibvisira pfuma akabva atobuda
nebasa ndokutaura kuti anodzoka pakati
pemwedzi kureva kuti ayizoita vhiki
mbiri dzese asipo.

Ndakatofarawo nekuti neniwo


ndayizokwanisa kuita zvandinoda
nenguva yandinoda.
Achingoyenda ndakafonera Benny
ndokumuudza kuti rwendo rwapfumba.

Iye akataura kuti


"ari more than ready mari yandakareva
yavapo kare "
Ndakazorara ndagadzirira zuva
rakatevera ndakamutswa ne knock pa
door ndichivhura ndakavona ari Benny
ndakataura ndichiti
"two minutes ndimbochinja "

Ndayidero ndichitopinda mu shower,


ndakageza fast ndokupfekawo mbatya
dzakagahanira semunhu ndayiziva kuti
ndikuyenda kumamisha ndokupakatira
handbag yangu.

Ndakanzwa Benny achiti


"you look so generous babes"

"And you looks so handsome shaa ,


wakanaka Benny" ndaidero
ndakanyatsomutarisa mumaziso.

Akaseka ndokuti
"hakuna murume akanaka Nyenge , dai
wangoti ndakashambidzika
ndayizotenderana newe"

"Kutonaka chaiko, wakandinakira zvako.


Especially ma lips ako ayo yooh
ndinonzwa moto mubhurugwa
nekungokutarisa chete" ndakadero
ndichitsinzinira twumaziso.

Benny akandirova kambama ndokuti


"kwana iwe , chenjera kundichiva"

"Haa unochivika iwe, kungoti i am a


married women ndingadai
ndambokumbira kuva mumapapiro ako "

Kuzodero Bernard akanga


asingachagone nekungoseka achi driver.
Takadarika nemu town ndokuita
shopping , tichipedza takabva
taruvamba rwekunyenda
kumachonyonyo kwandainzwa
kuchingorondedzerwa na Benny kuti
hakuite kwakazara makomo.

Zvakatitorera ma hour mashanu kuti


tisvike.

Tichisvika takawanikwa Laiza


akatogara zvake parukukwe achiruka
mwanasikana wake magodi.

Paakandivona akaratidza kuvhunduka


nokuti akadonhedza shinda yaive
muruvoko rwake ndokutaura achiti
"Ndiwe Nyenge?"
"Yes best , ndini zvangu.
Ndakanzwa na bamunini Benny kuti
wakaramwiwa kuno nemurume wako
saka moyo waradzwa ndikati
ndizokuvona" ndakadero ndikavona
chigogo chabuda mu kitchen chichiti

"Ndimi vanani?"

Tisati tapindura vakatarisa kuna Benny


ndokuti "ko zijaya uripano.
Zvawavuya Marombedze vanozviziva
here kuti washanyira mhuri yavo?"
Vakabvunza ndikavona bamunini Benny
vavakungotsenga tsenga rurimi
vachishaya zvekutaura.

Ipapo ndakazotaura ndichiti


"hongu vanoziva gogo.
Ndivo vatondikumbira kuti ndivuye na
bamunini Benny, vabva vatibatisa
grocery riri mumota umo" ndaidero
ndichimhanya kuburutsa zvataive
tatenga.
Lisa akatanga kuzvitarisa tarisa
ndokubva afinyamisa kumeso.
Kamwana kaindibhowa zvako ikako.
Kane kumwe kuchenjeresa
kwandisingade.

Ndakavona chigogo chiya


chichinditarisisa, chakabva chati
"seiko zvichindiremera kubvuma zvauri
kutaura"

Munguva iyoyo ndakanzwa Lisa achiti


"don't worry gogo, ndichanzwisisa
kubva kuna baba vangu mbune" ayidero
achibaya baya foni.

Inini hana yakatanga kurova.


Ndakazofara achiti
"maita luck baba vangu havasi kubata
foni , asi ndine chokwadi kuti havasi ivo
vatenga izvi nokuti kudai vanga vari iyo
hapaimboshaikwa pfuko"

Inini ndakangoramba ndakazvaura


maziso ndichishaya remuromo.

Lisa akazotaura achiti


"ndimirirei gogo, ndoda kuyendawo
nemi" ayidero achimhanya utevera
chigogo chakanga chava kutobuda
chivanze hameno kwachayienda.
Takazosara na Laiza ndokutaura achiti
"Ichokwadi chataurwa na Lisa.
Marombedze vanoda mwana wavo
kwazvo zvekuti vachipinda mushop
chinhu chavo chekutanga kutenga pfuko
ye brown iya.
Vanonyatsoziva kuti mwana wavo
anoyifarira, saka havaizombotumira
zvese izvi vachiisiya.
Ndinokumbirawo mutaure chokwadi
kuti imimi muri vaviri mavingei pano
zvisingazikamwe nemurume wangu?"

Ipapo ndakatanga kukosora kosora


ndokubva ndazotaura ndichiti "......"
Ndakavona Laiza achiramba akanditi
ndee akabva azoti "....."

End of chapter 21

Stay tuned
*CHIREMWAREMWA*
https://whatsapp.com/channel/0029Va
Fhlo91CYoJTe70A63O

Munhu wese achaverenga book iri


ndokumbirawo muite follow pa link
channel redu.

https://chat.whatsapp.com/F6F58ZwzX
OPBPXbuQ3m44S
what's App group

Story by
mªi *£ex*

№ +27 ⁶⁵ ⁸⁴⁰ ⁷¹⁰³

Edited by *Opha*

№ *+27 748695086*

📘 Book ¹⁴

Chapter *22*
*MAROMBEDZE*

Zvayisave nyore kuyendesa mudzimai


wangu kure neni asi ndakatotsunga.
Ndaive ndisina sarudzo nokuti
chandaida kuvakiridza musha wangu.
Ndizvo zvandainge ndakavudzwa na
Sekuru Nyamhanza kuti
ndimbondomusiya kumusha kwavo.
Vakataura kuti
"kana akarairwa nevekwake
achakurumidza kunzwisisa chinonzi
musha."

Ndakandomusiya ndokumuvimbisa kuti


ndichazomutora kusiri kare.
Munzira patakanga tava kudzoka
ndakanzwa Benny achibvunza
mubvunzo wekuti
"gules vamasiya kuno vanopona here
nekuti kunoratidza kuti kunotamburwa
chaizvo "

"Havambotadze kupona ndiko kumba


kwavo kuno.
Vanga vava nemwaka yakawanda
vasina kumboona hama ndosaka
ndasarudza kuvasiya. Inyaya yekuti
ndirikudzokera kubasa kurisi kare,
otherwise ndingadai ndambogara navo"
ndakataura mashoko aya kuti Bernard
arege kuita tsvakurudzo ye zvayiitika
mumba mangu.
Inini ndiri munhu asingafarire kupekura
hapwa pese pese, nokuti after kuudza
munhu nyaya dzako hauzive
zvaanotanga kufunga.

Takazotanga kuita dzimwe nyaya


dzakasiyana siyana, kusvika
tazongosvika kudhorobha apa kwanga
kwava kutodoka.
Tichisvika pamba ndakapa Benny mari
yake akabva anditenda chaizvo achiti
"matoita basa Marombedze, mazuva
ano vana vasiri kuyenda kuchikoro mari
dzacho hadzimbobatane zvachose.
Ipapa piece job ramandipa
ndichatombowana kubetsereka.
Kana muchida chifambiso
munongondibata ndoyenda nemi kwese
kwamunoda ndinobva ndakutakurai
nemutengo wakaderera." akadero
ndikati
"No problem bamunini, ndiri kufunga
kuzoyenda kumaruzevha
ndichakuvudzai kana ndasanganisa
maths dzangu" ndakadero

Ndikanzwa vachiti
"mungaita basa " vayidero vachiyenda.

Inini ndakanga ndine maneto eku


travella saka ndakangoisira mudzimai
wangu message yekuti "ndafamba bho
babe , i miss you already "

"Not as much as i miss you murume


wangu good night" akapindura

Ndichipedza kuverenga ndakangotanga


kunyemwerera.
Izvi ndizvo zvandaida izvi, kugara
ndichiziva kuti mudzimai wangu
anondidawo.
Handina kuzoramba ndakasvinura
ndakabva ndanyatsodzikotsira.

Zuva rakatevera ndakataura


nemwanasikana wangu ndikamuvudza
kuti
"atore foni ya mama vake ,ayite block
number dza aunt Nyenge kwese zvako."
"Ndichaita sekudero baba vuyai tidye
mango" akadero ndikabva ndaseka

Ndega ndayinyatsovona kuti mwana


wangu ane mufaro haana kana
dambudziko nekumbogara kumusha.
Ndichipedza kutaura naye ndakaita
breakfast yangu.
Ndichipedza kudya ndakatanga
kumbofamba famba kuti ndifurwe
nemhepo.
Ndiri mukutenderera ndakabva ndayita
mahwekwe na Nyenge ende kufadza
kwazvo ayifamba nemunhu wandinoziva.
Mukuvona kwandakazviita zvayiratidza
kuti vaviri ava vari murudo nekuti
vayiita kakuyemerana vachimhanyirirana.
Ndakaramba ndakamira
ndichitokahadzika nekuvona manager
wekubasa kwangu achirezvana
nechiremwaremwa.

Ndakazodzokera kumba ndine mufaro.


The fact yekungoziva kuti Nyenge
arikufambidzana na Clive yakandipa
zororo mumoyo.
Munguva dzemanheru ndakasarudza
kumufonera kuti ndimboita hurukuro
naye
man to man.

Achidaira akataura achiti


"ukati hayinaye yedoro here kufonerwa
na Inno muzuva ranhasi?"

"Haa manager ndinenge ndisina airtime


chete.
Nhasi ndayiwanawo ndosaka ndafona."
Ndakapindura akabva aseka achiti
"Zvehumanager tinozviita kubasa chete,
kana tiri kudzimba dzedu kudai munhu
nemunhu nezita rake shamwari"

Clive munhu akasununguka zvake , saka


handina kushamisika nekutaura kwake.
Ndakazokumbira kumuvona zuva
rinotevera akabva andivudza kuti
"achange ari mutown tinosangana
makuseni kana ndine mukana"

"Hapana chakaipa ndichaita sekudero"


ndakadero ndokubva ndaonekana naye.
Kuchiyedza ndakamuka mangwanani
ndokugadzirira kundosangana na Clive.
Achindivona akabva ati
"Zororo zvarakubvuma Inno, zvawava
kutoita dumbu nhai"

"Haa shaa pakaipa, kutoshuwa kuti dai


ndiri iwewe unoshanda nemaholiday
ndaitawo mari yakati wandei" ndakadero

Akabva ati
"usatombotya , ramba uchishanda
mushandiro wako uya unosvika chete
patiri.
So tell me inyaya yei yawaratidza
kukoshesa zvekuramba kutaura pafoni?"

Munguva iyoyo ndakambomedza mate


ndokubva ndazotanga kumurondedzera
nezva Nyenge uye kuti anoda
kundiputsira imba yangu.

Ndakamunzwa achiti
"ahh Inno kugara kwese handina
kumboziva kuti ndiwe Marombedze wa
mai Marombedze ka inini" ayidero
achindi shaker ruvoko

"Unovaziva here amai vekwangu?"


Ndakabvunza akati

"Hongu ndinovaziva asi ndakangovaona


kamwe chete.
Aiwa mudzimai wako mukadzi akabva
kuvanhu ndinotoshuwa kuti arambe
achitamba na Nyenge zvimwe
angazomuchinjawo hunhu" akadero
ndikati

"Dambudziko mukadzi wangu ane moyo


munyoro, anoda Nyenge nemoyo wake
wese nokuti akamubetsera zvinhu
zvakaoma haazive kuti
ayisamubetserera murudo" ndakadero
ndikavona
Clive achitura befu.
Ayiratidza kuti ane zvakawanda
zvaakanga ava kufunga.

Ndakataura ndichiti
"sorry Clive i didn't mean kukushorera
munhu wako, asi kuti kutaura chokwadi
Nyenge andishaiwisa mufaro.
Izvezvi ndakatoyendesa mhuri yangu
kure neni nekuda kwake.. "

"Ndinonzwisisa nyaya yamuri kutaura


Marombedze.
Neniwo ndakatongomuda akadero,
ndinokuvimbisai kuti ndichazama
nepandinogona napo kumuchinja.
Kutaura kuno ndinoda kutondomubvisira,
ndine chokwadi kuti akaziva kuti ava
mukadzi wemunhu achavawo munhu
kwaye. Chandakavona ruchiva negodo
zvakazara maari, kana akangosiya
izvozvo chete Nyenge munhu aribho
kwazvo" akazopedzisa kutaura achidero
Clive.

Inini kuti ndipe Clive advice yekuti


asaroora Nyenge ndakavona zvisingaite,
saka ndakangomusimbisa pakuronga
kwake.
Ndakazomukumbira kuti agare akabata
foni ya Nyenge avone hurongwa hwake
achindivudza kusvika mai Marombedze
vazongozvibatira vega kuti sahwira
wavo haasi munhu akarurama.

Akandivimbisa kuti achaita sekudero,


ndokubva azondiperekedza
kundondisiya kumba kwangu.
Clive munhu ane mari dzake asi haana
kuomera uye haambozviratidze.
Tichisvika takavona mota ya Bernard
ichibva pamba , ndakanzwa Clive achiti
"ko Benny anga achidei pamusha wenyu
musipo?"
"Unonomuziva here?" Ndakabvunza

Akati
"hongu ndinomuziva ndi driver wangu
anoita zvekutakura vana vechikoro.
Ndiri kutofunga kumumisa basa
panotanga kuvhurwa zvikoro ipapa
nokuti ndakanzwa kuti ari
muchirongwa"

"Unoreva kuti kutakura vana kwaanoita


anenge achitoshandira iwewe here?"
Ndakabvunza
Akati "hongu, atova ne makore
akawanda kwazvo achindishandira.
Ndanga ndisina zvangu dambudziko
naye asi ne Information yandakanzwa
kuti anorwara hazvingabude.
Apa munhu wacho ane ruchiva anogona
kuzondikanganisirsa vana vevanhu
nokuti anotakura nevari ku secondary
zvekare"

"Aiwa kana ane ruchiva


hazvingazofambe zvakanaka , dai
aingorwara chete asina meso meso
mungadai mamupa umwe mukana
nokuti ndinoziva murwadzirwo
wazvinoita kurasikirwa ne basa.'

"Ndichange ndichivona.
Ndichazama kutanga ndambotaura
naye.
Kana ndikavaona kuti haasi kunzwisisa
ndobva ndazongomumisa zvangu.
Chirega ndiyende" ayidero achimutsa
mota.

Achindisiya ndakazosara ndava kuita


zvekutsvaka munda kumaruzevha.
Zvekucharamba ndichiradzikwa mu
kitchen kana ndayenda kumusha
zvayisandiitira

Ndaida kuzendemura ziimba rakakura


kwazvo zvekuti
"vese vayinditarisira pasi vavone kuti ,
neniwo ndinozvigona"

Ndakafonera sabhuku vakandivudza


zuva rekuyenda kundovaona.
Sezvinei richingokwana ndakabva
ndafonera Benny ndokuyenda naye.

Ndakafara zvichifamba zvakanaka,


munda wandakatengeserwa waive
wakakura kwazvo apa uyine ivhu
rakasvibira zvekuti ndakavona kuti
ndikazonyatsobatana nesekuru
Nyamhanza ndinogona kufa nemari.

Ndinogona kusarima ndiri inini asi


kutongotsvaka vashandi vanondiitira
ndeimwe nzira yekutsvaka mari.

Tichipedza zvekutenga munda


ndakabva ndadzokera kumba ndine
mufaro.
Zvese zvandayiita ndayiudza mudzimai
wangu, iye ayiratidza kufara nazvo
ndayingonzwa nemhinduro dzake.
Ende chandayifarira ndechekuti ayigara
achitaura kuti andisuwa.
Ndakamuudza kuti kwasara mazuva
mashoma kuti ndinge ndichizomutora.
Ndakagara vhiki imwechete,
ndichitofunga kuti zuva rinotevera
ndinofanira kutaura na Benny tiyende
kundotora mhuri yangu ndakanzwa foni
yangu ichi ringer.

Ndakayisiya yakadero sezvo ndayigeza,


pandapedza ndakatarisa ndokuvona
vari mai Lisa vayifona.
Ndakakurumidza kudzosera call,
ichingodairwa ndakanzwa inzwi ra Lisa
richiti
"ndini ndanga ndichifona baba maswera
sei?"

"Ndaswera zvakanaka mwanasikana


wangu varisei mhamha?"

"Mhamha varikufara chaizvo nezvinhu


zvamatumira." Akadero

Ndikabva ndati "zvandatumira?"

"Hongu na bamunini Benny


pamwechete na Aunt Nyenge" akadero

Ndikati "urikuti chiiko Lisa, unondivudza


here kuti aunt Nyenge vari ikoko?"

"Hongu havana nguva vasvika regai


ndimhanye nefoni munotaura navo
ndanga ndambobuda na gogo" ayidero
achinzwika kumhanya.

Ndakazonzwa achiti
"aunt Nyenge dad vangu vanoda
kutaura nemi"

"Kutaura neni kuti chii?" Ndarinzwa inzwi


ra Nyenge.

Ipapo ndakati
"ipa foni bamunini Benny nditaure
navo"

"Taurai baba foni ndakayisa panonzwika


nemunhu wese" akadero Lisa

Ndikabva ndataura ndichiti


"urikutsvakei ikoko Bernard ndisina
kukutumako ?"
"Ndavuya na Nyenge ndiye ati
ndimuperedze.
Handina kunge ndaziva kuti arikuvuya
kuzovona mudzimai wenyu" akapindura
Benny

Ndikanzwa inzwi rambuya Munyoro


richiti
"heyi chikomana hazvisi izvo
zvawandivudza pawasvika pano.
Hauna here kutaura kuti grocery iri
waribatiswa na Marombedze kuzopa
mudzimai wavo?'

Vachidero ndakataura ndichiti


" please mbuya musatendera vanhu
ivavo vachiramba variipapo.
Handina kana munhu wandambotuma
inini, kutovuya ikoko ndisingazive
kunotova kuda kuzofurira mudzimai
wangu zvisizvo.

"What...?"

Ndakanzwa mudzimai achikanuka


nenzwi riripamusoro ndikabva ndaziva
kuti haana zvaainge azivawo naye.

Handina kuzoita nguva ndiripa fon


ndakabva ndatoikata ndainge ndabatwa
nehasha dzakaraudzira. Ko rekutu
Benny anochiva vakadzi rakanga rava
kutenderera mudehenya zveee.

Handina kufunga kaviri ndakabva


ndangomhanya mushawa umo
mandakangonoita mugezagwenhure.
Munguva isina kufanira ndainge
ndaakutotsvaka muchovha ndainge
ndazvipira kundotora mhuri yangu zuva
iri
Ndichisvika panzira ndakabva
ndangoitawo mahwekwe nemunhu na...

End of chapter 22

Stay tuned

*CHIREMWAREMWA*
https://whatsapp.com/channel/0029Va
Fhlo91CYoJTe70A63O

Munhu wese achaverenga book iri


ndokumbirawo muite follow pa link
channel redu.

https://chat.whatsapp.com/F6F58ZwzX
OPBPXbuQ3m44S
what's App group
Story by

mªi *£ex*

№ +27 ⁶⁵ ⁸⁴⁰ ⁷¹⁰³

Edited by *Opha*

№ *+27 748695086*

📘 Book ¹⁴
Chapter *23*

*NYENGE*

"Murume haasiirwe chihure , ende


hazvirevi kuti murume akahura haade
mudzimai wake.
Kangori karuchiva chete kanobata
kuvanhu vevarume saka regai
kundifurira kusiya musha wangu" aya
mashoko akataura Laiza mushure
mekunge tagara naye pasi
tikamuvonesa kuti baba Lisa
vachitomusiya kumachonyonyo varikuita
chihure na Varaidzo.

Ndakavona Benny achinditarisa neniwo


ndakangomutarisawo ndaoma mate
mukanwa. Zvayiratidza kuti
"Laiza aive asanduka , zvese
zvatakamuvudza ayisambozviterera"

Semunhu asingapererwi ndakazotaura


ndichiti "tavuya kuzokutora kuti tiyende
newe kudhorobha best wangu.
Ndinoda kuti uzvivonere wega zviri kuita
murume wako.
Kutaura kuno Varaidzo ava kutogara
pamusha wako wawakasiya" ndakadero
ndichinyepa

Asati apindura ndakanzwa Lisa achiti


"baba vangu vanoda kutaura nemi aunt
Nyenge"

Ndakada kumboramba ramba asi nyaya


yakati yatengwa nechigogo.
Kuvona kwangu vanenge ivo mbuya va
Laiza nokuti vakabva vatanga kutodya
magaka mambishi.
Takatukirirwa zvekusvika
pakudzingirirwa.

Bernard akada kumbozama


kunyengerera Laiza asi
akazongopotswa nevhiringa iro ratisina
kuvona kuti rakanga rabva nekupi.

Nenguva shoma chivanze chakanga


chazara nevanhu vachipotsera
matombo zvekuti ndakazonzwa Benny
achiti
"Ngatimhanye Nyenge, kana tikaita
zvekutamba ndinoparadzirwa mota iyi
tikashaya chekudzokeresa"
Vamwe ndivo vayitove neimbwa chadzo
vachiita zvekutisakidzira.
Ipapo ndipo pandakavona kuti chembere
payakabuda yakanga yaenda
kundokokorodza vane chitsamwa
kutirwisa.

Aiwa takamhanya zvisina mukare


akamboona tichipinda mumota.
Bernard akatozoita zvekumhanyisa
motokari kuti tikurumidze kusuduruka
panzvimbo.

Tava chinhambo ndakataura ndichiti


"ko zvinhu zvedu zvatatenga nhai
Benny?"

Iwe siya zvezvinhu iwe , upenyu ndihwo


hwunokosha.
Hauna kuvona kuti vanhu ava
vakawanda zvekuti vakatibata vanotiita
kanyama kanyama here?

"Unenge unehumbwendewo iwe, saka


unondiudza kuti zvinhu zvese
zvatatenga zvongoyendera mahara apa
tisina kukwanisa kuhwina moyo wa
Laiza wacho" ndakadero ndichinzwa
kurwadziwa.
Mari yatakanga tatenga grocery yaive
yakawanda zvekuti hazvaida kuti
ingoyendera mahara.

Benny akatanga ku driver akanyarara,


ende ayiratidza kusada kuramba
achitaura nezvezvinhu zvacho
Inini sezvo ndainzwa kusvotwa
ndakasvika pakukotsira.

Handina kuvona kuti ndainge ndarara


nguva yakareba zvakadini nokuti
ndakazonzwa ndava kurohwa rohwa.
Ndakasimudza musoro ndokuvona ari
Benny ayindimutsa.
Akataura achiti "ndatenga zvekudya ,
ndavona kuti unodero wava nenzara"
ayidero achindigamuchidza

Ndakatarisa ndikavona kuri kudya


kwangu kwandinofarira fish and chips
aiwa ndakatanga kunyemwerera
ndokutaura ndichiti
"waziva sei kuti ndinofarira kudya uku?"

"Ndangofungira nokuti ndiko kudya


kunofarirwa nevakadzi vazhinji.
Ndamboda kukumutsa ndikavona
wakanyatsozvizororera ndosaka
ndambokusiya" akadero achitaura
neinzwi rake rakaita kakutsvetera
akatarisa kumberi akabata steering.

Ndakamutarisa ndikabva ndaramba


ndakamuyeva.
Pachokwadi ndakavona Benny
akandinakira zvekuti ruchiva
rwakandibata.

Iye anenge akazvivona kuti


ndakamutarisa nokuti akabvunza achiti
"kwakanaka here Nyenge kwawabva
waramba wakanditarisa kudero?"

Ndakakurumidza kudzora maziso


ndokutaura ndichiti
"hongu kwakanaka, kutongoyeverwa
zvangu nerunako rwako"

"Runako rwemurume rwuri muhomwe


sha handina kumbonaka inini " akadero
achiseka

Ndikati "kungoti munhu haungazvivone,


wanga watodya here?"

"Hongu babes, ndadya wakarara.


Izvo ndasiira iwewe" akazodero ndikati

"Thank you handsome "

"You're welcome " akadero


ndokunyarara.

Akambo driver akanyarara, ndokubva


azotaura achiti "pamuvonere wawaita
mai Lisa angabvuma here kusiyana na
Marombedze?"

"Neniwo ndatoshamisika, Laiza


wandinoziva haasi iye wandavona
muzuva ranhasi.
Zviripachena kuti chimbuya chiya
chakamuchinja pfungwa." Ndakadero
akati

"Imagine kupisa mafuta kwezuva rese


tichifambira zai rakavora.
Mbuya vaya vanoratidza kuti
vakawedzera kumupa rairo yakanaka
zvinobva zvayita kuti ndiwedzerewo
kumuda.
Chero zvoita sei pana Laiza
handizombofe ndakadzokera
kumashure.
Ndichazama nepandinogona napo
kusvika andida." Akadero

"Ndikanzwa godo richindigara nechepa


huro chaipo.
Hakuna chinhu chinorwadza sekuti
munhu anorumbidza umwe mukadzi
pahuso hwako ndakanzwa kunge
ndashoorwa."
Ndakazvibvunza kuti
"What is so special about Laiza
zvekuti angabva adiwa nevarume
kwavo?" Asi ndakashaya mhinduro

Ndakazongobvunza mubvunzo wekuti


"unombonyanyomudireiko Laiza wacho,
unoratidza kuti wamuvavarira chose?"

"Hunhu hwake.
Amai vangu vakandituka mashoko
akandirwadza kwazvo kuti ndine shavi
renhamo , chero zvoita sei
handizombofe ndakawana umwe
mudzimai ane rudo samai vevana vangu.
Manje ndinoda kuva prover wrong, kana
ndikakwanisa kuisa Laiza muupenyu
hwangu ndinoziva chete kuti vachabva
vashaya zvekutaura nekuti Laiza ane
character yakanaka kwazvo ye wife
material " ayidero achimisa mota sezvo
taive tasvika pakaita pachisango.

Akataura achiti
"ndinovuya ndinoda kumborasa mvura "
ayidero achitobuda panze.

Haana kure kwaakayenda akangoti pote


nemota pekuti ndayivona zvese.
Ndakavhunduka ndichivona murabaraba
wetsvimbo ya Benny paakabuditsa
achiita weti
zvekuti kakumuchiva kandayiita kakabva
kawedzera mandiri.

Munguva iyoyo ndakatanga kunhanzvira


rurimi, nenguva shoma ndakatadza
kuzvidzora especially paanga ava
kuzunza pipi rake kuti abvise twuwiwi.

Akazosara kudzoka inini ndayinge


ndaparara kare.
Murume wangu ayindigwinhisa zvake
asi ayisanyatsondipedza havi nekuti
ayisanyatsondibaya kumberi mberi.
Izvo zvekuti dora rinotasamuka asi
rinoda nguva aiwa nguva yekumirira
ndiyo yandakanga ndisina.

Benny achipinda akamutsa mota inini


ndakanga ndatonyorova nechekare , apa
kwakanga kwava kutanga kusviba.

Ndakamubvunza ndichiti
"Tava kupi ?"

"Tichiripo, tasarirwa nema hours maviri


kuti tipinde mudhorobha " akapindura
achibayirira music.

Handina zvangu kuda kumuratidza kuti


ndine zvandavona paari.
Ndakamboteedzera music
ndichitambirira, ndichinzwa kuvhita.
Pandakavona kuti kwachinyatsova
nemhindo ndakataura ndichiti
"ndinokumbirawo umbomisa mota
ndinoda kurasa mvura"

"Pano pakanyanya kuita chisango


Nyenge, wadini kuti uzozviita tava mu
town inga tava kutosvika tasarirwa ne
10 mins chete" akadero ndikati

"Kwete ndinotoda pano !" Ndayidero


ndichisheedzera ndiko ku breaker
kwaakaita.

"Unopenga here iwewe?" Akabvunza

Ndikati "ndapenga ndadini nekuti


ndakakakiwa newiwi, iwewe pawanga
uchida kuzvibetsera warambirwa nani?"
Ndakabvunza akabva ati
"Mota ndiyo yandamisa iyi , ita yauri
kuita shaa tibve pano nekukurumidza"
akadero ndikabva ndavhura door remota.

Handina kana kure kwandakamboyenda.


Ndakangokotama kumberi kwemota
kwaive nema lights.

Ndakavona "Benny achikurumidza


kumadzima"

"Eish enenge ayisavonera munyati, inini


ndayitoda kuti avone ndakashama
anzwe moyo manje zvaakanga
azodzima ma lights ayizondivona sei
chokwadi.
Ndakangonyepedzera kutumba
ndokubva ndazodzokera kumota.
Ndichisvika pa door ndakaridza mhere"
ndakanzwa achiti

"Nyenge " Ayidero achimhanya kuvuya


kwandaive

Achisvika akabvunza achiti "are you


okay?"

"Yes, yes hameno chandifamba


pagumbo rangu changa chichitonhora"
ndayidero ndichinyatsomuti mbunde.

Akaramba aka sticker, akanditarisa.


Inini handina kana kuda kutambisa
nguva ndakabva ndatanga kutomubata
mukati mebhurugwa.
Ndakanzwa kumerera ndichinzwa
makafuta.

"Urikuzama kuita sei Nyenge?"


Akabvunza

Ndikati "please help me Benny,


chokwadi ndechekuti ndaparara.
I can not hide it anymore.
Ndiri kunyatso kunzwa kukuda mandiri "
ndaidero ndichitanga kutomukisa.

Zviya zvekuti mukadzi anonyenga


murume ihure ndeimwe nyaya,
ndakanga ndisina basa nazvo kuti
ayizonditora semunhu akaita sei
chandaida kuti apinde mandiri.

Bernard akandisundira kure ndokutaura


achiti "ndisiye iwe, handikwanise kuita
izvi newe uri mudzimai wemunhu"
"Be mature shaa, ko Laiza waunoda
haasi married here?"

"Uyo ndakamuda ndichingozviziva saka


handina kana dambudziko kumutora.
Iwewe hunhu hwako manje hahwuite,
vabereki vangu vanotondiseka worse
zvee" akadero ndikati

"Handina kuti ukarara neni unobva


wandiroora shaa.
Chandinoda itsvimbo yako ine mafuta
anopenya kuti ipinde mandiri ,
ukangondibvisa munzara yandiri chete
zvinobva zvatopera nhasi chaiko ende
handimbofe ndakakunetsa zvekare"
ndakadero

Akati "ndinonzi Dr. Love inini, ndikakupa


rudo unofamba uchiimba zita rangu
pese pauri zvekuti hauzombode
kundishaya"

"Nguva ndiyo yauri kutambisa , ngatiitire


mumota mune comfort yakanaka."
Ndakadero ndichifemuruka.

"Benny haana kana kumboramba ,


akatanga kungondikisa ndisina kana
kufungira zvakaita kuti ropa rangu
riwedzere kumhanya.
Nenguva shoma anga andikumura
nduwe , akandikotamisa ndokubva ati
ndinoda kukushetwemedza
nekumashure"

"Iii ndakafara kuti ndava kuzopiwa


dhogii staira yandaisuwa misi nemazuva.
Ko na Clive tayisaita nokuda
kwehurema hwake. Akambozama asi
kaingobuda zvaizosvika pakundisvota
saka normally taingogondera
missionary ndiyo yega yaitoita kuti
zvifambe zvakanaka"

Paakandikotamisa akamboramba aka


sticker asingaite hameno zvaayifunga.

"Ko wamirirei?" Ndakabvunza

Akati "mira" ayidero achivhura mumota

Ndakavona achitora butiro ndokupfeka,


akabva azonditi batira pamota

Ndakangobatira mota akabva atanga


kundinhafa nekumashure inini
ndichibowa.
Ndakanakirwa zvekuti ndakazvivudza
kuti
"Benny anofanira kumbondiita yakadero
ndinyatsomunzwa.
Zvake zvebutiro kuda ayifunga kuti
ndinorwara nekuda kwema actions angu
ayitozvinetsawo zvake"

Ndakanyatsofunga kuti
"Munhu anogona kundipinza mu cloud 9
akapfeka ko kuzoti akabvisa aiwa
magetsi chaiwo"

Achipedza ndakataura ndichiti


"thank you bae, thank you so much
wasvika rimwe corner randisina
kumbobvira ndakagumhiwa muupenyu"
ndakadero ndichinyemwerera

"Pleasure" akadero ndokubva anyarara

Munhu wacho haana kana zvizhinji


zvaakataura kana compliment yaakaisa
zvake.
Ayiratidza kusava interested neni
zvakandipa kuti ndinzwe kumuda
zvakapfuurikidza.
Tichipinda mu dhorobha akarurama neni
kumba kwangu.
Ndokubva ataura achiti
"thank you nekubvuma kuyenda neni
KwaBhaloyi chero zvedu tisina
kuzobudirira kudzoka na Laiza"

"It's okay my love, inini ndinongotenda


nerudo rwawandipa.
Nhasi ndichanyatsorara dzehumambo
nekuti wakokota ngura yese.
I love you so much Benny" ndakadero
ndichimumbundira.

"Hauzive chinonzi rudo Nyenge, rega


zvako kutaura zvausingazive" akadero
ndokutanga kufamba.
Ndakada kumbomunyengerera kuti
arare asi akarambisisa ndokubva
ayenda.

Inini ndakangosara ndichinyemwerera


ndine mufaro.

Ndainzwa ndichifurwa nemhepo zvekuti


"ndakazvivudza kuti Benny
handizombomusiye, ende kana
ayizoramba achida kundipfekera butiro
ndayifanira kutoridambura.
Nekukura kwepipi rake ndayitoziva kuti
ndiye munhu achandipa mufaro chaiwo
wandinoda kwehupenyu hwese.
Kubva kurudo, mwana , uye
kungonzwawo yakazara mumatama
hakuna asingazviide izvozvo.
Kwete zva Clive zvekuti unonzwa kunge
urikutsokotedzwa nechigumwe apa
zvidya zvinoita kunge zvichasvuvuka
uchikwizwa nairo dumbu aiwa bodo.

Ndakavona kuti ndakaita dzungu


pakutendera Clive kuti andondiroora.
Benny ndiye chaiye anoita.
Munhu anozvishandira ane mari dzake.
He is so handsome, zvekare ane rudo
kunyangwe kuzvarisa ndine chokwadi
kuti ma seconds munhu anotova
nevana vaviri nechekare.
"Ohh Benny i love you so much"
ndakadero ndakatarisa pa picture rake
raive pa dp.

Ndayiti ndikafunga kakundikotamisa


kaaive andiyita ndaibva ndanzwa
kumuda kwakapetwa.

Ndakazotora foni yangu ndokumufonera


kuti ndinzwe kana aiyenge asvika.

Achidaira ndakabvunza ndichiti


"wasvika here bae?"
"Ndasvika Nyenge wasara sei?"

"Ndasara ndichongokufunga hako.


Handifunge kana nhasi
ndikambonyatsorara inini" ndakadero

Akabva angoti
"haudero wava kuzvikurumidzira here ?"

"Kwete handisi. Kungofunga nezvako


hana yangu inorova zvekuti
ndinonyatsonzwa kuti ndinokuda Benny"
"Are you sure ?" Akabvunza

Ndikati "100%, moyo wangu


haungambondirasise ndiwe chaiye
anokodzerana neni"

"Ko murume wako?" Akabvunza

Ndikati "forget about that fool , kana


zvikafamba zvakanaka pfuma yake
tinondodzosera nokuti hakuna
kwandingasvika nemunhu
asingandibaye ma corner ese "
Ndichidero akaseka ndokubva ataura
achiti "c'mon babe hindava uchiwanza
iwewe"

The way yaakataura nayo yakaita kuti


ndinzwe kumerera zvekuti chero
kutorara ndisiri pedyo naye zvemusi uyu
zvakandirambira saka ndakabva
ndataura naye ndichiti "..."

Stay tuned
Thank you ne support book redu
richiripo ndichariti kudzei kuti vanoda
kudzidza vambodzidza.
Don't mind imwe shona yandinonyora
handigone kubaya gejo chakakosha kuti
muzive zvandinoda kureva.
Hope hapana ma under 18 ari kuverenga
book kana aripo siyanai naro harisi
renyu

Ndatenda

Nyenge Nyenge Nyenge 😢


*CHIREMWAREMWA*

https://whatsapp.com/channel/0029Va
Fhlo91CYoJTe70A63O

Munhu wese achaverenga book iri


ndokumbirawo muite follow pa link
channel redu.

https://chat.whatsapp.com/F6F58ZwzX
OPBPXbuQ3m44S
what's App group

Story by

mªi *£ex*

№ +27 ⁶⁵ ⁸⁴⁰ ⁷¹⁰³

Edited by *Opha*
№ *+27 748695086*

📘 Book ¹⁴

Chapter *24*

*NYENGE*

"Mupfungwa mangu makazara iwewe


Benny , zvawandiyita muzuva ranhasi
handifunge kuti ndingambokwanisa
kurara ndiri kure newe"
ndakadero ndichitaura neinzwi
rakadzikama ndichinzwa muviri wangu
kunge uri kufambwa fambwa.

Ndakanzwa Benny achiti


"neni ndambozama kuzvidzora asi ndiri
kukundikana babe, ndokumbirawo
utarise picture randakutumira ku what's
App unyatsovona kuti ndiri panzara
newe ayiwa ndakaipirwa chaiko"
Ndakakurumidza kukata foni ndokubva
ndamhanya kuyenda pa App.
Ndakatanga kumerera ndichivona pic
ranga ratumirwa na Benny.
Ayinge atumira half body yake yese ,
asina kupfeka apa tsvimbo yakabuda
tsinga kutare tare.
Ndakasvotwa nekuti aive akaisa pa
view once, apa inini ndayitoda
kudzokorora kuvona kasingapere.

Ndakasenda message ndokubva ndati


"ko hindava kundinyemudza nhai lover
boy, usazodero iwewe"

"Ndakunyemudza here babes?"


Akabvunza

Ndikabva ndati "hongu , ndanga ndichida


kutombogutsa meso manje
pandongobva pariri rabva ranyangarika."

"Kutotya kuti foni yako inogona


kuzobatwa nemurume wako tikazopinda
panguva yakawoma" akadero ndikati

"Murume wangu haapo akabuda nebasa


saka usatombotya zvako.
Achatomboita vhiki mbiri dzese asipo,
please come back umbondipa udyo
hwese hwawandiratidza uhwo rega
kundivuraya nenzara uripedyo sha"
ndakadero

Akati "iii shamwari , ndinotya


kuzorarirako inini.
Ko kana tikawanikidzwa nhai?"

"Anotiwanikidza hakuna vimba neni"

"Ndinotodawo kuva newe asi ndiri kutya


handide kureva nhema."akadero ndikati

"Chindipa hakozve location ndivuyeko


kwauri inini, nekuti hadzingabate
ranhasi" ndakazodero.

"Horayiti ngatizviite zvanhasi chete "


akadero ndokubva andinyorera
kwekumuwana.

Kwayisatombove kure nepandayigara


saka ndakangoita fast kugeza
ndokubva ndatsvaka mota
yakandondisiyapo sezvo ndayisada
kufamba netsoka nokuti kwakanga
kwadoka.

Ndichisvika ndakagamuchirwa
zvakanakisa.

Benny akaita zvekundimbundira


kuratidza kufara nekusvika kwandainge
ndayita.
Tichipinda mumba ndakashamisika
muri mu 1 room umo mayitoratidza kuti
"ndimo mukitchen zvekare mu
bedroom"

"Ndipo paunogara here pano?"


Ndakabvunza

Abva ati "nekusvika kwandakaita unoti


ndingagara mu 1 room here ,
ndangokumbira muface wangu kuti
andipe pekurara sezvo ndisingazive
kana ndiri safe kuva newe
kwehusiku hwanhasi.
Remember murume wako handimuzive
saka ndine kutya kwakapfuurikidza
mandiri"

"Pakanaka , ndanga ndatoshamiswa kuti


nekusvika kwako ungagara muyimba
yakadai yakaturikwa mbatya kumadziro
kunge midzonga yenyama seizvi"
ndayidero ndichinjeva meso
kunyatsocherechedza.
"Zvawavona muno siyana nazvo babe ,
hapana kana chimwe chete changu.
Kuzoyenda nekuyenda
ndichandokuratidza apartment
yandinogara ndokunge ndagutsikana
kuti murume wako haasi local nokuti
kutaura chokwadi ndinonzwa kutya.
Handisati ndava kuda kurasikirwa
nehupenyu" akadero achiswedera pedyo
neni

"Usatombotya mudiwa , murume wangu


haasi munhu anotyisa zvekudero.
Zvekare haapana paangadzoka
akatadza kundivudza.
Kutaura kuno akafamba mitunhu
nebasa , kutozomuvona after two
weeks chaidzo saka tichange tine nguva
yakakura kwazvo" ndakadero
ndichimupurudzira.

Iye akazoti
"okay , let's forget about him tiyite
nezvedu. Munguva shoma yandakusiya
ndanga ndatokusuwa" ayidero achitanga
kundibata bata muviri wangu wese.
Ndakanzwa kumerera ndokubva ndati
"neniwo ndanga ndakusuwa
zvakanyanya bae, kana wanga waramba
kuti tivonane handifunge kuti kwayiedza
zvakanaka inini" ndayidero
ndakanyatsomuyeva mumaziso
ndichiyeverwa nerunako rwake sezvo
taive pachiyedza.

"Ko kwayitadza nei?" Akabvunza ava


kutanga kundikumura mbatya kusara
ndava chiberekerwo.
Kuti ndimupindure ndayikundikana
kubuditsa manzwi, ndaive ndapinda
mudenga rechinomwe.
Ndakatanga kugomera iye achindibata
pese pese zvake.
Ndakazofara paakataura achiti
"inga wakarongeka, mibato yako
ndeyezera aiwa ndichanyatsonakirwa
nhasi handibudemo zvekumhanya
mukati umu"

"Chokwadi here ?" Ndakadero


ndichinyarira.
Umwe moyo uchiti wakazviita zvako
Clive ukandipa pressure. Ndavawo
mudzimai pavamwe
"Serious tsvarakadenga yangu, aiwa
wakashongedzeka" akadero
achindiradzika pachimubhedha.

Chayitove chema springs chayibaya ne


waya asi nekuda kwekuti ndaive ndine
chiveve ndayisamborwadziwa.
Zvinhu zvake zvese ayinyatsozviita
zvinyoro nyoro asina kana ganyabvu.
Ndakazowedzera kuva nemufaro
paakaita part yandinofarira inova
yekundiisa rurimi, haiwa ndakabva
ndatobvunza mutupo kuti anoyerei.
Akangonyemwerera ndokubva ati
"kangamwa nezvemutupo sweetheart,
chingondisheedza kuti dhokotera
verudo ndibve ndakupa rudo rwacho
rwese"

"Wandipedzera shaa , waivepiko nguva


yese iyi" ndakadero ndichitsinzinira
maziso ndichinzwa kunonokerwa nekuti
andishandire

Ndichiri mukuita twuma moaning


sounds, ndakanzwa washwa washwa
riributiro raizama kuvhurwa.
Ndakanzwa hasha ndokubva
ndapumhurira kure ndichiti
" siya izvi mhani iwewe handina
mukondombera inini."

"I know kuti haurware ndosaka ndichiita


izvi.
Handide kuti uzochema neni nerimwe
ramazuva Nyenge.
Let's do it for funny , pakati pedu
pazorega kuva neanopa umwe mhosva
"

Haa shaa ndinoda kunyatsokukunzwa


inini, kutaura chokwadi i can not stand
protection especially kumunhu
wandinonzwira shuga.
"Your blamb is so big, ndinoda kunzwa
ichindirova matama ese yakadero."
Ndakadero ndichizama kutozvipinza
mukati ndega.

Benny akati
"no Nyenge, ko ndikazokumitisa nhai?
Rega kuita izvi" ayidero
achizvinzvengesa kuti ndisazvipinza.

"Kwete Benny, inini ndiri kutoda


yakadero shamwari.
Zviri zvenhumbu usatombotya mwana
ndinotomuda zvakapetwa zvekuti kana
ukandipa ndingafara kwazvo"

"Inini handisi ready kuva baba


zvamanje manje.
Vana vaviri vandakaita vachiri
vakakwana ndinoda kumbomirira ipapo"
akadero ndikabva ndati

"Usatya zvako, kana ndikabata nhumbu


ndinoipa murume wangu.
Kana akatoiramba mwana wangu
ndinozvichengetera ndega zvakanakira
kuti ndinoshanda saka usatombotya
ropa rako harizombofe nenzara"
ndakadero ndichitozvindonyedzera
mukati zvenharo chaidzo

Zvekucharamba ndichaita nhaurirano


naye ndakanga ndisingade , ndainzwa
kunonokerwa nekuti mutambo
uchitanga.
Benny akazongonditsikirira ndokubva ati
"sezvamada mambokadzi" ayidero
achitanga kurima munda inini
ndichishinyira. Munhu wacho ayigona
kudzikisa gejo zvekuti ndakanakirwa
nebonde handina kana kumbotora
nguva ndakanga ndava kugwinha.
Ndakanyatsovona kuti ndayizvinyepera
kuti ndinogutsikana nekadora , aiwa
muzera wa Benny ndiwo chaiwo
waindisvitsa pandaida.
Apa iye ayitoratidza kuti aive asina kana
kumbotanga.

Musi uyu ndakasandurwa


ndasandurwazve, tichipedza
ndakagadzikwa mudish ndokubva
ndikageseswa.

Benny was so caring zvekuti


ndakanzwa kumuda kuchiwedzera
mandiri.
Munguva dzatakanga tava kurara
ndakataura ndichiti "ko sei wanga
uchida kundinyima zvinonaka iwewe ?"

Akaseka ndokubva ataura achiti


"neniwo ndanga ndichitoda asi
ndayisada kuti ndikurwadzise.
Zvawazozvipinzira wega aiwa
hauzocheme neni nerimwe ramazuva"
ndiwo akava mashoko ake.

"Tiri vanhu vakuru Benny, tayita izvi


mukutenderana saka usatombotya kuti
ndinochema newe" ndakadero ndichibva
ndati kwati pachipfuva chake
ndichichipurudzira.

Takanyatsorara takambundirana , apa


foni ndaive ndakaisa pa silent sezvo
ndayisada kuti Clive atikanganise.

Papera chinguva takayenderera kumberi


nekuita bonde.
Apa tayinyatsoriita pasina butiro
sekutenderana kwedu.
Benny akandisandura mativi ese zvekuti
ndakanakirwa.
Zuva rakatevera ndakaswera ndinaye
achingondipa rudo.
Ndakazobuda muzuva rava kudoka
sezvo ndaive ndava kuda kundogadzirira
kuyenda kubasa.

Ndiye akazondondisiya kumba kwangu.


Tisati taparadzana ndakataura ndichiti
"ndinokuda Bernard, ndinokumbirawo
uchikangamwa nezva Laiza nekuti
ungarwadzisa moyo wangu"

"Neniwo ndinokuda Nyenge,


kutongorwadziwa moyo kuti zvandava
kukusiya uchakangamwa nezvangu"
akadero ndikati

"Kwete handimbofe ndakakukangamwa.


Moyo wangu wakaperera pauri zvekuti
handina umwe munhu wandichada
kunze kwako" ndakadero

"Ko murume wako?"

"Uyo worse ane zvakawanda


zvinoshoreka paari saka kangamwa kuti
angambotora chinzvimbo chako"
ndakadero ndichimupa tsvodi ndokubva
ndazoonekana naye

Achiyenda ndakasara ndichinzwa moyo


wangu kunyevenuka.
Pandakapinda pamba ndaka noticer kuti
ka matty kepamukova kaive kamover
zvishoma kuita kunge kaive
kakasundwa.

Ndakatomborohwa nehana kuti zvimwe


Clive ayidero akavuya achinditsvaka
akandishaya. Ndakakurumidza kuisa
foni panzeve ndokubva ndikamufonera.

" Hi babe ?" Akadaira akatofara zvake.


"Makadini Tembo?" Ndakabvunza
chihana chichirova

Akabva ati
"ndinosimba kwazvo amai, chisuwo
chete babe wangu?"

"Neniwo ndakusuwa murume wangu


unovuya rinhi chokwadi?"

"Ndichiri kuno amai , basa


rakandiwandira kwazvo " akadero
ndikabva ndabata hana kuti at least
akanga asina kumbonditsvaka.

Akazoti
"please take care for me mukadzi
wangu, ndinokumbirawo usarimisa
munda pandakasiira ndinopaziva"

Achidero ndakanyemwerera ndokubva


ndati "musatombotya babamwana ,
muchawanikwa zvese zvakarongeka.
Pa two weeks dzamunodzoka ndinenge
ndadzoka kuita chimhandara chaicho"
"Kuti kudero here ?" Akabvunza achiseka

Ndikabva ndati
"chokwadi babamwana"

Takazotaura dzimwe nyaya dzakasiyana


siyana ndokubva ndazokata foni.
Semunhu ayive nemaneto ekusandurwa
ndakangopinda mumba nekutokwira
pamubhedha ndokubva ndikarara.

Zuva rakatevera ndakamuka


mangwanani, message yandakapindura
ndeya Benny chete ya Clive ndakango
blue ticker ndayizoivona sezvo
ndakanga ndava kumhanyira kubasa.

Ndakazogadzirira kuyenda kubasa,


ndichisvika ndakawanikwa Varaidzo
ariko achindivona akabva ataura achiti
"ko Laiza kusviba kuti tsva-a kunge
tsubvu kudero ndirwo ruzevha here?"

"Wamuvona kupi Laiza wauri kutaura


nezvake?" Ndakabvunza

Akabva ati "ndadarika nekumba kwake


ndichitaimira Marombedze sekuronga
kwedu ndatoshamisika ndichimuvona
achitsvaira chivanze asi haana
kundivona zvake "

"Une chokwadi here kuti Laiza


akadzoka?" Ndakabvunza akabva

"Hongu ndatomuvona nhasi chaiko


ndisati ndavuya kuno"

Achidero ndakanyemwerera ndokubva


ndati "kana zvakadero zvanaka,
yakwana nguva yekuti iwewe uchiita
kunge wayigara na Marombedze
munguva yaaisavepo" ndayidero
ndichimuvudza zvekuita.
Ndayitaura chizeve zeve kuti Theresa
asanzwa nokuti aive pedyo.
Musikana wacho ndayisamutemba
zvangu.
Ndichipedza kuvudza Vairaidzo
takarovana mavaoko , ndokubva
ndataura ndichiti
"ndinoda kuvona kuti acharamba here
achimataura mashoko ekuti murume
haarambirwe kuhura kana
akakuwanikidza wakashama wakarara
pa bed raMarombedze"
Varaidzo akabva ati
"inga unondiziva wani, aiwa izvo
handimbokundikane i can not wait for
the drama.
Nhasi chaiko rinodoka atwutwa twake
twese kudzokera kumusha kwaakabva
uko, kuda kushaina zvisina basa. Laiza
haafanire kugara pamurume chero
zvoita sei, akapusa manhingi ndizvo
masinguru tiwande !"

End of chapter 24
Stay tuned

*CHIREMWAREMWA*
https://whatsapp.com/channel/0029Va
Fhlo91CYoJTe70A63O

Munhu wese achaverenga book iri


ndokumbirawo muite follow pa link
channel redu.

https://chat.whatsapp.com/F6F58ZwzX
OPBPXbuQ3m44S
what's App group

Story by

mªi *£ex*
№ +27 ⁶⁵ ⁸⁴⁰ ⁷¹⁰³

Edited by *Opha*

№ *+27 748695086*

📘 Book ¹⁴

Chapter *25*

*MAI MAROMBEDZE*
Mbuya vangu vachindigadzika pasi
vakanditaurira mashoko
andakanzwisisa zvekuti ndega
ndakanyatsovona kuti
"nguva yese iyi ndayitadzira murume
wangu nekusamuterera.
Chokwadi ndaive ndakatadza kumupa
chinzvimbo chake sasamusha , nekuti
ruremekedzo ndakanga ndava kurwuita
rwushoma ndichikudza hushamwari
pane zvese"
Ndakavimbisa ambuya kuti chero
zvoita sei ndicharamba ndakamira
saamai kuvakiridza musha wangu.
Mbuya vakataura vachiti
"ndizvo chaizvo zvinodiwa, nokuti
murume anozosvika pakuneta
ukapedzisira wava kusheedza kuroyiwa
pasina huroyi.
Wakaita rombo rakanaka ukawana
murume ane rudo saka chizomubata
nemavoko maviri kuti asapukunyuka.

Kubva zvandakarairwa na Mbuya


ndakanga ndava kugara ndichitaura
nemurume wangu nguva dzese.
Ndayitononokerwa nekuti azonditora,
ndimuratidze kuchinja kwandaive
ndayita.

Rimwe zuva ndakashamisika ndichivona


Nyenge achisvika akadungamidzana na
bamunini Benny. Zvavayitaura
hazvayinzwisisika, asi ndakazama
chose kuvaonesa kuti hakuna
kwandayizoyenda navo.
Bamunini Benny vakada
kumbondinyengerera ndikarambisisa.
Ndakavabudira pachena kuti murume
wangu ndiye akandisiya kumusha, ndiye
ega ane kodzero yekuzonditora.
Nyenge akataura achiti
"Marombedze havakude Laiza , kutaura
kuno Varaidzo akatotora chinzvimbo
chako iwewe wakagara kuno"

"Saka unoda ndiite sei Nyenge nokuti


kana vava kutogara vese handina
zvandingazviita?" Ndakabvunza akabva
ati

"Zvirinane uzogara nesu , bamunini


Benny varipo vachange
vachikubetseredza pane zvinoshota"
"Ndinoyenda kupi nemwana wevanhu ari
mudumbu rangu?"

Pandakabvunza mubvunzo uyu Nyenge


akandipindura mhinduro yandaive
ndisina kana kumbotarisira zvachose.
Hanzi naye
"hazvibetsere kuchengeta nhumbu
yemunhu asingakude , unenge wava
kutondoibvisa zvakanakira kuti ichiri diki
inobva zvisina kana dambudziko"

Mashoko ake akandirovesa nehana.


Ndakashamisika kuti ndiye here sahwira
wangu wepamoyo anondifurira kuvuraya
ropa risina mhaka.
Pachokwadi ndakavona rimwe divi
raNyenge randayisambofungira.
Ndayitoda kumudira mwando asi
ndakazotadziswa na Lisa.
Munguva isipi mbuya vachizotevera
nemamonya avo andisina kuvona kuti
vakanga vabva nawo kupi.
Vakatanga kudzingirira vana Nyenge
kusvika vayenda.
Vachingoyenda vakagovera grocery rese
ranga rasiiwa kuvanhu vavo ndokutaura
vachiti
"endai munodya nemhuri dzenyu musina
kana chekutya, ndini wenyu mbuya
Munyoro ndakutenderai"
Vanhu vaya vakaombera ndokugovana,
vachibva vayita waziva kwake waziva
kwake.

Vachiyenda ndakabvunza mubvunzo


wekuti
"Ko kana vana Nyenge vakadzoka
vachida zvinhu zvavo tinozozviwana
kupi nhai mbuya ?" vapindura vachiti

Vanotanga kuzvivhunza ani wavasiira.

Handina kuzoramba ndotaura.


Njere dzangu dzakanga dzava kutanga
kupishana kufunga kuti
"Nyenge na bamunini Benny vanga
vachizama kuita sei chaizvo?"

"Kuti vari kuda kundibetsera here?"


Wakava mubvunzo wekutanga.

Ndakazongozvisimbisa nerekuti
"kwete , murume wangu ndinovimba
naye haambofe akandiramwa
zvekusvika pakutora umwe mudzimai"
Ndakazotanga zvangu kuyenderera
kumberi nekuruka Lisa.
Mbuya ndivo vakazobika kudya
kwemanheru sezvo inini ndayingonzwa
kuneta.
Munguva dzekukwedzisa takanzwa
mudhumo wemota, mbuya vakabuda
nechikuni chemoto vachifunga kuti
ndivana Nyenge vaive vadzoka, nekuti
vakatobuda panze vachipopota.

Pavakavona vari Marombedze vakafara


kwazvo, kunyangwe neni ndakafara
nekuti ndakanga ndasuwa murume
wangu uye ndakava nechokwadi kuti
"Nyenge na Benny vakanga vachitaura
zvemanyepo kuti Marombedze
vandiramwa"
Marombedze vaive vavuya na Clive uyo
wavakataura kuti vakangosangana naye
munzira vasina kufungira.

Takabvunzana mufaro, ndokubva Clive


akazobvunza achiti
"Varikupi amai vekwangu?"

"Vadzokera kudhorobha , munenge


mapesana munzira" Ndakapindura

"Munoreva kuti Nyenge adzokera na


Benny?" akabvunza achiratidza kuva
nekukahadzika kukuru kwazvo

Mbuya vakabva vati


"hongu vadzokera vese, vava nenguva
vabva pano"

Ndakavona Clive achisuwa pachiso.


Marombedze ndivo vakazotaura vachiti
"usatya umwe wangu, mwangwana
unondovona chibagasvogodo chako
ranhasi hatichakwanise kudzokera
nekuti kwadoka.

Clive haana zvaakazombotaura asi


ndayinyatsomuvona kuti ayisave
nemufaro.
Ndakazopakurira vayenzi zvekudya,
hatina kuzombotora nguva tichiyedzisa
takabva tayenda kundorovera matama
pasi sezvo Marombedze vainge vataura
kuti rungwanani tiri kudzokera
kudhorobha pamwechete.

Ndakarara ndine mufaro, zuva


rakatevera takamuka rungwanani
kugadzirira kudzokera.
Tisati tabuda pachivanze mbuya
vakandisheedzera pangu ndega
ndokubva vadzokorora mashoko
mamwe chete avaigara vakandivudza
ekuti
"Munhu wenherera chengeteka.
Zvawava kuyenda muzukuru wangu
enda unogarisika.
Musha unotovakwa newe mwene wawo.
Murume wako ngaave shamwari yako
yekutanga nekupedzisira.
Pane zvese zvanetsa turira nhunha
dzako kwaari.
Munhamo nemumatambudziko mirai
muri pamwechete.
Chero zvikanzi murume akutadzira
zvinengei enda pasi pake, zviri zvekunzi
ayita meso meso iwewe mukadzi ndiwe
unotovhara maziso iwayo nekumuitira
zvakanaka.
Hapwa hadzifanirwe kungopekurwa
pese pese dzinonhuwa.
Zvekare wanawo ku church
kwaunoyenda , kwekuti unopota
uchiyenda kuchina chana amai
uchidzidzirawo zvinoita vamwe vana
amai mudzimba dzavo nokuti miyedzo
hayingapere.
Chipfuva ngachitoveke uye ruchiva
ngarwurege kugara mauri gutsikana
nezvaunazvo. " vayidero
vachindimbundira
"Ndakunzwai ambuya, ndinokuvimbisai
kundochengetedza musha wangu.
Dzidziso dzese dzamakandipa
ndakachengeta handizombofe
ndakadzirasa" ndakadero ndichinyatsoti
kwati pavari.

Vakati
"enda unoita saizvozvo unozonditenda
nerimwe ramakore." Vayidero
vachiyenda kuna Lisa ndokubva
vandowonekana naye
"Tava kuyenda Gogo, muchavuya rinhi
kudhorobha ?" Akabvunza

Vakabva vati
"ndinovuya muzukuru wangu parizvino
chirega timbosara tichirima"

"Ndichakusuwai" akadero Lisa.

Mbuya vakabva vati


"neniwo muzukuru wemuzukuru wangu"
vayidero vachiisa zvavaive
vatirongedzera mumota ndokubva
vazoonekana nesu.

Takazoruvamba rwekudzokera
kudhorobha, Clive na Marombedze
ndivo vaive kumberi inini na Lisa tiri
kumashure.

Sezvo rwendo rwaive rwurefu


ndakatombokotsira ndakatozomuka
tatopinda mudhorobha.

Tichipinda Clive akataura achiti


"kutanga regai ndidarike ndichivona
kana mai Tembo vakafamba zvakanaka
ndizowana kundokusiyai"

"Hapana chakaipa " Vakapindura


Marombedze

Akaburuka ndokubva ayenda , inini


ndaingosvorerana nemurume wangu
sezvo ndaive ndayita kunonzi
kumusuwa.
Clive akadzoka achifambisa ndokutaura
achiti "Nyenge haapo zvimwe ayenda
kubasa , regai ndinokusiyai kumba
kwenyu" ayidero achitomutsa mota.
Akazotyaira ndokubva andotisiya kumba,
achitisiya ndakanzwa Marombedze
vachiti
"dai uri umwe wayita zvandakakuvudza
Clive, mudzimai wako anofanira kuziva
kuti iwewe wakabuda nebasa ndine
chokwadi kuti pavhiki mbiri unogona
kuwana something chichakubetsera"

Clive akaseka ndokubva ati


"inini ndakasiyana nemi Marombedze,
handitombode vhiki mbiri kutester
mudzimai.
As long ndakazivisa vekwedu kuti
ndaroora handina zvangu chekutya"
"Tiri kutaura nezve Chiremwaremwa
chisingazikamwe pachimire chaipo"
akadero murume wangu

Clive akabva aseka achiti


"Musandityira Marombedze zvese
zvitori mugwara"

Ndakazosiya vaviri vachitaurirana inini


ndokubva ndapinda mumba.

Hapana kana chaimboratidza kuti


maigara umwe mudzimai , zvekuti
ndakanyatsovona kuti Nyenge na Benny
vayitondinyepera kuti Varaidzo ava
kugara na Marombedze.

Sepamba pandakanga ndava nenguva


ndisipo ndakazovhura ma window
ndokubva ndatanga kunyatso cleaner.
Lisa ayiratidza kuti aive asuwa kuvona
ma cartoons nekuti akangosvika
nekururarama ku T.v

Marombedze pavakazobva panze


vakavuya vakanditakura ndokubva
vayenda neni kuimba yemukati.
Ndakapiwa rudo zvandisingambofe
ndakakangamwa.
Murume wangu ndaive
ndanyatsomusuwa zvekuti
ndakanakirwa nebonde.

Manheru ndakabika tichibetserana


nemurume wangu.
Munguva dzekundorara rudo rwakatsva
zvekare, kuchiyedza rwakamuka
rwuchitsva.

Kubva zvakandakabva kumusha zvinhu


zvese zvakadzokera sepakutanga.
Mumba medu takanga tava nemufaro
usingapere kugarisana pasina kupokana.
Nezuva retatu Marombedze vakabva
vatanga kuyenda kubasa kwavo.
Ndayingoita basa rangu semazuva ese ,
kugadzirira murume wangu
zvekundodya kubasa.

Lisa akanga avhurawo kuchikoro asi


Marombedze vakanga vamuchinja
mota yekukwira.
Rakati rimwe zuva Marombedze
vayenda kubasa ndakavona bmunini
Benny vachisvika pamba.
Ndakashaya kuti vayidei nokuti takanga
tisingachashandidzane navo.

Ndakavagamuchira vachiri kunze


kwegedhe ndokubva ndavabvunza
mufaro.

Vakapindura ndokubva ndataura


ndichiti "Marombedze havapo vayenda
kubasa "

"Ndinozviziva gules ndavuya kuzotaura


nemi"
"Mavuya kuzotaura neni kuti chii?"
Ndakabvunza ndichitonzwa kubitirirwa
nekuti hunhu hwavo hwakanga
hwusingandinakidze.

Ndakanzwa vachiti "ndinozviziva kuti


hamude kunzwa nezva Nyenge asi
nguva yaari hayina kumira zvakanaka.
Kudai zvayigona mayenda
kundomuvona ndizvo zvandavuya
kuzokuzivisai" vakadero ndikati

"Kwakanaka here, asangana neiko ?"


"Zvinoda muchindozvivonera mega,
inini handichagare " vakadero vachibva
vatoyenda kumota kwavo ndokuyimutsa
zvemufirimu vachiyenda.

Pavakayenda ndakasara ndikatora foni


yangu, ndakayenda ku what's App
ndikavona kuti number dzake dziri
blocked.
Ndakaita unblock ndokubva ndikaisa
message yekuti "urisei Nyenge?"

Last seen yake yaitove yamadeko acho


saka ndakavona zvakanaka
kumufonera.
Yakango ringer kamwechete ndokubva
akabva adaira.
Mashoko aakandivudza ipapo
akandirovesa nehana aive ekuti
"Mwari vandiseka Laiza. Ndatorerwa
mufaro wangu" ayidero achichema.

"Wasangana neiko?"ndakabvunza

Akabva azoti "nhumbu yabva , apa ndiri


ndega handina kana mubatsiri murume
wangu akabuda nebasa"
"Chirega kuramba uchichema"
ndakadero ndichikata foni

Kubva zvatakaparadzana na Clive


ndainge ndisina kuzombomuvona
zvekare.
Ndakafonera murume wangu ndokubva
ndikamuvudza nezvekubva kwenhumbu
ya Nyenge akabva ataura achiti
"ndinozviziva kuti Nyenge handimufarire
asi zvaawirwa nedambudziko enda
unomuvona"
"Thank you daddy ndichakuvudzai kuti
ndafamba sei " ndakadero ndokubva
ndakata foni
Handina kuzombomira ndakavhara ma
doors ndokusiya ma key pasi pe mat
kuyenda kumba kwa Nyenge.

Ndichisvika kumba kwa Nyenge handina


kumuvona.

Ndakazama kumufonera asi foni yake


yaisapinda, apa ma doors aive
akavharwa kuratidza kuti
payisatombove nemunhu.
Ndakambogara kuzosvika ndavona kuti
nguva dza Lisa dzekuti abve kuchikoro
dzava pedyo kukwana.
Ndakazopesanisa makumbo angu
kudzokera kumba.

Ndichisvika ndakasangana na
Marombedze pa gedhe vachitofambisa.
Pavakandivona vakataura vachiti
"ndafunga kuti zvimwe uchanonoka
kudzoka ndosaka ndakumbira kuchaisa
nenguva kuitira Lisa asazotambudzika,
wasiya arisei Nyenge?" Vakabvunza
vachipinda mukati ndokubva ndati
"Handina kumuvona , munoreva here
kuti murikutosvika izvezvi?"
Ndakabvunza ndakatarisa kumusuwo
waive wakazarurwa.

Ivo vakabva vati


"hongu babe , ko wasiya usina kuvhara
madoors" vayidero vachitopinda mukati.

Ndakaita kunge ndichadonha ndichivona


Varaidzo achimhanyira murume wangu.
Akataura achiti
"Wanonotswa nei murume wangu ?"
Ayidero achimuti mbunde, apa akapfeka
chi bhurukwa chemukati chete.

Ndakaramba ndakamira pamusuwo


ndichitetemera.
Ndakatanga kuhuta nekuti hasha
dzayiwedzera mandiri.
Iye akandivona ndokubva azomhanyira
kumonera zambiya akabvunza
Marombedze achiti
"sei wanditi ndivuye nhasi iwewe
uchiziva kuti rukadzi rwako rwuripo
pano?"
Munguva iyoyo Marombedze
vakashama muromo vachiratidza kuva
nekuvhiringika kukuru.
Inini ndakataura ndichiti
"urikudei pano Varaidzo?"

"Murume ibagwe shamwari


tinochokororerana, ndava nenguva
ndichidanana na Marombedze apa
ndaive ndatomboyenda asi nhasi ndivo
vandisheedza handizive vazviitirei
vachinyatsoziva kuti uri... ( around)
" akazopedzisa muromo uyoyo
ndamukava imwe bhutsu yandisina
kuvona kuti simba racho ndanga
ndariwana kupi.

Ndaive ndakatsamwira vese murume


nemukadzi asi apa ndaida kutanga
ndashanda na Varaidzo ndozopedzisira
newangu tiri pedu tega.

Hapana pandayizosiira musha wangu


zvisina pabasa never !
Mbuya vangu vakandiraira
zvandakanzwisisa kuti "murume chero
akahura hazvirevi kuti haandide, saka
hazvinditadzise kugara pamusha
izvozvo"

End of chapter 25

Stay tuned

*CHIREMWAREMWA*
https://whatsapp.com/channel/0029Va
Fhlo91CYoJTe70A63O

Munhu wese achaverenga book iri


ndokumbirawo muite follow pa link
channel redu.

https://chat.whatsapp.com/F6F58ZwzX
OPBPXbuQ3m44S
what's App group

Story by
mªi *£ex*

№ +27 ⁶⁵ ⁸⁴⁰ ⁷¹⁰³

Edited by *Opha*

№ *+27 748695086*

📘 Book ¹⁴

Chapter *26*
*NYENGE*

Kubva zvandakarongana na Varaidzo


akashaya mukana wekuyenda kuna
Laiza sezvo ayingogara ari pamba pake.
Takatombogara vhiki yese takamirira
nguva chaiyo, apa inini na Benny rudo
rwaingoyenderera kumberi nekubvira
kunge moto.
Zuva harayidoka tisina kuvonana , asi
ayisabvuma kuvuya pamba pangu saka
ndayingondomuvonera kwake ikoko
kwaaida.

Ndakatozovona kuti akagona nekuti


rimwe zuva ndisina kana kufungira
ndakavona Clive asvika apa nevhiki
mbiri dzacho dzisina kukwana.
Ndakanzwa kusvotwa nokuti Benny
ayinge aronga kundiyendesa out musi
uyu, ndokunzwa zimunhu richiti
"surprise "

Ndakamudzvokora neziso ndokubva


ndataura ndichiti
"ko matodzoka ?"

"Hongu ndadzoka babe ko zvaunenge


usina mufaro nekundivona nhai?"
Akadero akanditarisa ndokubva ndati

"Ndakafara inini, kungoti


wandivhundutsa chete wasvika ndisina
kufungira"

"Ohh about that, kubasa kwedu


kurikushota material saka izvezvi
tangopiwa day 1 re off.
Kutanga mangwana chinenge
chakachaya ende tikabvira tatanga
tinogona kutomboita mwedzi wese
zvekuti uchatombondisuwa."

Paakataura kudero ndipo


pandakazonyemwerera ndichinzwa
kufara.

Ndakataura nechemumoyo kuti


"at least zuva rimwe haraizovodza
nyama"

Ndakagamuchira zvaaive akabata


ndokubva ndayisa mumba.
Iye akataura kuti anoda kumbogeza
ndakataura ndichiti
"hapana dambudziko babamwana,
neniwo chiregai ndimboita busy
kubikirai ka sadza semunhu anga ari
mumasango"

Achigeza ndakaisira message Bernard


yekuti "tembo vavuya, out
tichatozoyenda nerimwe ramazuva"

Akapindura achiti
"usazomupa rudo rwangu rwese ,
upakure uchisiya nepangu"
"Zvagara handina kana
chandinombonzwa paari saka
zvakangofanana nekuti zvese ndezvako.
Ndinokumbirawo uchirega kureplier
ndinokuda nguva dzese" ndakabva
ndasenda.

Ndaka deleter zvese ndokubva ndayisiya


patable.
Foni yangu ndayisaisa password sezvo
ndayisada kuti afungire zvakawanda.

Ndakazotanga kubika ndichiimbirira


karwuyo kenyasha.
Ndakavona Clive achibata foni yangu
akabva atanga zvake kutamba ma
games nayo.
Agara ayingoibata kubva kare ndisina
dambudziko asi apa ndakatanga
kudikitira.

Mupfungwa ndayingofunga kuti


"ndinodero ndine zvimwe zvandisina
kunyatso deleter, munongoziva kana
une madhiri awunotamba hana inogara
ichingorohwa nehana"

Ndakakurumidza kuyenda paaive


ndokubva ndataura ndichiti
"What are yu doing with my phone
daddie?"

"Kutombotamba zvangu ma game


sweet ndakamirira kuti upedzise kubika
ndigobva ndanyatsokukupa rudo rwako.
Ndine chokwadi kuti wandisuwa
kwazvo" akadero ndikabva ndati

"Hongu ndakusuwai tembo asi foni


hayichina moto ndinoda kuyi charger"
ndakadero ndichimubvutira.

Ndakavona achinditarisa zviye


zvekuratidza kushamiswa nekuita
kwangu.
Handina kuda kumuratidza kuti ndanga
ndavona kushamisika kwake
ndakatoisa foni yangu pacharger
ndokubva ndayenderera kumberi
nekubika.

Ndichipedza takadya pamwechete


nyaya dzichitsvaka, Clive achindivudza
kundisuwa kwaaive ayita.
Inini ndayingonyepedzera kunakirwa
nemashoko ake asi ndichinzwa
kunyangadzwa mukati memoyo mangu.
Pakazoti pakundibata, ndakayerekana
ndataura ndichiti
"be gentle shamwari mavoko ako ari
kundimara"

"Saka urikuti ndine man'a here nokuti


handina kana nzara muzvigunzwe
zvangu?" Akabvunza asina mufaro

"Handina kumbodero, asi mavoko ako


haasi kunakidzira aya." Ndakadero
ndichifizurira mavoko ake kure
Iyewo haana kana kumboita nharo
akakurumidza kundisiya.

Ndakavona kuti anga atogumbuka


nokuti akatora foni yake ndokubva
akatanga kuyibaya baya achivona
twuma short videos ku f.B
Ndakazovona kuti kana
ndikasamunyengerera inogona kufa
kwangu ndikatadza kupiwa mari saka
ndakakumura mbatya dzese ndokutaura
ndichiti
"i am so sorry tembo, ndine hurombo
nekutaura mashoko anogumbura asi
ndinotovawo panzara nemi"
ndayidero ndichitambisa tambisa
zvimubato neruvoko ndichizvivhura
nekuvhara

Ndayitoziva kuti ipapo ndipo pane


weakness yake yese.
Zviya zvekuti dora chero rikakura
hakuna kwarinoyenda inhema.
Ndakavona bhurugwa rati fututu,
ndikaziva kuti riva rangu ranga rabata.

Akatanga kufamba achivuya kwandaive


achifemuruka kuratidza kuipirwa.
Akatanga kubata bata zvibato inini
ndichitambisa chivunu.
Paakazobvisa bhurugwa rake kuti
atange basa akabva abuda (mututu)
vamwe munouti muhotwa.

Muhotwa uya wakasvika uchindowira


padumbu rangu zvekuti ndakavhunduka
nokuti waive wakawanda kwazvo.

Kubva ndichidanana na Clive ndaive


ndisina kana kumbomuvona achiwuita.
Ndakavona kablamb kake kachitanga
kurara, zvishoma nezvishoma kuita kuti
forototo kunge vhiri rapera mweya.
Munguva iyoyo akangoti
"shit" ayidero achikurumidza kubva
pamusoro pangu ndokubva apfeka
mbatya dzake nekukurumidza

Ndakaramba ndakazvaura maziso


ndichishamisika nechiitiko
chandayivona.

"Ndinokumbirawo undipewo mvura


ndigeze kumeso, otherwise
haungapere mututu uyu" akadero Clive
achikotamisa huso
Ndakakurumidza kumonera tauro
ndokubva ndayenda kundochera mvura
nechi bucket ndokumutambidza.

Akageza huso hwake akanyarara


ndokupukuta pese paive pawira akabva
azotaura achiti
"sorry babe ndatadza kukupa rudo
rwako, munguva yawanga wakatarisira"

"Handina zvangu dambudziko, asi


zvakonzerwa nei nhai?" Ndakabvunza
akabva ati

"My village people "

"What about your village people?"


Ndakabvunza akabva ati

"Vanenge vasingade kuti ndigare


nemukadzi. Wakambozvivona kupi
munhu anobuda ropa mumhino
munguva yekuti atandare nemudzimai
wake ?"

"Zvakamboitika here izvi kubva?"


Ndakabvunza akabva anditarisa.

Akaramba akambonditi nde-e


ndozokutura befu.
achiti
"hazvisati hazvo zvamboitika , asi nhasi
rinofanira kudoka ndamboyenda kumba
kwedu ndinonzwisisa kuti zviri kufamba
sei."

"Aiwa Tembo regai kuzvinetsa


nekufamba husiku.
Ranhasi tinongorara pasina zvataita
tozoyenda tese mangwana tinonzwisisa
tiri pamwechete sa amai nababa. "
ndakadero akabva ataura achiti

"Ndinenge ndisingade kukunetsa


mukadzi wangu.
Pakawanda pawakamira neni , dzimwe
nyaya ndava kufanira kudzifambira
ndega.
Kumusha kwedu kune vanhu vanobata
bata zvekuti ndikatadza kusimba ,
handingauvake musha" akadero
ndikaramba ndichimumanikidza kuti
asayenda.

Ndakanga ndava kutyawo kuti pamwe


kurara kwandakaita na Benny kunogona
kuzondobatwa kana vekumhuri
vakazoda kufamba, ndayitoda kuti nyaya
dzacho dziitwe ndiripo.

Clive ayinditerera zvake saka akabvuma


kusayenda musi uyu.

Takazorara tichiita nyaya dzakasiyana


siyana, achindikumbirisisa kuti chero
zvoita sei ndisamusiya.

Inini pana Clive ndayingoda mari saka


ndaingobvumira pane zvese zvaayitaura,
moyo wangu wakanga waperera kuna
Bernard ndiye chaiye wandaida nokuti
ayinyatsondigutsa pabonde.

Takazorara pasina zvataita, zuva


rakatevera akamuka mangwanani akati
iye haachakwanise kuyenda kumusha
kwavo nokuti arikutodiwa kubasa.

Ndakafara kwazvo nokuti neniwo


ndayisambova ready kuyenda kumusha
kwavo.

Achiyenda ndakazosara ndichitaura na


Benny kuti ndamusuwa ndinoda
kusangana naye.
Takandosangana pamusha umwechete
uyoyo wataigarovonana.
Zuva rakatevera ndisati ndadzokera
ndakamuvudza kuti
"yakwana nguva yekumboputsa musha
Laiza."

Ayiratidza kusazvida asi ndakamuvudza


kuti akasadero achibva akangamwa
nezvangu.

Ndakamuvudza zvekuita, ndichipedza


ndakabva ndafonera Varaidzo kuti
avuye kumba kwangu.
Varaidzo achisvika ndakamuvudza
kuronga kwangu, akabva abvunza achiti
"achasudurutsa mai Marombedze
pamusha pavo ndiyani nokuti havabvepo
zvekumhanya?"

"Ndi Bernard, kutaura kuno atoyendako"


ndakadero

Akabva ati "which Bernard ?"

"Handifunge kuti ungambomuziva, there


is this handsome dude randiri kuita
madhiri naro mazuva ano" ndayidero
ndichitoverenga mari ndokumutambidza
kuti andoyita nemazvo achiziva kuti
ndamubhadhara.

Munguva pfupi Bernard akabva asvika.


Varaidzo akandidhonzera padivi
ndokubvunza achiti
"ndiro zihandsome dude rawanga
uchitaura nezvaro here iro?"

Ndakanyemwerera ndokubva ndati


"what do you think?"
"Wakamuzivirepi munhu uyo Nyenge?"
Akabvunza Varaidzo

Ndikabva ndati "asi unomuziva?"

"Hongu ndinomuziva. Let's hope


mungori pakushandidzana chete
hamuna kana serious relationship
yamunayo?"

"Sei wadero , unomuzivirepi ?"


Ndakabvunza
Akapindura achiti "ndiye ayimbove
murume wa Theresa zve uyo, Benny
ndinomuzivisa inini kubva kare"

" Theresa upi wacho?" Ndakabvunza

Akabva ati "wekubasa kwedu of course.


Handi unonyatsoziva kuti Theresa
akasiira murume wake nyaya yeku..."

Asina kupedzia Benny akabva ati


"hi girls, itai zvinoita mai Marombedze
vanogona kusvika pano kusiri kare"
Ipapo ndakati
"handei Varaidzo, wondo maker sure
kuita zvinhu kwazvo pasina kana nyadzi
remember ndakupa mari yakaperera "
ndayidero ndichitopinda mumota.

Ma keys a Laiza ndayiziva kuti anogara


pasi pe mat saka ndakavudza Varaidzo
kuti asatambudzika kupinda mukati.

Tichimusiya takamborova zvima rounds


nemudiwa wangu.
Iye Benny akazotaura achiti
"babe ndinokumbirawo usavudza
Varaidzo kuti tinodanana nokuti
angazvizadza kuvanhu anondiziva kubva
kare , chero amai vevana vangu
anovaziva"

"Aiwa usatombotya handimbomuvudze.


Neniwo handitode kuzikamwa nokuti
ndichiri mukadzi wemunhu" ndakadero

Benny akazondondisiya kumba


kwatopera chinguva.
Ndichingosvika ndakavona Varaidzo
achimhanya kuvuya kwandaive
akazvimonera zambiya.

Akasvika achiwira mumavoko angu


ndokubva akatanga kuridza zimhere.

"hey kwakanaka here ?" Ndakabvunza


ndichimutarisa nokuti aiye akazara ropa
pamuviri wake.
Ayiratidza kuti ayinge arohwa
zvakaipisisa.

Varaidzo akataura achiti


"ko iwewe watadza nei kundivudza kuti
Laiza anogarwa nemweya yetsvina,
handi ndingadai ndayenda
ndakagadzirira?"

"Laiza anogarwa nemweya wetsvina


uchibvepiko iwewe.
Ndivudze zvakanaka kuti warohwa
nani?" Ndakabvunza ndokubva Varaidzo
ati

"Ndarohwa na Laiza.
Kutaura kuno ndapona nepaburi retsono,
dai ndisina kutiza anga achitoda
kundidira mvura inopisa" akadero
Varaidzo ndokubva ndatanga kuseka.

Ndakataura ndichiti
"unoziva Laiza wandakutuma here
iwewe kana kuti une umwewo
wawavingira zvako?"

"Mai Marombedze chaivo ivavo.


Vanyatsotaura kuti vanoda kusvuvura
panoda varume vevanhu ipapo
havasiiswe musha wavo nehure rakaita
seni" ayidero Varaidzo achipukuta
misodzi apa ayiratidza kuti aive
mumarwadzo chaimo.

Ndakadziisa mvura ndokubva ndatanga


kumutova, munguva iyoyo ndakataura
ndichiti
"iyi yaitwa na Laiza hayifanire kupera
yakadai.
Ariwana kupi simba rekurova nhumwa
yangu"

Varaidzo akati
"inini handichakwanise kuramba
ndichiita mabasa ako erima Nyenge i
am quit ndichiri kuda hupenyu.
Kutaura chokwadi ndanyatsovona kuti
mai lisa vanoda murume wavo, tora
zvako mari yako iyi usiyane
nekundituma handide kufira
yandisingazive" ayidero achivhura
wardrobe ndokutora mbatya dzangu
kuti apfeke sezvo dzake dzaive
dzasara kwamai Marombedze

Ipapo ndakatanga kuita hasha zvekuti


ndaka screma, ndakataura ndichiti
"Handizorore kusvika Laiza
aputsikirwa nemusha wake!
Kutanga ndaka seducer murume wake
kuti arare neni ndiwane
kuvaparadzanisa asi ndakakundikana.
Marombedze akarambisisa
akandivudza kuti anoda mukadzi wake
zvakanyanya, haana nguva yekucheuka
tsvina yakaita seni.
Handina kuguma ipapo, ndakanyengera
Laiza kuti amuyendese kujere asi vaviri
ava havana kuparadzana vanongova
vese.
Ohhh i hate those two with passion,
plan yandakutuma zvayatadza
kubudirira ndichazama nepandinogona
napo kana zvichitoda muchetura
wekuvuraya 1 wavo ndinosva
ndautsvaka kuti vashaye mufaro chete"
"Ruvengo rudziiko rwaunarwo kuna
Laiza, inga wani iye haana kana daka
newe zvekudero.
Nhasi pawanyepa kuti wabva nhumbu
avuya achida kuzokubetsera?"
Akabvunza Varaidzo ndikabva ndaseka
ndokutaura ndichiti

"Ndakamuvenga Laiza nokuti


anoteverwa nezvakanaka zvega zvega.
Murume wake anomuda nemoyo wake
wese, zvekare anechibereko
chinobereka zvibereko kwazvo.
I can not stand Laiza , i can not stand
her. Kudai ayisandivudza nyaya dzake
ndisina basa naye, manje anovonererwa
zvekuti ndinoda kutoputsa ka marriage
ikako"

"Laiza must suffer as long inini Nyenge


ndichiri kurarama haangaruwane rugare,
ende haambofe akaziva kuti ndini
honzeresi nokuti anondida kwazvo"
ndakadero ndichisheedzera.

Pandakataura mashoko iwayo


ndakavhunduka ndichinzwa inzwi ra
Laiza richitaura kuti
"ndiwe here Nyenge urikutaura izvi,
ndakakutadzira chii chokwadi zvekuti
ungandivenga zvakadai?"

Ndakakurumidza kucheuka ndokubva


ndamuvona akagara muvhu apa
achiyiita kuyeredza misodzi kuratidza
kuti akanga anzwa nhaurirano yese
yandaive ndayita na Varaidzo.

Munguva iyoyo ndakataura ndichiti "..."

Iye ndokubva ati "...."

Nenguva isipi ndakazonzwa


Marombedze vachiti"...."

End of chapter

Thank you ne support kune vakafamba


neni murwendo urwu from 1 to 26 aiwa
takambotandara chose.

Book redu *CHIREMWAREMWA* richiri


kuyenderera kumberi ssn 2 yacho

Muchandipawo something 🤪
Ndinoda kuti Rwendo rwa Laiza
rwumbochinja imba yeumwe munhu,
kune vachaverenga rese kusvika rapera.

S.A muchaisa R30 mavoucher edu


ndiwawo munosarudza pamatatu
*Ott, blue voucher, or 1 for you*
Pa number dza mai lex +2765 8407103
Vanoda kuisa airtime R30 telkom chero
kutenga ne bank , number ndidzodzo or
transfer.

Zim
0786701118
$2 eco us , inbuck or buddie

You might also like

pFad - Phonifier reborn

Pfad - The Proxy pFad of © 2024 Garber Painting. All rights reserved.

Note: This service is not intended for secure transactions such as banking, social media, email, or purchasing. Use at your own risk. We assume no liability whatsoever for broken pages.


Alternative Proxies:

Alternative Proxy

pFad Proxy

pFad v3 Proxy

pFad v4 Proxy